Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Muchiedza Zvamuri”

“Rambai Muchiedza Zvamuri”

“Rambai Muchiedza Zvamuri”

“Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchiedza zvamuri.”—2 VakKorinde 13:5.

1, 2. (a) Kusava nechokwadi nezvatinotenda kungatikanganisa sei? (b) Mamiriro ezvinhu api aiva muzana remakore rokutanga muKorinde angave akaita kuti vamwe vasava nechokwadi nezvenzira yavaifanira kufamba nayo?

MUMWE murume ari kufamba musango anosvika pamharadzano dzenzira. Asina chokwadi nenzira yaanofanira kuenda nayo rwendo rwake, anobvunza vanhu vari kupfuura kuti oenda nokupi asi vanomuudza zvakasiyana-siyana. Avhiringidzika, haachakwanisi kuenda rwendo rwake. Tingadarowo kana tikasava nechokwadi nezvatinotenda. Kusava nechokwadi kwakadaro kungavhiringidza mano edu okusarudza, zvoita kuti tisava nechokwadi nenzira yatinofanira kufamba nayo.

2 Pakava nemamiriro ezvinhu angadaro akaita kuti vamwe vanhu vaiva muungano yechiKristu muzana remakore rokutanga muKorinde, kuGirisi vaite saizvozvo. ‘Vaapostora vakanaka zvikuru’ vakanga vasina chokwadi nesimba romuapostora Pauro, vachiti: “Tsamba dzake dzakakomba uye dzine simba, asi kana avapo haana simba uye kutaura kwake kunozvidzika.” (2 VaKorinde 10:7-12; 11:5, 6) Maonero akadaro angave akaita kuti vamwe vaiva muungano yeKorinde vasava nechokwadi nokuti vaifanira kufamba sei.

3, 4. Nei tichifanira kufarira zano raPauro raakapa vaKorinde?

3 Pauro akatanga ungano yomuKorinde paakashanya ikoko muna 50 C.E. Akagara muKorinde “kwegore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa pakati pavo shoko raMwari.” Zvechokwadi, “vaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda vakabhabhatidzwa.” (Mabasa 18:5-11) Pauro aifarira chaizvo kuti hama dzake dzomuKorinde dzinamate zvakanaka. Uyezve, vaKorinde vakanga vanyorera Pauro vachikumbira mazano pane dzimwe nyaya. (1 VaKorinde 7:1) Saka akavapa zano rakanaka kwazvo.

4 Pauro akanyora kuti, “Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchiedza zvamuri.” (2 VaKorinde 13:5) Kushandisa zano iri kwaizodai kwakadzivirira hama idzodzo dzomuKorinde pakusava nechokwadi nezvenzira yadzaifanira kufamba nayo. Rinogonawo kutidzivirira nhasi. Saka, tingatevera sei zano raPauro? Tingaedza sei kuti tione kana tiri mukutenda? Uye chii chinodiwa mukuedza zvatiri?

“Rambai Muchiedza Kana Muri Mukutenda”

5, 6. Tinoyera nechii kuti tiedze kana tiri mukutenda, uye nei nzira iyoyo yakanaka?

5 Panoedzwa chimwe chinhu, kazhinji munhu kana kuti chimwe chinhu chinoedzwa, uye chinenge chichiedzwa chacho chinoedzwa maererano nomutemo wokuedza kwacho. Mumamiriro ezvinhu akadai, chinoedzwa hakusi kutenda—kureva zvinhu zvatinodavira. Isu vanhu vacho tisu tinoedzwa. Kuti tiedze chimwe chinhu, tine mutemo wakakwana. Rwiyo rwakanyorwa nomunyori wepisarema, Dhavhidhi, runoti: ‘Mutemo waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chiyeuchidzo chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Mirayiro yaJehovha yakarurama, inofadza mwoyo; murayiro waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.’ (Pisarema 19:7, 8) Bhaibheri rine mitemo yaJehovha yakakwana uye mirayiro yake yakarurama, zviyeuchidzo zvake ndezvechokwadi uye mirayiro yake yakachena. Mashoko anowanikwa imomo ndiwo nzira yakanaka yokuedza nayo.

6 Nezvemashoko iwayo akafuridzirwa naMwari, muapostora Pauro anoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) Chokwadi, shoko raMwari rinogona kuedza mwoyo wedu—zvatiri chaizvo mukati. Tingaita sei kuti mashoko aya akapinza uye ane simba ashande kwatiri? Munyori wepisarema anonyatsotaura mashandisiro atingaaita. Akaimba achiti: “Wakakomborerwa munhu . . . unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) “Murayiro waJehovha” unowanikwa muShoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri. Tinofanira kufarira kuverenga Shoko raJehovha. Zvechokwadi, tinofanira kuzvipa nguva yokuriverenga nenzwi riri pasi, kana kuti kurifungisisa. Patinoita izvi, tinofanira kuita kuti zvakanyorwa imomo zvitiedze.

7. Ndeipi nzira inokosha yatingaedza nayo kana tiri mukutenda?

7 Saka, nzira huru zvikuru yatingaedza nayo kana tiri mukutenda ndeyokuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari uye kuongorora kuti mufambiro wedu unoenderana zvakadini nezvatinodzidza. Tingafara kuti tinobatsirwa zvikuru kunzwisisa Shoko raMwari.

8. Mabhuku anobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara” angatibatsira sei kuedza kana tiri mukutenda?

8 Jehovha akapa dzidziso nemirayiridzo achishandisa mabhuku anobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara,” anotsanangura Magwaro. (Mateu 24:45) Somuenzaniso, funga nezvebhokisi rakanzi “Mibvunzo Yokufungisisa” riri kunoperera zvitsauko zvakawanda mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. * Zvechokwadi, chikamu ichi chiri mubhuku racho chinopa mikana yakanaka kwazvo yokuti munhu afungisise! Nyaya dzakasiyana-siyana dzinokurukurwa mumagazini edu eNharireyomurindi neMukai!, dzinotibatsirawo kuti tiedze kana tiri mukutenda. Achitaura nezvenyaya dzinotaura nezvebhuku raZvirevo dziri mumagazini achangobva kubuda eNharireyomurindi, mumwe mukadzi wechiKristu akati: “Ndinoona nyaya idzi dzichibatsira zvikuru. Dzinondibatsira kuongorora kana kutaura kwangu, mufambiro wangu, uye maitiro angu achinyatsoenderana nezvinodiwa naJehovha zvakarurama.”

9, 10. Urongwa hupi hwaJehovha hunotibatsira kuti tirambe tichiedza kana tiri mukutenda?

9 Tinowanawo mirayiridzo yakawanda uye tinokurudzirwa zvikuru pamisangano yeungano, pamagungano edunhu neeruwa. Uhwu ndohumwe urongwa hwezvokunamata uhwo Mwari akaitira vaya vakaprofitwa nezvavo naIsaya kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isaya 2:2, 3) Zvechokwadi chikomborero kuwana mirayiridzo yakadaro inotaura nezvenzira dzaJehovha.

10 Zano rinobva kune vaya vane zvinodiwa pakunamata, kusanganisira vakuru vechiKristu, harifaniri kurerutswa. Nezvavo, Bhaibheri rinoti: “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinhu zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro, muchizvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.” (VaGaratiya 6:1) Tinogona kuonga zvikuru urongwa uhwu hwokuti tiruramiswe!

11. Kuedza kana tiri mukutenda kunodei?

11 Mabhuku edu, misangano yechiKristu, varume vakagadzwa—izvi zvipo zvinoshamisa zvinobva kuna Jehovha. Zvisinei, kuedza kana tiri mukutenda kunoda kuti tizviongorore. Saka patinenge tichiverenga mabhuku edu kana kuti tichiteerera zano reMagwaro, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndini ndiri kurehwa here? Ndozvandinoita here? Ndiri kuomerera pane zvose zvinodavirwa nevaKristu here?’ Maitiro edu pamashoko atinowana kuburikidza nourongwa uhwu anewo zvaanoita pakunamata kwedu. “Munhu wenyama haagamuchiri zvinhu zvomudzimu waMwari, nokuti upenzi kwaari,” rinodaro Bhaibheri. “Zvisinei, munhu womudzimu zvechokwadi anonzvera zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 2:14, 15) Hatifaniri here kuedza kuramba tiine maonero akanaka ezvokunamata pane zvatinoverenga mumabhuku edu, magazini, nomune mamwe mabhuku uye pane zvatinonzwa pamisangano yedu uye zvatinoudzwa nevakuru?

“Rambai Muchiedza Zvamuri”

12. Kuedza zvatiri isu pachedu kunosanganisira chii?

12 Kuedza zvatiri isu pachedu kunosanganisira kuzviongorora. Ichokwadi kuti tinogona kunge tiri muchokwadi, asi tinorarama zvakadini maererano nacho? Kuedza zvatiri kunosanganisira kupa uchapupu hwokuda zvokunamata uye kuonga zvepachokwadi urongwa hwezvokunamata.

13. Maererano naVaHebheru 5:14, chii chinoratidza kuti tinoda zvokunamata?

13 Tinofanira kuongorora chii chinoratidza kuti tinoda zvokunamata? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” (VaHebheru 5:14) Tinoratidza kuti tinoda zvokunamata nokurovedza masimba edu okunzwisisa. Sezvo dzimwe tsandanyama dzomuviri womutambi dzichifanira kurovedzwa dzarovedzwazve asati ava nyanzvi yomutambo wacho, tinofanira kurovedza masimba edu okunzwisisa kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.

14, 15. Nei tichifanira kuedza nepatinogona napo kudzidza nokushingaira zvinhu zvakadzama zveShoko raMwari?

14 Zvisinei, tisati tarovedza masimba edu okunzwisisa, tinofanira kuva nezivo. Kuti tive nemasimba okunzwisisa, zvinokosha kuti tidzidze nokushingaira tiri toga. Patinogara tichidzidza tiri toga—kunyanya tichidzidza zvinhu zvakadzama zveShoko raMwari—masimba edu okunzwisisa anovandudzwa. Mumakore adarika, nyaya zhinji dzakadzama dzave dzichikurukurwa muNharireyomurindi. Tinoita sei patinoona nyaya dzinokurukura chokwadi chakadzama? Tinonzwa tichida kurega kudziverenga nokuti dzine “zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa” here? (2 Petro 3:16) Pane kurega kudziverenga, tinoedza nepatinogona napo kunzwisisa zviri kutaurwa.—VaEfeso 3:18.

15 Zvakadini kana kudzidza tiri toga kwakatiomera? Zvinokosha kuti tiedze kunakidzwa nako kana kuti tive nechido chokudzidza tiri toga. * (1 Petro 2:2) Kuti tikure mune zvokunamata zvinoda kuti tidzidze kutora zvokudya zvinovaka pane zvokudya zvikukutu, chokwadi chakadzika cheShoko raMwari. Kana tisina chokwadi ichi, masimba edu okunzwisisa angangoramba ari mashoma. Zvisinei, kuratidza kuti tinoda zvokunamata kunoreva zvinodarika kuwana masimba okunzwisisa. Muupenyu hwezuva nezuva tinofanira kushandisa zivo yatinowana nokudzidza nokushingaira tiri toga.

16, 17. Mudzidzi Jakobho anopa zano rei pamusoro pokuva “vaiti veshoko”?

16 Kuedza zvatiri kunoonekwawo mune zvatinoita kuratidza kuti tinoonga chokwadi—mabasa edu okutenda. Achishandisa muenzaniso une simba kuti arondedzere kuzviongorora uku, mudzidzi Jakobho anoti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi bedzi, muchizvinyengera nokufunga kwenhema. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asiri muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi. Nokuti anozvitarira, obva oenda uye pakarepo anokanganwa kuti iye munhu worudzii. Asi iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu, achafara pakuuita kwake.”—Jakobho 1:22-25.

17 Jakobho ari kuti: ‘Tarira mugirazi reShoko raMwari, uzviongorore. Ramba uchidaro, uye zviongorore muchiedza chezvaunowana mushoko raMwari. Zvadaro, usakurumidza kukanganwa zvaunenge waona. Gadzirisa panoda kugadziriswa.’ Kutevera zano iri dzimwe nguva kungave kwakaoma.

18. Nei kutevera zano raJakobho kwakaoma?

18 Somuenzaniso, funga zvinodiwa pakuita basa rokuparidza Umambo. Pauro akanyora kuti, “Munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” (VaRoma 10:10) Pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti tizivise pachena ruponeso nemiromo yedu. Vakawanda vedu hationi zviri nyore kuti tiite basa rokuparidza. Kushingaira kuita basa iri uye kuriisa munzvimbo yakarikodzera muupenyu hwedu zvinotoda kuchinja kukuru uye zvinoda kuzvipira. (Mateu 6:33) Asi kana tangova vaiti vebasa iri ratakapiwa naMwari chete, tinofara pamusana pokuti tinoita kuti Jehovha akudzwe. Saka, tiri vazivisi voUmambo vanoshingaira here?

19. Mabasa edu okutenda anofanira kusanganisirei?

19 Mabasa edu okutenda anofanira kusanganisira zvinhu zvipi? Pauro anoti: “Zvinhu zvamakadzidza nokugamuchira nokunzwa nokuona pamusoro pangu, itai izvi; uye Mwari worugare achava nemi.” (VaFiripi 4:9) Tinoedza zvatiri nokushandisa zvatinenge tadzidza, tagamuchira, tanzwa, uye taona—mararamiro ose okuzvitsaurira kwechiKristu uye okuva mudzidzi. Jehovha anotirayiridza achishandisa muprofita Isaya kuti, “Heyi nzira, fambai nayo!”—Isaya 30:21.

20. Vanhu vapi vari chikomborero chikuru kuungano?

20 Varume nevakadzi vanodzidza Shoko raMwari nokushingaira, vanoparidza mashoko akanaka nokushingaira, vasina chavanopomerwa pakuvimbika kwavo, uye vanotsigira Umambo nokuvimbika, chikomborero chakazokura kuungano. Kuvapo kwavo kunowedzera kusimba kweungano yavanopinda nayo. Vanobatsira chaizvo, zvikurukuru nokuti pane vatsva vakawanda vanoda kutarisirwa. Patinonyatsofungisisa zano raPauro ‘rokuramba tichiedza kana tiri mukutenda, tichiedza zvatiri,’ isuwo tinobatsira vamwe kuti vaite zvakanaka.

Fara Kwazvo Kuita Zvinodiwa naMwari

21, 22. Tingafarira sei kuita zvinodiwa naMwari?

21 Mambo Dhavhidhi waIsraeri yekare akaimba kuti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.” (Pisarema 40:8) Dhavhidhi aifarira kuita zvinodiwa naMwari. Nei? Nokuti mutemo waJehovha waiva mumwoyo maDhavhidhi. Dhavhidhi ainyatsoziva nzira yokufamba nayo.

22 Kana mutemo waMwari uri mumwoyo medu, tinenge tiine chokwadi nezvenzira yatinofanira kufamba nayo. Tinofarira kuita zvinodiwa naMwari. Saka, nepatinogona napo pose, ngati“zvishandisei nesimba” sezvatinoshumira Jehovha zvichibva pamwoyo.—Ruka 13:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 15 Kuti uone mazano anobatsira okuti ungadzidza sei, ona mapeji 27-32 ebhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Tingaedza sei kana tiri mukutenda?

• Kuedza zvatiri isu pachedu kunosanganisirei?

• Chii chingaratidza kuti tinoda zvokunamata?

• Mabasa edu okutenda anotibatsira sei kuongorora zvatiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Unoziva here nzira inokosha yaungaedza nayo kana uri mukutenda?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Tinoratidza kuti tinoda zvokunamata nokushandisa masimba edu okunzwisisa

[Mifananidzo iri papeji 25]

Tinoratidza zvatiri nokusava ‘vanzwi vanokanganwa, asi nokuva vaiti veshoko’