Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Wakangwara Unongwarira Mafambiro Ake”

“Wakangwara Unongwarira Mafambiro Ake”

“Wakangwara Unongwarira Mafambiro Ake”

MUNHU wakangwara anogona kugadzirisa zvinetso uye akachenjera, anonzwisisa uye ane pfungwa dzakanaka. Haanyengeri uye haadi kushandisa vamwe vanhu. “Mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuziva,” inodaro Zvirevo 13:16. Hungu, kungwara, kana kuti kuchenjera, unhu hunodiwa zvikuru.

Tingaratidza sei kungwara muupenyu hwedu hwezuva nezuva? Unhu uhwu hunoratidzwa sei nezvisarudzo zvatinoita, mabatiro atinoita vamwe, uye zvatinoita patinotarisana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana? Vanhu vakachenjera vanowana mibayiro ipi? Vanonzvenga njodzi dzipi? Mambo Soromoni waIsraeri yekare anopindura mibvunzo iyi nenzira inobatsira, sezvatinoverenga pana Zvirevo 14:12-25. *

Sarudza Mararamiro Ako Nokuchenjera

Kuita zvisarudzo zvokuchenjera uye kubudirira muupenyu zvechokwadi zvinoda mano okusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 14:12) Saka, tinofanirawo kudzidza kusiyanisa zvinhu zvakanyatsonaka nezvinoita sezvakanaka. Mashoko okuti “nzira dzorufu” anoratidza kuti pane nzira dzakadaro dzinonyengera dzakawanda. Chimbofunga nezvezvimwe zvinhu zvatinofanira kuziva uye zvatisingafaniri kuita.

Vanhu vakapfuma nevakakurumbira venyika vanowanzoonekwa sevanhu vanoremekedzeka vanofanira kuyemurwa. Kubudirira kwavo munzanga uye mune zvemari kungaita kuti zviite sokuti nzira yavanoita nayo zvinhu yakarurama. Zvisinei, zvakadini nenzira dzinoshandiswa nevakawanda vevanhu vakadaro kuti vawane pfuma kana kuti mukurumbira? Nzira dzavo dzakarurama uye dzakanaka here nguva dzose? Uye kunewo vamwe vanhu vanoshingairira zvavanodavira muchitendero chavo nenzira inoyemurika. Asi kuita kwavo zvinhu nomwoyo wose kunonyatsoratidza kuti zvavanodavira zvakarurama here?—VaRoma 10:2, 3.

Kuzvinyengera kungaitawo kuti imwe nzira iite seyakarurama. Kuita zvisarudzo zvatinofunga isu pachedu kuti zvakarurama kuvimba nomwoyo, uyo unotungamirira zvinonyengera. (Jeremia 17:9) Hana isina kudzidziswa uye isina kurovedzwa ingaita kuti tifunge kuti zvakaipa ndizvo zvakanaka. Saka, chii chingatibatsira kusarudza nzira yakakodzera?

Kushingaira kudzidza tiri toga chokwadi chakadzama cheShoko raMwari kunokosha kana tichizowana “masimba . . . okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” Uyezve, pakushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, tinofanira kurovedza masimba aya ‘nokuashandisa.’ (VaHebheru 5:14) Tinofanira kungwarira kuti tisabvumira nzira inoita seyakarurama kuti ititsause pa“mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu.”—Mateu 7:13, 14.

‘Mwoyo Paungava Uchirwadziwa’

Tingafara here kana tisina rugare rwomupfungwa? Kuseka uye mufaro zvingaderedza here marwadzo anenge akadzika midzi mumwoyo? Kungwara here kuedza kushandisa doro kuti tikurire kuora mwoyo, kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira, kana kuti kuedza kubvisa manzwiro iwayo nokurarama tichiita unzenza? Mhinduro inoti kwete. ‘Pakuseka, mwoyo ungava uchirwadziwa,’ anodaro mambo akachenjera.—Zvirevo 14:13a.

Kuseka kungavanza marwadzo, asi hakugoni kuabvisa. “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho,” rinodaro Bhaibheri. Zvechokwadi, pane “nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuwungudza, nenguva yokupembera.” (Muparidzi 3:1, 4) Kana tikaramba takaora mwoyo, tinofanira kutora matanho okuti tikurire kuora mwoyo kwacho, tichitsvaka ‘kutungamirirwa nounyanzvi’ kana zvichidiwa. (Zvirevo 24:6) * Kuseka uye kufara zvinokosha, asi kwete zvakanyanya. Achinyevera nezvokufara kusina kururama uye varaidzo yakanyanyisa, Soromoni anoti: “Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.”Zvirevo 14:13b.

Munhu Asina Kutenda Uye Akanaka—Vanogutiswa Sei?

‘Munhu asina kutenda, achagutiswa nenzira dzake,’ anoenderera mberi achidaro mambo waIsraeri, “asi munhu wakanaka uchagutiswa nezvinobva maari.” (Zvirevo 14:14) Vanhu vasina kutenda uye vakanaka vanogutiswa sei nezvinobva mavari?

Munhu asina kutenda haana hanya nokuzvidavirira pana Mwari. Saka, kuita zvakanaka mukuona kwaJehovha hakukoshi kumunhu asina kutenda. (1 Petro 4:3-5) Munhu akadaro anogutiswa nemigumisiro yemararamiro ake okunyanya kuda zvinhu zvokunyama. (Pisarema 144:11-15a) Kune rimwe divi, munhu akanaka anofarira nomwoyo wose zvinhu zvine chokuita nokunamata. Mune zvose zvaanoita, anoomerera pamitemo yaMwari yakarurama. Munhu akadaro anogutiswa nezvinoguma zvaitika nokuti Jehovha ndiye Mwari wake uye anowana mufaro usina chinoenzana nawo wokushumira Wokumusorosoro.—Pisarema 144:15b.

Usa“tenda Mashoko Ose”

Achisiyanisa nzira dzomunhu asina mano nedziya dzowakachenjera, Soromoni anoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Munhu akangwara haanyengedzwi nyore nyore. Pane kutenda zvose zvaanonzwa kana kuti kungobvuma zvinofungwa nevamwe, anongwarira mafambiro ake. Achiunganidza chokwadi chose chiripo, anoita nokuziva.

Somuenzaniso, funga mubvunzo wokuti, “Mwari ariko here?” Munhu asina mano anobvumirana nezvinodavirwa nevanhu vakawanda kana kuti zvinodavirwa nevanhu vakakurumbira. Asi, munhu akangwara anozvipa nguva yokuongorora chokwadi chacho. Anoongorora magwaro akadai saVaRoma 1:20 uye VaHebheru 3:4. Muzvinhu zvine chokuita nokunamata, munhu akachenjera haangobvumi zvinotaurwa nevatungamiriri vezvitendero. ‘Anoedza kutaura kwakafuridzirwa kuti aone kana kuchibva kuna Mwari.’—1 Johani 4:1.

Zvechokwadi kuchenjera kuteerera zano rokuti tirege ‘kutenda mashoko ose’! Vaya vakapiwa basa rokupa vamwe zano muungano yechiKristu ndivo vanofanira kunyanya kuriteerera. Mupi wezano anofanira kunyatsoziva zvakaitika. Anofanira kunyatsoteerera onzwa zvinenge zvichitaurwa nevanhu vacho vose kuitira kuti zano rake rive rakanaka kana kuti risarerekere kumunhu mumwe.—Zvirevo 18:13; 29:20.

“Munhu, Unofunga Mano Akaipa, Uchavengwa”

Achitaura kumwezve kusiyana kuri pakati pomunhu akachenjera nebenzi, mambo waIsraeri anoti: “Wakachenjera unotya zvakashata, achizvinzvenga; asi benzi rine manyawi, [rinozvivimba]. Unokurumidza kutsamwa, uchaita noupenzi; uye munhu, unofunga mano akaipa, uchavengwa.”Zvirevo 14:16, 17.

Munhu akachenjera anotya zvinozoguma zvaitika kana akatevera nzira yakaipa. Saka, anongwarira uye anokoshesa zano rose rinomubatsira kuti arege kuita zvakaipa. Benzi harina matyira akadaro. Sezvo richizvivimba, hariteereri zano revamwe nenzira yokuzvitutumadza. Asingatani kushatirwa, munhu akadaro anoita zvinhu zvoupenzi. Asi munhu ane mano okufunga angavengerwa chii?

Shoko repakutanga rinoshandurwa kuti “mano okufunga” rinoreva zvinhu zviviri. Mupfungwa yakanaka, ringareva kunzwisisa kana kuti kungwara. (Zvirevo 1:4; 2:11; 3:21) Kana kuti ringareva pfungwa dzakaipa kana kuti kufunga kwakaipa.—Pisarema 37:7; Zvirevo 12:2; 24:8.

Kana mashoko okuti “munhu, unofunga mano” achireva munhu anofunga zvinhu zvakaipa, zviri nyore kuona chikonzero nei munhu akadaro achivengwa. Zvisinei, hachisi chokwadi here kuti munhu anonzwisisa angavengwawo nevaya vasinganzwisisi? Somuenzaniso, vaya vanoshandisa masimba avo okufunga vosarudza kusava “rutivi rwenyika” vanovengwa nenyika. (Johani 15:19) Pwere dzechiKristu dzinoshandisa mano adzo okufunga dzoramba kuda kufanana nevezera radzo kusina kunaka kuitira kuti dzisava nomufambiro usina kunaka, dzinosekwa. Chokwadi ndechokuti vanamati vechokwadi vanovengwa nenyika, iyo iri musimba raSatani Dhiyabhorosi.—1 Johani 5:19.

“Vakashata Vanogwadama Pamberi Pavakanaka”

Vanhu vakachenjera, kana kuti vakangwara, vakasiyana nevaya vane mano mune imwezve nzira. “Vasina mano vanogara nhaka youpenzi; asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.” (Zvirevo 14:18) Vasinganzwisisi, vasina mano vanosarudza zvinhu zvoupenzi. Aya ndiwo anova mararamiro avo. Asi, zivo inoshongedza munhu akangwara sezvo korona ichiita kuti mambo akudzwe.

Mambo akachenjera anoti, “Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; navakaipa pamasuo avakarurama.” (Zvirevo 14:19) Nemamwe mashoko, pakupedzisira vakanaka vachakurira vakaipa. Chimbofunga kuwedzera kwevanhu vaMwari uye mararamiro akanaka avainawo nhasi. Kuona vashumiri vaJehovha vachiwana zvikomborero izvi kuchamanikidza vamwe vanoshora kuti ‘vagwadamire’ mukadzi waJehovha wokufananidzira wokudenga, anomiririrwa nevasara vakazodzwa nomudzimu vari pasi pano. PaAmagedhoni, vanhu ivavo vanoshora vachamanikidzwa kubvuma kuti chikamu chepasi chesangano raMwari zvechokwadi chinomiririra chikamu chokudenga.—Isaya 60:1, 14; VaGaratiya 6:16; Zvakazarurwa 16:14, 16.

‘Kunzwira Tsitsi Varombo’

Achitaura nezvevanhu, Soromoni anoti: “Murombo unovengwa kunyange nowokwake; asi shamwari dzavapfumi izhinji.” (Zvirevo 14:20) Izvi ndizvo chaizvo zvinoitika kuvanhu vasina kukwana! Sezvo vachida kuita zvoudyire, vanoda vapfumi pane varombo. Kunyange zvazvo shamwari dzomupfumi dzakawanda, hadzigari kwenguva refu sezvinoita pfuma yake. Saka hatifaniri here kudzivisa kuita ushamwari hwemari kana kuti hwokubata kumeso?

Zvakadini kana pashure pokunge tanyatsozviongorora tikaona kuti tinotsvaka dzvene nevapfumi uye tinotarisira pasi varombo? Tinofanira kuziva kuti rusaruro rwakadaro runoshorwa muBhaibheri. Rinoti: Unoshora wokwake, unotadza; asi une tsitsi navarombo, une mufaro.”Zvirevo 14:21.

Tinofanira kuva nehanya nevaya vari mumamiriro ezvinhu akaoma. (Jakobho 1:27) Tingazviita sei? Nokupa “zvokutsigira upenyu zvenyika ino,” izvo zvingasanganisira mari, zvokudya, pokugara, zvokupfeka, uye kuva nehanya. (1 Johani 3:17) Munhu anofara ndouya ane tsitsi nevakadaro, nokuti “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Vanobudirira Sei?

Chokwadi chokuti “zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa,” chinoshanda kune munhu akangwara uyewo kubenzi. (VaGaratiya 6:7) Munhu akangwara anoita zvakanaka, benzi rinofunga zvakaipa. “Ko vanofunga zvakaipa havarasiki here?” anobvunza kudaro mambo akachenjera. Mhinduro yacho ndihungu; ‘vanorasika.’ “Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka.” (Zvirevo 14:22) Vaya vanoita zvakanaka vanofarirwa nevamwe uyewo vanowana nyasha [mutsa worudo] dzaMwari.

Achibatanidza kubudirira nebasa rakaoma uye kukundikana nokutaurisa asi pasina basa rakawanda rinoitwa, Soromoni anoti: “Kubata kwose kune batsiro; asi kungotaura nemiromo kunobereka kushayiwa.” (Zvirevo 14:23) Chokwadi ichi chinonyatsoshanda pane zvatinoedza kuita pakunamata. Patinoshanda nesimba muushumiri hwechiKristu, tinokohwa mibayiro yokuzivisa vamwe vakawanda chokwadi chinoponesa upenyu cheShoko raMwari. Kuita nokutendeka basa rose rechiKristu ratingapiwa kunoita kuti tifare uye tigutsikane.

“Korona yavakachenjera ipfuma yavo; asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo,” inodaro Zvirevo 14:24. Izvi zvinogona kureva kuti uchenjeri hunovavarira kuwanikwa nevakachenjera ipfuma yavo, uye inovashongedza. Ukuwo, mapenzi anongowana upenzi. Maererano nerimwe bhuku, chirevo ichi chinogonawo kureva kuti “pfuma inokosha kune vaya vanoishandisa zvakanaka . . . [asi] mapenzi anongoramba ari mapenzi.” Chero zvazvingava, munhu akachenjera anobudirira zviri nani pane benzi.

“Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu,” anodaro mambo waIsraeri, “asi unoreva nhema unonyengedzera.” (Zvirevo 14:25) Kunyange zvazvo izvi zvichinyatsova zvechokwadi pakutonga mhosva, funga kushanda kwazvinoita muushumiri hwedu. Basa redu rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi rinosanganisira kupupura chokwadi cheShoko raMwari. Kupupura ikoko kunosunungura vanhu vane mwoyo yakanaka pachitendero chenhema uye kunovaponesa. Tikaramba tichizvichenjerera isu nokudzidzisa kwedu, tichazviponesa isu nevaya vanotiteerera. (1 Timoti 4:16) Sezvatinoramba tichiita izvi, ngatisvinurirei kuratidza kuti takangwara mumararamiro edu ose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Nezvokukurukurwa kwaZvirevo 14:1-11, ona mapeji 26-9 eNharireyomurindi yaNovember 15, 2004.

^ ndima 11 Ona mapeji 11-16 eAwake! yaOctober 22, 1987.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kushingaira kudzidza chokwadi chakadzama kunokosha kana tichizosiyanisa zvakanaka nezvakaipa

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mararamiro okunyanya kuda zvinhu zvokunyama anonyatsogutsa here?