Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakatendeka Muzvinhu Zvose Here?

Wakatendeka Muzvinhu Zvose Here?

Wakatendeka Muzvinhu Zvose Here?

“Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru.”—RUKA 16:10.

1. Ndeipi imwe nzira inoratidza kuti Jehovha akatendeka?

ZUVA zvarinoramba richikwira, wakambocherechedza here zvinoitika kumumvuri womuti? Handiti mumvuri wacho unoramba uchichinja kukura kwawo uye unochinja kwaunoenda! Zvinhu zvinoedza kuitwa nevanhu uye zvavanovimbisa kazhinji zvinochinja-chinja somumvuri. Asi Jehovha Mwari haachinji nokufamba kwenguva. Achitaura nezvake sa“Baba vezviedza zvokudenga,” mudzidzi Jakobho anoti: “Kwavari hakuna kushanduka kwokuchinja kwomumvuri [kana kuti, “kushanduka kana mumvuri unokonzerwa nokuchinja,” NW Ref., mashoko omuzasi].” (Jakobho 1:17) Jehovha haachinji uye akavimbika, kunyange muzvinhu zviduku chaizvo. Iye ndi“Mwari wakatendeka.”—Dheuteronomio 32:4.

2. (a) Nei tichifanira kuzviongorora kuti tione kana takatendeka? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi pamusoro pokutendeka?

2 Mwari anoona sei kuvimbika kwevanamati vake? Sokuonekwa kwavaiitwa naDhavhidhi, uyo akati nezvavo: “Meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; munhu unofamba nenzira yakarurama, ndiye ungava mushumiri wangu.” (Pisarema 101:6) Chokwadi, Jehovha anofarira kutendeka kwevashumiri vake. Aine chikonzero chakanaka, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinotsvakwa muvatariri ndezvokuti munhu awanike akatendeka.” (1 VaKorinde 4:2) Kuva akatendeka kunosanganisirei? Tinofanira kuva vakatendeka muzvinhu zvipi muupenyu? Zvakanakirei ku“famba nenzira yakarurama”?

Zvinoreva Kuva Akatendeka

3. Chii chinoratidza kana takatendeka?

3 “Mosesi somushandi akanga akatendeka,” inodaro VaHebheru 3:5. Chii chakaita kuti muprofita Mosesi ave akatendeka? Pakuvaka uye kuronga tebhenekeri, “Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arayirwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.” (Eksodho 40:16) Zvatiri vanamati vaJehovha, tinoratidza kuti takatendeka nokumushumira tichiteerera. Zvechokwadi izvi zvinosanganisira kuramba takavimbika kuna Jehovha patinenge tichitarisana nemiedzo yakaoma kana kuti yakasimba. Zvisinei, kubudirira kukurira miedzo yakakura handicho chinhu chikuru chinoratidza kuti takatendeka. Jesu akati, “Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru, uye munhu asina kururama muzviduku pane zvose haanawo kururama muzvikuru.” (Ruka 16:10) Tinofanira kuramba takatendeka kunyange muzvinhu zvinoita sezviduku.

4, 5. Kutendeka kwedu “muzviduku” kunoratidzei?

4 Kuteerera zuva rimwe nerimwe “muzviduku” kunokosha nokuda kwezvikonzero zviviri. Kutanga, kunoratidza kuti tinoona sei uchangamire hwaJehovha. Funga nezvomuedzo wokuvimbika wakaiswa pamberi pevanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha. Zvavaifanira kuita zvakanga zvisina kuvaomera. Kunyange zvazvo vaigona kudya marudzi ose ezvokudya zvaiva mumunda weEdheni, vaifanira kungorega kudya muchero womuti mumwe chete bedzi—“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:16, 17) Kutendeka kwavo pakuteerera murayiro iwoyo uri nyore kungadai kwakaratidza kuti vanhu vaviri vokutanga vaitsigira kutonga kwaJehovha. Kutevera mirayiridzo yaJehovha muupenyu hwedu hwezuva nezuva kunoratidza kuti tinotsigira uchangamire hwaJehovha.

5 Chechipiri, zvatinoita “muzviduku” zvine chokuita nezvatichaitawo “muzvikuru,” kureva kuti, patinotarisana nezvinhu zvikuru muupenyu. Mune izvi, funga zvakaitika kuna Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzakatendeka dzechiHebheru—Hananiya, Mishaeri, naAzariya. Vakaendeswa senhapwa kuBhabhironi muna 617 B.C.E. Kunyange zvazvo vakanga vachiri vaduku, zvichida vachiri kuyaruka, vakomana ava vana vakazviwana vava muimba youmambo yaMambo Nebhukadhinezari. Imomo ‘mambo akarayirawo kuti vapiwe mugove wezuva nezuva wezvokudya zvamambo zvoumbozha nowewaini yake yaainwa, kuti zvivavake muviri kwemakore matatu, kuti paaizopera, vamire pamberi pamambo.’—Dhanieri 1:3-5.

6. Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru vakatarisana nomuedzo upi muimba youmambo kuBhabhironi?

6 Zvisinei, zvokudya zvamambo weBhabhironi zvakaita kuti pwere ina dzechiHebheru dziomerwe. Zvokudya zvairambidzwa noMutemo waMosesi zvingangodaro zvaisanganiswa nezvokudya zvamambo zvoumbozha. (Dheuteronomio 14:3-20) Mhuka dzaiurayiwa dzingave dzaisabudiswa ropa zvakanaka, saka kudya nyama yakadaro kwaizotyora Mutemo waMwari. (Dheuteronomio 12:23-25) Zvokudya zvacho zvingave zvaivawo zvakapirwa kuzvidhori, sezvo vanamati veBhabhironi vaiva netsika yokuita izvozvo vasati vadya zvokudya zvaidyirwa pamwe chete.

7. Kuteerera kwaDhanieri neshamwari dzake nhatu kwakaratidzei?

7 Hapana mubvunzo kuti kurega zvimwe zvokudya kwakanga kusinganyanyi kukosha kumhuri youmambo yamambo weBhabhironi. Zvisinei, Dhanieri neshamwari dzake vakanga vakatsunga mumwoyo yavo kuti vasazvisvibisa nokudya zvokudya zvairambidzwa noMutemo waMwari waakapa Israeri. Iyi yaiva nyaya yaiva nechokuita nokuvimbika kwavo uye kutendeka kwavo kuna Mwari. Saka vakakumbira kuti vadye miriwo uye kuti vanwe mvura, uye vakabvumirwa kuti vadaro. (Dhanieri 1:9-14) Kune vamwe vanhu nhasi, zvakaitwa nemajaya mana iwayo zvingaita sezvisingakoshi. Zvisinei, kuteerera kwavo Mwari kwakaratidza pavaiva vamire panhau youchangamire hwaJehovha.

8. (a) VaHebheru vatatu vakatarisana nomuedzo upi wakaoma wokutendeka? (b) Muedzo wacho wakaguma nei, uye izvi zvinoratidzei?

8 Kuratidza kuti vakanga vakatendeka muzvinhu zvingadaro zvaiita sezvisinganyanyi kukosha kwakaita kuti shamwari nhatu dzaDhanieri dzigadzirire kutarisana nomuedzo wakakura. Vhura chitsauko 3 chebhuku reBhaibheri raDhanieri, woverenga kuti vaHebheru vacho vatatu vakatarisana sei norufu pamusana pokuramba kunamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari. Pavakamiswa pamberi pamambo, vakazivisa chisarudzo chavo nechivimbo, kuti: “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” (Dhanieri 3:17, 18) Jehovha akavanunura here? Varindi vakakandira majaya acho muchoto chaipfuta kwazvo ndivo vakafa, asi vaHebheru vatatu vakatendeka vakabuda vari vapenyu—vasina kana kumbotsva! Kutendeka kwavo kwakasimba kwakavabatsira kuti vave vakatendeka mumuedzo iwoyo wakanga wakaoma. Izvi hazviratidzi kuti kutendeka muzvinhu zviduku kunokosha here?

Kutendeka Pa“pfuma Isina Kururama”

9. Jesu akanga ambotii paakazotaura mashoko ari pana Ruka 16:10?

9 Asati ataura kuti munhu akatendeka muzvinhu zvinoita sezviduku akatendekawo muzvinhu zvinokosha, Jesu akanyevera vateereri vake kuti: “Zviitirei shamwari nepfuma isina kururama, kuitira kuti, kana iyoyo yapera, vakugamuchirei munzvimbo dzokugara dzisingaperi.” Akabva azotaura pamusoro pokutendeka muzvinhu zviduku. Zvadaro Jesu akati: “Naizvozvo, kana musina kuva vakatendeka pamusoro pepfuma isina kururama, ndiani achakuronzesai yechokwadi? . . . Hapana mushandi wepamba angava muranda wevatenzi vaviri; nokuti, zvimwe achavenga mumwe wacho akada mumwe wacho, kana kuti achanamatira mumwe wacho akazvidza mumwe wacho. Hamugoni kuva varanda vaMwari nevePfuma.”—Ruka 16:9-13.

10. Tingaratidza sei kuti takatendeka pakushandisa kwatinoita “pfuma isina kururama”?

10 Maererano nendima dzakapoteredza, mashoko aJesu ari pana Ruka 16:10 anotanga kushanda kune zvine chokuita nokushandiswa kwe“pfuma isina kururama,” zvinhu zvedu chaizvo kana kuti pfuma. Zvinonzi hazvina kururama nokuti pfuma—zvikurukuru mari—inodzorwa nevanhu vanotadza. Uyezve, chido chokuunganidza pfuma chingaguma nokuita zvinhu zvisina kururama. Tinoratidza kuti takatendeka nokushandisa uchenjeri munzira yatinoshandisa nayo zvinhu zvedu. Pane kuzvishandisira zvinangwa zvoudyire, tinoda kuzvishandisa kufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo uye kubatsira vaya vanoshayiwa. Tikava vakatendeka seizvi, tinova shamwari dzaJehovha Mwari naJesu Kristu, varidzi ve“nzvimbo dzokugara dzisingaperi.” Vachatigamuchira munzvimbo idzi, vachitipa upenyu husingagumi kudenga kana kuti muParadhiso pasi pano.

11. Nei tisingafaniri kurega kutsanangurira vanasaimba kuti tinogamuchira mari yezvipo yebasa romunyika yose rinoitwa neZvapupu zvaJehovha?

11 Chimbofungawo nezvomukana watinopa vanhu vatinogovera maBhaibheri kana kuti mabhuku anotsanangura Bhaibheri patinozivisa shoko roUmambo tovatsanangurira kuti tinogamuchira mari yezvipo yebasa romunyika yose rinoitwa nevanhu vaJehovha. Tinenge tisiri kuvapa mukana wokuti vashandise pfuma yavo nokuchenjera here? Kunyange zvazvo Ruka 16:10 ichinyanya kushanda pane zvine chokuita nokushandisa pfuma chaiyo, chidzidzo chakanyorwa ipapo chinoshandawo mumamiriro ose ezvinhu oupenyu.

Kutendeseka Kunokosha Chaizvo

12, 13. Ndepapi patingaratidza kuti takatendeseka?

12 Muapostora Pauro akanyora kuti:“Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvatinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Chokwadi “zvinhu zvose” zvinosanganisira zvose zvine chokuita nokutarisira mari. Tinobhadhara zvikwereti zvedu nemitero yedu nokukurumidza uye nokutendeseka. Nei? Tinodaro pamusana pehana dzedu uye zvikurukuru pamusana pokuda Mwari uye kuteerera mirayiridzo yake. (VaRoma 13:5, 6) Tinoita sei patinowana chimwe chinhu chisiri chedu? Tinoedza kuchidzorera kumuridzi wacho chaiye. Izvi zvinoguma nouchapupu hwakanaka kwazvo patinotsanangura zvinenge zvaita kuti tidzorere chinhu chomunhu wacho!

13 Kuva vakatendeka uye vakatendeseka muzvinhu zvose kunoda kuti tive vakatendeseka kumabasa kwedu. Kutendeseka pamashandiro atinoita kunobudisa pachena Mwari watinomiririra. ‘Hatibi’ nguva nokuva nounyope. Pane kudaro, tinoshanda nesimba, sokunge tiri kushandira Jehovha. (VaEfeso 4:28; VaKorose 3:23) Zvinofungidzirwa kuti kune imwe nyika yokuEurope, chikamu chimwe muzvitatu chevashandi vanokumbira nguva yokusava pabasa pamusana pokurwara vanoita kudaro vachiita zvechitsotsi. Vashumiri vaMwari vechokwadi havarongi zvikonzero zvokunyepera kuti varege kuenda kubasa. Dzimwe nguva, Zvapupu zvaJehovha zvinokwidziridzwa pabasa nokuti vazvinoshandira vanocherechedza kutendeseka kwazvo uye kushanda kwazvo nesimba.—Zvirevo 10:4.

Kutendeka Muushumiri Hwedu hwechiKristu

14, 15. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti takatendeka muushumiri hwechiKristu?

14 Tinoratidza sei kuti takatendeka muushumiri hwatakapiwa kuti tiite? Bhaibheri rinoti, “Ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Nzira huru kudarika dzose yokuratidza kutendeka muushumiri hwomumunda ndeyokuhuita nguva dzose. Tingaregerei mwedzi uchipfuura tisina kumboparidza pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake? Kugara tichiita basa rokuparidza kunotibatsirawo kuvandudza mano edu uye kubudirira kwedu.

15 Imwe nzira yakanaka kwazvo yokuratidza kutendeka mubasa romumunda ndeyokushandisa mazano anowanikwa muNharireyomurindi uye muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Patinogadzirira toshandisa mharidzo dzinenge dzanzi dzishandiswe kana kuti dzimwe dzakakodzera, hationi here kuti ushumiri hwedu hunobudirira zvikuru? Patinosangana nomumwe munhu anoratidza kuti anofarira shoko roUmambo, tinokurumidza kudzokera kunomuona here? Uye zvakadini nezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvatingatanga nevanhu vanofarira? Takavimbika uye takatendeka here pakuzviitisa? Kutendeka kwedu muushumiri kungatiponesa isu nevaya vanotiteerera.—1 Timoti 4:15, 16.

Kuramba Takaparadzana Nenyika

16, 17. Tingaratidza kuti takaparadzana nenyika munzira dzipi?

16 Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akati nezvevateveri vake: “Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga, nokuti havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika. Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:14-16) Tingave takasimba uye takatsunga kuramba takaparadzana nenyika pazvinhu zvikuru, zvakadai sokusava nokwatakarerekera, mazororo netsika zvechitendero, uye unzenza. Zvisinei, zvakadini nezvinhu zviduku? Kungava kuti kunyange tisingazivi, tingafurirwa nenzira dzenyika here? Somuenzaniso, kana tisina kuchenjera, zvingava nyore zvikuru kuti mupfekero wedu uve usingakudzwi uye usina kukodzera! Kuti tive vakatendeka zvinoda kuti tive no“mwero nokunaka kwepfungwa” panyaya dzokupfeka nokushambidzika. (1 Timoti 2:9, 10) Chokwadi, “hatipi chisakiso chokugumbuka munzira ipi neipi, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhaka; asi munzira dzose tinozvirumbidza sevashumiri vaMwari.”—2 VaKorinde 6:3, 4.

17 Pamusana pechido chokukudza Jehovha, tinopfeka nenzira inokudzwa patinopinda misangano yedu yechiKristu. Ndizvo zvatinoitawo patinoungana takawanda pamagungano edu edunhu neeruwa. Kupfeka kwedu kunofanira kuva kwakanaka uye kunoremekedzeka. Izvi zvinoshanda souchapupu kune vamwe vanoticherechedza. Kunyange ngirozi dzinocherechedza zvatinoita, sokucherechedza kwadzakaita zvaiitwa naPauro neshamwari dzake dzechiKristu. (1 VaKorinde 4:9) Chokwadi, tinofanira kugara takapfeka zvakakodzera. Kune vamwe, kutendeka pane zvavanosarudza kupfeka kungaita sechinhu chiduku, asi kunokosha mukuona kwaMwari.

Zvikomborero Zvokutendeka

18, 19. Tinowana zvikomborero zvipi kana tikava vakatendeka?

18 VaKristu vechokwadi vanotaurwa nezvavo se“vatariri vakanaka kwazvo vemutsa usina kufanirwa waMwari unoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana.” Zvavakadaro, va“novimba nesimba rinogoverwa naMwari.” (1 Petro 4:10, 11) Uyezve, sevatariri, takapiwa zvisiri zvedu—kuratidzwa kwomutsa usina kufanirwa waMwari, kusanganisira ushumiri. Kuti tiratidze kuti tiri vatariri vakanaka kwazvo, tinovimba nesimba rinopiwa naMwari, “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinde 4:7) Chokwadi uku kurovedzwa kwakazonaka kunotibatsira kuti titarisane nechero miedzo ipi zvayo yatingasangana nayo munguva yemberi!

19 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha unochengeta vakatendeka.” (Pisarema 31:23) Ngatitsungei kuva vakatendeka, tichivimba zvakazara kuti Jehovha “Muponesi wevanhu vose, zvikurukuru wevakatendeka.”—1 Timoti 4:10.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kuva va“katendeka muzviduku”?

• Tingaratidza sei kuti takatendeka

panyaya yokutendeseka?

muushumiri?

pakuramba takaparadzana nenyika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

Akatendeka muzviduku, akatendekawo muzvikuru

[Mufananidzo uri papeji 29]

‘Zvibate nokutendeseka muzvinhu zvose’

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nzira yakanaka kwazvo yokuratidza kutendeka ndeyokunyatsogadzirira ushumiri hwomumunda

[Mufananidzo uri papeji 30]

Iva nomwero pakupfeka nokushambidzika