Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare

KUNYANGE zvazvo risiri bhuku rezvokurapa, Bhaibheri rinotaura zvingaita manzwiro atinoita—akanaka kana kuti asina kunaka—pakushanda zvakanaka kwepfungwa dzomunhu uye pautano hwomuviri. “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora,” rinodaro Bhaibheri, “asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa.” Uyezve, tinoverenga kuti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” (Zvirevo 17:22; 24:10) Kuora mwoyo kunogona kutipedza simba, kuchiita kuti tinzwe tisina simba uye tiri pangozi, tisingadi kuchinja kana kuti kutsvaka rubatsiro.

Kuora mwoyo kungakanganisawo munhu munyaya dzokunamata. Vanhu vanoona sokuti havakoshi kazhinji vanofunga kuti havangambokwanisi kuva noukama hwakanaka naMwari uye kukomborerwa naye. Simone, ambotaurwa munyaya yapfuura, akanga asina chokwadi kana aiva “munhu angafarirwa naMwari.” Zvisinei, patinotarira muShoko raMwari, Bhaibheri, tinoona kuti Mwari anoona zvakanaka vaya vanoedza kumufadza.

Mwari Ane Hanya

Bhaibheri rinotiudza kuti “Jehovha uri pedyo nevane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” Mwari haashori “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,” asi anovimbisa ‘kuponesazve mweya wounozvininipisa, nokuponesazve mwoyo wowakapwanyika.’—Pisarema 34:18; 51:17; Isaya 57:15.

Pane imwe nguva Mwanakomana waMwari, Jesu, akaona zvakakodzera kuti atsanangurire vadzidzi vake kuti Mwari anoona zvakanaka zvinoitwa nevashumiri Vake. Achishandisa mufananidzo, akarondedzera kuti Mwari anoona kana shiri duku ikawira pasi—chinhu icho vanhu vakawanda vangaona sokuti hachikoshi. Akasimbisawo kuti Mwari anoziva kunyange zvinhu zvidukuduku pamusoro pevanhu, kunyange kuwanda kwebvudzi riri mumisoro yavo. Jesu akagumisa mufananidzo wake achiti: “Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) * Jesu akaratidza kuti pasinei nokuti vanhu vangazviona sei, mumaziso aMwari vanhu vanotenda vanokosha. Kutaura zvazviri, muapostora Petro anotiyeuchidza kuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Ramba Uine Maonero Ari Pakati Nepakati

Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tirambe tichizviona zviri pakati nepakati. Afuridzirwa, muapostora Pauro akanyora kuti: “Nomutsa usina kufanirwa wandakapiwa ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga; asi afunge kuti ave nepfungwa dzakanaka, mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiyero chokutenda naMwari.”—VaRoma 12:3.

Chokwadi, hatingadi kunyanya kuzvifunga zvokuzozvikudza; asiwo hatingadi kubva tazonyanya kuona sokuti hatitombokoshi. Pane kudaro, chinangwa chedu chinofanira kuva chokukudziridza kuti tizvione zviri pakati nepakati, maonero anoita kuti tifungewo zvatinogona nezvatisingagoni. Mumwe mudzimai wechiKristu akati: “Handisi munhu akaipa; asiwo handipfuuri vamwe vose. Ndine unhu hwakanaka nohwakaipa, uye ndozvakaita vanhu vose.”

Chokwadi, zviri nyore kutaura kuti tinofanira kuva nemaonero ari pakati nepakati asi kuzviita hakusi nyore. Kubvisa pfungwa yokuzvitarisira pasi yatingave takava nayo kwemakore akawanda kungada kuti titosunga dzisimbe. Kunyange zvakadaro, tichibatsirwa naMwari, tinogona kuchinja unhu hwedu nemaonero atinoita upenyu. Zvechokwadi, ndizvo zvatinokurudzirwa neShoko raMwari. Tinoverenga kuti: “Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa maererano nokuchiva kwake kunonyengera; asi . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinosunda pfungwa dzenyu, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEfeso 4:22-24.

Kana tikaedza kuchinja ‘simba rinosunda pfungwa dzedu,’ kureva simba rinotikurudzira mupfungwa dzedu, tinogona kuchinja unhu hwedu hwokunyanya kuzvitarisira pasi totanga kuzviona zvakanaka. Lena, ambotaurwa munyaya yapfuura, akazoona kuti kana akaramba aine pfungwa yokuti hapana munhu aigona kumuda kana kumubatsira, hapana chaigona kuchinja manzwiro aaiita. Izano ripi rinoshanda riri muBhaibheri rakabatsira Lena, Simone, nevamwe kuti vachinje zvakadaro?

Chokwadi Chiri muBhaibheri Chinobatsira Kuti Pave Nomufaro

“Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” (Pisarema 55:22) Chokutanga, munyengetero unogona kutibatsira kuti tifare zvechokwadi. Simone anoti: “Pose pandinonzwa ndaora mwoyo, ndinonyengetera kuna Jehovha ndokumbira kuti andibatsire. Pose pandinodaro ndinoona simba rake uye kunditungamirira kwaanoita.” Munyori wepisarema paanotikurudzira kukandira mutoro wedu pana Jehovha, ari kutiyeuchidza kuti Jehovha haana hanya nesu chete asiwo anotiona sevanhu vakakodzera kubatsirwa uye kutsigirwa naye. Usiku hwePaseka ya33 C.E., vadzidzi vaJesu vakashungurudzwa nemhaka yezvakataurwa naJesu paakati akanga ava kuda kuenda. Jesu akavakurudzira kuti vanyengetere kuna Baba, achibva awedzera kuti: “Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uitwe kuti uzare.”—Johani 16:23, 24.

“Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Sezvakadzidziswa naJesu, kupa ndicho chinhu chinoita kuti tifare zvechokwadi muupenyu. Kushandisa chokwadi cheBhaibheri ichi kunoita kuti tifunge nezvezvinodiwa nevamwe pane kungofunga nezvezvatisingakwanisi kuita. Patinobatsira vamwe toona kuonga kwavanoita, tinotanga kuzviona nenzira yakanaka. Lena ane chokwadi chokuti kugara achiudza vavakidzani vake mashoko akanaka anobva muBhaibheri kunomubatsira munzira mbiri. “Kutanga, zvinondipa mufaro nokugutsikana zvakataurwa naJesu,” anodaro. “Chechipiri, vakawanda vanogamuchira mashoko acho zvakanaka, izvo zvinondibatsira kuti ndifare.” Kana tikazvipa nomwoyo wose, tichaona kuti mashoko aZvirevo 11:25 ndeechokwadi, ayo anoti: “Unodiridza uchadiridzwawo.”

“Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; asi une mwoyo wakafara une mutambo nguva dzose.” (Zvirevo 15:15) Tose zvedu tinogona kusarudza kuti tichazviona sei uye tichaona sei mamiriro edu ezvinhu. Tinogona kuita somunhu anoona zvinhu zvose nenzira isina kunaka otambudzika, kana kuti tinogona kusarudza kufunga zvakanaka, kuva “nomwoyo wakafara,” uye kufara sezvinonzi tiri pamutambo. Simone anoti: “Ndinoedza nepandinogona napo kuramba ndine maonero akanaka. Ndinoramba ndakabatikana kudzidza ndiri ndoga uye muushumiri, uye ndinoramba ndichinyengetera. Ndinoedzawo kuva pane vanhu vane maonero akanaka, uye ndinoedza kubatsira uye kutsigira vamwe.” Maonero akadaro anoita kuti munhu afare, sezvatinokurudzirwa neBhaibheri kuti: “Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama; pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamwoyo.”—Pisarema 32:11.

“Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Kuudza munhu watinoda zviri pamwoyo kana kuti kuudza mupi wezano watinovimba kungatibatsira kukurira kuzvitarisira pasi uye kubvisa maonero iwayo asati atikurira. Kutaura nevamwe kungatibatsira kuva nemaonero akanaka, ari pakati nepakati. “Kutaura manzwiro aunoita kunobatsira chaizvo,” anodaro Simone. “Unofanira kuudza mumwe munhu manzwiro auri kuita. Kazhinji zvinongoda kuti ubudise zviri pamwoyo.” Kuita izvozvo kuchakubatsira kuona kuti chirevo ichi ndechechokwadi, chinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.”—Zvirevo 12:25.

Zvaungaita

Tangokurukura mazano mashomanana akaisvonaka uye anoshanda ari muBhaibheri ayo angatibatsira kukurira kuzvitarisira pasi towana mufaro wechokwadi. Kana uri mumwe wevaya vanotambura nokuzvitarisira pasi, tinokukurudzira kuti unyatsoongorora Shoko raMwari, Bhaibheri. Dzidza kuzviona sezvauri uye zviri pakati nepakati uye kuona ukama hwako naMwari saizvozvowo. Tinovimba nomwoyo wose kuti uchakwanisa kufara zvechokwadi mune zvose zvaunoita, uchitungamirirwa neShoko raMwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Chikamu ichi choRugwaro chinokurukurwa zvakadzama pamapeji 22 ne23.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kurarama zvinoenderana nechokwadi chiri muBhaibheri kunoita kuti ufare