Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”

Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”

Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”

“Hapana imwe [yeshiri duku] ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose.”—MATEU 10:29, 30.

1, 2. (a) Nei Jobho ainzwa sokuti Mwari akanga amusiya? (b) Mashoko aJobho aireva here kuti akanga ava kushora Jehovha? Tsanangura.

“NDAKADAIDZIRA ndichiti, Nhai Mwari! asi imi hamuna kundipindura. Kunyange ndichinamata, imi hamuna hanya neni. Munondiitira utsinye, muchinditambudza nesimba renyu guru.” Murume akataura mashoko iwayo akanga ari kurwadziwa zvikuru, uye izvi hazvishamisi! Akanga arasikirwa nezvose zvaairarama nazvo, njodzi inotyisa yakanga yauraya vana vake, uye iye akanga ava kutambura nechirwere chaipedza simba. Murume wacho ainzi Jobho, uye dambudziko rake rinoshungurudza rakanyorwa muBhaibheri kuti isu tibatsirwe.—Jobho 30:20, 21, Bhaibheri Rinoyera.

2 Mashoko aJobho angaita sokuti akanga ava kushora Mwari, asi akanga asiri kushora. Jobho aingotaura zvaibva kutsi kwomwoyo wake waiva wakashungurudzika. (Jobho 6:2, 3) Akanga asingazivi kuti Satani ndiye aikonzera miedzo yake, saka akagumisa zvisizvo kuti Mwari akanga amusiya. Pane imwe nguva, Jobho akatoti kuna Jehovha: “Munovanzireiko chiso chenyu, muchiti ndiri muvengi wenyu?” *Jobho 13:24.

3. Panoitika njodzi, chii chatingafunga?

3 Nhasi, vanhu vaJehovha vakawanda vanoramba vachitambura nemhaka yehondo, kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvematongerwo enyika nemagariro evanhu, njodzi dzinongoitika dzoga, kukwegura, kurwara, urombo hwakanyanyisa, uye kurambidzwa kunamata nehurumende. Iwewo ungangodaro uri kutambura nemiedzo yakati. Dzimwe nguva ungafunga kuti Jehovha ari kukuvanzira chiso chake. Unonyatsoziva mashoko aJohani 3:16, anoti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” Kunyange zvakadaro, paunenge uchitambudzika pasina tarisiro yokuti uchazorodzwa, ungashamisika kuti: ‘Mwari anondida zvechokwadi here? Ari kuona here kutambura kwandiri kuita? Ane hanya neni sezvandiri here?’

4. Pauro aifanira kutsungirira mamiriro ezvinhu api aienderera, uye zvinhu zvakadaro zvingava nechokuita nesu sei?

4 Chimbofunga zvakaitika kumuapostora Pauro. “Ndakapiwa munzwa munyama, ngirozi yaSatani, kuti irambe ichindirova,” akanyora kudaro, achiwedzera kuti: “Ndakateterera Ishe katatu kuti ubve.” Jehovha akanzwa kuteterera kwake. Zvisinei, akaudza Pauro kuti aisazopindira oita chishamiso kuti agadzirise chinetso chacho. Pane kudaro, Pauro aizofanira kuvimba nesimba raMwari kuti rimubatsire kutsungirira ‘munzwa wake munyama.’ * (2 VaKorinde 12:7-9) SaPauro, ungave uri kutambura nomuedzo unoramba uchienderera. Zvichida unoshamisika kuti, ‘Zvazvinoita sokuti Jehovha haana zvaakaita nezvomuedzo wangu, zvinoreva here kuti haazivi mamiriro akaita zvinhu zvangu kana kuti haana hanya neni?’ Mhinduro ndeyokuti aiwa! Kuva nehanya kwaJehovha nomushumiri wake akatendeka mumwe nomumwe kunosimbiswa neizvo Jesu akaudza vaapostora vake achangopedza kuvasarudza. Ngationei kuti mashoko ake angatikurudzira sei nhasi.

“Musatya”—Nei?

5, 6. (a) Jesu akabatsira sei vaapostora kuti vasatya zvaizoitika? (b) Pauro akaratidza sei chivimbo chokuti Jehovha aiva nehanya naye?

5 Vaapostora vakagamuchira simba rinoshamisa kubva kuna Jesu, kusanganisira “simba pamusoro pemidzimu isina kuchena, kuti vaidzinge uye kuti varape hosha dzorudzi rwose noundonda hworudzi rwose.” Asi izvi zvakanga zvisingarevi kuti vaisazombowana miedzo nematambudziko. Kusiyana neizvozvo, Jesu akarondedzera zvakadzama zvimwe zvinhu zvaizovawira. Zvisinei, akavakurudzira kuti: “Musatya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.”—Mateu 10:1, 16-22, 28.

6 Kuti abatsire vaapostora vake kunzwisisa kuti nei vakanga vasingafaniri kutya, Jesu akavaudza mifananidzo miviri. Akati kwavari: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) Ona kuti Jesu akabatanidza kusatya paunenge uchitambudzwa nokuva nechivimbo chokuti Jehovha ane hanya nesu somunhu oga. Zviri pachena kuti muapostora Pauro aiva nechivimbo chakadaro. Akanyora kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa? Iye asina kunyange kurega Mwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose, angaregerereiko kutipawo zvimwe zvinhu zvose naye?” (VaRoma 8:31, 32) Pasinei nokuti unotarisana nematambudziko akaita sei, iwewo unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ane hanya newe somunhu oga chero bedzi ukaramba wakavimbika kwaari. Izvi zvichatonyanya kuva pachena sezvatinonyatsoongorora zano raJesu raakapa vaapostora vake.

Kukosha Kweshiri Duku

7, 8. (a) Shiri duku dzaionekwa sei muzuva raJesu? (b) Sezviri pachena, nei Mateu 10:29 ichishandisa shoko rechiGiriki rokuti “shiri duku” rinoratidza chinhu chiduku duku?

7 Mifananidzo yaJesu inonyatsorondedzera kuti Jehovha ane hanya nomushumiri Wake mumwe nomumwe. Kutanga, funga nyaya yeshiri duku. Munguva yaJesu, shiri duku dzaidyiwa, asi dzainyanya kuonekwa sezvipembenene nokuti dzaiparadza zvirimwa. Shiri duku dzakanga dzakawanda kwazvo uye dzakachipa zvokuti mbiri dzaigona kutengwa nemari isingasviki masenzi mashanu okuUnited States (Z$310). Masenzi gumi aitenga shiri duku shanu, kwete ina—imwe shiri yaiwedzerwa sebhasera, sezvinonzi yakanga isingatombokoshi!—Ruka 12:6.

8 Fungawo nezvokukura kweshiri iyi yaizivikanwa. Ichienzaniswa nedzimwe shiri dzakawanda, kunyange shiri duku inenge yakura zvakakwana iduku zvikuru. Asi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “shiri duku” pana Mateu 10:29 rinonyanya kureva shiri duku duku. Zviri pachena kuti Jesu aida kuti vaapostora vake vafungidzire shiri isinganyanyi kukosha pashiri dzose. Sokutaura kunoita rimwe bhuku, “Jesu anotaura nezvekashiri kaduku zvikuru uye anoshandisa mashoko anoratidza kuti chinhu chiduku!”

9. Ipfungwa ipi inokosha inobudiswa mumufananidzo waJesu weshiri duku?

9 Fananidzo yaJesu yeshiri duku inosimbisa pfungwa iyi yakasimba: Zvinhu zvinoita sezvisingakoshi kune vanhu zvinokosha kuna Jehovha Mwari. Jesu akasimbisazve chokwadi ichi achiwedzera kuti shiri duku yaisazo“wira pasi” Jehovha asingazivi. * Chidzidzo chacho chakajeka. Kana Jehovha Mwari achiziva shiri duku zvikuru uye isingakoshi, achava nehanya zvakadini nemamiriro ezvinhu omunhu anenge asarudza kumushumira!

10. Chii chinorehwa nemashoko okuti: “Bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose”?

10 Achiwedzera pamufananidzo wake weshiri duku, Jesu akati: “Bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose.” (Mateu 10:30) Mashoko aya mapfupi asi anokosha anosimbisa pfungwa yomufananidzo waJesu weshiri duku. Chimbofunga: Musoro womunhu une bvudzi ringasvika 100 000 paavhareji. Kana uchiriona, bvudzi racho rinoita serakafanana chaizvo, uye zvinoita sokuti hapana rubvudzi rwakakodzera kuongororwa. Asi, rubvudzi rumwe norumwe runozivikanwa uye rwakaverengwa naJehovha Mwari. Kana zvakadaro, muupenyu hwedu pane chinhu chisingagoni kuzivikanwa naJehovha here? Kutaura chokwadi Jehovha anonzwisisa kusiyana-siyana kwakaita vashumiri vake. Zvechokwadi, “unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

11. Dhavhidhi akaratidza sei chivimbo chokuti Jehovha aiva nehanya naye somunhu oga?

11 Dhavhidhi, uyo akasangana nematambudziko akawanda, aiva nechivimbo chokuti Jehovha aimuziva. “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva,” akanyora kudaro. “Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.” (Pisarema 139:1, 2) Iwewo unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anokuziva somunhu oga. (Jeremia 17:10) Usakurumidza kufungidzira kuti hautombokoshi zvokuti Jehovha haagoni kukuona nemaziso ake ayo anoona zvose!

“Isai Misodzi Yangu Mumudziyo Wenyu”

12. Tinoziva sei kuti Jehovha anonyatsoziva kutambura kunoita vanhu vake?

12 Jehovha haangozivi vashumiri vake somunhu mumwe nomumwe asiwo anonyatsoziva matambudziko ayo mumwe nomumwe anotarisana nawo. Somuenzaniso, vaIsraeri pavaitambudzwa sevaranda, Jehovha akati kuna Mosesi: “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vemabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo.” (Eksodho 3:7) Zvinonyaradza sei kuziva kuti patinenge tichitsungirira muedzo, Jehovha anoona zviri kuitika uye anonzwa kuchema kwedu! Zvechokwadi ane hanya nokutambura kwedu.

13. Chii chinoratidza kuti zvechokwadi Jehovha anonzwira tsitsi vashumiri vake?

13 Kuva nehanya kwaJehovha nevanhu vane ukama naye kunoonekwawo mumanzwiro aaiita pamusoro pevaIsraeri. Kunyange zvazvo kutambura kwavo kwaiwanzokonzerwa nokuti vaiva vakaoma musoro, Isaya akanyora nezvaJehovha achiti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Saka, somushumiri waJehovha akatendeka, unogona kuva nechokwadi chokuti paunenge uchirwadziwa, Jehovha anorwadziwawo. Izvozvo hazvikukurudziri kuti utarisane nematambudziko usingatyi uye kuti urambe uchiita nepaunogona napo kuti umushumire here?—1 Petro 5:6, 7.

14. Zvinhu zvakanga zvakamira sei pakanyorwa Pisarema 56?

14 Chivimbo chaiva naMambo Dhavhidhi chokuti Jehovha aiva nehanya naye uye aimunzwira tsitsi chinobudiswa pachena muPisarema 56, rakanyorwa naDhavhidhi paaitiza Mambo Sauro aida kumuponda. Dhavhidhi akatizira kuGati, asi aitya kubatwa paakazivikanwa nevaFiristiya. Akanyora kuti: “Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.” Nemhaka yemamiriro ake ezvinhu aiva nengozi zvikuru, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha. “Zuva rose vanoshandura mashoko angu,” akadaro. “Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.”—Pisarema 56:2, 5.

15. (a) Dhavhidhi airevei paakakumbira Jehovha kuti aise misodzi yake mumudziyo kana kuti murugwaro? (b) Patinenge tichitsungirira mamiriro ezvinhu anoedza kutenda kwedu, tingava nechokwadi chei?

15 Zvadaro, sezvakanyorwa pana Pisarema 56:8, Dhavhidhi anotaura mashoko aya anonakidza: “Imi munoverenga madzungairire angu; isai misodzi yangu mumudziyo wenyu; haizi murugwaro rwenyu here?” Irondedzero inobaya mwoyo zvikuru yokuva nehanya kwaJehovha kworudo! Patinenge tichishushikana, tingachema misodzi kuna Jehovha. Kunyange munhu akakwana Jesu akaitawo saizvozvo. (VaHebheru 5:7) Dhavhidhi akanga aine chokwadi chokuti Jehovha aimuziva uye aiyeuka kurwadziwa kwaaiitwa, sezvinonzi aichengeta misodzi yake mumudziyo kana kuti aiinyora murugwaro. * Zvichida unofunga kuti misodzi yako ingazadza chikamu chakakura chomudziyo iwoyo kana kuti mapeji akawanda ebhuku rakadaro. Kana zvakadaro, unogona kunyaradzwa. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

Kuva Shamwari yaMwari Yapedyo

16, 17. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha ane hanya nezvinetso zvinotarisana nevanhu vake? (b) Jehovha akaitei kuti vanhu vake vave noukama hwapedyo naye?

16 Kuverengwa kwakaitwa ‘bvudzi romusoro wedu’ naJehovha kunoita kuti tizive kuti Mwari watine ropafadzo yokunamata anoona uye ane hanya nesu. Kunyange zvazvo tichafanira kumirira kusvikira nyika itsva yakapikirwa yauya kuti marwadzo ose nokutambura zvipere, Jehovha ane zvaari kutoitira vanhu vake zvinoshamisa. Dhavhidhi akanyora kuti: ‘Kuva shamwari yapedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya; uchavaratidza sungano yake.’—Pisarema 25:14.

17 ‘Kuva shamwari yapedyo yaJehovha.’ Chokwadi, kuvanhu vasina kukwana, zvinoita sokuti pfungwa iyoyo haibviri! Asi, Jehovha anokumbira vaya vanomutya kuti vave vaeni mutende rake. (Pisarema 15:1-5) Uye Jehovha anoitirei vaeni vake? Anoita kuti vazive sungano yake, maererano naDhavhidhi. Jehovha anovaudza zvakavanzika zvake, achizivisa “zvakavanzika zvake” kuvaprofita, kuitira kuti vazive zvinangwa zvake uye zvavanofanira kuita kuti vararame maererano nazvo.—Amosi 3:7.

18. Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti tive noukama hwapedyo naye?

18 Zvechokwadi, zvinofadza mwoyo yedu kuziva kuti isu vanhu vasina kukwana tinogona kuva shamwari dzapedyo dzoWokumusorosoro, Jehovha Mwari. Kutaura zvazviri, anotikurudzira kuti tiite izvozvo chaizvo. “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” rinodaro Bhaibheri. (Jakobho 4:8) Jehovha anoda kuti tive noukama hwapedyo naye. Kutaura zvazviri, akatoita matanho okuti tive noukama hwakadaro. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chakavhura mukana wokuti tive noushamwari naMwari Wemasimbaose. Bhaibheri rinoti: “Kana tiri isu, tinoda, nokuti akatanga kutida.”—1 Johani 4:19.

19. Kutsungirira kungasimbisa sei ukama hwedu naJehovha?

19 Ukama hwapedyo ihwohwo hunosimbiswa patinotsungirira mamiriro ezvinhu akaoma. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka mumativi ose, pasina chamunoshayiwa.” (Jakobho 1:4) I“basa” ripi rinopedzwa nokutsungirira matambudziko? Yeuka “munzwa munyama” waPauro. Kutsungirira kwakamubatsirei? Pauro akataura izvi nezvemiedzo yake: “Naizvozvo, ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende. Naizvozvo ndinofara nokusava nesimba, nokutukwa, nokushayiwa, nokutambudzwa nezvinetso, nokuda kwaKristu. Nokuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (2 VaKorinde 12:9, 10) Zvakaitika kuna Pauro zvinoratidza kuti Jehovha aizogovera simba rinodiwa—“simba rinopfuura romuzvarirwo” kana raidiwa—kuitira kuti atsungirire. Izvozvo zvaizoitawo kuti ave pedyo naKristu uye naJehovha Mwari.—2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:11-13.

20. Tingava sei nechokwadi chokuti Jehovha achatitsigira nokutinyaradza patinotarisana nenhamo?

20 Zvichida Jehovha akabvumira kuti urambe uchiedzwa. Kana zvakadaro, yeuka zvaakavimbisa vaya vanomutya: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Unogona kutsigirwa zvakadaro nokunyaradzwa. Jehovha akaverenga ‘bvudzi romusoro wako chairo.’ Anoona kutsungirira kwaunoita. Anonzwa kurwadziwa kwaunoita. Ane hanya newe zvechokwadi. Uye haazombofi ‘akanganwa basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Dhavhidhi akarurama uye vanakomana vaKora vakatendeka vakataurawo mashoko akafanana.—Pisarema 10:1; 44:24.

^ ndima 4 Bhaibheri harinyatsotauri kuti “munzwa munyama” waPauro waiva chii chaicho. Ungave waiva chirwere chakadai sechokusaona zvakanaka. Kana kuti mashoko okuti “munzwa munyama” angareva vaapostora venhema nevamwe vairamba kuti Pauro aiva muapostora uye vaisafarira ushumiri hwake.—2 VaKorinde 11:6, 13-15; VaGaratiya 4:15; 6:11.

^ ndima 9 Dzimwe nyanzvi dzinoti kuwira pasi kunoita shiri duku kungareva zvinopfuura kungofa kwayo. Dzinoti mashoko omutauro wepakutanga angareva kumhara pasi kunoita shiri ichitsvaka zvokudya. Kana zviri izvo, zvingareva kuti Mwari anoona uye ane hanya neshiri pane zvose zvainoita, kwete chete painofa.—Mateu 6:26.

^ ndima 15 Kare, midziyo yaigadzirwa nematehwe akasukutwa emakwai, embudzi, neemombe. Midziyo yakadaro yaishandiswa kuisira mukaka, ruomba, chizi, kana kuti mvura. Matehwe aya ainge anyatsosukutwa aigona kuisirwa mafuta kana kuti waini.

Unoyeuka Here?

• Zvii zvingaita kuti munhu anzwe sokuti Mwari amusiya?

• Tinodzidzei pamifananidzo yaJesu yeshiri duku neyokuverengwa kwebvudzi remisoro yedu?

• Zvinorevei kuti munhu aisirwe misodzi yake mu“mudziyo” waJehovha kana kuti mu“rugwaro” rwake?

• Tingasvika sei pakuva ‘shamwari yapedyo yaJehovha’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

Nei Jehovha asina kubvisa “munzwa munyama” waPauro?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tingadzidzei pamufananidzo waJesu weshiri duku?

[Kwazvakatorwa]

©J. Heidecker/VIREO

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kana tikaverenga Bhaibheri nguva dzose, tinogona kuvimbiswa kuti Mwari ane hanya nesu somunhu oga