Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokomborera Zvikuru Vaya VAnorambira Panzira Yake

Jehovha Anokomborera Zvikuru Vaya VAnorambira Panzira Yake

Nyaya Youpenyu

Jehovha Anokomborera Zvikuru Vaya VAnorambira Panzira Yake

YAKATAURWA NAROMUALD STAWSKI

Pakatanga hondo yenyika yokutanga muna September 1939, yainyanya kutsviriridza kuchamhembe kwePoland. Sezvo ndaiva kakomana kane makore mapfumbamwe kaiva nechiringa, ndakaenda kunzvimbo yairwiwa hondo yaiva pedyo kuti ndinoona. Zvandakaona zvaityisa—zvitunha zvakanga zvakangoti kata-kata, uye mhepo yakanga yakazara noutsi hwaikachidza. Kunyange zvazvo ndakanga ndichinyanya kufunga kuti ndingasvika sei kumba ndakachengeteka, pane mimwe mibvunzo yandakafunga: “Nei Mwari achirega zvinhu zvakaipa kudai zvichiitika? Ari kutsigira ani?”

HONDO yacho yava kuda kunopera, vakomana vechiduku vaimanikidzwa kushandira hurumende yeGermany. Wose airamba aisungirirwa mumuti kana pabhiriji aine chikwangwani chakanzi “mutengesi” kana kuti “mharadzi” pachipfuva chake. Taundi redu reGdynia, raiva pakati nepakati pemauto airwisana. Patakabuda muguta kuti tinochera mvura, mabara nemabhomba zvaimviririka nepamusoro pedu, uye munun’una wangu Henryk akaurayiwa. Nemhaka yemamiriro ezvinhu akaipa kwazvo, amai vangu vakatiendesa isu vana tiri vana mukamuri raiva nechepasi kuti tisakuvadzwa. Imomo munun’una wangu aiva nemakore maviri, Eugeniusz, akafa nechirwere chinotapukira chinokonzera kupisa kwomuviri chinonzi diphtheria.

Ndakazvibvunzazve kuti: “Mwari ari kupi? Nei achibvumira kutambura kwose uku?” Kunyange zvazvo ndakanga ndiri muKaturike aishingaira uye aienda kuchechi nguva dzose, ndakashayiwa mhinduro.

Ndakawana Chokwadi cheBhaibheri

Mhinduro dzemibvunzo yangu dzakabva kwandakanga ndisingambofungiri. Hondo yakapera muna 1945, uye gore ra1947 richangotanga, mumwe weZvapupu zvaJehovha akasvika pamba pedu muGdynia. Amai vangu vakataura neChapupu chacho, uye ndakanzwa zvimwe zvakataurwa ipapo. Zvaiita sezvine musoro, saka takabvuma paakatikoka kuenda kumusangano wechiKristu. Pangopera mwedzi, kunyange zvazvo chokwadi cheBhaibheri chakanga chisati chadzika midzi mandiri, ndakabatana neboka reZvapupu zvomunharaunda yedu ndokuparidzira vamwe nezvenyika yakanaka, isina hondo noutsinye hwakaipisisa. Izvi zvakandifadza chaizvo.

Muna September 1947, ndakabhabhatidzwa pagungano redunhu muSopot. Muna May akazotevera, ndakatanga upiyona hwenguva dzose, ndichipedzera nguva yangu yakawanda mukuparidzira vamwe mashoko eBhaibheri. Vafundisi vomunharaunda yedu vaishora chaizvo basa redu uye vaitimutsira bongozozo. Pane imwe nguva, mhomho yakanga yakashatirwa yakatirwisa, ikatitema nematombo uye ikatirikita chaizvo. Pamwe pacho manani nevafundisi vomunharaunda iyoyo vakakurudzira rimwe boka revanhu kuti ritirwise. Takatizira mukamba yemapurisa, asi boka racho rakakomba chivako chacho, richiti raida kutirikita. Pakupedzisira, mamwe mapurisa akauya, uye akatitora akaenda nesu akatidzivirira chaizvo.

Panguva iyoyo, munharaunda yataiparidzira makanga musina ungano. Dzimwe nguva tairara panze musango. Taifara kuti taigona kuparidzira pasinei nemamiriro ezvinhu. Iye zvino, munzvimbo yacho mune ungano dzakasimba.

Kushanda paBheteri uye Kusungwa

Muna 1949, ndakakokwa kuMusha weBheteri uri muŁódź. Yaiva ropafadzo chaiyo kushanda panzvimbo yakadaro! Zvinosuruvarisa kuti handina kugarapo kwenguva refu. Muna June 1950, mwedzi mumwe chete basa redu risati rarambidzwa zviri pamutemo, ndakasungwa pamwe chete nedzimwe hama dzepaBheteri. Ndakaendeswa kujeri, uye somugumisiro, ndakabvunzurudzwa nenzira youtsinye.

Baba vangu zvavaishanda muchikepe chaigara chichienda kuNew York, mapurisa aindibvunzurudza akaedza kundimanikidza kuti ndibvume kuti baba vangu vaiva musori weUnited States. Ndakabvunzurudzwa zvisina tsitsi. Uyezve, mapurisa mana panguva imwe chete akaedza kundimanikidza kuti ndipomere nhema Hama Wilhelm Scheider, avo vakanga vachitarisira basa redu muPoland panguva iyoyo. Vakandirova zvitsitsinho netsvimbo. Pandakazvambarara pauriri ndichibuda ropa, ndichinzwa kuti ndakanga ndisisakwanisi kutsungirira, ndakachema ndichiti, “Jehovha, ndibatsirei!” Vainditambudza vakashamiswa ndokubva varega kundirova. Kwapera maminitsi mashomanana, vakakotsira. Ndakanzwa ndazorodzwa uye ndakawanazve simba. Izvi zvakandiita kuti ndigutsikane kuti norudo Jehovha anoteerera vashumiri vake vakazvitsaurira pavanochema kwaari. Zvakasimbisa kutenda kwangu zvikandidzidzisa kuvimba zvakakwana naMwari.

Mushumo wokupedzisira wokuongororwa waisanganisira uchapupu hwenhema hwandainzi ndakanga ndapa. Pandakaramba, mumwe mupurisa akandiudza kuti, “Uchazotsanangura kudare!” Murume wandaigara naye muchitokisi aiva noushamwari akanditi ndisanetseka, sezvo mushumo wokupedzisira waifanira kuongororwa nomuchuchisi wechiuto, izvo zvaizondipa mukana wokuramba uchapupu hwacho hwenhema. Ndizvo chaizvo zvakazoitika.

Basa Redunhu uye Kusungwa Zvakare

Ndakasunungurwa muna January 1951. Kwapera mwedzi, ndakatanga kushanda somutariri anofambira. Pasinei nokuti kunamata kwairambidzwa, ndakashanda nedzimwe hama kuti tisimbise ungano uye tibatsire Zvapupu zvatainamata nazvo zvakanga zviri kure nakure pamusana pemapurisa. Takakurudzira hama kuti dzirambe dzichiita ushumiri. Mumakore akazotevera, hama idzi noushingi dzakatsigira vatariri vanofambira uye dzakaita basa rokudhinda nokuparadzira mabhuku eBhaibheri pachivande.

Rimwe zuva muna April 1951, pashure pokupinda musangano wechiKristu, ndiri mumugwagwa ndakasungwa nemapurisa akanga agara achinyatsondiongorora. Nokuti ndakaramba kupindura mibvunzo yawo, akandiendesa kujeri muBydgoszcz uye akabva atanga kundibvunzurudza usiku ihwohwo. Ndakanzi ndimire ndakazendamira madziro kwemazuva matanhatu nousiku hutanhatu, ndisina chokudya kana chokunwa uye maiva noutsi hwakawanda hwefodya yemidzanga yemapurisa. Ndakarohwa netsvimbo uye ndakapiswa nemidzanga. Pandakafenda, vakandidira mvura ndokutanga kundibvunzurudza zvakare. Ndakateterera Jehovha kuti andipe simba rokutsungirira, uye akanditsigira.

Kugara mujeri reBydgoszcz kune zvakwakanga kwakanakira. Ndiri imomo ndakakwanisa kuzivisa chokwadi cheBhaibheri kune vamwe vanhu vangadai vasina kumboparidzirwa. Uye kutaura zvazviri, makanga muine mikana yakawanda yokupupura. Nemhaka yemamiriro avo ezvinhu aisuruvarisa uye aiva asina tariro, vasungwa vakakurumidza kugamuchira mashoko akanaka.

Zvinhu Zviviri Zvinokosha Zvakaitika

Ndichangobudiswa mujeri muna 1952, ndakaonana naNela, imwe hanzvadzi yaiva piyona anoshingaira. Akanga apayona kumaodzanyemba kwePoland. Akazoshanda mu“bheka,” nzvimbo yakavanda yaidhindwa mabhuku edu. Rakanga riri basa rainetesa, raida kungwara uye kuzvipira. Takaroorana muna 1954, uye takapfuurira nebasa renguva yakazara kusvikira mwanasikana wedu, Lidia, azvarwa. Zvadaro takasarudza kuti Nela arege basa rake renguva yakazara, adzokere kumba uye atarisire mwanasikana wedu, kuitira kuti ini ndikwanise kuramba ndichiita basa rokufambira.

Gore iroro, taifanira kuita chimwe chisarudzo chinokosha. Ndakakumbirwa kuti ndishande somutariri weruwa munzvimbo yaifukidza chikamu chimwe pazvitatu zvePoland. Takanyengetera nezvenyaya yacho. Ndaiziva kuti zvaikosha zvakadini kusimbisa hama dzedu dzaiva dzarambidzwa kunamata. Vakawanda vakanga vasungwa, saka vaida kukurudzirwa chaizvo mune zvokunamata. Ndichitsigirwa naNela, ndakabvuma basa racho. Jehovha akandibatsira kushanda somutariri weruwa kwemakore 38.

Kutarisira “Mabheka”

Mazuva iwayo, mutariri weruwa akanga achitarisira “mabheka,” aiva munzvimbo dzaiva kure nedzimwe. Taigara tichivhimwa nemapurisa, achitsvaka kwataidhindira mabhuku uye achida kumisa basa racho. Dzimwe nguva aibudirira, asi hatina kumboshaya zvokudya zvomudzimu zvataida. Zvaiva pachena chaizvo kuti Jehovha aititarisira.

Kuti munhu akumbirwe kuita basa rakaoma uye rine ngozi rokudhinda mabhuku, aifanira kuva akavimbika, akangwara, akazvipira, uye achiteerera. Unhu uhwu ndihwo hwaiita kuti “bheka” rirambe richishanda zvakanaka. Zvakanga zvakaoma kuwana nzvimbo yakanaka yokudhindira mabhuku muchivande. Dzimwe nzvimbo dzaiita sedzakanaka, asi hama dzeikoko dzakanga dzisina kunyanya kungwara. Mune dzimwewo nzvimbo, hama dzainge dzakangwara chaizvo asi nzvimbo yacho isina kunaka. Hama dzakanga dzichida kuzvipira kuita chero chinhu chipi zvacho chisina kujairika. Ndakatenda chaizvo hama nehanzvadzi dzandakanga ndine ropafadzo yokushanda nadzo.

Kudzivirira Mashoko Akanaka

Mumakore iwayo akaoma, taigara tichipomerwa kuti taiita zvinhu zvisiri pamutemo, zvokupandukira, uye taiendeswa kudare. Ichi chakanga chiri chinetso nokuti takanga tisina magweta aitidzivirira. Mamwe magweta aitinzwira tsitsi, asi akawanda akanga achitya kuzivikanwa nevakawanda kuti ndozvaari uye akanga asingadi kuzviisa pangozi nokugumbura zviremera. Zvisinei, Jehovha aiziva zvataida, uye munguva yakakodzera akaita kuti zvinhu zvitinakire.

Alojzy Prostak, mumwe mutariri anofambira wokuKraków, akaitirwa utsinye zvikuru paaibvunzurudzwa zvokuti aitofanira kuendeswa kuchipatara chejeri. Kuramba akasimba kwaakaita pasinei nokurwadziswa mupfungwa nomumuviri kwakaita kuti aremekedzwe uye ayemurwe nevamwe vasungwa vaiva muchipatara. Mumwe wavo akanga ari gweta rainzi Witold Lis-Olszewski, akakangwa mate mukanwa nokushinga kwaHama Prostak. Akataura navo kanoverengeka uye akavimbisa kuti, “Ndikangobuda chete uye ndikabvumirwa kuita basa rangu, ndichada kudzivirira Zvapupu zvaJehovha.” Akaita sezvaakataura.

VaOlszewski vaiva nechikwata chavo chemagweta, chakanga chakatsunga kutibatsira. Munguva yainyanya kutambudzwa hama idzi, magweta aya akadzivirira hama pamhosva dzinenge 30 pamwedzi—imwe chete zuva roga roga! Nokuti VaOlszewski vakanga vachida kunyatsoziva nezvemhosva dzose, ndakanzi ndigare ndichikurukura navo. Ndakashanda navo kwemakore manomwe muma1960 uye muma1970.

Mumazuva iwayo ndakadzidza zvakawanda nezvebasa rezvemitemo. Ndaiwanzoongorora mhosva dzacho, zvaitaurwa negweta—zvakanaka nezvisina kunaka—nzira yokuzvidzivirira nayo zviri pamutemo, uye uchapupu hwevatainamata navo vainge vachipomerwa. Zvose izvi zvakashanda chaizvo mukubatsira hama dzedu, kunyanya vaya vaidanwa kuti vape uchapupu, kuti vazive zvokutaura uye kuti ndepapi pavanofanira kuramba vakanyarara mudare.

Mhosva payainge yava kutongwa, VaOlszewski vaiwanzorara mudzimba dzeZvapupu zvaJehovha. Hakusi kuti vakanga vasina mari yokugara muhotera, asi sezvavakambotaura, “Tisati taenda kudare, ndinoda kuva nemaonero enyu.” Nemhaka yorubatsiro rwavo, mhosva dzakawanda dzakapera zvakanaka. VaOlszewski vakandidzivirira kakawanda, uye havana kumbobvuma kuti ndivabhadhare. Pane chimwe chiitiko, vakaramba kubhadharwa nokuda kwemhosva 30. Nemhaka yei? Vakati, “Ndinoda kutsigirawo zvishoma basa renyu.” Uye basa ravakaita ringadai rakavawanisa mari yakawanda zvikuru. Basa rechikwata chaVaOlszewski rakazivikanwa nezviremera, asi izvozvo hazvina kuvaita kuti vasada kutibatsira.

Zvakaoma kutsanangura uchapupu hwakanaka hwakapiwa nehama dzedu pamatare iwayo. Dzakawanda dzaiuya kumatare kuzonzwa kutonga kwaiitwa uye kuzosimbisa hama dzaipomerwa. Panguva yainyanya kutongwa mhosva dzacho, ndakaverenga vatsigiri vakadaro vanosvika 30 000 mugore rimwe chete. Chokwadi iroro rakanga riri boka rakakura reZvapupu!

Basa Idzva

Pakazosvika 1989 basa redu rakanga rava kubvumirwa. Makore matatu akazotevera hofisi yebazi itsva yakavakwa ikatsaurirwa. Ndakakumbirwa kuti ndinoshanda ikoko pamwe neHospital Information Services, basa randakagamuchira ndichifara. Tichishanda tiri chikwata chevanhu vatatu, takatsigira hama dzedu dzaitarisana nenyaya yokuwedzerwa ropa uye taidzibatsira kudzivirira zvadzaidavira, zvichienderana nehana dzadzo dzechiKristu.—Mabasa 15:29.

Ini nomudzimai wangu tave tichionga kwazvo ropafadzo yokushumira Jehovha muushumiri hwepachena. Nela ave achinditsigira nokundikurudzira nguva dzose. Ndinogara ndichitenda kuti pose pandainge ndine zvakawanda zvokuita zvine chokuita nokunamata kana kuti pandaiendeswa kujeri, haana kumbonyunyuta nezvokusava kwangu pamba. Zvinhu pazvaioma, pane kuti iye aore mwoyo, aitonyaradza vamwe.

Somuenzaniso, muna 1974 ndakasungwa pamwe chete nevamwe vatariri vanofambira. Dzimwe hama dzakaziva nezvazvo dzaida kuudza mudzimai wangu nounyoro. Padzakamuona, dzakabvunza kuti, “Hanzvadzi Nela, magadzirira kunzwa mashoko akaipisisa here?” Pakutanga akamboti tuzu achitya, sezvo akafunga kuti ndakanga ndafa. Paakazoziva zvakanga zvaitika chaizvo, akatura befu achiti: “Mupenyu! Hakasi kokutanga kusungwa.” Pave paya hama dzacho dzakandiudza kuti dzakafarira chaizvo maonero ake akanaka.

Kunyange zvazvo takambopinda munyatwa munguva yakapfuura, Jehovha anogara achitikomborera zvikuru nokuda kwokurambira munzira yake. Tinofara chaizvo kuti mwanasikana wedu, Lidia, nomurume wake, Alfred DeRusha, vakaratidza kuva mhuri yechiKristu ine muenzaniso wakanaka. Vakarera vanakomana vavo, Christopher naJonathan, vakava vashumiri vaMwari vakabhabhatidzwa, izvo zvinowedzera mufaro wedu. Munun’una wangu Ryszard, uye hanzvadzi yangu Urszula, vave vari vaKristu vakatendeka kwemakore akawanda.

Jehovha haana kumbotisiya, uye tinoda kuramba tichimushumira nomwoyo wose. Takanyatsoona kuti mashoko ePisarema 37:34 ndeechokwadi, ayo anoti: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika.” Tinotarisira mberi kunguva iyi nemwoyo yedu yose.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tiri pagungano rakaitirwa mubindu rehama yedu muKraków, muna 1964

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndiine mudzimai wangu Nela, nomwanasikana wedu Lidia, muna 1968

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiine mumwe mukomana Chapupu, asati avhiyiwa mwoyo pasingashandiswi ropa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiina Dr. Wites, chiremba mukuru anovhiya mwoyo yevana asingashandisi ropa, pachipatara chokuKatowice

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiina Nela, muna 2002