Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha “Anopa Mubayiro Vanomutsvaka Nemwoyo Wose”

Jehovha “Anopa Mubayiro Vanomutsvaka Nemwoyo Wose”

Jehovha “Anopa Mubayiro Vanomutsvaka Nemwoyo Wose”

“Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VAHEBHERU 11:6.

1, 2. Nei vamwe vashumiri vaJehovha vangatambura nokufunga kuti havana kukodzera kuva vashumiri vake?

“NDAVE ndiri Chapupu chaJehovha kwemakore anoda kusvika 30, asi handisati ndambonzwa ndakakodzera kunzi Chapupu,” anodaro Barbara. * “Kunyange zvazvo ndakambopayona ndikava nedzimwe ropafadzo dzakawanda, hapana imwe yadzo inonyatsoita kuti ndigutsikane mumwoyo mangu kuti ndakakodzera kunzi Chapupu.” Keith anotaurawo pfungwa dzakafanana. “Dzimwe nguva ndainzwa ndisina kukodzera nokuti vashumiri vaJehovha vane zvikonzero zvakawanda zvokufara, asi ini ndakanga ndisingafari,” anodaro. “Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndiine mhaka, izvo zvakatowedzera kuipisa zvinhu.”

2 Vashumiri vaJehovha vakawanda vakatendeka, vekare nevemazuva ano, vakatambura nemanzwiro akadaro. Dzimwe nguva unombonzwa saizvozvo here? Ungava nezvinetso zvakawanda, asi vaunonamata navo vachiita sevari kunakidzwa noupenyu, sevasina zvinetso uye sevari kufara. Ungaguma woona sokuti Jehovha haakufariri uye kuti hauna kukodzera kutarisirwa naye. Usakurumidza kugumisa kuti ndizvo zvazviri. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “[Jehovha] haana kuzvidza kana kusema dambudziko rounotambudzwa; kana kumuvanzira chiso chake; asi panguva yaakachema kwaari wakamunzwa.” (Pisarema 22:24) Mashoko iwayo ouprofita ezvaMesiya anoratidza kuti Jehovha haangonzwi vakatendeka vake asiwo anovapa mubayiro.

3. Nei tichitamburawo nezvinetso zvemamiriro ezvinhu enguva ino?

3 Hapana munhu asingatamburi nezvinetso zvemamiriro ezvinhu enguva ino—kunyange vanhu vaJehovha. Tiri kurarama munyika inotongwa nomuvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 5:19) Pane kudzivirirwa nenzira inoshamisa, kutaura zvazviri, vashumiri vaJehovha ndivo vari kunyanya kudiwa naSatani. (Jobho 1:7-12; Zvakazarurwa 2:10) Naizvozvo, kusvikira panguva yakatarwa naMwari, tinofanira ‘kutsungirira pakutambudzika’ uye ‘kuramba tichinyengetera,’ tiine chivimbo chokuti Jehovha ane hanya nesu. (VaRoma 12:12) Hatifaniri kukanda mapfumo pasi tofunga kuti Mwari wedu, Jehovha, haatidi!

Mienzaniso Yekare Yokutsungirira

4. Ipa mimwe mienzaniso yevashumiri vaJehovha vakatendeka vakatsungirira mamiriro ezvinhu anoshungurudza.

4 Vashumiri vaJehovha vakawanda vekare vaifanira kutsungirira mamiriro ezvinhu aitambudza. Somuenzaniso, Hana akanga “ane shungu kwazvo” nokuti akanga asina mwana—chinhu chaaiona sokuti chakangofanana nokukanganwika naMwari. (1 Samueri 1:9-11) Eria paaiteverwa naMambokadzi Jezebheri aida kumuponda, akatya uye akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” (1 Madzimambo 19:4) Uye muapostora Pauro anofanira kunge akashungurudzika chaizvo nezvokusakwana kwake paakabvuma kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” Akawedzera kuti: “Ndiri munhu wenhamo!”—VaRoma 7:21-24.

5. (a) Hana, Eria, naPauro vakapiwa mubayiro wei? (b) Kana tichitambura nokuora mwoyo, tinganyaradzwa sei neShoko raMwari?

5 Chokwadi, tinoziva kuti Hana, Eria, naPauro vose vakatsungirira pavaiita basa raJehovha, uye Iye akavapa mubayiro wakakura. (1 Samueri 1:20; 2:21; 1 Madzimambo 19:5-18; 2 Timoti 4:8) Kunyange zvakadaro, vakatambura nemanzwiro akasiyana-siyana anoita vanhu, anosanganisira shungu, kuora mwoyo, uye kutya. Saka hazvifaniri kutishamisa kana tikanzwa taora mwoyo padzimwe nguva. Zvisinei, ungaitei kana kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu kukaita kuti unetseke kuti Jehovha anokuda zvechokwadi here? Unogona kunyaradzwa neShoko raMwari. Somuenzaniso, munyaya yakapfuura, takakurukura nezvemashoko aJesu okuti Jehovha akaverenga “bvudzi romusoro wenyu chairo.” (Mateu 10:30) Mashoko anokurudzira iwayo anoratidza kuti Jehovha anofarira zvikuru mushumiri wake mumwe nomumwe. Yeukawo mufananidzo waJesu weshiri duku. Kana pasina imwe yeshiri duku idzodzo inowira pasi Jehovha asingazvizivi, nei angazoita sokuti haaoni kutambura kwaunoita?

6. Bhaibheri ringanyaradza sei vaya vanofunga sokuti havakoshi?

6 Zvinonyatsoita here kuti isu vanhu vasina kukwana tive vanokosha mumaziso oMusiki ane simba zvikuru, Jehovha Mwari? Hungu! Kutaura zvazviri, pane ndima dzakawanda dzomuBhaibheri dzinotivimbisa izvi. Kana tikadzifungisisa, tinogona kudzokorora mashoko omunyori wepisarema, uyo akati: “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.” (Pisarema 94:19) Ngatimbofungai nezvemamwe mashoko aya anonyaradza ari muShoko raMwari achatibatsira kunzwisisa zvizere kuti Mwari anotikoshesa uye kuti achatipa mubayiro kana tikaramba tichiita zvaanoda.

Vanhu vaJehovha “Chaivo”

7. Uprofita hupi hunokurudzira uhwo Jehovha akaudza rudzi rwakanga ruine uori achishandisa Maraki?

7 Muzana remakore rechishanu B.C.E., mamiriro ezvinhu evaJudha aisiririsa. Vapristi vaigamuchira mhuka dzisina kukodzera uye vaidzipa sezvibayiro paatari yaJehovha. Vatongi vaisarura. Uroyi, kureva nhema, utsotsi, uye upombwe zvakanga zvapararira. (Maraki 1:8; 2:9; 3:5) Maraki akaudza rudzi urwu rwakanga ruine uori hwaiva pachena nezvouprofita hunoshamisa. Nokufamba kwenguva, Jehovha aizoita kuti vanhu vake vafarirwe naye. Tinoverenga kuti: “Vachava vangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.”—Maraki 3:17.

8. Nei Maraki 3:17 inganyanya kushanda kuboka guru?

8 Uprofita hwaMaraki huchazadzikwa mazuva ano nevaKristu vakazodzwa nomudzimu, avo vanoumba rudzi rwomudzimu rwe144-000. Zvechokwadi kuna Jehovha rudzi irworwo “vanhu vake chaivo.” (1 Petro 2:9) Uprofita hwaMaraki hunogonawo kukurudzira ve“boka guru,” avo “vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena.” (Zvakazarurwa 7:4, 9) Ava vanova boka rimwe nevakazodzwa, vachitungamirirwa noMufudzi mumwe, Jesu Kristu.—Johani 10:16.

9. Nei vanhu vaJehovha vari vanhu ‘vake chaivo’?

9 Jehovha anoona sei vaya vanosarudza kumushumira? Sezvakanyorwa pana Maraki 3:17, anovaona semaonero anoita baba vane rudo mwanakomana wavo. Uye cherechedza mashoko oushamwari aanoshandisa kurondedzera vanhu vake—“vangu chaivo.” Dzimwe shanduro dzinoshandura ndima iyoyo dzichiti “vangu pachangu,” “vanhu vangu vandinokoshesa chaizvo,” uye “matombo angu anokosha.” Nei Jehovha aizoona vaya vanomushumira sokuti vanokosha zvakadaro? Chokutanga, ndiMwari anoonga. (VaHebheru 6:10) Anoswedera pedyo nevaya vanomushumira zvinobva pamwoyo uye anovakoshesa.

10. Jehovha anodzivirira sei vanhu vake?

10 Ungafunga nezvechimwe chinhu chaunacho chinokosha chaunoona sechinhu chako chaicho here? Hauedzi kutora matanho okuti uchidzivirire here? Jehovha anodzivirirawo vanhu ‘vake chaivo.’ Zvechokwadi, haadziviriri vanhu vake pamiedzo yose nenjodzi dzose muupenyu. (Muparidzi 9:11) Asi Jehovha anogona kudzivirira vashumiri vake vakatendeka mune zvokunamata uye ndozvaachaita. Anovapa simba ravanoda kuti vatsungirire chero muedzo upi zvawo. (1 VaKorinde 10:13) Nokudaro, Mosesi akaudza vanhu vaMwari vekare, vaIsraeri, kuti: “Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.” (Dheuteronomio 31:6) Jehovha anopa vanhu vake mubayiro. Kwaari, vanhu ‘vake chaivo.’

Jehovha “Anopa Mubayiro”

11, 12. Kuonga basa raJehovha rokuva munhu Anopa mubayiro kungatibatsira sei kudzivisa kusava nechokwadi?

11 Humwe uchapupu hunoratidza kuti Jehovha anokoshesa vashumiri vake ndehwokuti anovapa mubayiro. Akaudza vaIsraeri kuti: “Mundiidze naizvozvi zvino—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Chokwadi, pakupedzisira Jehovha achapa vashumiri vake mubayiro woupenyu husingaperi. (Johani 5:24; Zvakazarurwa 21:4) Uyu mubayiro unokosha zvikuru unoratidza kukura kwakaita rudo rwaJehovha uye rupo rwake. Unoratidzawo kuti chokwadi anokoshesa vaya vanosarudza kumushumira. Kudzidza kuona Jehovha somunhu Anopa mubayiro, ane rupo kunogona kutibatsira kukurira kusava nechokwadi chero kupi zvako nezvoukama hwedu naMwari. Kutaura zvazviri, Jehovha anotikurudzira kuti timuone somunhu Anopa mubayiro! Pauro akanyora kuti: “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

12 Chokwadi, tinoshumira Jehovha nokuti tinomuda—kwete chete nokuti anovimbisa kuti achatipa mubayiro. Kunyange zvakadaro, kuva netariro yokuwana mubayiro kwakakodzera uye hakuratidzi udyire. (VaKorose 3:23, 24) Nemhaka yokuvada kwaanoita uye kuvakoshesa zvikuru kwaanoita, Jehovha ndiye anotanga kupa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.

13. Nei urongwa hworudzikinuro huri uchapupu hukuru zvikuru hwokuti Jehovha anotida?

13 Urongwa hworudzikinuro ndicho chiratidzo chikuru chokukosha kunoita vanhu mumaziso aJehovha. Muapostora Johani akanyora kuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Urongwa hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu hunopesana nepfungwa yokuti hatikoshi mumaziso aJehovha uye kuti haatidi. Zvechokwadi, kana Jehovha akatibhadharira mubhadharo wakakura zvakadaro—kutipa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi—chokwadi anofanira kunge achitida chaizvo.

14. Chii chinoratidza kuti Pauro aiona sei rudzikinuro?

14 Nokudaro, kana ukanzwa sokuti haukoshi, fungisisa nezvorudzikinuro. Chokwadi, ona chipo ichi sechipo chako chakabva kuna Jehovha. Ndizvo zvakaita muapostora Pauro. Yeuka kuti akati: “Ndiri munhu wenhamo!” Zvadaro akazoenderera mberi achiti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” akadaro Pauro, uyo “akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaRoma 7:24, 25; VaGaratiya 2:20) Paaitaura izvi, Pauro akanga asiri kuzvikudza. Aingova nechivimbo chokuti Jehovha aimukoshesa. Kufanana naPauro, iwewo unofanira kudzidza kuona rudzikinuro sechipo chako pachako chinobva kuna Mwari. Jehovha haasi Muponesi ane simba chete asiwo munhu Anopa mubayiro ane rudo.

Ngwarira Manomano aSatani

15-17. (a) Dhiyabhorosi anoshandisa sei kuora mwoyo? (b) Tingakurudzirwa sei nezvakaitika kuna Jobho?

15 Kunyange zvakadaro, ungazviona zvakaoma kudavira kuti mashoko akafuridzirwa anonyaradza ari muShoko raMwari anonyatsoshanda kwauri. Ungafunga kuti mubayiro wokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari chinhu chingawanikwa nevamwe, asi iwe hauna kukodzera kuuwana. Kana ari iwo manzwiro aunoita, ungaita sei?

16 Hapana mubvunzo kuti wakajairana nezano raPauro kuvaEfeso rokuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11) Patinofunga nezvenzira dzinoshandiswa naSatani kunyengedza vanhu, tingakurumidza kufunga zvinhu zvakaita sokunyanya kuda zvinhu zvenyama nounzenza, uye zvakakodzera kuti tifunge izvozvo. Miedzo iyi yakanyengera vanhu vaMwari vakawanda kare uye mazuva ano. Zvisinei, hatifaniri kukanganwa mamwe manomano aSatani—kuedza kwaanoita kuti vanhu vave nechokwadi chokuti Jehovha Mwari haavadi.

17 Dhiyabhorosi ane unyanzvi hwokushandisa manzwiro akadaro paanenge achiedza kubvisa vanhu kuna Mwari. Yeuka mashoko aBhiridhadhi kuna Jobho: “Munhu ungava wakarurama seiko pamberi paMwari? Nomunhu wakazvarwa nomukadzi ungava wakachena sei? Tarira, nomwedziwo unoshayiwa kubwinya, nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake. Ndoda munhu, iro gonye! Nomwanakomana womunhu, iro gonye!” (Jobho 25:4-6; Johani 8:44) Ungafungidzira here kuti mashoko iwayo anofanira kunge aiodza mwoyo zvakadini? Saka, usarega Satani achikuodza mwoyo. Uyewo, ngwarira manomano aSatani kuti uve noushingi uye simba rokurwisa zvikuru kuti uite zvakarurama. (2 VaKorinde 2:11) Kana ari Jobho, kunyange zvazvo aifanira kururamiswa, Jehovha akamupa mubayiro wokutsungirira paakamudzorera zvose zvaakanga arasikirwa nazvo zvapetwa kaviri.—Jobho 42:10.

Jehovha “Mukuru Kune Mwoyo Yedu”

18, 19. “Mwari mukuru kune mwoyo yedu” sei, uye “anoziva zvinhu zvose” pakudini?

18 Chokwadi, zvingava zvakaoma kuita kuti tisaodzwa mwoyo kana manzwiro iwayo akadzika midzi. Asi, mudzimu waJehovha unogona kukubatsira zvishoma nezvishoma kuchinja “zvinhu zvakachererwa zvakasimba . . . [zv]inomutsirwa kupesana nokuziva Mwari.” (2 VaKorinde 10:4, 5) Paunoita sowava kukurirwa nokuora mwoyo, fungisisa mashoko omuapostora Johani, anoti: “Neizvi tichaziva kuti tinobva muchokwadi, uye tichasimbisa mwoyo yedu pamberi pake pamusoro pezvinhu zvose mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri, nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.”—1 Johani 3:19, 20.

19 Chii chinorehwa nemashoko okuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu”? Dzimwe nguva, mwoyo yedu ingaita kuti tinzwe sokuti hatikoshi, kunyanya kana tikaziva kusakwana kwedu uye kukanganisa kwatinoita. Kana kuti dzimwe nguva nemhaka yemarererwo edu, tinonyanya kuzvitarisira pasi, sezvinonzi hapana chatingaita chingagamuchirwa naJehovha. Mashoko omuapostora Johani anotivimbisa kuti Jehovha mukuru kupfuura izvozvo! Haanyanyi kungotarira zvatinokanganisa uye anoziva zvatinogona kuita chaizvo. Anozivawo vavariro dzedu. Dhavhidhi akanyora kuti: “Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Chokwadi, Jehovha anotiziva zviri nani kupfuura kuzviziva kwatinoita!

“Korona Yakanaka” uye “Ukomba Hwoumambo”

20. Uprofita hwaIsaya hwokudzorerwa hunozivisei nezvemaonero anoita Jehovha vashumiri vake?

20 Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akapa vanhu vake vekare tariro yokuti vaizodzorerwa. Pavainge vakatapwa vari muBhabhironi, nyaradzo iyi nokusimbiswa uku ndizvo chaizvo zvaidiwa nevanhu ava vainge vapererwa nezano! Achitarira mberi kunguva yavaizodzorerwa kumusha kwavo, Jehovha akati: “Iwe uchava korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.” (Isaya 62:3) Nemashoko aya, Jehovha akapfekedza vanhu vake kukudzwa norunako. Ndizvo zvaakaitira rudzi rwake rwaIsraeri womudzimu nhasi. Zvinoita sokuti akavaisa pakakwirira kuti vanhu vose vavayeve.

21. Ungawana sei chivimbo chokuti Jehovha achakupa mubayiro nokuda kwokuramba uchitsungirira?

21 Kunyange zvazvo uprofita uhu huchinyanya kuzadzika kune vakazodzwa, hunoratidza kuti Jehovha anokudza vose vanomushumira. Nokudaro, paunenge uchinetseka nokusava nechokwadi, yeuka kuti kunyange zvazvo usina kukwana, unogona kuva akakosha se“korona yakanaka” uye so“ukomba hwoumambo” kuna Jehovha. Naizvozvo ramba uchiita kuti mwoyo wake ufare nokuedza nomwoyo wose kuita zvaanoda. (Zvirevo 27:11) Kana ukadaro, uchava nechivimbo chokuti Jehovha achakupa mubayiro nokuda kwokutsungirira wakatendeka!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mamwe mazita akachinjwa.

Unoyeuka Here?

• Tiri ‘vanhu vaJehovha chaivo’ pakudini?

• Nei zvichikosha kuona Jehovha somunhu Anopa mubayiro?

• Tinofanira kungwarira manomano api aSatani?

• Mwari “mukuru kune mwoyo yedu” munzira ipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pauro

[Mufananidzo uri papeji 26]

Eria

[Mufananidzo uri papeji 26]

Hana

[Mufananidzo uri papeji 28]

Shoko raMwari rine pfungwa dzakawanda dzinonyaradza