Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri

BHUKU reBhaibheri reMadzimambo Rechipiri rinotangira pakasiyira bhuku reMadzimambo Rokutanga. Inhoroondo yemadzimambo 29—12 aibva kuumambo hwaIsraeri hwokuchamhembe uye 17 kuumambo hwaJudha hwokumaodzanyemba. Bhuku reMadzimambo Rechipiri rinorondedzerawo mabasa akaitwa nevaprofita vanoti Eria, Erisha, naIsaya. Kunyange zvazvo isinganyatsorondedzeri zviitiko zvacho maererano nenguva yazvakaitika chaiyo, nhoroondo yacho inosanganisira zvakaitika panguva yakaparadzwa Samaria uye Jerusarema. Pamwe chete, bhuku reMadzimambo Rechipiri rinotaura nezvemakore 340—kubva muna 920 B.C.E. kusvika muna 580 B.C.E., muprofita Jeremia paakapedza kunyora bhuku iri.

Bhuku reMadzimambo Rechipiri rinotibatsirei? Rinotidzidzisei nezvaJehovha uye pamusoro pezvinhu zvaakaita? Tingadzidzei pane zvakaitwa nemadzimambo, vaprofita, nevamwe vanotaurwa mubhuku racho? Ngationei zvatingadzidza mubhuku reMadzimambo Rechipiri.

ERISHA ANOTSIVA ERIA

(2 Madzimambo 1:1–8:29)

Mambo Ahazia waIsraeri anodonha ari pamba pake uye anorwara. Anoudzwa nomuprofita Eria kuti achafa. Ahazia anofa, uye munun’una wake Jehorami anogara pachigaro choumambo. Panguva iyi, Jehoshafati ndiye mambo waJudha. Eria anotorwa nechamupupuri, uye mubatsiri wake Erisha anomutsiva somuprofita. Mumakore anenge 60 anotevera oushumiri hwake, Erisha anoita zvishamiso zvakawanda.—Ona bhokisi rinoti “Zvishamiso zvaErisha.”

Mambo weMoabhi paanopandukira Israeri, Jehorami, Jehoshafati, namambo weEdhomi vanoenda kunorwisana naye. Vanokunda nokuda kwokutendeka kwaJehoshafati. Pava paya, mambo weSiria anoronga kudenha vaIsraeri vasingazvifungiri. Zvisinei, Erisha anotadzisa urongwa hwacho. Mambo weSiria anotsamwa uye anotuma “mabhiza, nengoro, nehondo huru” kuti zvinobata Erisha. (2 Madzimambo 6:14) Erisha anoita zvishamiso zviviri uye anoita kuti vaSiria vadzokere murugare. Nokufamba kwenguva, Bheni-hadhadhi Mambo weSiria anokomba Samaria. Izvi zvinoguma nenzara huru, asi Erisha anofanotaura kuti nzara yacho ichapera.

Kwapera nguva yakati, Erisha anoenda kuDhamasiko. Mambo Bheni-hadhadhi, uyo ava kurwara, anotuma Hazaeri kunobvunza kana achapora paurwere hwake. Erisha anofanotaura kuti mambo achafa uye kuti Hazaeri achatonga panzvimbo yake. Zuva rinotevera racho, Hazaeri anoita kuti mambo wacho atadze kufema achishandisa “jira” nyoro obva atora umambo. (2 Madzimambo 8:15) KuJudha, Jehorami mwanakomana waJehoshafati anova mambo, uye anotsiviwa nomwanakomana wake Ahazia.—Ona bhokisi rinoti “Madzimambo aJudha neaIsraeri.”

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:9—Nei Erisha akakumbira ‘migove miviri yomweya waEria’? Kuti aite basa rokuva muprofita muna Israeri, Erisha aizofanira kuva nemaonero akafanana neakanga aratidzwa naEria, oushingi neokusatya. Achiziva izvi, Erisha akakumbira migove miviri yomweya waEria. Erisha akagadzwa naEria kuti ave mutsivi wake uye akanga ave mushumiri wake kwemakore matanhatu, naizvozvo Erisha aiona Eria sababa vake mune zvokunamata; Erisha akanga akaita sedangwe raEria mune zvokunamata. (1 Madzimambo 19:19-21; 2 Madzimambo 2:12) Nokudaro, sezvo dangwe raiwana zvikamu zviviri zvenhaka yababa varo, Erisha akakumbira Eria zvikamu zviviri zvenhaka yezvokunamata uye akazvipiwa.

2:11—‘Matenga’ api ayo ‘Eria akakwira ari muchamupupuri’? Ichi chakanga chisiri chadenga chiri kure zvikuru uyewo yakanga isiri nzvimbo yomudzimu inogara Mwari nevanakomana vake ngirozi. (Dheuteronomio 4:19; Pisarema 11:4; Mateu 6:9; 18:10) ‘Matenga’ ayo Eria akakwira aiva denga iri ratinoona. (Pisarema 78:26; Mateu 6:26) Zviri pachena kuti payaimhanya nomuchadenga, ngoro yomoto yakatamisa Eria ikamuendesa kune imwe nzvimbo pasi pano, kwaakaramba achigara kwenguva yakati. Kutaura zvazviri, kwapera makore akawanda, Eria akanyora tsamba kuna Jehorami, mambo waJudha.—2 Makoronike 21:1, 12-15.

5:15, 16—Nei Erisha asina kugamuchira chipo chaNaamani? Erisha akaramba chipo chacho nokuti akaziva kuti chishamiso chokuporesa Naamani chakaitwa nesimba raJehovha, kwete rake pachake. Haana kumbova nepfungwa yokuti basa rake raakanga apiwa naMwari riite kuti awane chimwe chinhu. Nhasi vanamati vechokwadi havadi kuti basa raJehovha rivawanise chimwe chinhu. Vanofungisisa zano raJesu rokuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.

5:18, 19—Naamani akanga ari kukumbira ruregerero nokuti akanga aita chiito chokunamata here? Zviri pachena kuti mambo weSiriya akanga akwegura uye asisina simba uye aifanira kuzendamira Naamani kuti awane chinomutsigira. Mambo paakakotama achinamata Rimoni, Naamani akakotamawo. Zvisinei, Naamani akangokotamira kuti atsigire muviri wamambo, kwete kuti anamate. Naamani akanga ari kukumbira Jehovha kuti amukanganwire kuti akanga aita izvi maererano nezvaidiwa nehurumende. Erisha akatenda zvakanga zvataurwa naNaamani uye akati kwaari: “Enda hako nomufaro.”

Zvatinodzidza:

1:13, 14. Kudzidza pane zvatinoona uye kuzvininipisa kunogona kuponesa upenyu.

2:2, 4, 6. Kunyange zvazvo Erisha akanga ave ari mushumiri waEriya zvichida kwemakore matanhatu, akaramba kumusiya. Muenzaniso wakanaka zvikuru wokuvimbika uye woushamwari!—Zvirevo 18:24.

2:23, 24. Chikonzero chikuru chakaita kuti Erisha asekwe chinenge chokuti, munhu aiva nemhanza akanga akapfeka nguo yebasa yaEria. Vana vacho vaiziva kuti Erisha aiva mumiririri waJehovha asi vakanga vasingangomudi munharaunda yavo. Vakamuudza kuti “kwira,” kureva kuti arambe achienda kuBheteri kana kuti atorwe nechamupupuri sezvakanga zvaitwa Eria. Zviri pachena kuti vana vacho vakaratidza kusamufarira sezvaiitwa nevabereki vavo. Zvinokosha zvikuru kuti vabereki vadzidzise vana vavo kuremekedza vamiririri vaMwari!

3:14, 18, 24. Zvinenge zvataurwa naJehovha nguva dzose zvinoitika.

3:22. Chiedza chemangwanani chakaita kuti mvura iite seropa, zvichida nokuti ivhu romumigero yakanga ichangobva kucherwa rakanga riri dzvuku. Jehovha angasarudza kushandisa zvinhu zvaakasika kuti aite zvinangwa zvake.

4:8-11. Achiziva kuti Erisha aiva “munhu mutsvene waMwari,” mumwe mukadzi wokuShunemi akamugamuchira nomutsa. Hatifaniri kugamuchirawo zvakafanana vanamati vakatendeka vaJehovha here?

5:3. Musikana muduku wechiIsraeri aitenda kuti Mwari aigona kuita zvishamiso. Aivawo noushingi hwokutaura nezvokutenda kwake. Imi vaduku munoedza kusimbisa kutenda kwenyu muzvipikirwa zvaMwari uye kuva noushingi hwokutaura chokwadi nevadzidzisi venyu nevamwe vamunodzidza navo here?

5:9-19. Muenzaniso waNaamani hauratidzi here kuti munhu anodada anogona kudzidza kuzvininipisa?—1 Petro 5:5.

5:20-27. Gehazi akawana mugumusiro unorwadza zvikuru nokuda kwokureva nhema! Kufungisisa marwadzo akakura uye njodzi inogona kukonzerwa nokurarama upenyu huviri kungatibatsira kudzivisa izvozvo.

ISRAERI NAJUDHA VANOTAPWA

(2 Madzimambo 9:1–25:30)

Jehu anozodzwa samambo waIsraeri. Anobva angotanga kuparadza imba yaAhabhi. Nounyanzvi Jehu ‘anotsakatisa kunamatwa kwaBhaari muIsraeri.’ (2 Madzimambo 10:28) Pavanoziva kuti mwanakomana wavo aurayiwa naJehu, Atariya, amai vaAhazia, ‘vanosimuka voparadza vana vose voumambo hwaJudha’ uye vanobva vabvuta chigaro choumambo. (2 Madzimambo 11:1) Jehoashi, mwanakomana mucheche waAhazia, ndiye oga anonunurwa uye anozogadzwa samambo waJudha pashure pokuvanzwa kwemakore matanhatu. Achirayiridzwa nomupristi Jehoyadha, Jehoashi anoramba achiita zvakarurama mumaziso aJehovha.

Pashure paJehu, madzimambo ose anotonga Israeri anoita zvakaipa mumaziso aJehovha. Erisha anofa semafiro anoita vanhu vose panguva inenge ichitonga muzukurukomana waJehu. Ahazi ndiye mambo waJudha wechina anozotonga pashure paJehoashi, uye ‘haaiti zvakarurama mumaziso aJehovha.’ (2 Madzimambo 16:1, 2) Zvisinei, mwanakomana wake Hezekia anova mambo ‘anoramba akanamatira kuna Jehovha.’ (2 Madzimambo 17:20; 18:6) Muna 740 B.C.E., Hezekia paanenge ari mambo waJudha uye Hoshea paanenge achitonga Israeri, Mambo Sharmaneseri weAsiriya ‘anopamba Samaria oita kuti vaIsraeri vaende kuAsiriya vari nhapwa.’ (2 Madzimambo 17:6) Naizvozvo, vokune dzimwe nyika vanounzwa munharaunda yaIsraeri, uye chitendero cheSamaria chinotangwa.

Pamadzimambo manomwe anotonga muJudha pashure paHezekia, Josia chete ndiye anoita matanho okubvisa kunamata kwenhema munyika. Pakupedzisira muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vanopamba Jerusarema uye ‘vaJudha vanotapwa munyika yavo.’—2 Madzimambo 25:21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

13:20, 21—Chishamiso ichi chinotsigira here kuti tinofanira kunamata zvinhu zvaimboshandiswa kare mune zvechitendero? Aiwa, hachitsigiri izvozvo. Bhaibheri hariratidzi kuti mapfupa aErisha akambonamatwa. Simba raMwari ndiro rakaita kuti chishamiso ichi chiitike, sezvakaita zvishamiso zvose zvakaitwa naErisha paakanga achiri mupenyu.

15:1-6—Nei Jehovha akarova Azaria [Uzia] nemaperembudzi? “Asi [Uzia] wakati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, . . . , akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.” Vapristi pa“vakadzivisa mambo Uzia,” vakamuudza kuti ‘abude munzvimbo tsvene,’ akatsamwira vapristi akarohwa nemaperembudzi.—2 Makoronike 26:16-20.

18:19-21, 25—Hezekia akanga abatana neIjipiti here? Aiwa. Zvaaipomerwa naRabhisheki dzaiva nhema, kungofanana nezvaaitaura kuti aiuya ‘abvumirwa naJehovha.’ Mambo Hezekia akatendeka aivimba naJehovha bedzi.

Zvatinodzidza:

9:7, 26. Kutongwa kwakasimba kwakaitwa imba yaAhabhi kunoratidza kuti kunamata kwenhema uye kuteura ropa zvinonyangadza Jehovha.

9:20. Mukurumbira waJehu wokuva mutyairi wengoro anomhanyisa wakaratidza kushingaira kwaaiita pakuita basa rake. Iwe unozivikanwa somuzivisi woUmambo anoshingaira here?—2 Timoti 4:2.

9:36, 37; 10:17; 13:18, 19, 25; 14:25; 19:20, 32-36; 20:16, 17; 24:13. Tinogona kuva nechivimbo chokuti ‘shoko rinobuda mumuromo maJehovha richatobudirira chete.’—Isaya 55:10, 11.

10:15. Sezvo Jehonadhabhi akabvuma kukokwa kwaakaitwa naJehu kuti apinde mungoro maaiva, “boka guru” rinoda kutsigira Jesu Kristu, Jehu wemazuva ano, nevateveri vake vakazodzwa.—Zvakazarurwa 7:9.

10:30, 31. Kunyange zvazvo Jehu aikanganisawo, Jehovha akakoshesa zvose zvaakaita. Zvechokwadi, ‘Mwari haasi usakarurama zvokuti ungakanganwa basa redu.’—VaHebheru 6:10.

13:14-19. Sezvo Joashi muzukurukomana waJehu asina kushanda nesimba asi akangopfura pasi nemiseve katatu bedzi, haana kubudirira kukunda vaSiriya zvizere. Jehovha anotitarisira kuti tiite basa rake raakatipa nomwoyo wose uye tichishingaira.

20:2-6. Jehovha ndiye ‘Wokunzwa munyengetero.’—Pisarema 65:2.

24:3, 4. Nokuda kwemhosva yeropa yaiva naManase, Jehovha ‘akaramba kukanganwira’ vaJudha. Mwari anoremekedza ropa revasina mhaka. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatsiva ropa risina mhaka nokuparadza vaya vane mhosva yokuriteura.—Pisarema 37:9-11; 145:20.

Rinokosha Kwatiri

Bhuku reMadzimambo Rechipiri rinoratidza kuti Jehovha Muzadzikisi wezvipikirwa zvake. Kutapwa kwakaitwa vaigara muumambo huviri, kutanga hwaIsraeri ndokuzotevera hwaJudha, kunotisimbisira kuti mutongo wouprofita wakanyorwa pana Dheuteronomio 28:15–29:28 wakazadzika sei. Bhuku reMadzimambo Rechipiri rinorondedzera Erisha somuprofita anoshingairira zita raJehovha zvikuru uye anoshingairira kunamata kwechokwadi. Hezekia naJosia vanoratidzwa semadzimambo anozvininipisa anoremekedza Mutemo waMwari.

Patinofungisisa mafungiro uye zvaiitwa nemadzimambo, vaprofita, nevamwe vanotaurwa nezvavo mubhuku reMadzimambo Rechipiri, hatidzidzi zvidzidzo zvinokosha here pamusoro pezvatinofanira kuedza kuita uye zvatisingafaniri kuita? (VaRoma 15:4; 1 VaKorinde 10:11) Zvechokwadi, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12).

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

ZVISHAMISO ZVAERISHA

1. Mvura yaJodhani inoparadzaniswa.—2 Madzimambo 2:14

2. Mvura yakaipa yeJeriko inorapwa.—2 Madzimambo 2:19-22

3. Vana vane misikanzwa vanourayiwa nemapere.—2 Madzimambo 2:23, 24

4. Mauto anopiwa mvura.—2 Madzimambo 3:16-26

5. Chirikadzi inopiwa mafuta okubikisa.—2 Madzimambo 4:1-7

6. Mudzimai wokuShunemi asingabereki anobereka mwana.—2 Madzimambo 4:8-17

7. Mwana anomutswa kuvakafa.—2 Madzimambo 4:18-37

8. Zvokudya zvine chepfu zvinoitwa kuti zvidyike.—2 Madzimambo 4:38-41

9. Varume zana vanopiwa zvingwa 20.—2 Madzimambo 4:42-44

10. Naamani anoporeswa maperembudzi.—2 Madzimambo 5:1-14

11. Gehazi anopiwa maperembudzi aNaamani.—2 Madzimambo 5:24-27

12. Chese chinoitwa kuti chiyangarare mumvura.—2 Madzimambo 6:5-7

13. Mushandi anoona ngoro dzengirozi.—2 Madzimambo 6:15-17

14. Uto reSiria rinorohwa noupofu.—2 Madzimambo 6:18

15. Uto reSiria rinoitwa kuti rionezve.—2 Madzimambo 6:19-23

16. Munhu akafa anomutswa.—2 Madzimambo 13:20, 21

[Chati/Mifananidzo iri papeji 12]

MADZIMAMBO AJUDHA NEAISRAERI

Sauro/Dhavhidhi/Soromoni: 1117/1077/1037 B.C.E. *

UMAMBO HWAJUDHA MUSI (B.C.E.) UMAMBO HWAISRAERI

Rehobhoami 997 Jerobhoami

Abhija/Asa 980/978

976/975/952 Nadhabhi/Bhaasha/Eraa

951/951/951 Zimri/Omri/Tibhni

940 Ahabhi

Jehoshafati 937

920/917 Ahazia/Jehorami

Jehorami 913

Ahazia 906

(Atariya) 905 Jehu

Jehoashi 898

876/859 Jehoahazi/Jehoashi

Amaziya 858

844 Jerobhoami II

Azaria (Uzia) 829

803/791/791 Zekaria/Sharumi/Menahemi

780/778 Pekahia/Peka

Jotami/Ahazi 777/762

758 Hoshea

Hezekia 746

740 Samaria rinopambwa

Manase Amoni/Josia 716/661/659

Jehoahazi/Jehoyakimi 628/628

Jehoyakini/Zedhekia 618/617

Jerusarema/raparadzwa 607

[Mashoko omuzasi]

^ ndima 66 Mimwe misi yacho inofungidzirwa kuti ndipo panotangira gore rokutonga.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Naamani akazvininipisa uye akaporeswa nesimba raJehovha

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Chii chakaitika kuna Eria pa“akakwira kudenga nechinyamupupuri”?