Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rwendo Rurefu Runokomborerwa

Rwendo Rurefu Runokomborerwa

Rwendo Rurefu Runokomborerwa

PANE mushumo unobva kuDemocratic Republic of Congo wehanzvadzi mbiri mukoma nomunun’una vakasarudza kufamba daro refu munzvimbo yasakadzwa nehondo kuti vanopinda Gungano Reruwa raiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” mutaundi reLisala. Kunze kwokurayiridzwa mune zvokunamata uye kushamwaridzana kwechiKristu kwavaizowana pagungano racho, vaitarisirawo kuzoonana nevamiririri vaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri muKinshasa. Nokuda kwehondo yevagari vomunyika iyoyo, vakanga vava nemakore akawanda vasina kumboona munhu aibva kubazi, uye vakanga vachida kushandisa mukana uyu kuti vamuone.

Vachifamba neigwa, mukoma nomunun’una ava vakabva mumusha wavo weBasankusu vachienda kuLisala, rwendo rwemakiromita 300 nomusango uye vachitevedza nzizi mbiri. Rwendo rwacho rwakavatorera mavhiki matatu. Sezvo vose vari vashumiri venguva yakazara, mumwe ashumira kwemakore matatu uye mumwe 19, vakashandisa zvakanaka rwendo rwavo somukana wokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Vakapedza maawa anenge 110 vachiparidzira vanhu vavaisangana navo munzira, vakagovera maturakiti 200 uye magazini 30.

Vari murwizi, vaifanira kukwasva nepakati pemvuu nemakarwe zvinowanzooneka munzvimbo yacho iyoyo. Vaisagona kukwasva murwizi rwacho usiku—nzvimbo yacho haifambiki kana kwasviba! Vakapfuurawo nepanzvimbo dzakawanda dzaiva nemauto aiongorora.

Kunyange zvazvo rwaiva rwendo rwakareba chaizvo uye rwainetesa, mukoma nomunun’una ava vakafara nezvavakaita. Vaionga uye vakafara chaizvo kuva pagungano muLisala. Vainzwa manyukunyuku nokuda kwechokwadi, uye vakakurudzirwa neboka rakabatana navo rehama nehanzvadzi 7 000. Gungano racho rapera, vakasangana nematambudziko akafanana pakudzokera kumba, kwavakanowana mhuri dzavo dzakachengeteka uye dzichifara.