Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoshushikana Nemanzwiro Aunoita Here?

Unoshushikana Nemanzwiro Aunoita Here?

Unoshushikana Nemanzwiro Aunoita Here?

KWENGUVA yakawanda youpenyu hwake, Lena ave achishushikana nokuzvitarisira pasi. Akati: “Kubatwa chibharo kwandakaitwa kwemakore akawanda pandaiva mwana kwakaita kuti ndisazviremekedza. Ndainzwa sokuti ndakanga ndisingambobatsiri chinhu.” Simone anofungawo nezvouduku hwake uye anoti, “Kutsi kwemwoyo wangu ndainzwa sokuti handina maturo uye ndaifunga kuti ndakanga ndisinganyanyi kukosha.” Mazuva ano zvinoita sokuti kusuwa kwakanyanya kunokonzerwa nemanzwiro akadai kwapararira. Rimwe sangano rinopa mazano parunhare kune vachiri kuyaruka rinoti vanenge hafu pane vanoriridzira runhare vanoti “vanoramba vachifunga kuti havakoshi.”

Maererano nevamwe vanachiremba vepfungwa, kana vamwe vakaita kuti ufunge kuti haukoshi, unotanga kufunga kuti hauna chaunobatsira. Pfungwa dzakadaro dzingatanga kana munhu akagara achingotukwa, kutsoropodzwa zvakanyanyisa, kana kuti kubatwa zvisina kufanira. Pasinei nezvazvinenge zvichiitirwa, zvinoguma zvaitika zvingapedza munhu simba, kunyange kutomuparadza. Imwe ongororo yezvokurapa ichangobva kuitwa yakati vanhu vanozvitarisira pasi kazhinji havazvivimbi uyewo havavimbi nevamwe, zvokuti vangavhiringidza ukama kana kuti ushamwari hwepedyo vasingazivi. Mushumo weongororo yacho unoti, “Mupfungwa yakati, ‘vanoita’ kuti pave nemamiriro ezvinhu avanotya zvikuru.”

Vanhu vanonzwa saizvozvo vanowanzovhiringidzwa nedzinonzi neBhaibheri ‘ndangariro dzavo zhinji.’ (Pisarema 94:19) Vanoona sokuti havamboiti zvinhu nomazvo. Panoitika chinhu chakaipa, vanobva vangozvipa mhosva. Kunyange zvazvo vamwe vangavarumbidza nokuda kwezvavanenge vaita, kutsi kwemwoyo yavo vanenge vachizviona setsotsi richazongobatwa. Vachifunga kuti havana kukodzera kufara, vakawanda vavo vanotanga kuita muitiro unovakuvadza wavanofunga kuti havagoni kugadzirisa. Lena, ambotaurwa, akava nechirwere chakakomba chinokonzerwa nokusadya zvakanaka nokuti aisazviremekedza, uye anobvuma kuti, “Ndaiona sokuti hapana chandaigona kuchinja.”

Vaya vanoshushikana ‘nendangariro zhinji’ dzakadaro vachangoramba vachinzwa saizvozvo kwoupenyu hwavo hwose here? Pane chingaitwa here kuti vakurire pfungwa dzakadaro? Bhaibheri rinotaura mitemo nemazano anoshanda ayo akabatsira vakawanda kuti vabudirire kukurira kushushikana kwacho. Ndeipi mimwe mitemo iyi, uye yakabatsira sei vaishushikana vacho kuti vafare muupenyu hwavo? Nyaya inotevera ichatsanangura.