Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwadza Kunoita Rufu

Kurwadza Kunoita Rufu

Kurwadza Kunoita Rufu

“MWANA ANE MAKORE MATANHATU AZVIURAYA.” Musoro wepepanhau uyu unorovesa hana wakanga uchitaura nezvorufu rwunorwadza rwekamwe kasikana kainzi Jackie. Amai vekasikana aka vakanga vachangobva kufa nechirwere chinouraya. Jackie asati azvikandira pamberi pechitima, akaudza vanun’una vake kuti aida “kuva ngirozi obva ava naamai vake.”

Ian aiva nemakore 18 paakakumbira mupristi wake kuti atsanangure chakanga chaita kuti baba vake vafe nekenza. Mupristi akati sezvo baba vaIan vaiva munhu akanaka, Mwari aida kuti vauye kudenga. Audzwa izvozvo, Ian akati akanga asingadi kuziva Mwari akadaro ane utsinye. Sezvo upenyu hwaiita sohusina chinangwa, Ian akasarudza kuraramira mafaro. Achitsvakisisa mafaro, akatanga kunwa doro, kushandisa zvinodhaka, uye kuita zvounzenza. Upenyu hwake hwakanga husingachadzoreki.

“Vapenyu Vanoziva Kuti Vachazofa”

Zviitiko zviviri izvi zvinoshungurudza zvinoratidza kurwadza kunoita rufu muupenyu hwevanhu, kunyanya parwunoitika tisingafungiri. Ichokwadi kuti tose tinoziva mashoko aya ari muBhaibheri anoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa.” (Muparidzi 9:5) Asi vakawanda vanosarudza kusafunga nezvechokwadi ichocho chinorwadza. Zvakadini newe? Pane zvakawanda zvatinoda kuita uye zvinotitorera nguva yakawanda muupenyu zvokuti tingasafunga nezvorufu, urwo runoita sorwuri kure.

“Vanhu vakawanda vanotya rufu uye vanoedza kusafunga nezvarwo,” inodaro The World Book Encyclopedia. Kunyange zvakadaro, tsaona yakaipisisa kana kuti chirwere chinouraya zvingaita kuti tierekane tatarisana norufu. Kana kuti zvichida mariro eshamwari kana kuti omumwe munhu watiine ukama naye angatiyeuchidza nezvomugumisiro unorwadza wakamirira vanhu vose.

Kunyange zvakadaro, pamariro, vanhu vanenge vachichema vanowanzoti, “Upenyu hunofanira kuenderera mberi.” Uye chokwadi hunodaro. Kutaura zvazviri, upenyu hungaita sohunokurumidza kufamba zvokuti hazvitori nguva refu munhu asati atanga kutarisana nezvinetso zvinokonzerwa nokukwegura. Panguva iyoyo, anenge ava kutarisira kufa. Anenge ava kufanira kuenda kumariro akawanda, uye kutsungirira nzufu dzeshamwari dzakawanda dzaanenge akura nadzo. Vakura vakawanda vanenge vava kunyanya kufunga mubvunzo unovhiringidza wokuti, “Ini ndichafawo rini?”

Mubvunzo Mukuru

Kunyange zvazvo pasina munhu anoramba kuti rufu ruriko, zvinoitika pashure porufu zvingasiya mubvunzo mukuru. Tsananguro dzakawanda dzinopesana dzingaita kuti vanhu vasina chokwadi nezvinodavirwa nevamwe vaone nyaya yacho yose segakava risina musoro rezvinhu zvisingazivikanwi. Munhu anoona zvinhu sezvazviri angati sezvo “uchingorarama kamwe chete,” unofanira kunyatsonakidzwa nezvinhu zvakanaka zvinowanika muupenyu.

Kusiyana neizvi, vamwe vanoramba kudavira kuti rufu ndiwo mugumo wezvose. Kunyange zvakadaro, havanyatsozivi kuti chii chinozoitika pashure. Vamwe vanofunga kuti upenyu hunopfuurira mune imwe nzvimbo ine mufaro usingaperi, vamwewo vanofunga kuti vachararamazve pane imwe nguva iri mberi, zvichida vava mumwe munhu.

Voukama vanenge vafirwa vanongogara vachizvibvunza kuti, “Vakafa vari kupi?” Makore anoverengeka akapfuura, vamwe vatambi vebhora vaienda kunotamba zvavo bhora apo imwe rori yakangoerekana yadhumira pakabhazi kavo kachibva kabuda mumugwagwa. Vashanu vechikwata chacho vakafa. Kubvira musi wakafa mwanakomana wavo mutsaona iyoyo, vamwe amai havana kuzorarama sezvavaisiita. Vanonetseka kuti mwanakomana wavo ari kupi. Vanogara vachienda kuguva rake votaura zvinonzwika kwemaawa akawanda. “Zvinondinetsa kuti ndidavire kuti hapana chinoitika kana munhu afa,” vanochema vachidaro, “asi handinyatsozivi.”

Zviri pachena kuti maonero atinoita rufu ane zvaangaita muupenyu hwedu iye zvino. Tichifunga nezvezvinoitwa nevanhu pavanotarisana nedambudziko rorufu, tinova nemibvunzo yakawanda. Chimbofunga kuti waizovapindura sei. Tinofanira kungokanganwa nezvorufu tongofunga nezvokurarama here? Tinofanira kubvumira kutyisa kworufu kuti kukanganise upenyu hwedu here? Munhu woukama anenge achichema anofanira kusiyiwa zvachose achingofunga nezvokuti vakafa vari kupi here? Rufu runofanira kuramba rwuri chinhu chakavanzika here?