Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutemo Worudo Pamwoyo

Mutemo Worudo Pamwoyo

Mutemo Worudo Pamwoyo

“Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo.”—JEREMIA 31:33.

1, 2. (a) Iye zvino tichakurukurei? (b) Jehovha akazviratidza sei paGomo reSinai?

MUNYAYA mbiri dzakapfuura, takadzidza kuti Mosesi paakaburuka muGomo reSinai, chiso chake chaipenya nemwaranzi yairatidza kubwinya kwaJehovha. Takakurukurawo nezvechifukidziro chaipfekwa naMosesi. Iye zvino ngatimbokurukurai nezvenyaya yakada kuti fananei ine zvainoreva kuvaKristu nhasi.

2 Mosesi paaiva mugomo, akapiwa mirayiridzo naJehovha. Zvavakanga vakaungana mujinga meGomo reSinai, vaIsraeri vakapupurira kuzviratidza kwakaita Mwari pachake kwaishamisa. “Kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamusasa vakadedera. . . . Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha wakanga aburukira pamusoro paro nomoto; utsi hwaro hukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.”—Eksodho 19:16-18.

3. Jehovha akashandisa chii kupa Mirayiro Gumi kuvaIsraeri, uye rudzi irworwo rwakasvika pakunzwisisei?

3 Jehovha akataura nevanhu vacho achishandisa ngirozi, ndokuvapa yakazozivikanwa seMirayiro Gumi. (Eksodho 20:1-17) Saka, pakanga pasina mubvunzo kuti mitemo iyi yaibva kune Wemasimbaose. Jehovha akanyora mirayiro iyoyo pamahwendefa ematombo—mahwendefa akapwanywa naMosesi paakaona vaIsraeri vava kunamata mhuru yendarama. Jehovha akanyorazve mirayiro yacho padombo. Panguva ino, Mosesi paakaburuka akabata mahwendefa acho, chiso chake chaibwinya nemwaranzi. Iye zvino, vose vakanga vava kunzwisisa kuti mitemo iyoyo yaikosha zvikuru.—Eksodho 32:15-19; 34:1, 4, 29, 30.

4. Nei Mirayiro Gumi yaikosha zvikuru?

4 Mahwendefa maviri akanga akanyorerwa Mirayiro Gumi akaiswa mukati meareka yesungano mukamuri reNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri uye gare gare yetemberi. Mitemo yaiva pamahwendefa acho yaitaura paibva sungano yoMutemo waMosesi uye yaidonongodza matongero aizoita Mwari rudzi rwevaIsraeri. Yakapa uchapupu hwokuti Jehovha akanga ari kubata nevamwe vanhu, vanhu vaakanga asarudza.

5. Mitemo yaMwari yaakapa vaIsraeri inoratidza rudo rwake munzira dzipi?

5 Mitemo iyoyo yakaratidza zvakawanda nezvaJehovha, zvikurukuru kuda kwaaiita vanhu vake. Yakava chipo chinokosha kwazvo kune vaya vaiiteerera! Imwe nyanzvi yezvedzidzo yakanyora kuti: “Hakuna kumbova nebumbiro retsika rakagadzirwa nevanhu Mirayiro Gumi yaMwari isati yavapo kana kuti kubvira payakavapo, . . . ringasvika pairi, ringafanana nayo kana kuipfuura.” Achitaura nezvoMutemo waMosesi wose zvawo, Jehovha akati: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.”—Eksodho 19:5, 6.

Mutemo Wakanyorwa Pamwoyo

6. Mutemo upi unokosha zvikuru kudarika mitemo yainge yakanyorwa padombo?

6 Chokwadi, mitemo iyoyo yaMwari yaikosha chaizvo. Zvisinei, waizviziva here kuti vaKristu vakazodzwa vane chimwe chinhu chinokosha zvikuru kudarika mitemo yakanyorwa padombo? Jehovha akafanotaura kuti aizoita sungano itsva yaizenge yakasiyana nesungano yoMutemo yaakaita norudzi rwaIsraeri. “Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo.” (Jeremia 31:31-34) Jesu, Murevereri wesungano itsva, haana kupa vateveri vake mitemo yakanyorwa. Aingoroverera mutemo waJehovha mupfungwa nemwoyo yevadzidzi vake nezvinhu zvaaitaura nokuita.

7. “Mutemo waKristu” wakatanga kupiwa vanaani, uye wakazopiwawo vanaani?

7 Mutemo uyu unonzi “mutemo waKristu.” Wakatanga kupiwa rudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari,” kwete rudzi rwevaIsraeri chaivo avo vaiva vazukuru vaJakobho. (VaGaratiya 6:2, 16; VaRoma 2:28, 29) Israeri waMwari anoumbwa nevaKristu vakazodzwa. Nokufamba kwenguva, “boka guru revanhu” rinobva kumarudzi ose rinodawo kunamata Jehovha rakabatana navo. (Zvakazarurwa 7:9, 10; Zekaria 8:23) Se“boka rimwe” rine “mufudzi mumwe,” mapoka maviri aya anoshandisa “mutemo waKristu,” achiubvumira kuti utungamirire zvose zvaanoita.—Johani 10:16.

8. Ndokupi kusiyana kwakanga kwakaita mutemo waMosesi noMutemo waKristu?

8 Kusiyana nevaIsraeri chaivo, avo vaingoberekwa vari pasi poMutemo waMosesi, vaKristu vanoramba vari pasi pomutemo waKristu nokuzvidira, zvinhu zvakadai sedzinza kana kuti nzvimbo yawakaberekerwa hazvishandi. Vanodzidza nezvaJehovha nenzira dzake uye vanoda kuita zvaanoda. Zvavanenge vaine mutemo waMwari “mukati mavo,” uchiita sowakanyorwa “pamwoyo yavo,” vaKristu vakazodzwa havangoteereri Mwari nokuti anogona kuranga vaya vasingateereri; uyewo havangomuteereri nokuti ndizvo zvavanosungirwa kuita. Kuteerera kwavo kunobva pane chimwe chinhu chinokosha chaizvo uye chine simba zvikuru, uye vaya vemamwe makwai vanoteerera saizvozvowo nokuti mutemo waMwari wakanyorwa pamwoyo yavo.

Mitemo Yakavakirwa paRudo

9. Jesu akaratidza sei kuti mitemo yaJehovha yakanga yakavakirwa parudo?

9 Mitemo yose yaJehovha nemirayiro yake inogona kupfupikiswa neshoko rimwe chete: rudo. Rudo rwagara ruri chinhu chinokosha mukunamata kwakachena uye rucharamba rwakadaro. Paakabvunzwa waiva murayiro mukuru kupfuura yose muMutemo, Jesu akapindura kuti: ‘Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Wechipiri waiva wokuti: ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Akabva ati: ‘Mutemo wose, nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.’ (Mateu 22:35-40) Saka Jesu akaratidza kuti Mutemo waiva neMirayiro Gumi handiwo chete wakanga wakavakirwa parudo asiwo Magwaro ose echiHebheru.

10. Tinoziva sei kuti rudo ndirwo chinhu chinokosha mumutemo waKristu?

10 Kuda Mwari nomuvakidzani chinhu chinokosha here mumutemo uri pamwoyo yevaKristu? Hungu! Mutemo waKristu unosanganisira kuda Mwari nomwoyo wose uye unosanganisira murayiro mutsva—vaKristu vanofanira kuratidzana rudo rwokuzvipira. Vanofanira kudanana sezvakaita Jesu, uye nokuzvidira akapa upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Akadzidzisa vadzidzi vake kuti vade Mwari uye vadanane, sokuvada kwaakaita. Rudo rukuru rwavanoratidzana ndirwo chiratidzo chikuru chinoita kuti vaKristu vechokwadi vazivikanwe. (Johani 13:34, 35; 15:12, 13) Jesu akatovarayira kuti vade vavengi vavo.—Mateu 5:44.

11. Jesu akaratidza sei kuti aida Mwari nevanhu?

11 Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana wokuratidzana rudo. Kunyange zvazvo akanga ari chisikwa chomudzimu chine simba mudenga, akabvuma kushandisa mukana wokusimudzira zvinhu zvaidiwa naBaba vake pasi pano. Pane kungopa upenyu hwake kuti vamwe vararame nokusingaperi, akaratidza vanhu mararamiro avanofanira kuita. Aizvininipisa, aiva nomutsa, uye aiva nehanya, achibatsira vaya vaiva vakaremerwa uye vaidzvinyirirwa. Akapawo “mashoko oupenyu husingaperi,” achibatsira vamwe kuti vazive Jehovha asingakandi mapfumo pasi.—Johani 6:68.

12. Nei zvinganzi kuda Mwari nomuvakidzani zvakabatana chaizvo?

12 Kutaura zvazviri, kuda Mwari nomuvakidzani zvinhu zvakabatana chaizvo. Muapostora Johani akati: “Rudo runobva kuna Mwari . . . Kana munhu akataura kuti: ‘Ndinoda Mwari,’ asi achivenga hama yake, murevi wenhema. Nokuti uyo asingadi hama yake, yaakaona, haagoni kuve achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 4:7, 20) Kuna Jehovha ndiko kunobva rudo uye ndiye ane rudo runogona kutaurwa somunhu. Zvose zvaanoita zvinokonzerwa norudo. Tinodanana nokuti takasikwa nomufananidzo wake. (Genesi 1:27) Kana tichida muvakidzani wedu, tinoratidza kuti tinoda Mwari.

Kuda Zvinoreva Kuteerera

13. Kana tichizoda Mwari, chii chatinofanira kutanga kuita?

13 Tingada sei Mwari watisingaoni? Danho rokutanga rinokosha nderokusvika pakumuziva. Hatigoni kunyatsoda kana kuti kuvimba nomunhu watisingazivi. Saka, Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tisvike pakuziva Mwari nokuverenga Bhaibheri, nokunyengetera, uye nokushamwaridzana nevaya vanotomuziva nokumuda. (Pisarema 1:1, 2; VaFiripi 4:6; VaHebheru 10:25) Mabhuku mana eEvhangeri anokosha zvikuru nokuti anoratidza unhu hwaJehovha sokuratidzwa kwahunoitwa muupenyu hwaJesu Kristu noushumiri hwake. Kuda kwatinoita kuteerera Mwari uye kutevedzera unhu hwake kunotowedzera kusimba patinosvika pakumuziva uye kuonga rudo rwaakatiratidza. Chokwadi, kuda Mwari kunosanganisira kuteerera.

14. Nei zvinganzi mitemo yaMwari hairemi?

14 Kana tichida vanhu, tinoziva zvavanoda nezvavasingadi, uye tinobva taita maererano nezvavanoda. Hatidi kuita zvisingafadzi vaya vatinoda. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” akanyora kudaro muapostora Johani, “kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Hairemi uye haina kuwanda. Rudo ndirwo runotitungamirira. Hatifaniri hedu kuyeuka nomusoro bumbiro rakati remitemo kuti rititungamirire pane zvose zvatinoita; kuda kwatinoita Mwari ndiko kunotitungamirira. Kana tichida Mwari, zvinofadza kuita zvaanoda. Nokudaro tinobva tafarirwa naMwari, uye tinozvibatsira, kutungamirira kwake kunobva kwagara kuchingotibatsira.—Isaya 48:17.

15. Chii chichatibatsira kuti titevedzere Jehovha? Tsanangura.

15 Kuda Mwari kunoita kuti tide kutevedzera unhu hwake. Kana tichida munhu, tinoyemura unhu hwake uye tinoda kuedza kufanana naye. Chimbofunga ukama hwaJehovha naJesu. Vaiva vose mudenga zvichida kwemabhiriyoni emakore. Vakaratidzana rudo rwakadzama, rwechokwadi. Jesu akanga akafanana naBaba vake vokudenga nenzira yakakwana zvokuti aigona kuudza vadzidzi vake kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Zvatinoziva Jehovha noMwanakomana wake uye kuvaonga, tinonzwa tichida kufanana navo. Kuda kwatinoita Jehovha, pamwe chete nokubatsirwa kwatinoitwa nomudzimu wake mutsvene, zvichaita kuti ‘tipfekenure unhu hwekare netsika dzahwo, topfeka unhu hutsva.’—VaKorose 3:9, 10; VaGaratiya 5:22, 23.

Rudo Ruri Kuratidzwa

16. Kuda Mwari nomuvakidzani kunoratidzwa sei nebasa redu rokuparidza nokudzidzisa?

16 SevaKristu, tinobvumira kuda kwatinoita Mwari nomuvakidzani kuti kutikurudzire kuita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Tikadaro, tinofadza Jehovha Mwari, “uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Saka tinogona kuwana mufaro wokubatsira vamwe kuti vanyore mutemo waKristu pamwoyo yavo. Uye tinofara kuona vachifambira mberi sezvo unhu hwavo hunenge huchichinja kuratidza unhu hwakaisvonaka hwaJehovha Mwari. (2 VaKorinde 3:18) Chokwadi, kubatsira vamwe kusvika pakuziva Mwari ndicho chipo chinokosha zvikuru chatingavapa. Vaya vanobvuma kushamwaridzana naJehovha vanogona kuita izvi nokusingaperi.

17. Nei kuri kuchenjera kuda Mwari nomuvakidzani pane kuda zvinhu zvenyama?

17 Tiri kurarama munyika inokoshesa kana kuti inoda kwazvo zvinhu zvenyama. Asi, zvinhu zvenyama hazvigari nokusingaperi. Zvinogona kubiwa kana kuora. (Mateu 6:19) Bhaibheri rinotinyevera kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:16, 17) Chokwadi, Jehovha acharamba aripo nokusingaperi, uye ndizvo zvichaitawo vaya vanomuda uye vanoda kumushumira. Naizvozvo, izvi hazviratidzi here kuti zvine musoro zvikuru kuda Mwari nevanhu kudarika kutsvaka zvinhu zviri munyika izvo zvinongogara kwenguva pfupi?

18. Mumwe mumishinari akaratidza sei rudo rwokuzvipira?

18 Vaya vane rudo vanoita kuti Jehovha arumbidzwe. Chimbofunga nezvaSonia, mumwe mumishinari ari kuSenegal. Akadzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi anonzi Heidi, uyo akawana utachiona hweHIV kubva kumurume wake asingatendi. Murume wake afa, Heidi akabhabhatidzwa, asi nenguva isipi utano hwake hauna kuzotsarukana, uye akaiswa muchipatara pamusana pechirwere cheAIDS. Sonia anoti: “Vashandi vomuchipatara vakaita zvose zvavaikwanisa, asi vaiva vashoma. Vanhu vakanga vazvipira vaibva kuungano vakakumbirwa kuti vamutarisire pane zvaaida kuchipatara. Usiku hwechipiri, ndakagara pabonde pedyo nomubhedha wake uye ndakabatsira kumutarisira kusvikira afa. Chiremba aimutarisira akati: ‘Dambudziko guru ratinaro nderokuti kunyange voukama, pavanoziva kuti vaya vomumhuri dzavo vane AIDS, vanowavanzosiya. Nei iwe, usina ukama naye, usingabvi munyika imwe chete naye, usitombori weganda rimwe naye, uchibvuma kuzviisa pangozi?’ Ndakatsanangura kuti, semaonero andaizviita, Heidi aiva munun’una wangu chaiye, wepedyo chaizvo sokunge kuti takaberekwa naamai nababa vamwe chete. Pandakatanga kuziva munun’una wangu mutsva uyu, ndakafara kumubatsira.” Sezvineiwo, Sonia haana kumborwara nokuda kwokutarisira kwaakaita Heidi norudo.

19. Zvatine mutemo waMwari wakanyorwa pamwoyo yedu, tinofanira kushandisa zvakanaka mukana wei?

19 Mienzaniso yakawanda yevanoratidza rudo rwokuzvipira ingawanika pavashumiri vaJehovha. Hakuna bumbiro romutemo rakanyorwa rinoratidza kuti ava ndivo vanhu vaMwari nhasi. Asi, tiri kuona kuzadzika kwezvakanyorwa pana VaHebheru 8:10 kuti: “‘Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri pashure pemazuva iwayo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo, uye ndichainyora mumwoyo mavo. Uye ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.’” Ngatigare tichikoshesa mutemo worudo wakanyorwa naJehovha pamwoyo yedu, tichishandisa zvakanaka mukana wose wokuratidza rudo.

20. Nei mutemo waKristu uri chinhu chinokosha kwazvo?

20 Zvinofadza kwazvo kushumira Mwari pamwe chete nehama dzedu dziri munyika yose dzinoratidza rudo rwakadaro! Vaya vane mutemo waKristu pamwoyo yavo vane chinhu chinokosha kwazvo munyika ino isina rudo. Havangodiwi naJehovha chete asiwo vanofarira ukama hwakasimba hworudo hwavanahwo nehama dzavo. “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.” Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichigara munyika dzakawanda, zvichitaura ndimi dzakasiyana-siyana, uye zviine tsika dzakasiyana-siyana, zvakabatana zvisingaenzaniswi mukunamata. Kubatana kwazvakaita kunoita kuti zvifarirwe naJehovha. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Nokuti [pavanhu vakabatana vanodanana] ndipo Jehovha paakarayira kuropafadza kwake, ndihwo upenyu husingaperi.”—Pisarema 133:1-3.

Ungapindura Here?

• Mirayiro Gumi yaikosha zvakadini?

• Mitemo yakanyorwa pamwoyo chii?

• Rudo runoshandei mu“mutemo waKristu”?

• Tingaratidza kuda Mwari nomuvakidzani munzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

VaIsraeri vaiva nemitemo yakanga yakanyorwa pamahwendefa ematombo

[Mifananidzo iri papeji 26]

VaKristu vane mutemo waMwari wakanyorwa pamwoyo yavo

[Mufananidzo uri papeji 28]

Sonia aine mumwe musikana wokuSenegal pagungano reruwa rakaitwa muna 2004