Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”

“Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”

“Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”

FUNGIDZIRA uchiverenga pepanhau rine musoro uri pamusoro apa pane kuverenga nezvekasikana kaya kakazviuraya. Ichokwadi kuti hakuna pepanhau rakambotaura mashoko akadai. Asi mashoko ari pamusoro apa anowanika mune rimwe bhuku ragara kwezviuru zvemakore—Bhaibheri.

MuMagwaro, rufu runotsanangurwa zvakajeka. Uyezve, Bhaibheri haringotauri kuti nei tichifa asiwo rinotsanangura mamiriro ezvinhu evakafa uye rinotipa tariro nokuda kwevadiwa vedu vakafa. Rinozopedzisa nokutaura nezvenguva inofadza pazvichange zvava kuita kutaura kuti: “Rufu rwamedzwa nokusingaperi.”—1 VaKorinde 15:54.

Bhaibheri rinotsanangura rufu richishandisa mashoko akajairika kwete asinganzwisisiki. Somuenzaniso, rinogara richifananidza rufu ‘nokurara,’ uye rinorondedzera vanhu vakafa ‘sevakarara murufu.’ (Pisarema 13:3; 1 VaTesaronika 4:13; Johani 11:11-14) Rufu runonziwo “muvengi.” (1 VaKorinde 15:26) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa kuti nei rufu rwakafanana nokurara, nei rufu ruchitambudza vanhu, uye kuti muvengi uyu achazokundwa sei.

Nei Tichifa?

Bhuku rokutanga reBhaibheri rinorondedzera kusika kwakaita Mwari munhu wokutanga Adhamu, uye kumuisa kwaakaita mumusha waiva paradhiso. (Genesi 2:7, 15) Paakatanga kurarama, Adhamu akapiwa mabasa okuita, uye pane chinhu chimwe chete chaakarambidzwa. Nezvomumwe muti waiva mubindu reEdheni, Mwari akamuudza kuti: “Usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” * (Genesi 2:17) Saka, Adhamu aiziva kuti rufu rwaisanzvengeka. Rwaizokonzerwa nokusateerera mutemo waMwari.

Zvinosuwisa kuti Adhamu nomudzimai wake Evha, havana kuteerera. Vakasarudza kusateerera zvaida Musiki wavo, uye vakakohwa migumisiro yacho. “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva,” Mwari akavaudza kudaro paakanga achidonongodza zvaizoitika pamusana pechivi chavainge vaita. (Genesi 3:19) Vakava vasina kukwana zvachose. Vaizofa pamusana pokusakwana kwavo kana kuti chivi chavo.

Kusakwana uku—chivi—kwakavawo pavana vaAdhamu naEvha, pavanhu vose zvavo. Neimwe nzira zvakanga zvakafanana nechirwere chaunoberekwa unacho. Adhamu haana kungorasikirwa nomukana wokurarama upenyu husina dambudziko rorufu chete asiwo akaita kuti vana vake vasave vakakwana. Vanhu vakava varanda vechivi. Bhaibheri rinoti: “Ndokusaka, sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.”—VaRoma 5:12.

‘Chivi Chakapinda Munyika’

Kusakwana uku kana kuti chivi ichi chatinoberekwa tinacho hachioneki. “Chivi” zvinoreva kusakwana mutsika uye mune zvokunamata kwatakawana kuvabereki vedu vokutanga, uye chinokanganisa muviri. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akapa mushonga wacho. Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Mubayiro unoripa chivi rufu, asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Mutsamba yake yokutanga yaakanyorera vaKorinde, Pauro akawedzera vimbiso yaiva nezvayaireva kwaari yokuti: “Sezvo vose vari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.”—1 VaKorinde 15:22.

Zviri pachena kuti Jesu Kristu ane basa rinokosha pakubvisa chivi norufu. Akataura kuti akauya pasi pano ‘kuzopa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.’ (Mateu 20:28) Mamiriro acho ezvinhu akafanana nepanotapwa munhu, anenge atapwa wacho achigona kusunungurwa bedzi kana pabhadharwa mari inenge yataurwa. Kana tiri isu, upenyu hwakakwana hwaJesu ndihwo rudzikinuro runogona kutisunungura pachivi norufu. *Mabasa 10:39-43.

Kuti ape rudzikinuro, Mwari akatuma Jesu pasi pano kuti abayire upenyu hwake. “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari . . . ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Asati afa rufu rwechibayiro, Kristu ‘akapupurira chokwadi.’ (Johani 18:37) Uye paaiita ushumiri hwake hwepachena, akashandisa zvakanaka zvimwe zviitiko kuratidza chokwadi nezvorufu.

“Kasikana . . . Karere”

Jesu aiziva rufu paakanga ari pasi pano. Aiziva kurwadza kwokufirwa nevanhu vaaiziva, uye ainyatsoziva kuti iye pachake aizokurumidza kufa. (Mateu 17:22, 23) Zviri pachena kuti mwedzi yakati Jesu asati aurayiwa, shamwari yake yepamwoyo Razaro akafa. Zvakaitika ipapo zvinotiratidza maonero anoita Jesu rufu.

Achangoudzwa mashoko orufu rwaRazaro, Jesu akati: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Vadzidzi vakati kana Razaro akanga akazorora hake, aizopora. Saka Jesu akataura zvakajeka kuti: “Razaro afa.” (Johani 11:11-14) Zviri pachena kuti Jesu aifananidza rufu nokurara. Kunyange zvazvo zvingatiomera kunzwisisa rufu, tinonzwisisa chinonzi kurara. Kana tikarara zvakanaka usiku, hatizivi nguva inopfuura takarara uye zvinenge zvichiitika nokuti tinenge tisiri kuziva chinhu kwenguva pfupi. Ndiwo chaiwo matsananguriro anoita Bhaibheri mamiriro ezvinhu evakafa. Muparidzi 9:5 inoti: “Vakafa havana chavanoziva.”

Jesu akafananidzawo rufu nokurara nokuti nesimba raMwari vanhu vanogona kumutswa kana vafa. Pane chimwe chiitiko, Jesu akaenda kumba kweimwe mhuri yakanga yakasurukirwa yaiva nekasikana kakanga kachangofa. “Kasikana hakana kufa, asi karere,” akadaro Jesu. Adaro akaenda paiva nekasikana kakafa ndokubata ruoko rwako, uye “kakamuka.”—Mateu 9:24, 25.

Jesu akamutsawo saizvozvo shamwari yake Razaro murufu. Asi asati aita chishamiso ichocho, akanyaradza Marita, hanzvadzi yaRazaro, achiti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Akapindura nechivimbo kuti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Johani 11:23, 24) Zviri pachena kuti aitarisira kuti vashumiri vose vaMwari vaizomutswa pane imwe nguva mune ramangwana.

Rumuko runomborevei chaizvo? Shoko rechiGiriki rokuti “rumuko” (a·naʹsta·sis) rinoreva “kusimuka.” Rinoreva kumuka kubva kune vakafa. Izvi zvingaita sezvisingadaviriki kune vamwe, nepo ataura kuti vakafa vaizonzwa inzwi rake, Jesu akati: “Musashamiswa neizvi.” (Johani 5:28) Kumutsa vanhu kwakaita Jesu paaiva pasi pano kunoita kuti tivimbe nechipikirwa cheBhaibheri chokuti vakafa vanoyeukwa naMwari vachamuka “muhope” dzavo huru. Zvakazarurwa 20:13 inoprofita kuti: “Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi [kuguva kunoenda vanhu vose] zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.”

Vakafa ava vachamutsirwa kuupenyu kuti vozongokwegura uye vofa zvekare here, sezvakaita Razaro? Ichocho hachisi chinangwa chaMwari. Bhaibheri rinotivimbisa kuti ichasvika nguva yokuti “rufu haruchazovipo,” saka hakuna munhu achazokwegura ofa.—Zvakazarurwa 21:4.

Rufu muvengi. Vanhu vane vavengi vakawanda, vakadai sezvirwere uye kukwegura, izvo zvinongokonzerawo kutambura kukuru. Mwari anopikira kuzvikunda zvose, achizopa mutongo muvengi mukuru wevanhu. “Somuvengi wokupedzisira, rufu ruchaparadzwa.”—1 VaKorinde 15:26.

Kana chipikirwa ichocho chazadzika, vanhu vachararama upenyu hwakakwana, husingakanganiswi nechivi norufu. Panguva ino, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti vadiwa vedu vakafa vakazorora, uye kana Mwari achivayeuka, achavamutsa munguva yake yakakodzera.

Kunzwisisa Rufu Kunobatsira Kuti Upenyu Huve Nechinangwa

Kunzwisisa zvakajeka rufu uye tariro yevakafa kunogona kuchinja maonero atinoita upenyu. Ian, ambotaurwa munyaya yapfuura, akaziva kutsanangura kunoita Bhaibheri nezvorufu paaiva nemakore okuma20. “Nguva dzose ndakanga ndiine tariro isina kujeka yokuti baba vangu vari kune imwe nzvimbo,” anodaro. “Saka pandakaziva kuti vakanga vakangorara zvavo murufu, pakutanga ndakaora mwoyo.” Kunyange zvakadaro, paakaverenga chipikirwa chaMwari chokumutsa vakafa, Ian akafara zvikuru kuziva kuti aizogona kuonazve baba vake. “Kokutanga muupenyu hwangu, ndakanzwa ndiine rugare,” anoyeuka kudaro. Kunzwisisa zvakarurama rufu kwakaita kuti ave norugare rwepfungwa rwakamunyaradza.

Clive naBrenda vakafirwa nomwanakomana wavo ane makore 21, Steven, mutsaona yakaipisisa yambotaurwa munyaya yapfuura. Kunyange zvazvo vaiziva zvinotaura Bhaibheri nezvorufu, vakanga vakaora mwoyo nokungoerekana vafirwa nomwanakomana wavo. Kutaura zvazviri, rufu muvengi, uye runoruma zvinorwadza. Kuziva kwavo zvinotaura Magwaro nezvevakafa kwakaderedza marwadzo avo zvishoma nezvishoma. Brenda anoti: “Kunzwisisa kwatinoita rufu kwakaita kuti tigadziridzezve upenyu hwedu uye tipfuurire kurarama. Ichokwadi kuti hapana zuva rimwe rinopfuura tisina kufunga nezvenguva ichamutswa Steven muhope dzake huru.”

“Rufu, Kuruma Kwako Kuri Kupi?”

Zviri pachena kuti kunzwisisa mamiriro ezvinhu evakafa kunogona kutibatsira kuti tione upenyu zvakanaka. Hatifaniri kutadza kunzwisisa rufu. Tinogona kunakidzwa noupenyu tisingatyi muvengi uyu anenge achitityisidzira. Uye kuziva kuti rufu haruparadzi upenyu hwedu zvachose kunoita kuti tisade kuraramira mafaro chete, tichifunga kuti “upenyu hupfupi chaizvo.” Kuziva kuti vadiwa vedu vakafa vari kuyeukwa naMwari vakarara murufu uye vakamirira kumutswa kunogona kutinyaradza uye kuita kuti tidezve kupfuurira kurarama.

Chokwadi, tinogona kutarisira nechivimbo kune ramangwana apo Jehovha Mwari, Mupi woupenyu, achaviga rufu nokusingaperi. Chichava chikomborero zvechokwadi apo tichakwanisa kubvunza zvakarurama kuti: “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”—1 VaKorinde 15:55.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Apa ndipo pokutanga muBhaibheri panotaura nezvorufu.

^ ndima 11 Chakashandiswa kubhadhara rudzikinuro hwaiva upenyu hwakakwana nokuti ndihwo hwakanga hwaraswa naAdhamu. Chivi chakasvibisa vanhu vose, saka hapana munhu asina kukwana aizogona kupa rudzikinuro. Nokudaro, Mwari akatuma Mwanakomana wake kubva kudenga nokuda kwechinangwa ichocho. (Pisarema 49:7-9) Kana uchida mashoko akawanda panyaya iyi, ona chitsauko 7 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kusateerera kwaAdhamu naEvha ndiko kwakakonzera rufu

[Mufananidzo uri papeji 6]

Jesu akabata ruoko rwekasikana kakanga kafa, uye kakamuka

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vakawanda vakamirira nguva ichamutswa vadiwa vavo vakafa muhope, sezvakaitwa Razaro