Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ucharatidza Kubwinya kwaMwari Here?

Ucharatidza Kubwinya kwaMwari Here?

Ucharatidza Kubwinya kwaMwari Here?

‘Tinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha.’—2 VAKORINDE 3:18.

1. Mosesi akaonei, uye chii chakazoitika?

HAPANA munhu akanga amboratidzwa zvinhu zvinoshamisa zvakadai. Ari oga, panhongonya yeGomo reSinai, Mosesi akaratidzwa zvinhu zvisina kujairika zvaakanga akumbira kuona. Akabvumirwa kuona zvakanga zvisina kumbobvira zvaonekwa nomunhu upi zvake—kubwinya kwaJehovha. Zvechokwadi, Mosesi haana kuona Jehovha chaiye. Mwari anobwinya chaizvo pakuoneka kwake zvokuti hakuna munhu angamuona akararama. Asi Jehovha akavharidzira Mosesi no“ruoko” rwake kuti amudzivirire kusvikira Iye apfuura, uye zviri pachena kuti akaita izvi achishandisa ngirozi yaimumiririra. Zvadaro, Jehovha akabvumira Mosesi kuona chiedza chairatidza kuti kubwinya kwake kwakanga kwapfuura. Jehovha akabva ataurawo naMosesi achishandisa ngirozi. Bhaibheri rinorondedzera zvakazoitika richiti: “Zvino Mosesi wakati achiburuka pagomo reSinai . . . ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura [naJehovha].”—Eksodho 33:18–34:7, 29.

2. Muapostora Pauro akanyorei nezvokubwinya kunoratidzwa nevaKristu?

2 Fungidzira uina Mosesi mugomo iroro. Zvaizofadza chaizvo kuona kunaka kwoWemasimbaose uye kuteerera zvaaizotaura! Chokwadi yaizova ropafadzo kuburuka muGomo reSinai uina Mosesi, murevereri wesungano yoMutemo! Zvisinei, unozviziva here kuti mune dzimwewo nzira vaKristu vechokwadi vanoratidza kubwinya kwaMwari nenzira inotodarika yakaratidzwa naMosesi? Chokwadi ichocho chinotokonya pfungwa chinowanika mutsamba yakanyorwa nomuapostora Pauro. Akanyora kuti vaKristu vakazodzwa ‘vanoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha.’ (2 VaKorinde 3:7, 8, 18) Mupfungwa yakati, vaKristu vane tariro yepasi vanoratidzawo kubwinya kwaMwari.

Kuratidza Kunoita VaKristu Kubwinya kwaMwari

3. Tava kuziva sei Jehovha nenzira dzakanga dzisipo mumazuva aMosesi?

3 Tingaratidza sei kubwinya kwaMwari? Hatina kumboona Jehovha kana kunzwa achitaura sezvakaita Mosesi. Zvisinei, tava kuziva Jehovha nenzira dzakanga dzisipo mumazuva aMosesi. Jesu akatozouya saMesiya makore anoda kusvika 1 500 Mosesi afa. Nokudaro, Mosesi akanga asingakwanisi kuziva kuti Mutemo waizozadziswa sei naJesu, uyo akafa kuti adzikinure vanhu muuranda hwakaipisisa hwechivi norufu. (VaRoma 5:20, 21; VaGaratiya 3:19) Uyezve, Mosesi aingonzwisisa zvishomanana nezvokunaka kwechinangwa chaJehovha, chine chokuita noUmambo hwaMesiya, uye Paradhiso yahuchaunza pasi pano. Saka isu tinoona kubwinya kwaJehovha, kwete nemaziso edu chaiwo, asi nemaziso okutenda, zvichikonzerwa nedzidziso dzeBhaibheri. Uyezve, takanzwa inzwi raJehovha, kwete nengirozi, asi nomuBhaibheri, zvikurukuru nomumabhuku eEvhangeri, anorondedzera zvakaisvonaka dzidziso dzaJesu noushumiri hwake.

4. (a) VaKristu vakazodzwa vanoratidza sei kubwinya kwaMwari? (b) Vaya vari kutarisira kugara pasi pano vangaratidza kubwinya kwaMwari munzira dzipi?

4 Kunyange zvazvo vaKristu vasingaratidzi kubwinya kwaMwari nemwaranzi inopenya pazviso zvavo, zviso zvavo zvinopenya chaizvo pavanenge vachiudza vamwe nezvounhu hunobwinya hwaJehovha nezvinangwa zvake. Nezvezuva redu, muprofita Isaya akafanotaura kuti vanhu vaMwari vaizo“paridza kubwinya [kwaJehovha] pakati pamarudzi.” (Isaya 66:19) Uyezve, pana 2 VaKorinde 4:1, 2, tinoverenga kuti: “Zvatiine ushumiri uhwu . . . , takaramba zvinhu zvakavanzika zvatinonyara nazvo, tisingafambi nemanomano, kana kushatisa shoko raMwari, asi nokuonesa chokwadi tichizvirumbidza kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.” Pauro aireva zvikurukuru vaKristu vakazodzwa, vari “vashumiri vesungano itsva.” (2 VaKorinde 3:6) Asi ushumiri hwavo hwakava nezvahwakabatsira vanhu vasingaverengeki vane tariro youpenyu husingaperi pasi pano. Ushumiri hwemapoka acho ose hunosanganisira kuratidza kubwinya kwaJehovha kwete pane zvavanodzidzisa chete asiwo mumararamiro avo. Ibasa redu uye iropafadzo yedu kuratidza kubwinya kwaMwari Wokumusorosoro!

5. Kubudirira kwedu mune zvokunamata kunopa uchapupu hwei?

5 Nhasi, mashoko akanaka anokudzwa oUmambo hwaMwari ari kuparidzwa mupasi rose rinogarwa, sezvakafanotaurwa naJesu. (Mateu 24:14) Vanhu vemarudzi ose, madzinza, vanhu nendimi vakabvuma nechido mashoko akanaka uye vakachinja upenyu hwavo kuitira kuti vaite kuda kwaMwari. (VaRoma 12:2; Zvakazarurwa 7:9) Kufanana nevaKristu vepakutanga, havagoni kurega kutaura nezvezvinhu zvavakaona nezvavakanzwa. (Mabasa 4:20) Vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu, vakawanda kudarika vakambovapo munhoroondo ipi zvayo yevanhu, vari kuratidza kubwinya kwaMwari nhasi. Uri mumwe wavo here? Kubudirira mune zvokunamata kwevanhu vaMwari kunopa uchapupu hunogutsa hwokuti Jehovha ari kuvakomborera uye ari kuvadzivirira. Kuti mudzimu waJehovha uri patiri zvinonyanya kuoneka kana tichitarisa masimba ari kurwisana nesu. Regai tione kuti nei izvi zvakadaro.

Vanhu vaMwari Havazombonyaradzwi

6. Nei tichida kutenda nokushinga kuti timiririre Jehovha?

6 Ngatitii wadanwa kudare kuti upe uchapupu hunopikisa tsotsi remakoko. Unoziva kuti tsotsi racho rine sangano rine simba zvikuru uye richashandisa zvinhu zvose zvarinazvo kuti usarifumure. Kuti iwe upe uchapupu hunopikisa tsotsi rakadaro zvingada kushinga nechivimbo chokuti vane simba vachakudzivirira kuti risakukuvadza. Tiri mumamiriro ezvinhu akafanana. Kuti tipupurire Jehovha nezvinangwa zvake, tinopupura tichipikisa Satani Dhiyabhorosi, tichimufumura kuti iye muurayi uye murevi wenhema ari kutsausa pasi rose rinogarwa. (Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9) Kuti umiririre Jehovha uye upikise Dhiyabhorosi, zvinoda kutenda nokushinga.

7. Satani ane simba zvakadini, uye ari kuedza kuitei?

7 Chokwadi, Jehovha ndiye Wokumusorosoro. Ane simba zvikuru kudarika Satani. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha haangokwanisi bedzi kutidzivirira asiwo kuti anoda kutidzivirira sezvatinomushumira takavimbika. (2 Makoronike 16:9) Kunyange zvakadaro, Satani ndiye mutongi wemadhimoni uye wenyika yevanhu vasingadi Mwari. (Mateu 12:24, 26; Johani 14:30) Zvaari munzvimbo iri pedyo nepasi uye ‘zvaakatsamwa kwazvo,’ Satani anoshora zvakasimba vashumiri vaJehovha uye anoshandisa nyika yaari kutonga kuedza kuti vose vari kuparidza mashoko akanaka vanyarare. (Zvakazarurwa 12:7-9, 12, 17) Ari kuita sei izvi? Munzira dzinenge nhatu.

8, 9. Satani anoshandisa sei rudo rusina kururama, uye nei tichifanira kungwarira pakusarudza shamwari dzedu?

8 Imwe nzira inoshandiswa naSatani kuedza kutitsausa ndeyezvinhu zvatinoda muupenyu. Vanhu vari mumazuva ano okupedzisira vanoda mari, vanozvida, uye vanoda mafaro. Havadi Mwari. (2 Timoti 3:1-4) Zvavakabatikana muzvinhu zvoupenyu hwezuva nezuva, vanhu vakawanda ‘havasi kuteerera’ mashoko akanaka atinovaudza. Havatombofariri kudzidza chokwadi cheBhaibheri. (Mateu 24:37-39) Isu tinogonawo kuguma tava nemafungiro akadaro, otinyengera kuti titsimwaire mune zvokunamata. Kana tikakudziridza kuda zvinhu uye mafaro oupenyu, kuda kwatinoita Mwari kuchaderera.—Mateu 24:12.

9 Nokuda kwechikonzero ichi, vaKristu vanosarudza nokungwarira vavanoshamwaridzana navo. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) ‘Ngatifambidzanei’ nevaya vanoratidza kubwinya kwaMwari. Zvinofadza chaizvo kuita saizvozvo! Patinoungana pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo pamisangano yeungano uye pane dzimwe nguva, tinokurudzirwa norudo rwadzo, kutenda, kufara, uye uchenjeri hwadzo. Ushamwari hwakanaka hwakadaro hunosimbisa chisarudzo chedu chokutsungirira muushumiri hwedu.

10. Satani akashandisa kunyomba munzira dzipi pane vaya vanoratidza kubwinya kwaMwari?

10 Nzira yechipiri inoshandiswa naSatani kuedza kuti vaKristu vose vasaratidze kubwinya kwaMwari ndeyokunyomba. Nzira iyi haifaniri kutishamisa. Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu Kristu akanyombwa—akasekwa, akazvidzwa, akatsvinyirwa, haana kuremekedzwa, uye akatopfirwa mate chaiwo. (Mako 5:40; Ruka 16:14; 18:32) VaKristu vepakutanga vaisekwawo. (Mabasa 2:13; 17:32) Vashumiri vaJehovha vemazuva ano vanobatwa zvisina kufanira saizvozvowo. Maererano nomuapostora Petro, chokwadi, vaizodanwa kunzi “vaprofita venhema.” Petro akafanotaura kuti: “Mumazuva okupedzisira kuchauya vaseki nokuseka kwavo, vachapfuurira maererano nokuchiva kwavo vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupi? Chokwadi, . . . zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zviri chaizvo kubva pakutanga kwokusika.’” (2 Petro 3:3, 4) Vanhu vaMwari vanonyombwa vachinzi havaoni zvinhu sezvazviri. Mitemo yetsika iri muBhaibheri inoonekwa seyechinyakare. Vakawanda vanoona mashoko atinoparidza soupenzi. (1 VaKorinde 1:18, 19) SevaKristu, tinganyombwa kuchikoro, kubasa, uye pane dzimwe nguva nevomumhuri chaivo. Tisingaodzwi mwoyo, tinoramba tichiratidza kubwinya kwaMwari nokuparidza kwatinoita, tichiziva kuti Shoko raMwari nderechokwadi, sezvaiita Jesu.—Johani 17:17.

11. Satani akatambudza sei vaKristu achiedza kuita kuti vanyarare?

11 Imwe nzira yechitatu inoshandiswa naDhiyabhorosi kuedza kuti tinyarare ndeyokutishora kana kuti yokutitambudza. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Vanhu vachakutambudzai uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 24:9) Chokwadi, seZvapupu zvaJehovha, takatambudzwa noutsinye munzvimbo dzakawanda dzepasi. Tinoziva kuti kubvira kare Jehovha akafanotaura kuti ruvengo rwaizovapo pakati pevaya vanoshumira Mwari nevanoshumira Satani Dhiyabhorosi. (Genesi 3:15) Kana tikaramba takavimbika patinoedzwa, tinopupurira kuti uchangamire hwaJehovha ndihwo hwakarurama. Kuziva izvi kunogona kuita kuti tive vakasimba kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Hakuna kutambudza kuchambofa kwakaita kuti tinyarare zvachose kana tikaramba takatsunga kuratidza kubwinya kwaMwari.

12. Nei tichifanira kufara kana tikaramba takatendeka patinoshorwa naSatani?

12 Unoramba kukwezva kwenyika ndokuratidza kuti wakatendeka pasinei nokunyombwa nokushorwa here? Kana uchidaro une chikonzero chokufara. Jesu akavimbisa vaya vaizomutevera kuti: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga; nokuti nenzira iyoyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.” (Mateu 5:11, 12) Kutsungirira kwako kunopa uchapupu hwokuti mudzimu mutsvene waJehovha une simba uri pauri, uri kukupa simba rokuti uratidze kubwinya kwake.—2 VaKorinde 12:9.

Jehovha Ndiye Anotibatsira Kutsungirira

13. Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti titsungirire muushumiri hwedu hwechiKristu?

13 Chimwe chikonzero chikuru chinoita kuti titsungirire muushumiri hwedu ndechokuti tinoda Jehovha uye tinofarira kuratidza kubwinya kwake. Vanhu vanowanzotevedzera vanhu vavanoda nevavanoremekedza, uye hakuna munhu akakodzera kuti timutevedzere kudarika Jehovha Mwari. Nokuti ane rudo zvikuru, akatumira Mwanakomana wake pasi pano kuti apupure chokwadi nokudzikinura vanhu vanoteerera. (Johani 3:16; 18:37) Kufanana naMwari, tinoda kuti vanhu vemarudzi ose vasvike pakupfidza uye vaponeswe; ndosaka tichivaparidzira. (2 Petro 3:9) Chido ichi, pamwe chete nokutsunga kutevedzera Mwari, zvinoita kuti titsungirire kuratidza kubwinya kwake kuburikidza noushumiri hwedu.

14. Jehovha anotisimbisa sei kuti titsungirire muushumiri hwedu?

14 Zvisinei, chinotonyanya kukosha ndechokuti simba rinotigonesa kutsungirira muushumiri hwedu hwechiKristu rinobva kuna Jehovha. Anotichengeta uye anotisimbisa achishandisa mudzimu wake, sangano rake, uye Shoko rake, Bhaibheri. Jehovha “anogovera kutsungirira” kune vaya vanoda kuratidza kubwinya kwake. Anopindura minyengetero yedu uye anotipa uchenjeri hwokuona zvokuita mumiedzo. (VaRoma 15:5; Jakobho 1:5) Uyezve, Jehovha haabvumiri kuti tiwane muedzo upi zvawo watisingakwanisi kutsungirira. Kana tichivimba naJehovha, achatiwanisa nzira yokubuda nayo kuitira kuti tirambe tichiratidza kubwinya kwake.—1 VaKorinde 10:13.

15. Chii chinotibatsira kutsungirira?

15 Kutsungirira muushumiri hwedu kunopa uchapupu hwokuti mudzimu waMwari uri patiri. Somuenzaniso: Ngatitii mumwe munhu akakukumbira kuti ugovere chingwa cheimwe mhando pamba nemba, mahara. Unorayirwa kuita izvi uchishandisa mari yako nenguva yako. Uyezve, pasina nguva ngani unoona kuti vanhu vashomanana chaizvo vari kunyatsoda chingwa chako; vamwe vanenge vachitoshora zvaunenge uchiedza kuita pakugovera chingwa ichi. Unofunga kuti waizopfuurira kuita basa iroro mwedzi nemwedzi, gore negore here? Zvichida waisazodaro. Asi, ungave wakashanda nesimba kuzivisa mashoko akanaka panguva yako uchishandisa mari yako kwemakore, kunyange makumi emakore. Nei? Handi kuti nokuti unoda Jehovha uye kuti iye ari kukomborera zvaunoita nokukubatsira kutsungirira achishandisa mudzimu wake here? Ndizvozvo chaizvo!

Basa Richayeukwa

16. Kutsungirira muushumiri hwedu kunorevei kwatiri uye kune vaya vanotiteerera?

16 Ushumiri hwesungano itsva chipo chisingaenzaniswi nezvimwe. (2 VaKorinde 4:7) Saizvozvowo, ushumiri hwechiKristu hunoitwa nemamwe makwai mupasi rose hunokosha. Sezvaunoramba uchitsungirira muushumiri hwako, sezvakanyorwa naPauro kuna Timoti, unogona ku“zviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Funga kuti izvozvo zvinorevei. Mashoko akanaka aunoparidza anopa vamwe mukana wokurarama nokusingaperi. Unogona kuva noushamwari hwakasimba nevaya vaunobatsira mune zvokunamata. Fungidzira kuti zvichafadza sei kurarama nokusingaperi muParadhiso nevaya vawakabatsira kuziva nezvaMwari! Chokwadi havazombofi vakakanganwa zvaunenge wakaita kuti uvabatsire. Zvichakugutsa kwazvo!

17. Nei nguva yedu yakasiyana nedzimwe munhoroondo yevanhu?

17 Uri kurarama munguva yakasiyana nedzimwe munhoroondo yevanhu. Mashoko akanaka haazomboparidzwi zvekare munyika yevanhu vasingadi Mwari. Noa akararama munyika yakadaro, uye akaiona ichipfuura. Anofanira kunge akafara kuziva kuti akaita kuda kwaMwari nokutendeka paakavaka areka, iyo yakaita kuti iye nemhuri yake vapone! (VaHebheru 11:7) Iwewo unogona kuwana mufaro wakadaro. Funga kuti uchanzwa sei munyika itsva pauchatarira basa raunenge wakaita mumazuva ano okupedzisira, uchiziva kuti wakaita zvawaikwanisa kusimudzira zvinhu zvoUmambo.

18. Jehovha anovimbisa uye anokurudzira chii vashumiri vake?

18 Saka, ngatirambei tichiratidza kubwinya kwaMwari. Tikadaro tichazviyeuka nokusingaperi. Jehovha anoyeukawo mabasa edu. Bhaibheri rinotaura mashoko aya anokurudzira: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira. Asi tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo, kuti murege kuva vane usimbe, asi muve vatevedzeri veavo vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.”—VaHebheru 6:10-12.

Ungatsanangura Here?

• VaKristu vanoratidza kubwinya kwaMwari sei?

• Satani anoshandisa dzimwe nzira dzipi kuita kuti vanhu vaMwari vanyarare?

• Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti tine mudzimu waMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Chiso chaMosesi chairatidza kubwinya

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Tinoratidza kubwinya kwaMwari muushumiri hwedu