Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakristu Vanoratidza Kubwinya kwaJehovha

Vakristu Vanoratidza Kubwinya kwaJehovha

Vakristu Vanoratidza Kubwinya kwaJehovha

“Maziso enyu anofara nokuti anoona, uye nzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.”—Mateu 13:16.

1. Mubvunzo upi watingafunga maererano nezvakaitwa nevaIsraeri pavakaona Mosesi paGomo reSinai?

VAISRAERI vakanga vakaungana paGomo reSinai vaiva nechikonzero chakanaka chokuswedera pedyo naJehovha. Kutaura zvazviri, akanga avabudisa muIjipiti noruoko rune simba. Akavapa zvavaida, akavapa zvokudya nemvura murenje. Zvadaro, akaita kuti vakunde uto rakavarwisa revaAmareki. (Eksodho 14:26-31; 16:2–17:13) Sezvavakanga vakadzika misasa murenje pamberi peGomo reSinai, vanhu vakatya kwazvo mheni nokupenya kwaiitika zvokuti vakadedera. Pava paya vakaona Mosesi achiburuka muGomo reSinai, chiso chake chichiratidza kubwinya kwaJehovha. Zvisinei, pane kuti vashamiswe uye kubvuma kuti Jehovha akanga aratidza kubwinya kwake, vakasuduruka. “Vakatya kuswedera [pedyo naMosesi].” (Eksodho 19:10-19; 34:30) Nei vaitya kuona kubwinya kwaJehovha kwairatidzwa, uyo akanga avaitira zvakawanda kwazvo?

2. Nei vaIsraeri vangadaro vakatya pavakaona kubwinya kwaMwari kwaioneka pana Mosesi?

2 Zvingangova kuti kutya kwevaIsraeri panguva ino kwakanga kuine chokuita nezvakanga zvamboitika. Pavakarega nemaune kuteerera Jehovha nokugadzira mhuru yendarama, akavaranga. (Eksodho 32:4, 35) Pavakarangwa naJehovha vakadzidza uye vakaonga chirango chacho here? Kwete, vakawanda havana. Ava kuda kufa, Mosesi akayeuka nezvenguva yavakamboumba mhuru yendarama nezvimwe zviitiko zvokusateerera kwevaIsraeri. Akati kune vanhu: “Makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake. Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.”—Dheuteronomio 9:15-24.

3. Mosesi akaitei nezvokufukidza chiso chake?

3 Chimbofunga nezvezvakaitwa naMosesi paakaona kuti vaIsraeri vaitya. Nhoroondo yacho inoti: “Zvino Mosesi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi kana Mosesi opinda [mutebhenekeri] pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsraeri zvarayirwa. Vana vaIsraeri vakaona chiso chaMosesi, kuti ganda rechiso chaMosesi raibwinya; zvino Mosesi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura [naJehovha].” (Eksodho 34:33-35) Nei Mosesi aifukidza chiso chake pane dzimwe nguva? Tingadzidzei mune izvi? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzingatibatsira kuongorora ukama hwedu naJehovha.

Mikana Isina Kushandiswa Zvakanaka

4. Pauro akaratidza kuti kufukidza kwaiita Mosesi chiso chake kwairevei?

4 Muapostora Pauro akatsanangura kuti kufukidza kwaiita Mosesi chiso chake kwakanga kune chokuita nepfungwa uye zvakanga zvakaita mwoyo yevaIsraeri pachavo. Pauro akanyora kuti: ‘Vana vaIsraeri vaisagona kuramba vakatarira chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwaiva pachiso chake, simba ravo rokufunga rakagomadzwa.’ (2 VaKorinde 3:7, 14) Zvaisuruvarisa chaizvo! VaIsraeri vaiva vanhu vakanga vasarudzwa naJehovha, uye aida kuti vaswedere pedyo naye. (Eksodho 19:4-6) Asi vakanga vasingadi kunyatsotarisa kubwinya kwaMwari. Pane kuti mwoyo yavo nepfungwa zvitarire kuna Jehovha nokuzvipira norudo, zvavakaita zvakaratidza kuti ivo vakatotsauka kwaari.

5, 6. (a) VaJudha vomuzana remakore rokutanga nevaIsraeri vomuzuva raMosesi vakanga vakafanana pakudini? (b) Vaya vakateerera Jesu nevaya vasina kumuteerera vakanga vakasiyana pakudini?

5 Pane izvi tinowana kuti zvakafananawo nezvakaitika muzana remakore rokutanga C.E. Panguva yakazotendeukira Pauro kuchiKristu, sungano yoMutemo yakanga yatsiviwa nesungano itsva, yairevererwa naJesu Kristu, Mosesi Mukuru. Pane zvaaitaura nezvaaiita, Jesu akaratidza kubwinya kwaJehovha nenzira yakakwana. NezvaJesu akamutswa Pauro akanyora kuti: ‘Ndiye kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari nomufananidzo wake chaiwo.’ (VaHebheru 1:3) VaJudha vaiva nomukana wakaisvonaka chaizvo! Vaikwanisa kuteerera mashoko oupenyu husingaperi aibva kuMwanakomana waMwari pachake! Zvinosuruvarisa kuti vazhinji pane vakaparidzirwa naJesu havana kuteerera. Nezvavo, Jesu akadzokorora mashoko ouprofita akataurwa naJehovha achishandisa Isaya okuti: “Mwoyo worudzi urwu wave mukukutu, uye nenzeve dzavo vakanzwa vasingadavidzi, uye vakatsinzina maziso avo; kuti varege kumboona nemaziso avo uye kunzwa nenzeve dzavo vowana pfungwa yacho nemwoyo yavo vadzoke, ndivaporese.”—Mateu 13:15; Isaya 6:9, 10.

6 Paiva nomusiyano wakakura pakati pevaJudha nevadzidzi vaJesu, avo Jesu akati nezvavo: “Maziso enyu anofara nokuti anoona, uye nzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.” (Mateu 13:16) VaKristu vechokwadi vanoda kuziva uye kushumira Jehovha. Vanofarira kuita zvaanoda, sokuratidzwa kwazvinoitwa muBhaibheri. Ukuwo, vaKristu vakazodzwa vanoratidza kubwinya kwaJehovha muushumiri hwavo hwesungano itsva, uye vaya vemamwe makwai vanoita saizvozvowo.—2 VaKorinde 3:6, 18.

Nei Mashoko Akanaka Achifukidzwa

7. Nei zvisingashamisi kuti vakawanda vanoramba mashoko akanaka?

7 Sezvataona, muzuva raJesu neraMosesi, vaIsraeri vakawanda vakaramba mukana wakanga wakasiyana nemimwe wavaiva nawo. Zvakangofananawo nomuzuva redu. Vanhu vakawanda vanoramba mashoko akanaka atinovaparidzira. Izvi hazvitishamisi. Pauro akanyora kuti: “Kana mashoko akanaka atinozivisa chaizvoizvo akafukidzwa, akafukidzwa kune vanoparara, kune vasingatendi avo mwari wegadziriro ino yezvinhu akapofumadza pfungwa.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Kuwedzera pane zvinoedza kuitwa naSatani kuvanza mashoko akanaka, vanhu vakawanda vanofukidza zviso zvavo nokuti havadi kuona.

8. Vakawanda vakapofumadzwa nokusaziva munzira ipi, uye tingaita sei kuti tisapofumadzwewo saizvozvo?

8 Maziso okufananidzira evakawanda akapofumadzwa nokusaziva. Bhaibheri rinotaura nezvemarudzi evanhu sokunge kuti ari ‘murima mupfungwa, uye akaparadzaniswa noupenyu hwaMwari, nemhaka yokusaziva kuri maari.’ (VaEfeso 4:18) Asati ava muKristu, Pauro, murume ainyatsoziva Mutemo, akanga akapofumadzwa zvikuru nokusaziva zvokuti aitambudza ungano yaMwari. (1 VaKorinde 15:9) Asi Jehovha akamuratidza chokwadi. Pauro akatsanangura kuti: “Chakaita kuti ndinzwirwe ngoni ndechokuti neni somuenzaniso mukuru Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake wose kuitira muenzaniso avo vachaisa kutenda kwavo paari nokuda kwoupenyu husingaperi.” (1 Timoti 1:16) Kufanana naPauro, vakawanda vaimboshora chokwadi chaMwari iye zvino vava kumushumira. Ichi chikonzero chakanaka chokuti tirambe tichipupurira kunyange kune vaya vanotishora. Panguva ino, kana tikaramba tichidzidza Shoko raMwari nguva dzose uye tichirinzwisisa, tinodzivirirwa kuti tisaita zvinhu nokusaziva, izvo zvingasafadza Jehovha.

9, 10. (a) VaJudha vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei kuti vakanga vasingadi kudzidza uye vasingadi kuchinja maonero avo? (b) Nhasi chiKristudhomu chinoitawo zvakafanana here? Tsanangura.

9 Vakawanda havanyatsozwisisi zvinhu zvokunamata nokuti havadi kudzidza uye havadi kuchinja maonero avo. VaJudha vakawanda vakaramba Jesu nedzidziso dzake nokuti vakaramba vakaomerera kuMutemo waMosesi. Zvechokwadi, paivawo nevamwe vakanga vasina kudaro. Somuenzaniso, Jesu amutswa, “boka guru revapristi rakatanga kuteerera kukutenda.” (Mabasa 6:7) Kunyange zvakadaro, nezvevaJudha vakawanda, Pauro akanyora kuti: “Kusvikira nanhasi nguva yose inoraviwa Mosesi, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo.” (2 VaKorinde 3:15) Zvichida Pauro aiziva zvakanga zvambotaurwa naJesu kuvatungamiriri vechitendero paakati: “Munonzvera Magwaro, nokuti munofunga kuti muchava noupenyu husingaperi nawo; uye iwaya ndiwo chaiwo anondipupurira.” (Johani 5:39) Magwaro avainzvera chaizvo angadai akavabatsira kuziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya. Zvisinei, vaJudha vaiva nemafungiro avo, uye hapana kana chishamiso chakaitwa noMwanakomana waMwari chakaita kuti vachinje mafungiro.

10 Izvi zvakafananawo nevakawanda vari muchiKristudhomu nhasi. Kufanana nevaJudha vomuzana remakore rokutanga, “vanoshingairira Mwari; asi kwete maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Kunyange zvazvo vamwe vachidzidza Bhaibheri, havadi kudavira zvarinotaura. Vanoramba kuti Jehovha ari kudzidzisa vanhu vake achishandisa boka romuranda akatendeka neakangwara revaKristu vakazodzwa. (Mateu 24:45) Kunyange zvakadaro, isu tinoziva kuti Jehovha ari kudzidzisa vanhu vake uye kuti kunzwisiswa kwechokwadi chaMwari kwagara kuchingofambira mberi. (Zvirevo 4:18) Kana tikabvuma kudzidziswa naJehovha, tichakomborerwa nokuziva zvaanoda uye chinangwa chake.

11. Pfungwa yevanhu yokudavira zvavanoda yakaitei pakuvanza chokwadi?

11 Vamwe vakapofumadzwa nepfungwa yokudavira zvavanoda. Zvakafanotaurwa kuti vamwe vaizonyomba vanhu vaMwari neshoko ravanenge vachizivisa rine chokuita nokuvapo kwaJesu. Muapostora Petro akanyora kuti: “Maererano nokuda kwavo, vanokundikana kuziva chinhu ichi,” kuti Mwari akaunza mafashamo panyika yomunguva yaNoa. (2 Petro 3:3-6) Saizvozvowo, vakawanda vanozviti vaKristu vanowanzobvuma kuti Jehovha ane ngoni, mutsa, uye anokanganwira; asi vanoramba chokwadi chokuti haaregi kupa chirango. (Eksodho 34:6, 7) VaKristu vechokwadi vanoedza nomwoyo wose kunzwisisa zvinhu chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri.

12. Vanhu vakapofumadzwa sei netsika?

12 Vakawanda vanoenda kuchechi vakapofumadzwa netsika. Kuvatungamiriri vechitendero vomuzuva rake, Jesu akati: “Makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nemhaka yetsika yenyu.” (Mateu 15:6) Vadzoka kubva kwavakanga vakatapwa kuBhabhironi, vaJudha vakashingairira kudzorera kunamata kwakachena, asi vapristi pachavo vakava vanhu vaidada uye vaizviti vakarurama. Mhemberero dzechitendero dzakanga dzava kungoitwa zvechirango, dzisingaremekedzi Mwari chaizvoizvo. (Maraki 1:6-8) Pakazosvika Jesu, vanyori nevaFarisi vakanga vawedzera tsika dzisingaverengeki paMutemo waMosesi. Jesu akafumura varume ivavo achiti vaiva vanyengeri nokuti vakanga vasingachanzwisisi paibva Mutemo. (Mateu 23:23, 24) VaKristu vechokwadi vanofanira kungwarira kuti vasabvumire tsika dzechitendero dzakanga dzatangwa nevanhu kuvatsausa kubva pakunamata kwakachena.

‘Kuona Uyo Asingaoneki’

13. Mosesi akaona kumwe kubwinya kwaMwari munzira dzipi mbiri?

13 Mosesi akakumbira kuti aone kubwinya kwaMwari mugomo, uye akaona chiedza chairatidza kuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwapfuura. Paaipinda mutebhenekeri, Mosesi akanga asingapfeki chifukidziro. Mosesi aiva murume aiva nokutenda kwakadzama aida kuita zvinoda Mwari. Kunyange zvazvo akakomborerwa nokuona kumwe kubwinya kwaJehovha pane zvaakaratidzwa, neimwewo pfungwa akanga atoona Mwari nemaziso ake okutenda. Bhaibheri rinoti Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27; Eksodho 34:5-7) Uye akaratidza kubwinya kwaMwari kwete bedzi nemwaranzi yaibva pachiso chake kwenguva pfupi asiwo nezvaakaita kubatsira vaIsraeri kuti vazive uye vashumire Jehovha.

14. Jesu akaona sei kubwinya kwaMwari, uye aifarirei?

14 Ari kudenga, Jesu akaona zvakananga kubwinya kwaMwari kwemakore asingaverengeki, kunyange zvinhu zvose zvisati zvasikwa. (Zvirevo 8:22, 30) Munguva yose iyoyo, ukama hworudo rwakadzama noushamwari hwakavapo. Jehovha Mwari akaratidza rudo rukuru uye ushamwari kudangwe iri rezvisikwa zvake zvose. Jesu aiitawo zvakafanana achiratidza rudo rukuru uye ushamwari kuna Mwari wake, Mupi Woupenyu. (Johani 14:31; 17:24) Rudo rwaiva pakati paBaba noMwanakomana rwaiva rwakakwana. Jesu kufanana naMosesi, aifarira kuratidza kubwinya kwaJehovha pane zvaaidzidzisa.

15. VaKristu vanoratidza sei kubwinya kwaMwari?

15 Kufanana naMosesi naJesu, Zvapupu zvaMwari zvemazuva ano zviri pasi pano zvinoda chaizvo kuratidza kubwinya kwaJehovha. Hazvina kuramba mashoko akanaka anokudzwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi pakunenge kune kutendeukira kuna Jehovha [kuti kuda kwake kuitwe], chifukidziro chacho chinobviswa.” (2 VaKorinde 3:16) Tinodzidza Magwaro nokuti tinoda kuita kuda kwaMwari. Tinoyemura kubwinya kunooneka muchiso choMwanakomana waJehovha naMambo akazodzwa, Jesu Kristu, uye tinotevedzera muenzaniso wake. Kufanana naMosesi naJesu, takapiwa basa rokuita ushumiri, rokudzidzisa vamwe nezvaMwari anobwinya watinonamata.

16. Tinobatsirwa sei nokuziva chokwadi?

16 Jesu akanyengetera kuti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, . . . nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” (Mateu 11:25) Jehovha anoita kuti vaya vanoita zvinhu nomwoyo wose uye vane mwoyo unozvininipisa vanzwisise zvinangwa zvake nounhu hwake. (1 VaKorinde 1:26-28) Ndiye anotidzivirira, uye anotidzidzisa zvinotibatsira zvizere muupenyu. Ngatishandise zvakanaka mukana wose unoita kuti tiswedere pedyo naJehovha, tichikoshesa zvinhu zvakawanda zvaanotipa kuti tisvike pakunyatsomuziva.

17. Tinosvika sei pakunyatsoziva unhu hwaJehovha?

17 Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti: ‘Patinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha nezviso zvisina kufukidzwa tinoshandurirwa mumufananidzo wakafanana kubva pakubwinya kuenda pakubwinya.’ (2 VaKorinde 3:18) Zvisinei nokuti tariro yedu ndeyokudenga here kana kuti ndeyepasi pano, kana tikanyatsoziva Jehovha—unhu hwake hunotaurwa muBhaibheri—tinobva tada kufanana naye zvikuru. Kana tikafungisisa tichionga upenyu hwaJesu Kristu, ushumiri hwake, uye zvaakadzidzisa, tichanyatsoratidza unhu hwaJehovha. Zvechokwadi zvinofadza kuziva kuti tiri kurumbidza Mwari wedu, ane kubwinya kwatinoda kuratidza!

Unoyeuka Here?

• Nei vaIsraeri vaitya pavakaona kubwinya kwaMwari kwaioneka pana Mosesi?

• Munzira dzipi idzo mashoko akanaka “akafukidzwa” muzana remakore rokutanga? muzuva redu?

• Tinoratidza sei kubwinya kwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 19]

VaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarira chiso chaMosesi

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kufanana naPauro, vakawanda vaimboshora chokwadi chaMwari iye zvino vari kumushumira

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vashumiri vaJehovha vanofarira kuratidza kubwinya kwaMwari