Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vangadai Vakabva Vangosunungurwa”

“Vangadai Vakabva Vangosunungurwa”

“Vangadai Vakabva Vangosunungurwa”

MUMWE mwanasikana womukoma weaimbova purezidhendi weFrance, anonzi Geneviève De Gaulle akaziva Zvapupu zvaJehovha paaiva mumusasa wevasungwa weNazi waiva kuRavensbrück, kuchamhembe kweGermany. Akanyora mashoko ari pamusoro apa mutsamba yake muna August 1945.

Musasa wevasungwa uri paAuschwitz, kuPoland, wakawana rusununguko musi waJanuary 27, 1945. Kubvira muna 1996, zuva iri rave richiyeukwa muGermany nokuda kwevanhu vakatambudzwa noutongi hwaHitler hwainzi Hitler’s Third Reich.

Mumashoko ake okuyeuka aakataura musi waJanuary 27, 2003, purezidhendi weParamende yeHurumende yeBaden-Württemberg, anonzi Peter Straub, akati: “Tinofanira kuremekedza zvikuru vanhu vose vakatambudzwa pamusana pezvavanodavira mune zvechitendero kana kuti zvematongerwe enyika uye vakabvuma kufa pane kuteerera hurumende yaHitler, asi zvakaoma kuvaremekedza nemashoko chete. Chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndicho chete chakaramba zvachose kuita zvairayirwa nehurumende yaHitler: Havana kusaruta Hitler. Vakaramba kupika kuti vaizoramba vakavimbika kuna ‘Führer neHurumende,’ sokuramba kwavaingoita basa rechiuto kana kuti kuita mamwe mabasa aitsigira varwi. Uye vana vavo havana kubatana nesangano rainzi Hitler Youth Movement.”

Jesu Kristu akati nezvevateveri vake: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:16) Saka, zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha zvainyatsokonzerwa nezvazvaidavira. Straub akaenderera mberi achiti: “Zvapupu zvaJehovha, izvo zvaifanira kupfeka chiratidzo chetriangle yepepuru pambatya dzazvo pazvaiva mumusasa wevasungwa, ndizvo bedzi zvaigona kuita kuti zvisaurayirwa zvazvaidavira. Kudai zvakangosaina gwaro rokuramba zvazvaidavira, zvingadai zvisina kuurayiwa.”

KuZvapupu zvizhinji, zvakanga zvisingaiti kuti zvirambe zvazvaitenda. Saka, vanenge 1 200 vakafa munguva yevaNazi. Vane mazana maviri nemakumi manomwe vakaurayirwa kuramba kuita basa rechiuto nemhaka yokutungamirirwa nehana dzavo. Havana kungotaura nomuromo chete mashoko aya anoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakangofananawo nevamwe vanhu vose, sezvakataurwa naUlrich Schmidt, purezidhendi weParamende yeHurumende yokuNorth Rhine-Westphalia. Richitaura nezvemashoko ake, bhurocha rinonzi Landtag Intern rakazvidana kuti “vanhu vakafanana nevamwe, avo vaitevera hana yavo, vakaramba vakasimba pane zvavaidavira zvechitendero, vakaratidza kuti vaiva zvizvarwa zvakashinga, uye havana kuteerera hurumende yeNazi nemhaka yezvavaidavira sevaKristu.” Tinogona kuvimba kuti Jehovha anofarira vose vanoramba vakavimbika kwaari mumamiriro ezvinhu akaoma. Pana Zvirevo 27:11, tinoverenga kuti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Courtesy of United States Holocaust Memorial Museum