Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rekare rokuGermany Rinoshandisa Zita raMwari

Bhaibheri Rekare rokuGermany Rinoshandisa Zita raMwari

Bhaibheri Rekare rokuGermany Rinoshandisa Zita raMwari

ZITA raMwari pachake, Jehovha, rinooneka kanopfuura ka7 000 muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yakabudiswa mumutauro wokuGermany muna 1971. * Zvisinei, iri rakanga risiri Bhaibheri rokutanga rokuGermany kushandisa zita raMwari. Kunenge kuti Bhaibheri rokutanga rokuGermany iro raiva nezita rokuti Jehovha rakabudiswa makore anenge 500 apfuura naJohann Eck, mufundisi akakurumbira weRoma Katurike.

Johann Eck akaberekwa muna 1486 nechokumaodzanyemba kweGermany. Pazera remakore 24, akanga atova purofesa mune zvechitendero payunivhesiti yeIngolstadt, basa raakaramba achiita kusvikira paakazofa muna 1543. Eck akararama panguva imwe chete naMartin Luther, uye vaviri ava vakashamwaridzana kwekanguva. Zvisinei, Luther akazova chamangwiza weVatsigiri Vokuchinja, nepo Eck akanga achidzivirira Chechi yeKaturike.

Mutongi weBavaria akakumbira Eck kuti ashandurire Bhaibheri mumutauro wokuGermany, uye shanduro yacho yakazobudiswa muna 1537. Maererano nebhuku rinonzi Kirchliches Handlexikon, shanduro yake yakatevedzera chaizvo magwaro ekare uye “inofanira kuwana mukurumbira unopfuura waiinawo iye zvino.” Shanduro yaEck pana Eksodho 6:3 inoti: “Ndini Ishe, akazviratidza kuna Abrahamu, Isaka, uye Jakobho ndiri Mwari Wemasimbaose: uye zita rangu Adonai, handina kurizivisa kwavari.” Eck akawedzera mashoko mumucheto mendima yacho okuti: “Zita rokuti Adonai Jehoua.” Nyanzvi dzeBhaibheri dzakawanda dzinofunga kuti uku ndiko kwaiva kutanga kushandiswa kwezita raMwari pachake muBhaibheri rokuGermany.

Zvisinei, zita raMwari rave richizivikanwa uye richishandiswa kwezviuru zvemakore. Zita rokuti “Jehovha” rakatanga kunyorwa mumutauro wechiHebheru marinoshandiswa kuzivisa Mwari wechokwadi bedzi. (Dheuteronomio 6:4) Anenge makore 2 000 akapfuura, mashoko aJesu okuti akanga aita kuti zita raMwari rizivikanwe akanyorwa muchiGiriki. (Johani 17:6) Kubvira ipapo, zita racho rakabudiswa mumitauro isingaverengeki, uye nokukurumidza, mukuzadzika kwePisarema 83:18, vanhu vose vachaziva kuti iye ane zita rinonzi Jehovha ndiye Wokumusorosoro kwepasi rose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kutanga muChirungu muna 1961. Iye zvino rava kuwanikwa rakazara kana kuti chikamu charo mumitauro inopfuura 50.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Shanduro yeBhaibheri yaEck yomuna 1558 ine mashoko omumucheto pazita rokuti Jehovha pana Eksodho 6:3