Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba naMwari Munguva Ino Inonetsa

Famba naMwari Munguva Ino Inonetsa

Famba naMwari Munguva Ino Inonetsa

“Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi. Haana kuzovapo, nokuti Mwari akamutora.”—GENESISI 5:24.

1. Ndezvipi zvimwe zviri kuitika munguva yatiri kurarama zvinoita kuti ititambudze zvikuru?

NGUVA inonetsa! Mashoko iwayo anonyatsorondedzera makore okusagadzikana neechisimba zvakatambudza vanhu kubvira pakagadzwa Mesiya kuva Mambo muna 1914. Munguva yose iyoyo, vanhu vave vari mu“mazuva okupedzisira.” Matambudziko akadai senzara, zvirwere, kudengenyeka kwepasi, nehondo zvakavatambudza pamwero usati wamboitika. (2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 6:1-8) Vaya vanonamata Jehovha vave vachitamburawo. Kusvika pamwero wakati, tose tinofanira kutarisana nematambudziko uye kusagadzikana zviri kuitika panguva yatiri kurarama. Zvinetso zvemari, kusagadzikana kwezvematongerwe enyika, utsotsi, uye urwere ndezvimwe zvinhu zvinoita kuti upenyu huome zvikuru.

2. Vashumiri vaJehovha vakatarisana nematambudziko api?

2 Kuwedzera kune izvozvo, vashumiri vaJehovha vakawanda vakatsungirira kugara vachitambudzwa zvakasimba sezvo Satani ari kuramba achirwa nevaya “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:17) Kunyange zvazvo tose tisina kutambudzwa zvakananga, vaKristu vechokwadi vose vanofanira kurwisana naSatani Dhiyabhorosi uye nemaonero aanoita kuti vanhu vave nawo. (VaEfeso 2:2; 6:12) Zvatinosangana nevanhu vane maonero akadaro kubasa, kuchikoro, uye kune dzimwe nzvimbo dzatinofanira kuonana nevaya vasingafariri kunamata kwakachena, tinofanira kuramba takasvinurira.

Famba naMwari, Kwete Nemarudzi

3, 4. VaKristu vakasiyana nenyika pakudini?

3 Kare muzana remakore rokutanga, vaKristu vakarwisawo zvakasimba kuti vasava nemaonero enyika ino, uye izvozvo zvakaita kuti vasiyane chaizvo nevaya vakanga vasiri muungano yechiKristu. Pauro akarondedzera musiyano wacho paakanyora kuti: “Naizvozvo, ndinotaura nokupupurira izvi munaShe, kuti hamucharambi muchifambazve sokufamba kunoita mamwe marudzi mukusabatsira kwepfungwa dzawo, paanenge ari murima mupfungwa, uye akaparadzaniswa noupenyu hwaMwari, nokuda kwokusaziva kuri maari, nokuda kwokuoma kwemwoyo yawo. Asisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika, akazviregerera asingazvibati kuti aite zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose nokukara.”—VaEfeso 4:17-19.

4 Mashoko iwayo anotsanangura zvakajeka zvikuru zarima renyika ino mune zvokunamata uye mune zvetsika—raiva muzuva raPauro neriri muzuva redu! Kufanana nomuzana remakore rokutanga, nhasi vaKristu havarambi ‘vachifamba sokufamba kunoita mamwe marudzi.’ Pane kudaro, vane ropafadzo yakaisvonaka yokufamba naMwari. Chokwadi, vamwe vanhu vangashamisika kana zviine musoro kutaura kuti vanhu vakaderera, vasina kukwana vanofamba naJehovha. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti vanogona kudaro. Uyezve, Jehovha anototarisira kuti vadaro. Muzana remakore rechisere B.C.E., muprofita Mika akanyora mashoko akafuridzirwa anotevera: “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?”Mika 6:8.

Nei Tichifanira Kufamba naMwari uye Sei?

5. Munhu asina kukwana angafamba sei naMwari?

5 Tingafamba sei naMwari ane masimba ose, asingaoneki? Zviri pachena kuti hatifambi naye semafambiro atinoita nevanhu. MuBhaibheri shoko rokuti “kufamba” rinogona kureva “zvaunogara uchiita.” * Tichifunga nezveizvi, tinonzwisisa kuti munhu anofamba naMwari anogara achiita zvinhu zvinotaurwa naMwari uye zvinomufadza. Kutevera nzira yakadaro kunotisiyanisa nevanhu vakawanda zvikuru vakatipota. Asi ndizvo bedzi zvinofanira kusarudzwa nomuKristu. Nei? Pane zvikonzero zvakawanda.

6, 7. Nei kufamba naMwari iri iyo nzira yakanakisisa?

6 Chokutanga, Jehovha ndiye Musiki wedu, Tsime roupenyu hwedu, uye Akatipa zvose zvatinoda kuti tirarame. (Zvakazarurwa 4:11) Saka, ndiye oga ane kodzero yokutiudza mafambiro atinofanira kuita. Kuwedzera kune izvozvo, kufamba naMwari ndiyo nzira inobatsira zvikuru yatingaita. Kune vaya vanofamba naye, Jehovha akaita urongwa hwokuti vakanganwirwe zvivi, uye anotipa tariro yechokwadi youpenyu husingaperi. Baba vedu vokudenga vane rudo zvikuru vanotipawo zano rokuchenjera rinobatsira vaya vanofamba naye kuti vabudirire muupenyu iye zvino, pasinei nokuti havana kukwana uye vari kurarama munyika iri musimba raSatani. (Johani 3:16; 2 Timoti 3:15, 16; 1 Johani 1:8; 2:25; 5:19) Chimwe chinoita kuti tifambe naMwari ndechokuti kuda kwatinoita kufamba naye kunobatsira kuti muungano muve norugare uye kubatana.—VaKorose 3:15, 16.

7 Chokupedzisira uye chinonyanya kukosha ndechokuti patinofamba naMwari, tinoratidza watinotsigira panyaya huru yakatangwa mumunda weEdheni—nyaya yeakakodzera kuva changamire. (Genesisi 3:1-6) Tinoratidza nemararamiro edu kuti tinotsigira Jehovha zvizere, uye tinozivisa tisingatyi kuti iye oga ndiye akakodzera kuva Changamire. (Pisarema 83:18) Saka tinoita zvinoenderana nomunyengetero wedu kuti zita raMwari ritsveneswe uye kuti kuda kwake kuitwe. (Mateu 6:9, 10) Vaya vanosarudza kufamba naMwari vakachenjera zvikuru! Vanogona kuva nechokwadi chokuti vari kufamba mugwara rakarurama, sezvo Jehovha ari iye “akachenjera oga.” Haambokanganisi.—VaRoma 16:27.

8. Nguva yakararama Inoki naNoa yakafanana nenguva yatiri kurarama pakudini?

8 Zvisinei, zvingaita sei kuti tirarame semararamiro anofanira kuita vaKristu, iyo nguva yatiri ichinetsa kudai uye vanhu vakawanda vasingafariri kushumira Jehovha? Tinowana mhinduro yacho patinofunga nezvevarume vekare vakatendeka vakaramba vakatendeka munguva yakaoma zvikuru. Vaviri vevarume ava vaiva Inoki naNoa. Vose vakararama munguva yakada kufanana neyedu. Uipi hwakanga huri kwose kwose. Muzuva raNoa nyika yakanga yakazara chisimba nounzenza. Asi Inoki naNoa vakaramba kuva nemaonero enyika yepanguva yavo uye vakafamba naJehovha. Vakazvikwanisa sei? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, munyaya ino tichakurukura muenzaniso waInoki. Munyaya inotevera, tichakurukura nezvaNoa.

Inoki Akafamba naMwari Munguva Yainetsa

9. Chii chatinoziva nezvaInoki?

9 Inoki ndiye munhu anotanga kurondedzerwa muMagwaro seaifamba naMwari. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Abereka Metusera, Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi.” (Genesisi 5:22) Zvadaro, pashure pokunge nhoroondo yacho yataura kuti Inoki akararama kwenguva yakareba zvakadini—iyo yaiva nguva pfupi zvikuru panguva iyoyo, kunyange zvazvo yakareba kana ikaenzaniswa noupenyu hwedu—inoti: “Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi. Haana kuzovapo, nokuti Mwari akamutora.” (Genesisi 5:24) Zviri pachena kuti Jehovha akatamisa Inoki kubva kunyika yevapenyu akamurarisa murufu vaimushora vasati vamukuvadza. (VaHebheru 11:5, 13) Kunze kwendima pfupi idzodzo, muBhaibheri mune dzimwewo ndima shomanana dzinotaura nezvaInoki. Kunyange zvakadaro, kubva pamashoko atinawo nezvimwewo zviratidzo, tine chikonzero chakanaka chokutaura kuti nguva yakararama Inoki yainetsa.

10, 11. (a) Uori hwakapararira sei pashure pokupanduka kwaAdhamu naEvha? (b) Inoki akaparidza shoko ripi rouprofita, uye vanhu vakagamuchira sei mashoko ake?

10 Somuenzaniso, chimbofunga kuti uori hwakakurumidza kupararira sei muvanhu pashure pokunge Adhamu atadza. Bhaibheri rinotiudza kuti Kaini, mwanakomana waAdhamu wedangwe, akava mhondi yokutanga paakauraya munun’una wake Abheri. (Genesisi 4:8-10) Abheri aurayiwa noutsinye, Adhamu naEvha vakabereka mumwe mwanakomana, uye vakamutumidza kuti Seti. Nezvake, tinoverenga kuti: “Seti akaberekerwawo mwanakomana, akabva amutumidza kuti Inoshi. Panguva iyoyo kudana zita raJehovha kwakatanga.” (Genesisi 4:25, 26) Zvinosuruvarisa kuti “kudana zita raJehovha” kwavaiita kwaitova kumuramba. * Inoshi ava nemakore akawanda aberekwa, muzukuru waKaini ainzi Rameki akaimbira madzimai ake maviri rwiyo achizivisa kuti akanga auraya rimwe jaya rakanga ramukuvadza. Akanyeverawo kuti: “Kana Kaini achifanira kutsiviwa kanomwe, Rameki anofanira kutsiviwa kane makumi manomwe nekanomwe.”—Genesisi 4:10, 19, 23, 24.

11 Zvinhu zvishoma zvatakurukura zvinoratidza kuti uori hwakatangwa naSatani mumunda weEdheni hwakakurumidza kuita kuti uipi hupararire pavazukuru vaAdhamu. Munyika yakadaro, Inoki aiva muprofita waJehovha akanyora mashoko ane simba akafuridzirwa anoshandawo kunyange nhasi. Judha anoshuma kuti Inoki akaprofita kuti: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.” (Judha 14, 15) Mashoko iwayo achazadzika kokupedzisira paAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti kunyange muzuva raInoki, paiva ne“vatadzi vasingadi Mwari” vakawanda vakashatirwa pavakanzwa uprofita hwake. Jehovha akaratidza rudo chaizvo paakatamisa muprofita Inoki kuti vasamukuvadza!

Chii Chakasimbisa Inoki Kuti Afambe naMwari?

12. Chii chakaita kuti Inoki ave akasiyana nevakararama panguva imwe naye?

12 Kare mumunda weEdheni, Adhamu naEvha vakateerera Satani, uye Adhamu akapandukira Jehovha. (Genesisi 3:1-6) Mwanakomana wavo Abheri akatevera nzira yakasiyana, uye Jehovha aimufarira. (Genesisi 4:3, 4) Zvinosuruvarisa kuti vana vaAdhamu vazhinji vakanga vakasiyana naAbheri. Zvisinei, Inoki, akazoberekwa kwapera makore akawanda, akanga akafanana naye. Inoki nevamwe vazukuru vaAdhamu vakawanda vakanga vakasiyana pachii? Muapostora Pauro akapindura mubvunzo iwoyo paakanyora kuti: “Nokutenda Inoki akatamiswa kuti asaona rufu, uye haana kuzomboonekwa nokuti Mwari akanga amutamisa; nokuti asati atamiswa akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” (VaHebheru 11:5) Inoki aiva mumwe we“gore guru . . . rezvapupu” zvaivapo chiKristu chisati chavapo zvaiva mienzaniso yakaisvonaka yokutenda. (VaHebheru 12:1) Kutenda ndiko kwakaita kuti Inoki atsungirire achiramba aine mufambiro wakanaka kwemakore anopfuura 300 aakararama—makore anopeta katatu urefu hwoupenyu hwevakawanda vedu nhasi!

13. Inoki aiva nokutenda kwakaita sei?

13 Pauro akarondedzera kutenda kwaInoki nokwezvimwe zvapupu paakanyora kuti: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaHebheru 11:1) Zvechokwadi, kutenda kutarisira nechivimbo, kunobva pakuva nechokwadi chokuti zvinhu zvatiri kutarisira zvichaitika. Kunosanganisira kutarisira zvakasimba kwazvo zvokuti kunochinja zvatinonyanya kukoshesa muupenyu. Kutenda kwakadaro kwakaita kuti Inoki akwanise kufamba naMwari kunyange zvazvo vamwe vakararama panguva imwe naye vasina kukwanisa.

14. Kutenda kwaInoki kungave kwaibva pakuziva chii zvakarurama?

14 Kutenda kwechokwadi kunobva pazivo yakarurama. Inoki aiziva chii? (VaRoma 10:14, 17; 1 Timoti 2:4) Hapana mubvunzo kuti aiziva nezvezvakaitika muEdheni. Angangodaro akanzwawo nezvokuti upenyu hwaiva hwakaita sei mumunda weEdheni—uyo ungangodaro wakanga uchiripo, kunyange zvazvo vanhu vakanga vasingachabvumirwi kupindamo. (Genesisi 3:23, 24) Uye aiziva nezvechinangwa chaMwari chokuti vana vaAdhamu vaizozadza nyika voita kuti pasi rose riite seParadhiso iya yepakutanga. (Genesisi 1:28) Kuwedzera kune izvozvo, zvechokwadi Inoki aikoshesa chipikira chaJehovha chokuti aizobereka Mwana aizopwanya musoro waSatani obvisa zvakaipa zvose zvainge zvakonzerwa nounyengeri hwaSatani. (Genesisi 3:15) Zvechokwadi, uprofita hwaInoki hwakafuridzirwa, hwakachengetwa huri mubhuku raJudha, hune chokuita nokuparadzwa kwomwana waSatani. Sezvo Inoki aiva nokutenda, tinoziva kuti ainamata Jehovha somunhu “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Saka, kunyange zvazvo Inoki akanga asingazivi zvose zvatava kuziva, aiziva zvakakwana kuti ave nokutenda kwakasimba. Aine kutenda kwakadaro, akaramba akatendeka munguva yainetsa.

Tevedzera Muenzaniso waInoki

15, 16. Tingatevedzera sei zvaiitwa naInoki?

15 Kufanana naInoki, sezvo tichida kufadza Jehovha munguva ino inonetsa, zvinganaka kana tikatevedzera muenzaniso wake. Tinofanira kuwana uye kuramba tiine zivo yakarurama yaJehovha nezvinangwa zvake. Asi pane zvimwe zvatinofanira kuita. Tinofanira kubvumira zivo yakarurama iyoyo kuti ititungamirire. (Pisarema 119:101; 2 Petro 1:19) Tinofanira kutungamirirwa nemafungiro aMwari, togara tichiedza kumufadza nezvose zvatinofunga uye zvatinoita.

16 Hapana panotaura kuti munguva yaInoki ndiani mumwe aishumira Jehovha, asi zviri pachena kuti angangodaro aiva iye oga kana kuti aiva mumwe wevanhu vashomanana. Isuwo tiri vashomanana munyika, asi izvozvo hazvitiodzi mwoyo. Jehovha achatitsigira pasinei nokuti ndiani angatirwisa. (VaRoma 8:31) Inoki akanyevera noushingi kuparadzwa kwevarume vasingadi Mwari kwaizouya. Isuwo tinoshinga patinenge tichiparidza “aya mashoko akanaka oumambo” pasinei nokuti tinosekwa, tinoshorwa, uye tinotambudzwa. (Mateu 24:14) Inoki haana kurarama nguva yakareba sezvakaita vakawanda vakararama panguva imwe naye. Kunyange zvakadaro, tariro yake yakanga isiri munyika iyoyo. Ziso rake rairamba rakatarira chimwe chinhu chakakura zvikuru. (VaHebheru 11:10, 35) Isuwo maziso edu anoramba akatarira kuzadzikiswa kwechinangwa chaJehovha. Saka, hatishandisi nyika ino zvizere. (1 VaKorinde 7:31) Pane kudaro, tinonyanya kushandisa simba redu nepfuma yedu mubasa raJehovha.

17. Isu tinozivei zvakanga zvisingazivikanwi naInoki, saka tinofanira kuitei?

17 Inoki aitenda kuti Mwana akapikirwa naMwari aizooneka panguva yaJehovha yakafanira. Iye zvino pava nemakore anenge 2 000 Mwana iyeye—Jesu Kristu—aoneka, akapa rudzikinuro, uye akativhurira nzira yokuti isu pamwe chete nezvapupu zvekare zvakatendeka zvakaita saInoki, tigare nhaka youpenyu husingaperi. Mwana iyeye, iye zvino akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari, akakandira Satani pasi pano kubva kudenga, uye tinoona matambudziko azvakakonzera kwose kwose. (Zvakazarurwa 12:12) Chokwadi, isu tava nezivo yakawanda zvikuru kupfuura yaiva naInoki. Saka, ngativei nokutenda kwakasimba sokwaaiva nako. Chivimbo chedu chokuti zvipikirwa zvaMwari zvichazadzikwa ngachitungamirire zvose zvatinoita. SaInoki, ngatifambei naMwari, kunyange zvazvo tichirarama munguva inonetsa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Vhoriyamu 1, peji 220, ndima 6, yebhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 10 Inoshi asati aberekwa, Jehovha aitaura naAdhamu. Abheri akapa chipo chakagamuchirwa naJehovha. Mwari akatotaura naKaini kutsamwa negodo zvisati zvaita kuti aponde munun’una wake. Saka, kutanga “kudana zita raJehovha” uku kunofanira kunge kwaiitwa nenzira yakasiyana, kwete yokunamata kwakachena.

Ungapindura Sei?

• Zvinorevei kufamba naMwari?

• Nei kufamba naMwari iri iyo nzira yakanakisisa?

• Chii chakaita kuti Inoki akwanise kufamba naMwari pasinei nenguva yainetsa?

• Tingatevedzera sei Inoki?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nokutenda “Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi”

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tinodavira zvakasimba kuti zvakapikirwa naJehovha zvichaitika

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 13]

Mukadzi, nechokumucheto kurudyi: FAO photo/B. Imevbore; chivako chiri kuputsika: San Hong R-C Picture Company