Kutsungirira Somurwi waKristu
Nyaya Youpenyu
Kutsungirira Somurwi waKristu
YAKATAURWA NAYURII KAPTOLA
“Iye zvino ndava nechokwadi chokuti une kutenda!” Mashoko iwayo akataurwa nomunhu wandakanga ndisingambofungiri—mumwe mukuru mukuru weuto reSoviet—uye mashoko aya akandikurudzira chaizvo panguva yakakodzera. Ndakanga ndatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba uye ndaiva ndateterera Jehovha kuti anditsigire. Ndakanga ndatarisana nedambudziko rakakura raizoda kuti nditsungirire uye ndishinge.
NDAKABEREKWA musi waOctober 19, 1962, ndikakurira kumadokero kweUkraine. Mugore iroro, baba vangu, avo vainziwo Yurii, vakaonana neZvapupu zvaJehovha. Munguva pfupi vakava munamati waJehovha wokutanga mumusha wedu. Basa ravo rakazivikanwa nevakuru vakuru vaishora Zvapupu zvaJehovha.
Zvisinei, vavakidzani vedu vakawanda vairemekedza vabereki vangu nokuda kwounhu hwavo hwechiKristu uye kuva nehanya nevamwe. Vabereki vangu vakashandisa mukana wose wavaiwana kuti vadzidzise ini nehanzvadzi dzangu nhatu kuda Mwari kubvira tichiri vaduku, uye izvi zvakandibatsira kukurira matambudziko akawanda andaisangana nawo kuchikoro. Rimwe dambudziko racho rakamuka apo mudzidzi mumwe nomumwe aifanira kupfeka bheji rairatidza kuti aiva wesangano reLenin’s October Children. Nokuti ndakanga ndisina kwandakarerekera somuKristu, handina kupfeka bheji racho, saka ndakanga ndakasiyana nevamwe vose.—Johani 6:15; 17:16.
Kwapera nguva yakati, pandakanga ndava mugiredhi rechitatu, vadzidzi vose vaifanira kuva musangano revaduku rechiKomonisiti rainzi Young Pioneers. Rimwe zuva kirasi yedu yakaendeswa
kuchivanze chechikoro kunonyoreswa. Ndaitya, nokuti ndaitarisira kuti ndaizosekwa nokunyombwa. Kusara kwangu ndoga, munhu wose akanga auya nesikavha yake itsva yaiva tsvuku yesangano rePioneer, uye vana vechikoro vakamira mumutsetse wakareba vari pamberi pomukuru wechikoro, vadzidzisi, nevamwe vana vaiva mumagiredhi epamusoro. Vamwe vaiva mumagiredhi epamusoro pavakanzi vatisunge masikavha muhuro, ndakakotamisa musoro wangu ndokutarira pasi, ndichingoti dai pakasava neanondiona.Kuendeswa Kumajeri Ari Kure
Pandakanga ndava nemakore 18, ndakatongerwa makore matatu mujeri nokuti somuKristu ndakanga ndisina kwandakarerekera. (Isaya 2:4) Gore rokutanga ndakapika ndiri mutaundi reTrudovoye, muRuwa rweVinnitskaya kuUkraine. Ndiri ikoko, ndakasangana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinenge 30. Takanzi tishande tiri vaviri vaviri tichiita mabasa akasiyana, sezvo vakuru vakuru vacho vaida kutirambidza kuwadzana.
Muna August 1982, ini nechimwe Chapupu chainzi Eduard takaendeswa nechitima tiri mutiroko revasungwa kuchamhembe kweUral Mountains, pamwe chete neboka revamwe vasungwa. Takatsungirira kupisa kwakanyanya uye kugara takatsvikinyidzana kwemazuva masere kusvikira tasvika kuJeri reSolikamsk, riri muRuwa rwePermskaya. Ini naEduard takaiswa muzvitokisi zvakasiyana. Kwapera vhiki mbiri, ndakaendeswa kuchamhembe kumusha weVels, munharaunda yeKrasnovishersky.
Motokari yedu yakasvika pakati pousiku, uye kwakanga kuine rima rakati ndoo. Pasinei nerima racho, mukuru mukuru wacho akatiti tiyambuke rwizi neigwa. Taisakwanisa kuona rwizi rwacho kana igwa racho! Kunyange zvakadaro, takatsvanzvadzira kusvikira tawana igwa, uye kunyange zvazvo taitya, takakwanisa kuyambuka rwizi rwacho. Tasvika pamhenderekedzo yemhiri, takananga paiva nechiedza chaioneka pachikomo chaiva pedyo, kwatakanowana matende mashomanana. Uyu ndiwo waizova musha wedu mutsva. Ini ndaigara mutende raiva rakati kurei raiva nevamwe vasungwa vanenge 30. Munguva yechando, takatsungirira kutonhora kwaimbodzika kusvika ku-40°C, uye tende racho rakanga risingambodziyi. Basa guru revasungwa raiva rokutema miti, asi ini ndaiita basa rokuvaka dzimba dzevasungwa.
Mabhuku Anosvika Kumusha Iwoyo Waiva Kure
Ndini ndoga ndaiva Chapupu mumusha iwoyo; asi Jehovha haana kundisiya. Rimwe zuva pakasvika pasuru yaibva kuna amai vangu, avo vakanga vachiri kugara kumadokero kweUkraine. Murindiri paakavhura pasuru yacho, akatanga kuona Bhaibheri duku. Akaritora akatanga kurivhura. Ndakaedza kufunga kuti ndaizoti chii kuti asanditorera iyi pfuma inokosha. “Chii ichi?” murindiri wacho akabvunza nehasha. Ndisati ndafunga kuti ndoti chii, mumwe mupurisa aiva akamira pedyo akati: “Haa, iduramazwi iro.” Ndakaramba ndakanyarara. (Muparidzi 3:7) Mupurisa wacho akasecha zvimwe zvaiva mupasuru yacho yose ndokubva andigamuchidza pasuru yacho pamwe chete neBhaibheri raikosha. Ndakafara chaizvo zvokuti ndakamupawo nzungu dzaiva mupasuru yangu. Pandakagamuchira pasuru iyi, ndakaziva kuti Jehovha akanga asina kundikanganwa. Akandibatsira uye akatarisira zvandaida mune zvokunamata.—VaHebheru 13:5.
Kuparidza Ndisingaregi
Kwapera mwedzi mishomanana, ndakashamiswa pandakagamuchira tsamba yaibva kune imwe hama yechiKristu yaiva mujeri raiva kure nemakiromita 400. Yakandikumbira kuti nditsvake mumwe murume akanga amboratidza kufarira uye angangodaro aiva mumusha wandaiva. Kunyora tsamba yakadaro kwaisava kuchenjera, nokuti tsamba dzedu dzaivhurwa. Hazvina kundishamisa pandakadanwa nomumwe wevakuru vakuru kuhofisi yake ndokundinyevera zvakasimba kuti ndirege kuparidza. Akabva ati ndisaine gwaro raiti ndaizorega kuudza vamwe zvandaitenda. Ndakapindura kuti Mabasa 4:20) Mukuru mukuru wacho akaona kuti aisakwanisa kundityisidzira, saka akasarudza kuti andibvise mumusha iwoyo. Ndakaendeswa kune mumwe musha.
ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei ndaifanira kusaina gwaro rakadaro, sezvo munhu wose aitoziva kuti ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakataura kuti vamwe vasungwa vaida kuziva kuti ndaiva ndasungirwei. Ndaizovati chii? (Ndakaendeswa kumusha weVaya, waiva kure nemakiromita 200. Vaitarisira ikoko vairemekedza kusava kwangu nokwandakarerekera somuKristu uye vakandipa basa rakanga risiri rechiuto—kutanga somuvezi, vachibva vazoti ndigadzire magetsi. Asi mabasa aya aivawo nezvainetsa. Pane imwe nguva, ndakaudzwa kuti nditore maturusi angu uye ndiende kukirabhu yomumusha wacho. Pandakasvika, varwi vaiva mukirabhu yacho vakafara kundiona. Vakanga vari kunetseka kuti magetsi aishongedza zviratidzo zvakasiyana-siyana zvemauto ashande zvakanaka. Vaida kuti ndivabatsire kugadzira zvinhu zvacho nokuti vakanga vari kugadzirira mhemberero yeRed Army Day yaiitwa gore negore. Pashure pokunyengetera ndichifunga kuti ndoita sei, ndakavaudza kuti ndaisakwanisa kuita basa rakadaro. Ndakavapa maturusi angu ndokubva ndaenda. Vakandirevera kumutevedzeri womukuru mukuru, uye ndakashamisika kuti akateerera zvavakataura nezvangu achibva apindura kuti: “Ndinomuremekedza nokuda kwaizvozvo. Munhu anoomerera pane zvaanenge asarudza.”
Kukurudzirwa Nomunhu Wandaisambofungira
Ndakasunungurwa musi waJune 8, 1984, ndapedza makore matatu akakwana ndiri musungwa. Pandakadzokera kuUkraine, ndaifanira kunyoresa kuti ndaigona kuzoshevedzwa kunorwa sezvo ndaimbova musungwa. Vakuru vakuru vakandiudza kuti mumwedzi mitanhatu ndaizotongwa zvakare uye kuti zvaiva nani kuti ndibve muruwa rwacho zvachose. Saka ndakabva kuUkraine ndikaguma ndawana basa kuLatvia. Kwenguva yakati ndakakwanisa kuparidza uye kuwadzana neboka duku reZvapupu zvaigara munharaunda yeRiga, guta guru reLatvia. Zvisinei, kwangopera gore, ndakashevedzwa zvakare kuti ndipinde muchiuto. Kuhofisi yainyoreswa vanhu, ndakaudza mukuru mukuru wacho kuti ndakanga ndamboramba basa rechiuto. Achipindura, akazhambatata achiti: “Unonyatsoziva zvauri kuita here iwe? Rega tione kuti uchati chii kumukuru wevarwi!”
Akaenda neni kuimba yaiva pauriri hwechipiri maiva makagara mukuru wevarwi ari seri kwetafura yakareba. Akanyatsoteerera pandaitsanangura zvandaidavira achibva andiudza kuti pakanga pachine nguva yokuti ndichinje zvandainge ndasarudza ndisati ndaendeswa kudare rokunyoresa. Patakanga tichibva muhofisi yomukuru wevarwi, mumwe mukuru mukuru akanga ambondituka akareurura achiti: “Iye zvino ndava nechokwadi chokuti une kutenda!” Pandakamira pamberi pedare remauto, ndakadzokorora kuti hakuna divi randaizorerekera, uye vakambondisiya.
Munguva iyoyo, ndaigara muhositeri. Mamwe manheru pasuo pakagogodzwa zvinyoronyoro. Ndakavhura ndikaona murume akanga akapfeka sutu akabata bhegi. Akataura kuti aiva ani, achiti: “Ndiri kubva kuState Security. Ndinoziva
kuti une zvinetso uye kuti uchatongwa mudare.” “Ehe, ndizvozvo,” ndakapindura ndichidaro. Murume wacho akaenderera achiti: “Tinogona kukubatsira kana ukabvuma kutishandira.” Ndakati: “Aiwa, hazviiti. Ndicharamba ndakavimbika kune zvandinodavira somuKristu.” Akabva angoenda, asina kumboedza kundinyengetedza.Kudzokera Kujeri, Kudzokera Kunoparidzira
Musi waAugust 26, 1986, dare reNational Court of Riga rakanditongera makore mana ndichishanda basa rokumanikidzirwa, uye ndakaendeswa kujeri reRiga Central Prison. Vakandiisa muchitokisi chakakura pamwe chete nevamwe vasungwa 40, uye ndakaedza kuparidzira musungwa wose aiva muchitokisi ichocho. Vamwe vaiti vanotenda kuti kuna Mwari; vamwe vaingoseka. Ndakanga ndacherechedza kuti varume vacho vaiita mapoka mapoka, uye kwapera vhiki mbiri vatungamiriri vemapoka aya vakandiudza kuti ndakanga ndisingabvumirwi kuparidza, sezvandakanga ndisiri kuita zvaienderana nemitemo yavo yavakanga vangozviitira. Ndakatsanangura kuti kuparidza ikoko ndiko kwandakanga ndasungirwa—ndaitevedzera mitemo yakasiyana neyavo.
Ndakaramba ndichiparidza nokungwarira uye pandakawana vamwe vaifarira zvokunamata, ndakakwanisa kudzidza Bhaibheri nevanokwana vana vavo. Pataikurukura, vainyora dzidziso dzeBhaibheri dzinokosha mukabhuku. Kwapera mwedzi mishomanana, ndakaendeswa kumusha waichengetedzwa chaizvo kutaundi reValmiera, kwandakanoshanda ndichigadzira magetsi. Ndiri ikoko ndakakwanisa kudzidza Bhaibheri nomumwe aigadzirawo magetsi uyo akazova Chapupu chaJehovha kwapera makore mana.
Musi waMarch 24, 1988, ndakabviswa kumusha waichengetedzwa chaizvo ndokuendeswa kune mumwe waiva pedyo. Ichi chaiva chikomborero chaicho, sezvo zvakaita kuti ndive norusununguko rwakakura. Ndakanzi ndishande panzvimbo dzakasiyana-siyana dzaiitwa zvokuvaka, uye ndaigara ndichitsvaka mikana yokuparidza. Kakawanda, ndainge ndisiri mumusha wacho, ndichiparidzira kusvikira pakati pousiku, asi ndaisambonetswa pandaidzokera mumusha macho.
Jehovha akakomborera zvandaiita. Pane Zvapupu zvishomanana zvaigara munharaunda yacho, asi mutaundi racho maingova neChapupu chimwe chete, Vilma Krūmin̗a—hanzvadzi yakanga yakwegura. Ini nahanzvadzi Krūmin̗a takatanga kudzidzisa vaduku vakawanda Bhaibheri. Pano neapo hama nehanzvadzi dzaiuya dzichibva kuRiga kuzoitawo ushumiri, uye mamwe mapiyona enguva dzose akatouya achibva kuLeningrad (yava kunzi St. Petersburg). Tichibatsirwa naJehovha, takatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vanoverengeka, uye pasina nguva ndakanyoresa kuti ndive piyona, ndichipedzera maawa 90 pamwedzi mubasa rokuparidza.
Musi waApril 7, 1990, nyaya yangu yakaongororwazve nedare rePeople’s Court mutaundi reValmiera. Pakatanga kutongwa nyaya yacho, ndakaziva muchuchisi wacho. Aiva rimwe jaya randakanga ndambokurukura naro Bhaibheri! Akandiziva ndokunyemwerera asi haana zvaakataura. Ndichiri kuyeuka zvandakaudzwa nomutongi paitongwa nyaya yacho zuva iroro: “Yurii, mutongo wokukuisa mujeri makore mana apfuura wakanga usiri pamutemo. Vaisafanira kukupa mhosva.” Ndakabva ndangosunungurwa pakarepo!
Murwi waKristu
Muna June 1990, ndaifanirazve kunyoresa kuhofisi yokunyoresa kuitira kuti ndipiwe mvumo yokugara muRiga. Ndakapinda muhofisi iya yaiva netafura yakareba mandakanga ndaudza mukuru wevarwi makore mana akanga adarika kuti ndaisazoshanda muchiuto. Panguva ino akasimuka kuti andikwazise, akandigwinha ruoko, uye akati: “Zvinosiririsa kuti wakaitirwa zvose izvi. Ndine urombo kuti ndizvo zvakaitika.”
2 Timoti 2:3, 4) Mukuru wacho akapindura achiti: “Nguva pfupi yapfuura ndakatenga Bhaibheri, uye ndiri kuriverenga.” Ndaiva nebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. * Ndakarivhura pachitsauko chinotaura nezvechiratidzo chemazuva okupedzisira uye ndakamuratidza kuti uprofita hweBhaibheri hunei nenguva yedu. Achitenda zvikuru, mukuru wevarwi akandigwinhazve ruoko ndokuti aishuva kuti ndibudirire mubasa rangu.
Ndakapindura ndichiti: “Ndiri murwi waKristu, uye ndinofanira kurarama maererano nebasa rangu. Muchibatsirwa neBhaibheri, imiwo munogona kuwana izvo Kristu akavimbisa vateveri vake—upenyu hunofadza uye ramangwana risingagumi.” (Panguva ino munda wakanga wanyatsochenera kukohwa muLatvia. (Johani 4:35) Muna 1991, ndakatanga kushumira somukuru muungano. Munyika yacho yose maingova nevakuru vaviri vakagadzwa! Kwapera gore rimwe chete, ungano imwe chete yaiva muLatvia yakakamurwa dzikava mbiri—imwe yaishandisa mutauro wokuLatvia uye imwe wokuRussia. Ini ndaiva neropafadzo yokushanda neungano yomutauro wokuRussia. Yakakurumidza kukura zvokuti gore rakatevera racho ungano yedu yakakamurwa kuva nhatu! Kana ndichifunga zvakaitika, zviri pachena kuti Jehovha aitungamirira makwai ake kusangano rake.
Muna 1998, ndakanzi ndive piyona chaiye muJelgava, taundi riri makiromita 40 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweRiga. Mugore iroro, ndakava mumwe wevanhu vokutanga vokuLatvia akakokwa kuzopinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chaiitwa nomutauro wokuRussia kuSolnechnoye, pedyo neSt. Petersburg, kuRussia. Pandaiva kuchikoro, ndakazoona kuti kana uchida kubudirira muushumiri, kuda vanhu kunokosha zvikuru. Kupfuura zvimwe zvinhu zvose zvatakadzidziswa kuchikoro, ndakanyanya kufadzwa norudo uye kuva nehanya kwakaratidzwa nemhuri yeBheteri nevarayiridzi vechikoro chacho.
Chimwe chinhu chinokosha muupenyu hwangu chakaitika muna 2001 pandakaroora Karina, mumwe mukadzi wechiKristu akazonaka. Karina akabatana neni mubasa renguva yakazara, uye zuva nezuva ndinokurudzirwa pandinoona mudzimai wangu achidzoka kubasa romumunda achifara chaizvo. Zvechokwadi, ndinofara chaizvo kushumira Jehovha. Zvakaitika kwandiri zvinorwadza munguva yehurumende yechiKomonisiti zvakandidzidzisa kuvimba naye zvizere. Kana uchida kuramba uri shamwari yaJehovha uye uchitsigira uchangamire hwake hapana kuzvibayira kwaungati kwakanyanyisa. Kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha kwakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa. Kwandiri yave iri ropafadzo kushumira Jehovha “somurwi akanaka kwazvo waKristu.”—2 Timoti 2:3.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 29 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Ndakatongerwa kugara mujeri reRiga Central Prison kwemakore mana, ndichiita basa rokumanikidzirwa
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ini naKarina tiri muushumiri