Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimbika Kunobatsira

Kuvimbika Kunobatsira

Kuvimbika Kunobatsira

MUNE dzimwe nyika, vana vanofarira kutamba zvavo vachinamira tsine pajuzi romumwe. Tsine dzinonamira pashinda, uye pasinei nezvingaitwa nowavari kutamba naye—kana akafamba, akamhanya, akazunza, kana kuti akasvetuka—tsine dzinoramba dzakanamira. Nzira bedzi yokuti dzibve ndeyokubvisa imwe neimwe. Kuvana vaduku, izvozvo zvinonakidza chaizvo.

Chokwadi, haasi munhu wose anofarira tsine pazvipfeko zvake, asi munhu wose anoshamiswa nokunamira kwadzinoita. Munhu akavimbika anoita zvinoita tsine. Anoramba aine mumwe wake chero zvodini. Anoita zvaanofanira kuita akatendeka kunyange kana mamiriro ezvinhu achiita kuti zvimuomere. Shoko rokuti “kuvimbika” rinotiyeuchidza zvinhu zvakadai sokutaura chokwadi, kuzvipira uye kuzvibayira. Zvisinei, kunyange zvazvo ungafara kana vamwe vakava vakavimbika kwauri, iwe wakatsunga kuvimbikawo kune vamwe here? Kana zvakadaro, unofanira kuvimbika kuna ani?

Kutendeka Mumhuri—Chinhu Chinodiwa

Kuvimbika kunokosha zvikuru mumhuri, asi zvinosuruvarisa kuti kazhinji vanhu havana kuvimbika mumhuri. Murume nomudzimai vanoramba vakatendeka kumhiko dzavo dzomuchato—kureva kuti vanoramba vari pamwe chete vachiitirana zvakanakira mumwe wavo—vanenge vaita danho rinokosha rokuti vawane mufaro uye vachengeteke. Nei? Nokuti vanhu vakasikwa vachifanira kuvimbika kune vamwe uye ivowo vachivimbwa. Adhamu naEvha pavakaroorana mumunda weEdheni, Mwari akazivisa kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake.” Ndizvo zvaifanira kuzoitawo mudzimai; aifanira kunamatira murume wake. Murume nomukadzi vaifanira kuva vakatendeka kune mumwe nomumwe uye kushandira pamwe.—Genesisi 2:24; Mateu 19:3-9.

Chokwadi, izvozvo zvakataurwa zviuru zvemakore zvapfuura. Zvinoreva here kuti mazuva ano kuvimbika mumhuri kwava chinhu chechinyakare? Vakawanda vangapindura kuti aiwa. KuGermany, vaongorori vakaona kuti vanhu 80 muzana vaiona kutendeka mumhuri sechinhu chakakosha zvikuru. Ongororo yechipiri yakaitirwa kuti vaone kuti ndohupi unhu hunonyanya kudiwa muvarume nomuvakadzi. Rimwe boka revarume rakakumbirwa kuti ritaure unhu hushanu hwarainyanya kuyemura muvakadzi, uye rimwe boka revakadzi rakataurawo unhu hushanu hwarainyanya kuyemura muvarume. Kutendeka ndihwo unhu hwainyanya kukosheswa nevarume nevakadzi.

Chokwadi, kuvimbika ndechimwe chinhu chinodiwa zvikuru kuti mhuri ibudirire. Asi sezvataona munyaya yapfuura, vanhu vanowanzorumbidza kuvimbika asi ivo vasina kuvimbika. Somuenzaniso, nhamba yakakura yevanhu vari kurambana munyika dzakawanda inopa uchapupu hwokuti vakawanda havana kuvimbika. Vanhu vakaroorana vangakunda sei dambudziko iri voramba vakavimbika kune mumwe nomumwe?

Kuvimbika Kunoita Kuti Muchato Ugare

Vanhu vakaroorana vanoratidza kuvimbika pavanotsvaka mikana yokusimbisa kuzvipira kwavakaita kune mumwe nomumwe. Somuenzaniso, kazhinji zviri nani kuti “chedu” pane kuti “changu”—“shamwari dzedu,” “vana vedu,” “musha wedu,” “zvakaitika kwatiri,” zvichingodaro. Pavanenge vachironga zvinhu uye vachiita zvisarudzo—zvingava zvine chokuita nokwavachagara, basa, kurera vana, varaidzo, mazororo, kana kuti zvine chokuita nokunamata—murume nomudzimai vanofanira kufunga nezvemanzwiro uye maonero anoita mumwe wavo.—Zvirevo 11:14; 15:22.

Kuvimbika kunoratidzwa apo vakaroorana vanoita kuti mumwe nomumwe aone kuti anokosha uye anodiwa. Murume haanzwi zvakanaka kana mudzimai wake akanyanya kushamwaridzana nomumwe murume, mudzimai anonzwawo saizvozvo kana murume akadaro. Bhaibheri rinorayira varume kuti vanamatire “mudzimai wouduku hwa[vo].” Murume haafaniri kubvumira mwoyo wake kuti ushuve kuyemurwa nomumwe mukadzi asiri mudzimai wake. Chokwadi haafaniri kuita unzenza. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ani naani anoita upombwe nomukadzi, iye ane mwoyo usina njere; uya anozviita anoparadza mweya wake.” Mudzimai anotarisirwawo kuti ave akatendeka zvakadaro.—Zvirevo 5:18; 6:32.

Kutendeka mumhuri kwakakodzera zvose izvozvo here? Chokwadi kwakakodzera. Kunoita kuti mhuri itsige uye igare, uye mumwe nomumwe anobatsirwa. Somuenzaniso, kana murume akazvipira nokutendeka kuti mudzimai wake agare zvakanaka, mudzimai anonzwa akachengeteka, izvo zvinoita kuti aratidze unhu hwake hwakanakisisa. Murume achadarowo kana mudzimai wake akatendeka. Kutsunga kwake kuramba akavimbika kumudzimai wake kunomubatsira kuzvipira kuva netsika dzakanaka pane zvose zvaanoita muupenyu hwake.

Kana murume nomudzimai vakatarisana nenguva yakaoma, kuvimbika kuchaita kuti vose vanzwe vakachengeteka. Asiwo, kana vanhu vasina kuvimbika mumhuri vakatarisana nematambudziko, vanowanzoda kuparadzana kana kuti kuedza kurambana. Pane kugadzirisa matambudziko, kazhinji danho rakadaro rinoita kuti pave nemamwe matambudziko. Kare muma1980, imwe nyazvi inopa mazano mune zvefashoni yaizivikanwa zvikuru yakasiya mudzimai wayo nemhuri yayo. Aifara here paakanga ava kugara oga? Kwapera makore makumi maviri, akabvuma kuti kusiya kwaakaita mhuri yake kwakaita kuti asare “akasurukirwa uye avhiringidzika, achitadza kurara, achida kuudza vana vake kuti varare zvakanaka.”

Kuvimbika Pakati Pevabereki Nevana

Kana vabereki vakavimbika kune mumwe nomumwe, kazhinji vana vavo vanovawo vakavimbika. Kana vakura, vana vanenge varererwa mumhuri yakavimbika, ine rudo, vachaona zviri nyore kuvimbikawo kune vavachazoroorana navo pamwe chete nokuvabereki vavo pavanenge vasingachakwanisi kuita zvimwe zvinhu nokuda kwokukura.—1 Timoti 5:4, 8.

Chokwadi, hazvirevi kuti nguva dzose vabereki ndivo vanongotanga kuva ndonda. Dzimwe nguva mwana ndiye angada kutarisirwa nokutendeka. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Herbert naGertrud—Zvapupu zvaJehovha—kwemakore anopfuura 40. Mwanakomana wavo anonzi Dietmar airwara nechirwere chokuperezeka kwetsandanyama chinonzi dystrophy. Kwemakore manomwe okupedzisira asati afa muna November 2002, Dietmar aida kutarisirwa siku nesikati. Vabereki vake vakatarisira zvaaida norudo. Vakatoisa michina inoshandiswa pakurapa mumba mavo uye vakanodzidziswa zvokurapa. Muenzaniso wakazonaka wokuvimbika mumhuri!

Kuti Pave Noushamwari, Kuvimbika Kunokosha

“Munhu anogona kufara asina kuroora kana kuroorwa, asi zvakaoma kufara usina shamwari,” anodaro Birgit. Pamwe unobvumirana naye. Ungave wakaroora kana kuroorwa kana kuti usina, kuvimbika kweshamwari yakanaka kuchakufadza uye kuchawedzera kunaka kwoupenyu hwako. Chokwadi, kana wakaroora, shamwari yako yapedyo zvikuru inofanira kuva munhu wawakaroorana naye.

Shamwari haisi munhu waunongozivana naye. Tingava nevakawanda vatinozivana navo—vavakidzani, vatinoshanda navo, nevanhu vatinogara tichionana navo. Ushamwari hwechokwadi hunoda nguva, simba, uye kuzvipira nomwoyo wose. Kuva shamwari yomumwe munhu chinhu chinokudzwa. Ushamwari hunobatsira, asiwo hune basa.

Tinofanira kukurukurirana zvakanaka neshamwari dzedu. Kukurukurirana kwakadaro kungangoitwa nokuti pane zvinenge zvichifanira kukurukurwa. “Kana mumwe wedu ane dambudziko, ini neshamwari yangu tinofonerana kamwe chete kana kuti kaviri pavhiki. Zvinonyaradza kuziva kuti akagadzirira uye anoda kuteerera,” anotsanangura achidaro Birgit. Daro harifaniri kukanganisa ushamwari. Gerda naHelga vanogara kure nakure zvikuru, asi vave vari shamwari dzapedyo kwemakore anopfuura 35. “Tinogara tichinyorerana tsamba,” Gerda anotsanangura kudaro, “tichitaura zvakaitika uye tichitsanangura manzwiro atinoita mumwoyo, zvingava zvinhu zvinofadza kana kuti zvinosuruvarisa. Tsamba dzaHelga dzinondifadza zvikuru. Tinowirirana chaizvo.”

Kuti ushamwari hubudirire, kuvimbika kunokosha. Kuva munhu asina kuvimbika kungaparadza kunyange ushamwari hwava nenguva yakareba chaizvo. Zvakajairika kuti shamwari dzipanane mazano kunyange panyaya dzisingafaniri kuzivikanwa nevoruzhinji. Shamwari dzinotaurirana zviri pamwoyo dzisingatyi kusekwa kana kuti kutya kuti zvinhu zvavo zvisingafaniri kuzivikanwa nevoruzhinji zvichafumurwa. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Sezvo shamwari dzedu dzichiumba mafungiro edu, manzwiro edu, uye maitiro edu, zvinokosha kuti tishamwaridzane nevanhu vane mararamiro anoenderana needu. Somuenzaniso, iva nechokwadi chokutanga ushamwari nevanhu vanodavira zvaunodavira, vanoona nyaya dzetsika sezvaunoita, uye vanoona zvakanaka nezvakaipa semaonero aunozviita. Shamwari dzakadaro dzichakubatsira kuti ubudirire pane zvaunoda kuita. Kunze kwaizvozvo, nei ungada kushamwaridzana nomunhu ane maonero netsika zvausingabvumirani nazvo? Bhaibheri rinoratidza kuti zvinokosha kusarudza shamwari dzakanaka parinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.

Kuvimbika Kunogona Kudzidzirwa

Mwana paanodzidzira kunamira tsine pachipfeko chomumwe, kazhinji achada kuramba achizviita. Ndizvo zvingataurwawo nezvomunhu akavimbika. Nei? Nokuti kana tikaramba tichiratidza kuti takavimbika, kuvimbika kwacho kunova nyore. Kana munhu akadzidzira kuva akavimbika mumhuri yake achiri muduku, paanenge akura achaona zviri nyore kutanga ushamwari hwakavimbika. Nokufamba kwenguva, ushamwari hwakasimba uye hunogara kudaro hungaita kuti ave akavimbika paanoroora. Izvi zvichamubatsirawo kuva akavimbika muukama hunokosha kupfuura humwe hwose.

Jesu akati murayiro mukuru pane mimwe yose ndewokuda Jehovha Mwari nemwoyo yedu yose, mweya, pfungwa nesimba. (Mako 12:30) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuvimbika kuna Mwari zvakakwana. Kuvimbika kuna Jehovha Mwari kunounza zvikomborero zvakakura. Haazombofi akatisiya kana kutiodza mwoyo, nokuti iye pachake anoti: “Ndakavimbika.” (Jeremiya 3:12) Zvechokwadi, kuvimbika kana kuti kutendeka kuna Mwari kunounza zvikomborero zvisingaperi.—1 Johani 2:17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kuvimbika kweshamwari yakanaka kuchakufadza

[Mufananidzo uri papeji 5]

Nhengo dzemhuri dzakavimbika dzine hanya nezvinodiwa nomumwe nomumwe