Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei mashoko okuti “iye oga asingafi” uye “asina munhu akambomuona kana anogona kumuona” achinzi anoreva Jesu kwete Jehovha Mwari?

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuoneka uku kucharatidzwa panguva yakwo yakatarwa naiye anofara, iye oga Mutongi Ane Simba, iye Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe, iye oga asingafi, anogara muchiedza chisingasvikiki, asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.”—1 Timoti 6:15, 16.

Vanotsinhira zviri muBhaibheri vanowanzoti: ‘Mashoko akadai seokuti “iye oga asingafi,” uye “iye oga Mutongi,” uyewo “asina munhu akambomuona kana anogona kumuona” angareva sei mumwe munhu asiri Wemasimbaose?’ Ichokwadi kuti mashoko iwayo anogona kushandiswa kurondedzera Jehovha. Zvisinei, zviri kutaurwa pana 1 Timoti 6:15, 16, zvinoratidza kuti Pauro akanga achireva chaizvoizvo Jesu.

Nechokunoperera ndima 14, Pauro anotaura nezvo“kuoneka kwaShe wedu Jesu Kristu.” (1 Timoti 6:14) Naizvozvo, Pauro paanonyora 1Ti 6 mundima 15 kuti “kuoneka uku kucharatidzwa panguva yakwo yakatarwa naiye anofara, iye oga Mutongi Ane Simba,” ari kureva nezvokuratidzwa kwaJesu, kwete kwaJehovha Mwari. Saka, ndiani “iye oga Mutongi Ane Simba”? Zvine musoro kugumisa kuti Jesu ndiye Mutongi Ane Simba anotaurwa nezvake naPauro. Nei? Zviri kutaurwa zvinobudisa pachena kuti Pauro ari kuenzanisa Jesu nevatongi vari vanhu. Zvechokwadi, sokunyora kwakaita Pauro, Jesu ndiye “Mambo wevaya [vanhu] vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya [vanhu] vanotonga semadzishe.” * Hungu, kana achienzaniswa navo, Jesu ndiye “oga Mutongi.” Jesu akapiwa “ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.” (Dhanieri 7:14) Hapana mutongi ari munhu ane simba anogona kutaura kuti ndiye ari kurehwa nemashoko aya!

Zvakadini nemashoko anoti “iye oga asingafi”? Zvakare, Jesu ari kuenzaniswa nemadzimambo evanhu. Hapana mutongi ari pasi pano anogona kutaura kuti akanzi haafi, asi Jesu anogona kudaro. Pauro akanyora kuti: “Nokuti tinoziva kuti Kristu, zvino zvaakamutswa kubva kuvakafa, haachafi; rufu harusisiri tenzi paari.” (VaRoma 6:9) Saka, Jesu ndiye wokutanga kutaurwa muBhaibheri kuti akagamuchira chipo chokuti haachafi. Kutaura zvazviri, panguva yakanyora Pauro mashoko aya, Jesu akanga achingova iye oga akanga awana upenyu husingagoni kuparadzwa.

Zvinofanira kufungwawo nezvazvo kuti zvaizova zvisina kururama kuti Pauro ati Jehovha Mwari oga haafi, sezvowo Jesu akanga asingafi Pauro paakanyora mashoko iwayo. Asi Pauro aigona kutaura kuti Jesu oga akanga asingafi achimuenzanisa nevatongi venyika.

Uyewo, ichokwadi chaicho kuti pashure pokumuka nokukwira kwaJesu kudenga, anogona kutsanangurwa souyo “asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.” Ichokwadi kuti vadzidzi vake vakazodzwa vachamuona pashure pokufa uye pokumutsirwa kwavo kudenga sezvisikwa zvomudzimu. (Johani 17:24) Asi hapana munhu pasi pano aizoona Jesu paanenge akudzwa. Saka, zvinogona kutaurwa zvepachokwadi kuti kubvira pakumutswa kwaJesu nokukwira kwake, ‘hapana munhu’ akambomuona.

Chokwadi, patinotanga kuverenga, zvingaita sokuti Mwari ndiye anorehwa netsanangudzo iri pana 1 Timoti 6:15, 16. Asi zviri kutaurwa nezvazvo naPauro—pamwe chete nouchapupu hwemamwe magwaro—zvinoratidza kuti Pauro akanga achireva Jesu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mashoko akafanana neaya anoreva nezvaJesu ari pana 1 VaKorinde 8:5, 6; Zvakazarurwa 17:12, 14; 19:16.