Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu

Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu

Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu

“Isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—MIKA 4:5.

1. Panyaya dzetsika, zvinhu zvakanga zvakamira sei muzuva raNoa, uye Noa akanga akasiyana nevamwe pakudini?

MUNHU anotanga kutaurwa muBhaibheri achinzi akafamba naMwari ndiInoki. Wechipiri ndiNoa. Nhoroondo yacho inoti: “Noa akanga ari munhu akarurama. Akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.” (Genesisi 6:9) Pakazosvika nguva yaNoa, vanhu vakanga vatsauka pakunamata kwechokwadi. Zvinhu zvakawedzera kuipa ngirozi dzisina kutendeka padzakarara nevakadzi, zvinova zvadzakanga dzisina kusikirwa, dzikabereka vana vainzi vaNefirimu, “vanhu vaiva nesimba” kana kuti “vaiva nomukurumbira” vemazuva iwayo. Ndokusaka nyika yakazara nechisimba! (Genesisi 6:2, 4, 11) Kunyange zvakadaro, Noa akaratidza kuti akanga asina mhosva uye aiva “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Mwari paakamurayira kuti avake areka yokuti achengetedze upenyu, Noa akateerera “akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.” (Genesisi 6:22) Zvechokwadi, Noa akafamba naMwari.

2, 3. Nhasi tine muenzaniso upi wakaisvonaka watakasiyirwa naNoa?

2 Pauro akaisawo Noa pandandanda yake yezvapupu zvakatendeka paakanyora kuti: “Nokutenda Noa, pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari, akavaka areka kuti aponese imba yake; uye nokutenda uku akapa nyika mhosva, akava mugari wenhaka yokururama kunoenderana nokutenda.” (VaHebheru 11:7) Muenzaniso wakaisvonaka chaizvo! Zvaaiva nechokwadi chokuti mashoko aJehovha aizoitika, Noa akashandisa nguva yake, simba rake, nepfuma yake kuti aite zvaakanga arayirwa naMwari. Kufanana naizvozvo, nhasi vakawanda vanosiya mikana yokushanda munyika ino uye vanoshandisa nguva yavo, simba ravo, uye pfuma yavo vachiteerera mirayiro yaJehovha. Kutenda kwavo kunokosha uye kuchaguma nokuponeswa kwavo pamwe chete nokwevamwe.—Ruka 16:9; 1 Timoti 4:16.

3 Kuva nokutenda kunofanira kunge kwaiva kwakaomera Noa nemhuri yake sezvakwaiva kwakangoita kuna Inoki, tateguru vaNoa, vatakakurukura nezvavo munyaya yakapfuura. Muzuva raNoa, vanamati vechokwadi vaiva vashomanana chaizvo sezvakanga zvakangoita muzuva raInoki—vanhu vasere chete ndivo vaiva vakatendeka uye vakapukunyuka Mafashamo. Noa akaparidza nezvokururama munyika yaiva nechisimba nounzenza. Uyezve, iye nemhuri yake vakanga vari kuvaka areka yematanda yakakura zvikuru vachigadzirira mafashamo aizoitika munyika yose, kunyange zvazvo pakanga pasina munhu akanga amboona mafashamo akadaro. Izvozvo zvinofanira kunge zvaishamisa vaivaona.

4. Vanhu vakararama panguva imwe chete naNoa vakakundikana kuitei zvakazotaurwa naJesu?

4 Sezvineiwo, Jesu paakataura nezvemazuva aNoa, haana kutaura nezvechisimba, chitendero chenhema, kana kuti unzenza—kunyange zvazvo izvi zvakanga zviri zvinhu zvakaipa chaizvo. Kukanganisa kwakataurwa naJesu kwaiva kwokuti vanhu vacho vakaramba kunyeverwa. Akati vakanga “vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka.” Kudya, kunwa, kuroora nokuroorwa—zvakanga zvakaipei? Vakanga vari kungorarama “sezvaingoita vanhu vose!” Asi mafashamo akanga ari kuuya, uye Noa akanga ari kuparidza nezvokururama. Vangadai vakanyeverwa nezvaaitaura uye nomufambiro wake. Kunyange zvakadaro, “havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:38, 39.

5. Noa nemhuri yake vaifanira kuva nounhu hupi?

5 Tichifunga nezvenguva iyoyo, tinoona kuti mararamiro aNoa aiva okuchenjera. Zvisinei, mafashamo asati aitika, zvaida ushingi kuti aite zvakasiyana nevamwe vanhu vose. Kuti Noa nemhuri yake vavake areka yakakura zvikuru voizadza nemhuka dzemarudzi akasiyana-siyana, zvaida kuti vave nechivimbo chakasimba. Vamwe vevanhu ivavo vashomanana vakanga vakatendeka vakambofunga here kuti dai vaisanyanya kusiyana nevamwe voraramawo “sezvaingoita vanhu vose”? Kana kuri kuti vakambozvifunga, izvozvo hazvina kunetesa kutendeseka kwavo. Kwapera makore akawanda zvikuru—akawanda kupfuura ayo ani naani wedu achafanira kutsungirira mumamiriro ezvinhu epanguva ino—kutenda kwaNoa kwakaita kuti aponeswe paMafashamo. Zvisinei, Jehovha akatonga vose vakanga vari kurarama “sezvaingoita vanhu vose,” vasina basa nezvairehwa nenguva yavairarama.

Chisimba Chinotambudzazve Vanhu

6. Mafashamo apera, zvii zvakanga zvichiri kuitika?

6 Mvura yemafashamo yaserera, vanhu vakatanga patsva. Zvisinei, vanhu vakanga vasati vakwana, uye “zvinodiwa nomwoyo womunhu” zvakaramba “zvakaipa kubvira achiri muduku.” (Genesisi 8:21) Kunze kwaizvozvo, kunyange zvazvo madhimoni akanga asingachagoni kupfeka miviri yevanhu, akanga achiri kushanda nesimba. Nyika yaiva nevanhu vasingadi Mwari yakakurumidza kuratidza kuti yakanga “iri musimba reakaipa” uye sezvazvakangoita nhasi, vanamati vechokwadi vaifanira kurwisana ne“manomano aDhiyabhorosi.”—1 Johani 5:19; VaEfeso 6:11, 12.

7. Chisimba chakawedzera sei pashure peMafashamo?

7 Zvinoita sokuti kubvira panguva yaNimrodhi, vanhu vakatangazve kuita chisimba munyika yakazovapo pashure peMafashamo. Nemhaka yokuwedzera kuwanda kwevanhu uye kufambira mberi muruzivo rwokugadzira zvinhu, chisimba ichocho chawedzera zvikuru nokufamba kwenguva. Kare kwaiva nemapakatwa nemapfumo, uta nemiseve, uye ngoro. Asi munguva shoma yapfuura kwakava nepfuti dzekare nepfuti hombe, kukazouya pfuti dzemazuva ano nezvombo zvakagadzirwa nounyanzvi pakutanga kwezana remakore rechi20. MuHondo Yenyika I makatanga kushandiswa zvimwe zvombo zvinotyisa, zvakadai sendege, matangi, ngarava dzepasi, uye gasi rinouraya. Muhondo iyoyo, zvombo izvi zvakauraya mamiriyoni evanhu. Izvozvo zvaishamisa here? Aiwa.

8. Zvakazarurwa 6:1-4 yave ichizadzikwa sei?

8 Mugore ra1914, Jesu akagadzwa samambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, uye ndipo pakatanga “zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) Mune zvakaratidzwa Johani zvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa, Jesu anoonekwa ari Mambo akatasva bhiza jena achikunda. Vamwe vatasvi vemabhiza vanomutevera, rimwe nerimwe richimiririra dambudziko rakasiyana richawira vanhu. Mumwe wacho anotasva bhiza dzvuku uye akabvumirwa “kubvisa rugare panyika kuti vanhu vaurayane; uye akapiwa bakatwa guru.” (Zvakazarurwa 6:1-4) Bhiza iri nomutasvi waro zvinomiririra hondo, uye bakatwa guru rinomiririra kuparadza kusina kumboonekwa kunoitwa nehondo yemazuva ano nezvombo zvayo zvine simba. Nhasi zvombo izvozvo zvinosanganisira mabhomba enyukireya, rimwe chete rinogona kuparadza makumi ezviuru zvevanhu; zvitundumuseremusere zvinokwanisa kukanda mabhomba iwayo achienda kwaanofanira kunoparadza kure nezviuru zvemakiromita; uyewo zvombo zvemakemikari zvinoparadza vanhu vakawanda zvikuru panguva imwe.

Tinoteerera Kunyevera kwaJehovha

9. Nyika yemazuva ano yakafanana neyaivapo Mafashamo asati aitika pakudini?

9 Mumazuva aNoa, Jehovha akaparadza vanhu nemhaka yechisimba chakanyanyisa chevanhu vakaipa chaiwedzerwa nevaNefirimu. Ko nhasi? Nyika ine chisimba zvishoma pane zvayaiva yakaita kare ikako here? Kwete! Uyewo, kufanana nomuzuva raNoa, nhasi vanhu vari kungoita zvinhu zvavo vachiedza kurarama “sezvinoita vanhu vose,” vachiramba kunyeverwa. (Ruka 17:26, 27) Saka, pane chikonzero here chokusava nechokwadi chokuti Jehovha achaparadza zvakare vanhu? Aiwa.

10. (a) Inyevero yei inodzokororwa yadzokororwazve muuprofita hweBhaibheri? (b) Nhasi ndeipi nzira yokuchenjera bedzi yatingaita?

10 Mazana emakore Mafashamo asati aitika, Inoki akaprofita nezvokuparadzwa kwaizofanira kuitika muzuva redu. (Judha 14, 15) Jesu akataurawo nezvokuuya kwo“kutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21) Vamwe vaprofita vakanyevera nezvenguva iyoyo. (Ezekieri 38:18-23; Dhanieri 12:1; Joeri 2:31, 32) Uye mubhuku raZvakazarurwa, tinoverenga nezverondedzero yakajeka yokuparadzwa ikoko kwokupedzisira. (Zvakazarurwa 19:11-21) Somunhu mumwe nomumwe, tinotevedzera Noa uye tinoshingaira kuparidza nezvokururama. Tinoteerera kunyeverwa kwatinoitwa naJehovha uye norudo tinobatsira vavakidzani vedu kuti vaitewo izvozvo. Saka, saNoa, tinofamba naMwari. Zvechokwadi, zvinokosha kuti vose vanoda upenyu varambe vachifamba naMwari. Izvozvo tingazviita sei kana tichifunga nezvematambudziko atinosangana nawo zuva nezuva? Tinofanira kuva nokutenda kwakasimba munzira iyo Mwari anoita nayo zvinangwa zvake.—VaHebheru 11:6.

Ramba Uchifamba naMwari Munguva Inonetsa

11. Tinotevedzera vaKristu vomuzana remakore rokutanga munzira ipi?

11 Muzana remakore rokutanga, vaKristu vakazodzwa vainzi ndeve“Nzira Iyi.” (Mabasa 9:2) Mukurarama kwavo kwose vaikoshesa kutenda muna Jehovha naJesu Kristu. Vaifamba munzira yakanga yafamba naTenzi wavo. Nhasi, vaKristu vakatendeka vanoitawo saizvozvo.

12. Chii chakaitika pashure pokunge Jesu aita chishamiso chokupa boka revanhu zvokudya?

12 Kukosha kwokutenda kunooneka pane zvakaitika munguva youshumiri hwaJesu. Pane imwe nguva, Jesu akaita chishamiso chokupa boka revarume vanenge 5 000 zvokudya. Vanhu vacho vakashamiswa uye vakafara. Zvisinei, cherechedza zvakazoitika. Tinoverenga kuti: “Vanhu pavakaona zviratidzo zvaakaita, vakatanga kuti: ‘Chokwadi uyu ndiye muprofita akanga achizouya munyika.’ Naizvozvo Jesu, achiziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” (Johani 6:10-15) Usiku ihwohwo akaenda kune imwe nzvimbo. Kuramba kwaJesu kugamuchira umambo kungangodaro kwakaodza mwoyo vakawanda. Iye akanga aratidza kuti akachenjera zvokukwanisa kuva mambo uye kuti aiva nesimba rokugutsa zvaidiwa nevanhu. Zvisinei, nguva yaJehovha yokuti atonge saMambo yakanga isati yakwana. Kunze kwaizvozvo, Umambo hwaJesu hwaiva hwokudenga, kwete hwepasi pano.

13, 14. Vakawanda vakaratidza kuti vaiva nemaonero akaita sei, uye kutenda kwavo kwakaedzwa sei?

13 Kunyange zvakadaro, vanhu vazhinji-zhinji vakatevera Jesu uye sokutaura kunoita Johani, vakamuwana “mhiri kwegungwa.” Nei vakamutevera pashure pokunge aramba kuti vamuite mambo? Vakawanda vakaratidza kuti vaiva nemaonero enyama, vachitotaura vachisimbisa nezvezvokudya zvakanga zvaitwa kuti zvive murenje naJehovha muzuva raMosesi. Vaiva nepfungwa yokuti Jesu aifanira kuramba achivapa zvokudya. Paakaziva vavariro dzavo dzakaipa, Jesu akatanga kuvadzidzisa chokwadi chezvokunamata chaikwanisa kuvabatsira kuti vachinje mafungiro avo. (Johani 6:17, 24, 25, 30, 31, 35-40) Vamwe vakamunyunyutira, kunyanya paakataura mufananidzo uyu wokuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”—Johani 6:53, 54.

14 Mifananidzo yaJesu yaiwanzoita kuti vanhu varatidze kana vaida kufamba naMwari zvechokwadi. Mufananidzo uyu wakaitawo izvozvo. Wakaita kuti vabudise zvavaiva chaizvo. Tinoverenga kuti: “Vazhinji vevadzidzi vake, pavakanzwa izvi, vakati: ‘Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?’” Jesu akatsanangura kuti vaifanira kutsvaka kuti mashoko ake airevei panyaya yokunamata. Akati: “Mudzimu ndiwo unopa upenyu; nyama haina kana zvainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndeomudzimu uye anopa upenyu.” Kunyange zvakadaro, vakawanda havana kuteerera, uye nhoroondo yacho inoti: “Nokuda kweizvi vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya uye vakanga vasingachafambizve naye.”—Johani 6:60, 63, 66.

15. Vamwe vateveri vaJesu vaiva nemaonero api akanaka?

15 Kunyange zvakadaro, havasi vadzidzi vaJesu vose vakadzokera shure. Chokwadi, vadzidzi vakavimbika vakanga vasina kunyatsonzwisisa zvakanga zvataurwa naJesu. Asi, vakaramba vachivimba naye. Petro, mumwe wevadzidzi ivavo vakavimbika, akataura manzwiro aiita vose vakaramba vanaye paakati: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:68) Maonero akanaka chaizvo, uye muenzaniso wakanaka zvikuru!

16. Tingaedzwa sei, uye ndeapi mafungiro akanaka atinofanira kuva nawo?

16 Isuwo nhasi tinogona kuedzwa sezvakaitwa vadzidzi ivavo vepakutanga. Isu tingaodzwa mwoyo nokuti zvakapikirwa naJehovha hazvisi kukurumidza kuzadzika sezvatingada. Tingafunga kuti tsanangudzo dzeMagwaro dziri mumabhuku edu anotsanangura Bhaibheri dzakaoma kunzwisisa. Mufambiro womuKristu watinonamata naye ungatiodza mwoyo. Zvingava zvakanaka here kurega kufamba naMwari nokuda kwezvikonzero izvi kana kuti zvimwe zvakadaro? Zviri pachena kuti hazvina kunaka! Vadzidzi vakasiya Jesu vakaratidza kuti vaiva nemafungiro enyama. Isu hatifaniri kuita izvozvo.

“Hatisi Vaya Vanodzokera Shure”

17. Tingabatsirwa sei kuti tirambe tichifamba naMwari?

17 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) MuBhaibheri, Jehovha anotiudza zvakajeka kuti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” (Isaya 30:21) Kuteerera Shoko raMwari kunotibatsira ‘kuramba tichinyatsochenjerera kufamba kwatinoita.’ (VaEfeso 5:15) Kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvatinodzidza kunoita kuti tigone ‘kuramba tichifamba muchokwadi.’ (3 Johani 3) Zvechokwadi, sokutaura kwakaita Jesu, “mudzimu ndiwo unopa upenyu; nyama haina kana zvainobatsira.” Zvinhu zvine chokuita nokunamata, izvo zvinouya zvichibva muShoko raJehovha, mudzimu wake, uye sangano rake, ndizvo bedzi zvingagona kutungamirira nhano dzedu zvakavimbika.

18. (a) Vamwe vanoitei zvinoratidza kuti havana kuchenjera? (b) Tinokudziridza kutenda kwakaita sei?

18 Nhasi, vaya vasingafari nemhaka yemafungiro enyama kana kuti nokuti zvavaitarisira hazvina kuitika vanowanzotanga kuita zvose zvinoitwa nenyika ino. Vasisina pfungwa yokukurumidzira, havaoni chikonzero chokuti ‘varambe vakarinda,’ uye vanosarudza kuzvitsvakira zvavanoda pane kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga. (Mateu 24:42) Kufamba nenzira iyoyo hakusi kuchenjera zvachose. Ona mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengetedza mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) SaInoki naNoa, tiri kurarama munguva inonetsa, uyewo saivo, tine ropafadzo yokufamba naMwari. Kana tichifamba naMwari, tinotarisira nechivimbo kuti tichaona zvipikirwa zvaJehovha zvichizadzikwa, uipi huchiparadzwa, uye nyika itsva yakarurama ichiunzwa. Itarisiro yakaisvonaka chaizvo!

19. Mika anorondedzera sei mararamiro anoita vanamati vechokwadi?

19 Muprofita akafuridzirwa Mika akati marudzi ari munyika aizo“famba rumwe norumwe nezita ramwari warwo.” Zvadaro akazotaura nezvake uye nezvevamwe vanamati vakatendeka uye akati: “Asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Mika 4:5) Kana watsunga kuita zvakaitwa naMika, rambira pana Jehovha pasinei nokunetsa kuri kuita nguva yatiri. (Jakobho 4:8) Mumwe nomumwe wedu ngaave nechido chinobva pamwoyo chokufamba naJehovha Mwari wedu iye zvino kusvikira kunguva isingazivikanwi, nokusingaperi!

Ungapindura Sei?

• Mazuva ano nemazuva aNoa akafanana pakudini?

• Noa nemhuri yake vakararama sei, uye tingatevedzera sei kutenda kwavo?

• Vamwe vateveri vaJesu vakaratidza mafungiro api asina kunaka?

• VaKristu vechokwadi vakatsunga kuitei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kufanana nomuzuva raNoa, mazuva ano vanhu vakabatikana nezvinhu zvavanoita zuva nezuva

[Mufananidzo uri papeji 21]

Sevaparidzi voUmambo, “hatisi vaya vanodzokera shure”