Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaMennonites—Vanotsvaka Chokwadi cheBhaibheri

VaMennonites—Vanotsvaka Chokwadi cheBhaibheri

VaMennonitesVanotsvaka Chokwadi cheBhaibheri

MAMWE mangwanani omuna November 2000, mamishinari eZvapupu zvaJehovha muBolivia akadongorera nepahwindo reimba yawo duku ndokuona boka revarume nevakadzi vakanga vakapfeka mbatya dzisiri dzemaoresa vakamira pagedhi vachiratidza kuti vari kutya. Mamishinari acho paakavhura gedhi, mashoko okutanga evaeni vawo aiva okuti, “Tiri kutsvaka chokwadi chinobva muBhaibheri.” Vaeni vacho vaiva vaMennonites. Varume vakanga vakapfeka hovhorosi, vakadzi vakapfeka epuroni dzine ruvara rwakasvibira, uye vaitaurirana nomutauro wokuGermany. Maziso avo airatidza kuti vaitya. Vairamba vachicheuka-cheuka kuti vaone kana vakanga vachiteverwa. Zvisinei, kunyange pavakanga vachikwira masitepisi okupinda mumba, rimwe remajaya acho rakati, “Ndinoda kuziva vanhu vanoshandisa zita raMwari.”

Vava mukati, vaeni vakatanga kugadzikana pavakapiwa zvokunwa. Vakanga vabva kure, kumisha yevarimi. Ikoko, vakanga vave vachigamuchira magazini eNharireyomurindi neposvo kwemakore matanhatu. “Takaverenga kuti kuchava neparadhiso pasi pano. Ichokwadi here?” vakabvunza kudaro. Zvapupu zvakavaratidza mhinduro yomuBhaibheri. (Isaya 11:9; Ruka 23:43; 2 Petro 3:7, 13; Zvakazarurwa 21:3, 4) “Maonaka!” akadaro mumwe murume kune vamwe vake. “Ichokwadi. Pachava neparadhiso pasi pano.” Vamwe vakaramba vachingoti: “Ndinofunga kuti tawana chokwadi.”

VaMennonites ndivanaani? Vanodavira chii? Kuti tipindure mibvunzo iyi, tinofanira kudzokera shure kuzana remakore rechi16.

VaMennonites Ndivanaani?

Kuma1500, kufambira mberi kwokushandurwa uye kudhindwa kweBhaibheri mumitauro yakakurumbira yomuEurope kwakaita kuti vanhu vatangezve kufarira kudzidza Bhaibheri. Martin Luther nevamwe Vaikurudzira Kuchinja vakaramba zvakawanda zvaidzidziswa neChechi yeKaturike. Asi, machechi akanga achangotanga ePurotesitendi akaramba achiita zvinhu zvinopesana neBhaibheri. Somuenzaniso, vakawanda vaitarisira kuti kasvava kose kachangozvarwa kabhabhatidzwe muchechi. Zvisinei, vamwe vaitsvaka chokwadi cheBhaibheri vakaziva kuti munhu anozvisarudzira kuva nhengo yeungano yechiKristu zvichibva pane zvaanenge ava kuziva asati abhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20) Vaparidzi vanoshingaira vaidavira izvi vakatanga kufamba nomumaguta uye mumaruwa vachidzidzisa Bhaibheri uye vachibhabhatidza vanhu vakuru. Saka vakabva vanzi vaAnabaptist, kureva kuti “vanobhabhatidzazve.”

Mumwe munhu akambotsvaka chokwadi kuvaAnabaptist aiva Menno Simons, mupristi wechiKaturike akanga ari mumusha weWitmarsum nechokuchamhembe kweNetherlands. Pakazosvika 1536 akanga agura ukama nechechi uye vakuru vakuru vayo vakanga vava kumuvhima. Muna 1542 Mambo Mutsvene weRome Charles V pachake akavimbisa kupa mubayiro we100 guilders kana Menno aizosungwa. Zvisinei, Menno akaunganidza vamwe vevaAnabaptist kuti vave ungano dzakawanda. Iye nevateveri vake vakazozivikanwa sevaMennonites.

VaMennonites Nhasi

Nokufamba kwenguva, kutambudzwa kwakaita kuti zviuru zvevaMennonites zvibve kuWestern Europe zvichienda kuNorth America. Ikoko vaiva nomukana wokuramba vachitsvaka chokwadi uye wokuparadzira mashoko avo kune vamwe vakawanda. Asi vakanga vasingachanyatsoshingairiri kuramba vachidzidza Bhaibheri uye kuparidza pachena sezvaiitwa nevakavatangira. Vakawanda vakaomerera papfungwa dzisiri dzomuBhaibheri, dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya womunhu, uye hero yomoto. (Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4; Mako 12:29) Nhasi, mamishinari evaMennonites anowanzosimbirira pamabasa okurapa neokubatsira vanhu pane kuparidzira.

Zvinofungidzirwa kuti iye zvino kwava nevaMennonites 1 300 000 vanogara munyika 65. Asi, vaMennonites vanhasi vanochema-chema nokusabatana kwavo, sokungochema-chema kwaiitawo Menno Simons mazana emakore akapfuura. MuHondo Yenyika I, maonero akasiyana okusawirirana kwenyika akakonzera kuparadzana kukuru. Vakawanda vaiva muNorth America vakaramba kupinda muchiuto vachitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. Asi bhuku rinonzi An Introduction to Mennonite History rinoti: “Pakazosvika 1914, chechi dzevaMennonites muWestern Europe dzakanga dzisisarambi kupinda muchiuto.” Nhasi, mamwe mapoka evaMennonites ava kuitawo zvimwe zvinhu zvemazuva ano. Vamwe vachiri kukopera mbatya dzavo nehochekeso panzvimbo pokushandisa mabhatani uye vanodavira kuti varume havafaniri kugera ndebvu.

Mamwe mapoka evaMennonites, ayo akashinga kuramba akaparadzana nenyika yanhasi, akatamira kunzvimbo uko zviremera zveko zvinoarega achigara zvisingapindiri mune zvaanoita. Somuenzaniso, muBolivia, vaMennonites vanofungidzirwa kuva 38 000 vanogara munzvimbo dzakasiyana-siyana dziri kure, imwe neimwe iine mitemo yayo yetsika. Mune dzimwe nzvimbo hamutenderwi motokari, munongobvumirwa mabhiza nengoro. Mune dzimwewo munorambidzwa redhiyo, TV, uye mimhanzi. Mumwe munotorambidzwa kudzidza mutauro womunyika yavanenge vachigara. Mumwe murume anogara mune mumwe musha akati, “Vafundisi havatibvumiri kudzidza chiSpanish kuitira kuti varambe vachititungamirira.” Vakawanda vanonzwa kuti vari kudzvinyirirwa uye vanogara vachitya kudzingwa munzvimbo yacho—chinhu chakaipa chaizvo chingaitika kumunhu asina kumbogara kunze kwenzanga yevaMennonites.

Madyarirwo Akaitwa Mhodzi Yechokwadi

Mumwe murimi aiva muMennonite ainzi Johann akaona magazini yeNharireyomurindi mumba momuvakidzani wake mumamiriro aya ezvinhu. Mhuri yaJohann yakanga yatama kubva kuCanada ichienda kuMexico uye yakazoenda kuBolivia. Asi Johann akanga agara achida kubatsirwa mukutsvaka kwake chokwadi cheBhaibheri. Akakumbira magazini yacho.

Gare gare, ari muguta achitengesa zvirimwa zvake, Johann akaenda kuChapupu chakanga chichigovera Nharireyomurindi pamusika. Chakamuti aende kumumishinari aigona kutaura mutauro wokuGermany, uye munguva pfupi yakazotevera Johann akanga ava kugamuchira Nharireyomurindi neposvo mumutauro wokuGermany. Magazini imwe neimwe yainyatsodzidzwa uye yaiendeswa kumhuri imwe neimwe mumusha maaigara kusvikira yabvaruka. Dzimwe nguva mhuri dzaiungana dzodzidza magazini yeNharireyomurindi kusvikira pakati pousiku, dzichiverenga magwaro eBhaibheri arimo. Johann akasvika pakubvuma kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvinofanira kuva zviri kuita zvinodiwa naMwari zvakabatana pasi pose. Asati afa, Johann akaudza mudzimai wake nevana kuti: “Munofanira kugara muchiverenga Nharireyomurindi. Ichakubatsirai kunzwisisa Bhaibheri.”

Vamwe vemhuri yaJohann vakatanga kutaura nevavakidzani vavo nezvezvinhu zvavakanga vachidzidza muBhaibheri. Vakati: “Pasi harisi kuzoparadzwa. Asi, Mwari achaita kuti rive paradhiso. Uye Mwari haatambudzi vanhu muhero.” Zvaitaurwa izvi zvakaguma zvasvika munzeve dzevakuru vechechi, vakatyisidzira mhuri yaJohann vachiti vaizoidzinga kana ikaramba ichiita izvi. Gare gare, paikurukura mhuri yacho nezvokutyisidzirwa kwayaiitwa nevakuru vevaMennonites, mumwe mukomana akataura zvaaifunga. Akati: “Handizivi kuti nei tichigunun’unira vakuru vechechi yedu. Tose tinoziva kuti chitendero chechokwadi ndechipi, uye hapana zvatakamboita.” Mashoko aya akabaya mwoyo wababa vomukomana uyu. Nenguva isipi, gumi vomumhuri yacho vakaita rwendo rwepachivande vachitsvaka Zvapupu zvaJehovha uye vakaguma vava pamusha wemamishinari, sezvambotaurwa patangira nyaya ino.

Mangwana acho, mamishinari akashanyira shamwari dzawo itsva kumusha kwadzo. Motokari yemamishinari ndiyo yoga yaiva mumugwagwa. Pavaifamba zvishoma nezvishoma vachipfuura ngoro dzaidhonzwa nemabhiza, vaitarisana nevagari veko vakanga vachishamiswawo. Pasina nguva, vakanga vagara patafura nevaMennonites gumi, vemhuri mbiri.

Zuva iroro, zvakavatorera maawa mana kudzidza chitsauko chokutanga chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Pandima imwe neimwe, varimi vacho vakanga vatarisa ndima dzeBhaibheri dzokuwedzera uye vaida kuziva kana vakanga vachishandisa magwaro nomazvo. Pashure pomubvunzo mumwe nomumwe wechidzidzo varimi vacho vaimbonyarara kwemaminitsi akati wandei vachibvunzana mumutauro unotaurwa nechokuchamhembe kweGermany, uye mumwe aizopindura muchiSpanish akavamiririra. Rakanga riri zuva risingakanganikwi, asi nhamo yakanga iri kuzouya. Vakanga vava kuzosangana nemiedzo, sezvakanga zvamboitika kuna Menno Simons paakatanga kutsvaka chokwadi cheBhaibheri mumakore anoda kusvika zviuru zvishanu akapfuura.

Kutarisana Nemiedzo Nokuda Kwechokwadi

Mazuva mashomanana akatevera, vakuru vechechi vakauya kumba kwemhuri yaJohann vachityisidzira uye vachida kuziva vose vakanga vachikurukura neZvapupu zvaJehovha: “Takanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakakushanyirai. Munofanira kuvarambidza kudzoka, uye kana mukarega kutipa mabhuku avo kuti apiswe, muchadzingwa.” Vakanga vangoita chidzidzo chimwe cheBhaibheri neZvapupu, saka izvi zvakava muedzo unotyisa.

Baba veimwe mhuri vakapindura kuti: “Hatigoni kuita zvamataura. Vanhu ivavo vakauya kuzotidzidzisa Bhaibheri.” Vakuru vacho vakaita sei? Vakavadzinga nokuti vaidzidza Bhaibheri! Uhwu hwakanga huri utsinye chaihwo. Ngoro yepafekitari inogadzira chizi yomunzvimbo yacho yakapfuura nepamusha peimwe mhuri ikarega kutora mukaka wayo, iyo yaiva nzira bedzi yavaiwana nayo mari. Vamwe baba vakadzingwa basa. Vamwe vakarambidzwa kutenga zvinhu pachitoro chomunzvimbo yacho, uye mwanasikana wavo ane makore gumi akadzingwa chikoro. Vavakidzani vakakomba mumwe musha vachida kutora mudzimai womumwe murume wechiduku, vachiti haafaniri kugara nomurume wake akadzingwa. Pasinei nezvose izvi, mhuri dzaidzidza Bhaibheri hadzina kukanda mapfumo pasi pakutsvaka kwadzo chokwadi.

Mamishinari akaramba achienda kunzvimbo iyi iri kure vhiki yoga yoga kuti anodzidzisa Bhaibheri. Kudzidza kwacho kwakasimbisa mhuri idzi chaizvo! Dzimwe nhengo dzemhuri dzaifamba maawa maviri nengoro dzinodhonzwa nemabhiza kuti dzipinde misangano. Yaiva nguva inofadza chaizvo mhuri dzacho padzakatanga kukumbira mumwe wemamishinari kuti anyengetere. Munzvimbo idzi vaMennonites havambonyengeteri zvinonzwika, saka vakanga vasati vambonzwa mumwe munhu achivanyengeterera. Maziso evarume vacho akayangarara misodzi. Uye ungafungidzira here madiro avaiita kuziva mamishinari paakauya netepi inoridza makaseti? Mimhanzi yakanga isina kumbobvira yatenderwa munzvimbo yavo. Vakanakidzwa chaizvo nemaKingdom Melodies zvokuti vakasarudza kuimba nziyo dzoUmambo pashure pechidzidzo chimwe nechimwe! Kunyange zvakadaro, mubvunzo wakaramba uripo wokuti, Vaizobudirira sei mumamiriro avo ezvinhu matsva?

Kuwana Hama Dzine Rudo

Dzisisina vokutengeserana navo munzvimbo yadzaigara, mhuri idzi dzakatanga kuzvigadzirira chizi. Mamishinari akadzibatsira kutsvaka vanotenga. Mumwe murume wokuNorth America ave ari Chapupu kwenguva yakareba akakurira munzvimbo yevaMennonites vokuSouth America akanzwa nezvokunetseka kwemhuri idzi. Akada chaizvo kuvabatsira. Muvhiki imwe, akaenda nendege kuBolivia kunovashanyira. Kuwedzera pakukurudzira mune zvokunamata, akabatsira mhuri dzacho kuti dzitenge rori duku kuitira kuti dzikwanise kusvika kumisangano paImba yoUmambo uyewo kunotengesa zvirimwa zvadzo.

“Zvakanga zvakatiomera vamwe pavakaramba kudyidzana nesu. Taienda kuImba yoUmambo takasuruvara,” inoyeuka kudaro imwe nhengo yemhuri yacho, “asi taidzoka tichifara.” Kutaura zvazviri, Zvapupu zveko zvakashandira pamwe ndokuvabatsira. Vamwe vakadzidza mutauro wokuGermany, uye Zvapupu zvakawanda zvaitaura mutauro wacho zvakabva kuEurope zvichienda kuBolivia kunobatsira kuitisa misangano yechiKristu muGermany. Pasina nguva, vanhu 14 vaibva mumusha wevaMennonites vakanga vava kuparidzira vamwe mashoko akanaka oUmambo.

Musi waOctober 12, 2001, pasati pambopera gore vashanyira musha wemamishinari kokutanga kumba kwawo, 11 vevaichimbova vaAnabaptist vakabhabhatidzwa zvakare, iye zvino vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Kubvira ipapo, vakawanda vakabhabhatidzwa. Mumwe akazoti: “Sezvo tadzidza chokwadi kubva muBhaibheri, tinonzwa sevaranda vasunungurwa.” Mumwewo akati: “VaMennonites vakawanda vanotsutsumwa nokushayikwa kworudo munzvimbo yavanogara. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsofarirana. Ndinonzwa ndakachengeteka kana ndiinazvo.” Kana uri kutsvaka kunzwisisa zviri nani chokwadi chinobva muBhabheri, iwewo ungasangana nezvinetso. Asi kana ukatsvaka kubatsirwa naJehovha woratidza kutenda uye ushingi sezvakaita mhuri idzi, uchabudirirawo wowana mufaro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kufarira kugamuchira mabhuku eBhaibheri mumutauro wokuGermany

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kunyange zvazvo mimhanzi yakanga yagara isingatenderwi, iye zvino vanoimba pashure pechidzidzo chimwe nechimwe cheBhaibheri