Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chingatibatsira Pamanzwiro Edu

Chingatibatsira Pamanzwiro Edu

Chingatibatsira Pamanzwiro Edu

ZVINOMBOITA sokuti wave kudzorwa nemanzwiro asina kunaka here? Hautani kugumbuka, kutsamwa, kana kuti kushatirwa here? Hautani kuzvidya mwoyo nokukurirwa nezvinhu zvoupenyu huno here? Chii chichakubatsira?

Kuva nemanzwiro akadaro kunoitika muupenyu. Kana akanyatsodzorwa, anoita kuti upenyu hufadze. Zvisinei, Bhaibheri rinobvuma kuti, “kudzvinyirira kungaita kuti munhu akachenjera aite sebenzi.” (Muparidzi 7:7) Ndiani asingambonzwi akaora mwoyo nezvinhu zvinoitika kwose kwose, munyika yakazara chisimba netsaona? Zvisinei, Magwaro anotiwo: “Hapana chinhu chiri nani pane kuti munhu afarire mabasa ake.” (Muparidzi 3:22) Saka kuti upenyu hufadze, tinoda kudzidza kufara nokuva nemanzwiro akanaka. Tingava sei nemanzwiro akanaka todzivisa aya anokuvadza?

Kuva nechimwe chinhu chaicho chatinoita kunoderedza kukura kwemanzwiro asina kunaka atingave nawo. Somuenzaniso, patinonetseka pamusoro pezvinhu zvatisingagoni kudzora, hazvisi nani here kuchinja zvatinoita nguva dzose kana kuti kumbosuduruka panzvimbo iyoyo pane kuti pfungwa dzedu dzinetseke? Kufamba-famba, kuteerera mumhanzi unozorodza, kurovedza muviri zvakasimba, kana kuti kubatsira mumwe munhu anoda kubatsirwa zvinogona kumbotinyevenutsa towana mufaro.—Mabasa 20:35.

Zvisinei, nzira yakanakisisa yokupedza nayo pfungwa dzisina kunaka, ndeyokuvimba noMusiki. Pfungwa dzisina kunaka padzinoramba dziripo, tinoda ‘kukandira kuzvidya mwoyo kwedu kwose pana Mwari’ nokunyengetera. (1 Petro 5:6, 7) Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo . . . Matambudziko omunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ose.” (Pisarema 34:18, 19) Tingava sei nechivimbo chokuti Mwari anogona kuva “mubatsiri . . . noMupukunyutsi” wedu? (Pisarema 40:17) Tingaita izvozvo nokudzidza Bhaibheri tichifungisisa mienzaniso yaro yechokwadi inoratidza kuti Mwari ane hanya nokugara zvakanaka kwevashumiri vake.