Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!

Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!

Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!

“Tinofamba nokutenda, kwete nokuona.”—2 VAKORINDE 5:7.

1. Chii chinoratidza kuti muapostora Pauro aifamba nokutenda, kwete nokuona?

IGORE ra55 C.E. Pava nemakore 20 mumwe murume aimbotambudza vaKristu ainzi Sauro agamuchira chiKristu. Haana kubvumira kufamba kwenguva kuti kuderedze kana kunetesa kutenda kwake muna Mwari. Kunyange zvazvo asina kuona zvinhu zvokudenga nemaziso ake chaiwo, ane kutenda kwakasimba. Naizvozvo paainyorera vaKristu vakazodzwa, avo vaiva netariro yokudenga, muapostora Pauro akati: “Tinofamba nokutenda, kwete nokuona.”—2 VaKorinde 5:7.

2, 3. (a) Tinoratidza sei kuti tiri kufamba nokutenda? (b) Zvinorevei kufamba nokuona?

2 Kufamba nokutenda kunoda kuvimba zvakakwana nokukwanisa kwaMwari kutungamirira upenyu hwedu. Tinofanira kuva nechokwadi chakazara chokuti anonyatsoziva zvakatinakira zvikuru. (Pisarema 119:66) Patinosarudza zvatinoda muupenyu torarama maererano nezvatasarudza, tinofunga “zvinhu [chaizvoizvo] zvatisingaoni.” (VaHebheru 11:1, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Izvi zvinosanganisira “matenga matsva nenyika itsva” zvakapikirwa. (2 Petro 3:13) Asi, kufamba nokuona kunoreva kuti tinorarama upenyu hunodzorwa bedzi nezvinhu zvatinoona nemaziso edu chaiwo kana kuti zvatinogona kubata. Izvi zvine ngozi nokuti zvinogona kuita kuti tirege zvachose kuita zvinodiwa naMwari.—Pisarema 81:12; Muparidzi 11:9.

3 Tingava ve“boka duku,” vakadanwa kudenga, kana kuti ve“mamwe makwai,” vane tariro yokurarama pasi pano, mumwe nomumwe wedu anofanira kuteerera zano rokufamba nokutenda kwete nokuona. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Ngationei kuti kutevera zano iri rakafuridzirwa kuchatidzivirira sei pa“kufadzwa nechivi kwenguva duku,” pamusungo wokunyanya kuda zvinhu zvenyama, uye pakusaona kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. Tichaongororawo ngozi dzokufamba nokuona.—VaHebheru 11:25.

Kuramba “Kufadzwa Nechivi Kwenguva Duku”

4. Mosesi akasarudzei, uye nei?

4 Chimbofungidzira kuti Mosesi, mwanakomana waAmramu angadai akava noupenyu hwakadini. Sezvo akakurira pakati pevana vamambo muIjipiti yekare, Mosesi aikwanisa kuzowana simba, upfumi, uye mukurumbira. Mosesi aigona kudai akafunga kuti: ‘Ndakanyatsodzidziswa uchenjeri hunorumbidzwa zvikuru hwevaIjipiti, uye mashoko angu nemabasa angu zvine simba. Kana ndikaramba ndiri muimba youmambo, ndinogona kushandisa chinzvimbo changu kubatsira hama dzangu dzechiHebheru dzakadzvinyirirwa!’ (Mabasa 7:22) Pane kudaro, Mosesi akasarudza “kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari.” Nei? Chii chakaita kuti Mosesi apire gotsi zvose zvaaigona kuwana muIjipiti? Bhaibheri rinopindura richiti: “Nokutenda [Mosesi] akabva kuIjipiti, asi asingatyi kutsamwa kwamambo, nokuti akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:24-27) Kutenda kwaiita Mosesi mubayiro waJehovha wechokwadi wokururama kwakamubatsira kuti arambe chivi uye arambe mafaro enguva duku.

5. Muenzaniso waMosesi unotikurudzira sei?

5 Isuwo tinowanzova nenguva yatinoona zvakaoma kusarudza panyaya dzakadai seidzi: ‘Ndinofanira kurega mimwe miitiro kana kuti tsika dzisinganyatsoenderani nechokwadi cheBhaibheri here? Ndinofanira kubvuma basa rinoita serinowanisa zvinhu zvenyama zvakawanda asi ringakanganisa kufambira mberi kwangu mune zvokunamata here?’ Muenzaniso waMosesi unotikurudzira kuti zvatinosarudza ngazvirege kufanana nezvinoitwa nenyika ino inongoona zviri pedyo; asi tinofanira kutenda muuchenjeri hunoona zviri kure hwo“Uyo asingaoneki”—Jehovha Mwari. SaMosesi, ngatikoshesei ushamwari naJehovha kudarika chinhu chero chipi chinopiwa nenyika ino.

6, 7. (a) Isau akaratidza sei kuti akasarudza kufamba nokuona? (b) Muenzaniso upi unonyevera watinowana pana Isau?

6 Chimboona kusiyana kwakanga kwakaita Mosesi naIsau, mwanakomana womusoro wemhuri Isaka. Isau akasarudza kuzvigutsa pakarepo. (Genesisi 25:30-34) “Asingaongi zvinhu zvitsvene,” Isau akatsinhanisa udangwe hwake “nokudya kumwe chete.” (VaHebheru 12:16) Haana kumbofunga kuti kusarudza kwaakaita kutengesa udangwe hwake kwaizokanganisa sei ukama hwake naJehovha kana kuti zvaakaita zvaizokanganisa zvakadini vana vake. Aisaona zvinhu zvokunamata nenzira yakajeka. Isau haana kuva nehanya nezvipikirwa zvaMwari zvinokosha, uye aizviona sezvisinganyanyi kukosha. Aifamba nokuona, kwete nokutenda.

7 Isau anotipa muenzaniso unonyevera nhasi. (1 VaKorinde 10:11) Patinofanira kusarudza, chingava chinhu chikuru kana chiduku, hatifaniri kunyengedzwa nemashoko anoparadzirwa enyika yaSatani, anoti unofanira kuwana zvaunoda iye zvino chaiye. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuratidza mafungiro akaita seaIsau here mune zvandinosarudza? Kutsvaka zvandinoda iye zvino kunoreva here kuisa zvinhu zvokunamata panzvimbo yechipiri? Zvandinosarudza zviri kukanganisa ushamwari hwangu naMwari here uye mubayiro wangu weramangwana? Ndiri kuratidza vamwe muenzaniso wakadini?’ Kana zvatinosarudza zvichiratidza kuti tinoonga zvinhu zvitsvene, Jehovha achatikomborera.—Zvirevo 10:22.

Kunzvenga Musungo Wokunyanya Kuda Zvinhu Zvenyama

8. VaKristu vokuRaodhikiya vakanyeverwa nezvei, uye nei isu tichifarira kunyevera ikoko?

8 Mune zvaakazivisa muapostora Johani zana remakore rokutanga rava kunopera, Jesu Kristu akakwidziridzwa akataura shoko kuungano yaiva muRaodhikiya, kuAsia Minor. Raiva shoko rokunyevera pamusoro pokunyanya kuda zvinhu zvenyama. Kunyange zvazvo vakanga vakapfuma mune zvenyama, vaKristu vokuRaodhikiya vakanga vari varombo mune zvokunamata. Pane kuramba vachifamba nokutenda, vakabvumira pfuma kuti idzikatidze kuona kwavo mune zvokunamata. (Zvakazarurwa 3:14-18) Nhasi ndozvinoitawo kunyanya kuda zvinhu zvenyama. Kunoderedza kutenda kwedu uye kunoita kuti tirege ‘kumhanya nokutsungirira nhangemutange’ youpenyu. (VaHebheru 12:1) Kana tisina kuchenjera, ‘mafaro oupenyu huno’ angatsvikinyidzira kunze zvinhu zvine chokuita nokunamata zvobva zva“vhungwa zvachose.”—Ruka 8:14.

9. Kugutsikana uye kuonga zvokudya zvine chokuita nokunamata kunotidzivirira sei?

9 Kugutsikana ndiko kunokosha pakuzvidzivirira mune zvokunamata pane kushandisa nyika ino zvakazara tozvipfumisa mune zvenyama. (1 VaKorinde 7:31; 1 Timoti 6:6-8) Patinofamba nokutenda kwete nokuona, tinowana mufaro muparadhiso yezvokunamata iripo iye zvino. Sezvatinodya zvokudya zvinovaka zvine chokuita nokunamata, hatikurudzirwi here ‘kushevedzera tichifara nokuti mwoyo uri kufara’? (Isaya 65:13, 14) Uyezve, tinofarira kushamwaridzana nevaya vanoratidza zvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvinokosha chaizvo kuti tigutsikane uye tizorodzwe nezvinopiwa naJehovha mune zvokunamata!

10. Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

10 Mimwe mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza ndeiyi: ‘Zvinhu zvenyama zvine nzvimbo ipi muupenyu hwangu? Ndiri kushandisa pfuma yandiinayo kuti ndirarame upenyu hwemafaro kana kuti kusimudzira kunamata kwechokwadi here? Chii chinoita kuti ndigutsikane zvikuru? Kudzidza Bhaibheri uye kushamwaridzana pamisangano yechiKristu here, kana kuti ndinogutsikana nokupera kwevhiki pandinenge ndisingaiti mabasa echiKristu? Ndinotsaura kupera kwevhiki kwakawanda kuti ndizvivaraidze pane kushandisa nguva iyoyo muushumiri hwomumunda uye kuita mamwe mabasa ane chokuita nokunamata kwakachena here?’ Kufamba nokutenda kunoreva kuti tinoramba tiine zvakawanda zvokuita mubasa roUmambo, tichivimba zvizere nezvipikirwa zvaJehovha.—1 VaKorinde 15:58.

Kuramba Tichiona Mugumo

11. Kufamba nokutenda kunotibatsira sei kuti tirambe tichiona mugumo?

11 Kufamba nokutenda kunotibatsira kuti tisava nemafungiro enyama okuti mugumo uri kure zvikuru kana kuti hautombouyi. Kusiyana nevanhu vasina chokwadi avo vanoseka uprofita hweBhaibheri, isu tinonzwisisa kuti zviitiko zvenyika zvinozadzisa sei zvakafanotaurwa neShoko raMwari nezvezuva redu. (2 Petro 3:3, 4) Somuenzaniso, mafungiro uye kuzvibata kwevanhu vakawanda hazviratidzi here kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira”? (2 Timoti 3:1-5) Nemaziso okutenda, tinoona kuti zviri kuitika munyika iye zvino hazvisi zvinhuwo hazvo zviri kuitikazve. Asi, zvinoumba “chiratidzo chokuvapo [kwaKristu] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu.”—Mateu 24:1-14.

12. Mashoko aJesu ari pana Ruka 21:20, 21 akazadzika sei muzana remakore rokutanga?

12 Chimbofunga chakaitika muzana remakore rokutanga C.E. chakafanana nechomuzuva redu. Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akanyevera vateveri vake kuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo. Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude.” (Ruka 21:20, 21) Mukuzadzika kwouprofita uhwu, mauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus akakomba Jerusarema muna 66 C.E. Asi mauto acho akakurumidza kubva, achipa chiratidzo uye mukana wokuti vaKristu vaivamo ‘vatizire kumakomo.’ Muna 70 C.E., mauto eRoma akadzoka, akarwisa guta reJerusarema ndokuparadza temberi yaro. Josephus anoti vaJudha vanodarika miriyoni vakafa, uye 97 000 vakatorwa senhapwa. Mwari akatonga mamiriro ezvinhu echiJudha epanguva iyoyo. Vaya vaifamba nokutenda ndokuteerera nyevero yaJesu vakapona panjodzi yacho.

13, 14. (a) Zviitiko zvipi zviri mberi? (b) Nei tichifanira kuramba takasvinurira kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri?

13 Chimwe chinhu chakafanana naizvozvo chava kuda kuzoitika muzuva redu. Masangano ari muSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose ane zvaachaitawo pakutonga kwaMwari. Sezvo mauto eRoma omuzana remakore rokutanga aitarisirwa kuti achengetedze Pax Romana (Runyararo rweRoma), Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose ranhasi rinotarisirwa kuti rive sangano rinochengetedza runyararo. Kunyange zvazvo mauto eRoma akaedza kuvimbisa kuti nyika yose yepanguva iyoyo yaizova yakati chengetekei, ndiwo akazoparadza Jerusarema. Saizvozvowo nhasi, uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti mamwe masangano ari muSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose achaona chitendero sechinhu chinovhiringidza uye achaparadza Jerusarema remazuva ano—chiKristudhomu—pamwe chete neBhabhironi Guru rose. (Zvakazarurwa 17:12-17) Chokwadi, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema hwava pedyo nokuparadzwa.

14 Kuparadzwa kwechitendero chenhema kucharatidza kutanga kwokutambudzika kukuru. Muchikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru, masangano anenge asara emamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino achaparadzwa. (Mateu 24:29, 30; Zvakazarurwa 16:14, 16) Kufamba nokutenda kunoita kuti tirambe takasvinurira kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri. Hatinyengedzwi kuti tifunge kuti sangano revanhu rakadai seSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose inzira yaMwari yokuunza nayo rugare rwechokwadi nokuchengeteka. Saka, mararamiro edu haafaniri here kuratidza kuti tinotenda kuti “zuva guru raJehovha rava pedyo”?—Zefaniya 1:14.

Kufamba Nokuona—Kune Ngozi Zvakadini?

15. Pasinei nokukomborerwa kwavo naMwari, rudzi rwaIsraeri rwakawira mumusungo wei?

15 Zvakaitika kuna Israeri wekare zvinoratidza ngozi yokubvumira kufamba nokuona kuti kuderedze kutenda kwomunhu. Pasinei nokuona matambudziko gumi ayo akanyadzisa vanamwari venhema veIjipiti vachibva vazonunurwa zvinoshamisa nomuGungwa Dzvuku, nokusateerera vaIsraeri vakaumba mhuru yendarama ndokutanga kuinamata. Havana kushivirira uye vakaneta nokumirira Mosesi, uyo “akanga achinonoka kuburuka mugomo.” (Eksodho 32:1-4) Kusashivirira kwakavaita kuti vanamate chidhori chaioneka nemaziso chaiwo. Kufamba kwavo nokuona kwakagumbura Jehovha uye kwakakonzera kuti “vanhu vanenge zviuru zvitatu” vaparadzwe. (Eksodho 32:25-29) Nhasi zvinosuruvarisa zvikuru kana munamati waJehovha akasarudza zvinhu zvinoratidza kuti haavimbi naJehovha uye kuti haana chivimbo chokuti anokwanisa kuzadzika zvipikirwa zvake!

16. VaIsraeri vakakanganiswa sei nezvinhu zvinooneka?

16 Zvinhu zvinooneka zvakakanganisa vaIsraeri mune dzimwe nzira. Kufamba nokuona kwakaita kuti vadedere nokutya vavengi vavo. (Numeri 13:28, 32; Dheuteronomio 1:28) Kwakaita kuti vashore chiremera chaMosesi chaakapiwa naMwari uye vanyunyute pamusoro poupenyu hwavo. Kushayiwa kutenda uku kwakaita kuti vade Ijipiti yaidzorwa nemadhimoni pane kuti vade Nyika Yakapikirwa. (Numeri 14:1-4; Pisarema 106:24) Jehovha anofanira kuve akarwadziwa chaizvo paaiona vanhu vake vasingamboremekedzi Mambo wavo asingaoneki!

17. Chii chakaita kuti vaIsraeri varambe utungamiriri hwaJehovha muzuva raSamueri?

17 Zvekare, muzuva romuprofita Samueri, rudzi rwaIsraeri rwaidiwa rwakabatwa nomusungo wokufamba nokuona. Vanhu vakatanga kuda mambo wavaigona kuona. Kunyange zvazvo Jehovha akanga aratidza kuti ndiye aiva Mambo wavo, izvi zvakanga zvisina kukwana kuti vafambe nokutenda. (1 Samueri 8:4-9) Vachizvikuvadza, noupenzi vakaramba utungamiriri hwakakwana hwaJehovha, asi vachisarudza kufanana nemarudzi akanga akavapoteredza.—1 Samueri 8:19, 20.

18. Tingadzidzei nezvengozi dzokufamba nokuona?

18 Sevashumiri vaJehovha vemazuva ano, tinokoshesa ukama hwedu hwakanaka naMwari. Tinoda nomwoyo wose kudzidza toshandisa muupenyu hwedu zvidzidzo zvinokosha kubva pane zvakaitika kare. (VaRoma 15:4) VaIsraeri pavakafamba nokuona, vakakanganwa kuti Mwari akanga achivatungamirira achishandisa Mosesi. Kana tisina kuchenjera, isuwo tinogona kukanganwa kuti Jehovha Mwari naMosesi Mukuru, Jesu Kristu, vari kutungamirira ungano yechiKristu nhasi. (Zvakazarurwa 1:12-16) Hatifaniri kuona chikamu chepasi chesangano raJehovha sokuonekwa kwachinoitwa nevamwe vanhu. Kuita kwedu izvozvo kungaita kuti tinyunyute uye tisaonga vamiririri vaJehovha uyewo zvokudya zvine chokuita nokunamata zvinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45.

Tsunga Kufamba Nokutenda

19, 20. Wakatsunga kuitei, uye nei?

19 Bhaibheri rinoti, “Hatirwi neropa nenyama, asi nehurumende, nevanhu vane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Muvengi wedu Mukuru ndiSatani Dhiyabhorosi. Chinangwa chake ndechokuparadza kutenda kwedu muna Jehovha. Haazoregi chero rudzi rupi zvarwo rwokunyengetedza rungaita kuti titsauke pane zvatakasarudza zvokushumira Mwari. (1 Petro 5:8) Chii chichatidzivirira kuti tisanyengedzwa nezvinhu zvinooneka zvemamiriro ezvinhu enyika yaSatani? Kufamba nokutenda, kwete nokuona! Kuvimba nezvipikirwa zvaJehovha kuchatichengetedza kuti ‘kutenda kwedu kusaparara sengarava yaparara.’ (1 Timoti 1:19) Saka, nepatinogona napo, ngatitsungei kuti tirambe tichifamba nokutenda, tichivimba zvizere nechikomborero chaJehovha. Uye ngatirambei tichinyengetera kuti zvimwe tingapukunyuka zvinhu zvose zvinofanira kuitika munguva yemberi iri pedyo.—Ruka 21:36.

20 Sezvatinofamba nokutenda, kwete nokuona, tine Muenzaniso wakanaka kwazvo. Bhaibheri rinoti, “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Nyaya inotevera ichakurukura zvatingaita kuti tirambe tichifamba sokufamba kwaakaita.

Unoyeuka Here?

• Wadzidzei pamuenzaniso waMosesi naIsau nezvokufamba nokutenda, kwete nokuona?

• Chii chinokosha pakunzvenga kunyanya kuda zvinhu zvenyama?

• Kufamba nokutenda kunotibatsira sei kuti tisafunga kuti mugumo uri kure zvikuru?

• Nei kufamba nokuona kuine ngozi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mosesi akafamba nokutenda

[Mufananidzo uri papeji 18]

Zvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvinowanzokutadzisa kuita mabasa echiKristu here?

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kuteerera Shoko raMwari kunokudzivirira sei?