Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?

FUNGIDZIRA kufara kunofanira kunge kwakaita mumwe muJudha wechiduku ainzi Andreya paakatanga kunzwa mashoko aJesu weNazareta! Bhaibheri rinoti Andreya akamhanyira kumukoma wake akati: “Tawana Mesiya [kana kuti, Kristu].” (Johani 1:41) Mumutauro wechiHebheru nechiGiriki, mashoko anowanzoshandurwa kuti “Mesiya” kana kuti “Kristu” anoreva “Muzodziwa.” Jesu akanga ari Muzodziwa, kana kuti Akasarudzwa waMwari—Mutungamiriri akapikirwa. (Isaya 55:4) Magwaro aive nouprofita hunotaura nezvake, uye panguva yacho vaJudha vakanga vachitomutarisira.—Ruka 3:15.

Tinoziva sei kuti Jesu chaizvoizvo akanga ari Akasarudzwa waMwari? Asi imbofunga zvakaitika mugore ra29 C.E., Jesu paakanga aine makore 30. Akaenda kuna Johani Mubhabhatidzi kuti anobhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani. Bhaibheri rinoti: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Kwaivawo neinzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.’” (Mateu 3:16, 17) Anzwa mashoko iwayo okutendera, Johani aizogona here kusava nechokwadi chokuti Jesu akanga ari Akasarudzwa waMwari? Nokudururira Mudzimu Mutsvene Wake pana Jesu, Jehovha Mwari akamuzodza, kana kuti akamugadza, kuti ave Mambo woUmambo Hwake huchauya. Saka, Jesu akava Jesu Kristu, kana kuti Jesu Muzodziwa. Zvisinei, Jesu aiva Mwanakomana waMwari munzirai? Akavamba sei?

Mavambo Ake Aiva “Panguva Yokutangatanga”

Upenyu hwaJesu hungapatsanurwa kuiswa muzvikamu zvitatu. Chokutanga chakavamba kare asati aberekwa somunhu. Mavambo ake aiva “panguva yokutangatanga, pamazuva enguva isingagumi,” inodaro Mika 5:2. Jesu pachake akati: “Ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro”—kureva kuti, kubva kudenga. (Johani 8:23) Ave ari mudenga somunhu womudzimu ane simba.

Sezvo zvinhu zvose zvakasikwa zvakava nemavambo, pane nguva apo Mwari aingova oga. Zvisinei, kwemakore asingaverengeki akapfuura, Mwari akatanga Kusika. Ndiani waakatanga kusika? Bhuku reBhaibheri rokupedzisira rinozivisa Jesu se“wokutanga pane zvakasikwa naMwari.” (Zvakazarurwa 3:14) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose.” Izvozvo zvakadaro “nokuti pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (VaKorose 1:15, 16) Chokwadi, Jesu ndiye oga akasikwa naMwari zvakananga. Saka anonzi ‘Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.’ (Johani 3:16) Uyu Mwanakomana wedangwe anonziwo “Shoko.” (Johani 1:14) Nei? Nokuti asati aberekwa somunhu, akashanda mudenga somutauriri waMwari.

“Shoko” rakanga riina Jehovha Mwari “pakutanga,” pakasikwa “matenga nenyika.” Ndiye akanzi naMwari: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Johani 1:1; Genesisi 1:1, 26) Dangwe raJehovha rakanga riripo padivi paBaba varo, richishanda navo nokushingaira. Pana Zvirevo 8:22-31, anotaurwa seanoti: “Ndaiva padivi pake [Musiki] ndiri mhizha, uye ndakava munhu waaida kwazvo zuva nezuva, ini ndichifara pamberi pake nguva dzose.”

Jehovha Mwari noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga vanofanira kuve vakanga vave kunyatsozivana sezvavaishanda pamwe chete! Kushamwaridzana naJehovha ikoko kwemakore asingazivikanwi kune zvakwakaita zvikuru paMwanakomana waMwari. Mwanakomana uyu anoteerera akasvika pakungoita saBaba vake, Jehovha. Kutaura zvazviri, VaKorose 1:15 inoti Jesu “mufananidzo waMwari asingaoneki.” Ndicho chimwe chikonzero nei zvichikosha kuva nezivo pamusoro paJesu pakugutsa chido chedu chokunamata uye chatagara tiinacho chokuda kuziva Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naJesu ari pasi pano ndizvo chaizvo zvaaitarisirwa kuita naJehovha. Nokudaro, kuziva Jesu kunorevawo kuwedzera kuziva kwedu Jehovha. (Johani 8:28; 14:8-10) Asi Jesu akauya sei pasi pano?

Upenyu Hwake Somunhu

Chikamu chechipiri choupenyu hwaJesu chakatanga Mwari paakatuma Mwanakomana wake pasi pano. Jehovha akaita izvi nokutamisa nenzira inoshamisa upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda kunhumbu yemhandara yechiJudha yakatendeka yainzi Mariya. Jesu haana kugara nhaka kusakwana nokuti baba vake vakanga vasiri munhu. Mudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinoita basa, wakava pana Mariya, uye simba rake ‘rakamufukidza’ ndokuita kuti ave nepamuviri nenzira inoshamisa. (Ruka 1:34, 35) Naizvozvo Mariya akabereka mwana akanga akakwana. Somwanakomana akarerwa nomuvezi Josefa, akakurira mumusha wevanhu vakaderera uye akanga ari wokutanga pavana vakawanda mumhuri yacho.—Isaya 7:14; Mateu 1:22, 23; Mako 6:3.

Zvishomanana zvinozivikanwa nezvoupwere hwaJesu, asi pane chiitiko chimwe chete chakakurumbira. Jesu paakanga aine makore 12, vabereki vake vakaenda naye kuJerusarema kwavaishanya gore negore kuPaseka. Vari ikoko, akapedza nguva yakawanda ari patemberi, “akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.” Uyezve, “vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” Chokwadi, Jesu muduku akanga asingangobvunzi mibvunzo yaiita kuti vafunge, yaiva nechokuita nokunamata asi akapawo mhinduro dzoungwaru dzakashamisa vamwe. (Ruka 2:41-50) Sezvo akakurira muguta reNazareta, zviri pachena kuti akadzidziswa kuva muvezi nababa vake vakamurera, Josefa.—Mateu 13:55.

Jesu akagara muNazareta kusvikira ava nemakore 30. Akabva aenda kunobhabhatidzwa naJohani. Abhabhatidzwa, Jesu akatanga ushumiri hwake hwaiva nesimba. Kwemakore matatu nehafu, akafamba nyika yokumusha kwake yose achiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Akapa uchapupu hwokuti akanga atumwa naMwari. Sei? Nokuita zvishamiso zvakawanda—mabasa esimba akanga asingakwanisi kuitwa nouchenjeri hwevanhu.—Mateu 4:17; Ruka 19:37, 38.

Jesu akanga ariwo munhu aiva netsiye nyoro uye aiva netsitsi chaizvo. Kuva munyoro kwake kwakaoneka zvikurukuru munzira yaaiona nayo vamwe uye yaaibata nayo nevamwe. Vanhu vakawanda vainzwa vachida kuenda kuna Jesu nokuti aitaurika naye zviri nyore uye aiva nomutsa. Kunyange vana vaduku vainzwa vakasununguka vainaye. (Mako 10:13-16) Jesu airemekedza vakadzi, kunyange zvazvo vamwe vanhu vomuzuva rake vaivatarisira pasi. (Johani 4:9, 27) Aibatsira varombo nevakadzvinyirirwa kuti ‘vawane zororo remweya yavo.’ (Mateu 11:28-30) Kudzidzisa kwake kwaiva kwakajeka, kuri nyore, uye kwaibatsira. Uye zvaakadzidzisa zvakaratidza kuti aida nomwoyo wose kuti vateereri vake vazive Mwari wechokwadi, Jehovha.—Johani 17:6-8.

Jesu akashandisa mudzimu mutsvene waMwari kuita zvishamiso, netsitsi akaporesa vairwara nevaitambudzika. (Mateu 15:30, 31) Somuenzaniso, mumwe munhu aiva nemaperembudzi akauya kwaari akati: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu akaitei? Akatambanudza ruoko rwake akabata murume wacho, akati kwaari: “Ndinoda. Cheneswa.” Uye murume wacho airwara akaporeswa!—Mateu 8:2-4.

Fungawo zvakaitika apo gurusvusvu revanhu rakauya kuna Jesu rikagara naye kwemazuva matatu risina chokudya. Akanzwira tsitsi vanhu vacho uye akapa zvokudya nenzira inoshamisa “varume zviuru zvina, vakadzi nevana vaduku vasingabatanidzwi.” (Mateu 15:32-38) Pane imwe nguva, Jesu akanyaradza dutu rakanga rava kuisa shamwari dzake mungozi. (Mako 4:37-39) Akamutsa vakafa, kana kuti akavadzorera kuupenyu. * (Ruka 7:22; Johani 11:43, 44) Jesu akatopa upenyu hwake hwakakwana nokuzvidira kuitira kuti vanhu vasina kukwana vawane tariro yomunguva yemberi. Jesu aida vanhu chaizvo!

Jesu Ari Kupi Nhasi?

Jesu akafira padanda rokutambudzikira pazera remakore 33 1/2. * Asi rufu rwakanga rusiri mugumo woupenyu hwake. Chikamu chechitatu choupenyu hwake chakatanga kwapera anenge mazuva matatu Jehovha Mwari paakamutsa Mwanakomana wake somunhu womudzimu. Amutswa, Jesu akaonekwa nemazana evanhu vairarama muzana remakore rokutanga C.E. (1 VaKorinde 15:3-8) Pashure pacho, “akagara kuruoko rworudyi rwaMwari” ndokumirira kupiwa simba roumambo. (VaHebheru 10:12, 13) Nguva iyoyo payakasvika, Jesu akatanga kutonga saMambo. Saka tinofanira kufunga chii nezvaJesu nhasi? Tinofanira kufunga nezvake somunhu ari kutambudzika ari kuda kuurayiwa here? Kana kuti tofunga nezvake somunhu anoda kunamatwa? Jesu nhasi haasi munhu kana kuti Mwari Wemasimbaose. Asi, chisikwa chomudzimu chine simba, Mambo ari kutonga. Nokukurumidza iye zvino, acharatidza kutonga kwake mupasi redu ratambudzika.

Ichishandisa mutauro wokufananidzira, Zvakazarurwa 19:11-16 inotsanangura Jesu Kristu samambo akagara pabhiza jena uye ari kuuya kuzotonga uye kuzorwa mukururama. Ane “bakatwa refu rakapinza, kuti ateme marudzi naro.” Chokwadi, Jesu achashandisa simba rake guru kuti aparadze uipi. Zvakadiniko nevaya vanoedza kutevedzera muenzaniso waakaratidza paakanga ari pasi pano? (1 Petro 2:21) Iye naBaba vake vachavachengetedza pa“hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose”—inowanzonzi Amagedhoni—kuti vazorarama nokusingaperi sevanhu vepasi vanotongwa noUmambo hwokudenga.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 16:14, 16; 21:3, 4.

Pakutonga kwake kune rugare, Jesu achaitira vanhu vose zvishamiso zvakanaka zvakawanda! (Isaya 9:6, 7; 11:1-10) Acharapa vanorwara ndokugumisa rufu. Jesu achashandiswa naMwari kumutsa mabhiriyoni evanhu, achivapa mukana wokurarama nokusingaperi pasi pano. (Johani 5:28, 29) Hatingambogoni kufungidzira kuti upenyu hwedu huchange hwakanaka sei pakutonga kwoUmambo. Saka, zvinokosha kuti tirambe tichiwana zivo yeBhaibheri ndokuziva Jesu Kristu zviri nani.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinhu zvaizivikanwa nevanhu vose. Kunyange vavengi vaJesu vakabvuma kuti ‘aiita zviratidzo zvizhinji.’—Johani 11:47, 48.

^ ndima 17 Kuti utsanangurirwe kuti Kristu akafira padanda here kana kuti pamuchinjikwa, ona mapeji 49-50 ebhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 7]

Jesu NdiMwari Wemasimbaose Here?

Vanhu vazhinji vanoenda kuchechi vanoti Jesu ndiMwari. Vamwe vanoti Mwari Utatu. Maererano nedzidziso iyi, “Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, Mudzimu Mutsvene ndiMwari, havasi vanaMwari vatatu asi Mwari mumwe chete.” Zvinonzi vatatu ava “vose havana mugumo uye vose vakaenzana.” (The Catholic Encyclopedia) Izvozvo zvakarurama here?

Jehovha Mwari ndiye Musiki. (Zvakazarurwa 4:11) Haana mavambo kana mugumo, uye ndowemasimbaose. (Pisarema 90:2) Asi Jesu akanga aine mavambo. (VaKorose 1:15, 16) Achitaura nezvaJehovha saBaba vake, Jesu akati: “Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Jesu akatsanangurawo kuti paiva nezvimwe zvinhu izvo iye nengirozi vakanga vasingazivi asi zvaizivikanwa bedzi naBaba vake.—Mako 13:32.

Uyezve, Jesu akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Jesu akanga achinyengetera kuna ani kana akanga asiri kunyengetera kune mumwe Munhu Mukuru kwaari? Uyezve, Mwari ndiye akamutsa Jesu kubva kuvakafa, Jesu haana kuzvimutsa. (Mabasa 2:32) Jesu asati auya pasi pano kana kuti muupenyu hwake hwepasi, zviri pachena kuti Baba noMwanakomana vakanga vasina kuenzana. Zvakadiniko nezvepashure pokumutsirwa kwaJesu kudenga? Tsamba yaVaKorinde Yokutanga 11:3 inoti: “Musoro waKristu ndiMwari.” Kutaura zvazviri, Mwanakomana acharamba achizviisa pasi paMwari. (1 VaKorinde 15:28) Naizvozvo Magwaro anoratidza kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose. Asi, iye Mwanakomana waMwari.

Uya anonzi munhu wechitatu woUtatu—mudzimu mutsvene—hausi munhu. Achitaura naMwari mumunyengetero, munyori wepisarema akati: “Kana mukatuma simba renyu rinoita basa, izvo zvinosikwa.” (Pisarema 104:30) Mudzimu uyu hausi Mwari pachake; isimba rinoita basa raanotuma kana kuti raanoshandisa kuita chero zvaanenge achida. Achiushandisa, Mwari akasika matenga anooneka, pasi, nezvinhu zvose zvipenyu. (Genesisi 1:2; Pisarema 33:6) Mwari akashandisa mudzimu mutsvene wake kuti afuridzire varume vakanyora Bhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Saka, Utatu idzidziso isingabvi muMagwaro. * “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,” rinodaro Bhaibheri.—Dheuteronomio 6:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 28 Kana uchida mamwe mashoko, ona bhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu akava Muzodziwa waMwari paakabhabhatidzwa

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu akashandisa simba rake kuita basa raakapiwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nhasi, Jesu ndiMambo ane simba