Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kutya Jehovha—Ndihwo Uchenjeri”

“Kutya Jehovha—Ndihwo Uchenjeri”

“Kutya Jehovha—Ndihwo Uchenjeri”

“PASHURE pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” (Muparidzi 12:13) Mambo Soromoni weIsraeri yekare akasvika pamhedziso yakadzama iyi afuridzirwa naMwari! Musoro wemhuri Jobho ainzwisisawo kuti zvaikosha kutya Mwari, nokuti akati: “Tarira! Kutya Jehovha—ndihwo uchenjeri, uye kubva pane zvakaipa ndiko kunzwisisa.”—Jobho 28:28.

Bhaibheri rinokoshesa zvikuru kutya Jehovha. Nei kutya Mwari tichimuremekedza kuri kuchenjera? Kutya Mwari kunotibatsira sei—isu pachedu uye seboka revanamati vechokwadi? Ndima 26 kusvikira ku35 dzechitsauko 14 chaZvirevo dzinopindura mibvunzo iyi. *

Kunobva “Chivimbo Chakasimba”

“Mukutya Jehovha mune chivimbo chakasimba,” anodaro Soromoni, “uye vanakomana vake vachawana kwokupotera.” (Zvirevo 14:26) Chivimbo chomunhu anotya Mwari chinobva kuna Jehovha, Mwari akavimbika uye wemasimbaose. Hazvishamisi kuti munhu akadaro anotarisana neramangwana nechivimbo chakasimba! Anotarisira kurarama upenyu hwakakomborerwa kwenguva refu.

Zvisinei, tingatii nezveramangwana revanhu vaya vanovimba nenyika—zvirongwa zvayo, masangano ayo, pfungwa dzayo uye zvinhu zvayo? Havazotarisiri kurarama kwenguva refu, nokuti Bhaibheri rinoti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Saka tine chikonzero choku“da nyika kana zvinhu zviri munyika” here?—1 Johani 2:15.

Vabereki vanotya Mwari vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo “vachawana kwokupotera”? “Uyai, imi vanakomana, nditeererei,” akaimba achidaro munyori wepisarema, “ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” (Pisarema 34:11) Kana vana vakadzidziswa kutya Mwari nomuenzaniso wevabereki vavo uye nokurayiridzwa navo, vangangokura vova varume nevakadzi vanovimba naJehovha zvakasimba.—Zvirevo 22:6.

Soromoni anoenderera mberi achiti: “Kutya Jehovha itsime roupenyu, kuti ubve pamisungo yorufu.” (Zvirevo 14:27) Kutya Jehovha “itsime roupenyu” nokuti Mwari wechokwadi ndiye “tsime remvura mhenyu.” (Jeremiya 2:13) Kuramba tichiwana zivo pamusoro paJehovha naJesu Kristu kunogona kureva kuti tichawana upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Kutya Mwari kunotibvisawo pamisungo yorufu. Sei? Zvirevo 13:14 inoti: “Mutemo womunhu akachenjera itsime roupenyu, kuti ubvise munhu pamisungo yorufu.” Kana tikatya Jehovha, tikachengeta mutemo wake, uye tikabvuma kuti Shoko rake ritungamirire nhanho dzedu, tinenge tisina kudzivirirwa pamiitiro inokuvadza uye manzwiro zvingaita kuti tikurumidze kufa here?

“Kushonga kwaMambo”

Kwenguva yakati rebei mukutonga kwake, Soromoni aiva mambo aitya Mwari uye aiteerera Jehovha. Izvi zvakaita kuti abudirire pakutonga. Chii chinoratidza kuti mambo ari kutonga zvakanaka? Zvirevo 14:28 inopindura ichiti: “Kushonga kwamambo kunoonekwa nokuwanda kwevanhu, asi kuparara kwejinda kunoonekwa nokushayikwa kwevanhu.” Kubudirira kwamambo kunoonekwa nokugara zvakanaka kwevaanenge achitonga. Kana vanhu vakawanda vachida kuramba vachitongwa naye, izvozvo zvinoratidza kuti mutongi akanaka. Soromoni ai“tonga vanhu kubvira kugungwa [Dzvuku] kusvikira kugungwa [reMediterranean] uye kubvira kuRwizi [rwaYufratesi] kusvikira kumigumo yenyika.” (Pisarema 72:6-8) Umambo hwake hwaiva norugare uye hwainge hwakabudirira zvisina kumboitika. (1 Madzimambo 4:24, 25) Soromoni akabudirira pakutonga kwake. Asiwo, zvinonyadzisa kana mukuru mukuru asingafarirwi noruzhinji.

Panyaya ino, tingatii nezvokukudzwa kwaSoromoni Mukuru, Mambo Mesiya, Jesu Kristu? Funga nezvevanhu vaanotonga kunyange nhasi. Mupasi rose, varume nevakadzi vanotya Mwari vanopfuura mamiriyoni matanhatu vakatosarudza kurarama vachitongwa naKristu. Vanotenda muna Jesu uye vakabatana mukunamata kwechokwadi Mwari mupenyu. (Johani 14:1) Pachazopera Kutonga kweMireniyumu, vaya vose vanoyeukwa naMwari vachange vamutswa. Zvadaro paradhiso yepasi ichange yazara nevanhu vanofara, vakarurama, vakaratidza kuonga Mambo wavo. Zvechokwadi izvozvo zvichapupurira kuti kutonga kwaKristu kwabudirira! Ngatibatisisei tariro yedu yakaisvonaka yoUmambo.

Kubatsirwa Mune Zvokunamata uye Mumuviri

Kutya Mwari kwokumuremekedza kunogona kuita kuti mwoyo yedu nepfungwa zvigadzikane. Izvi zvakadaro nokuti uchenjeri hune zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kusarudza zvakanaka uye kunzwisisa. Zvirevo 14:29 inoti: “Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo, asi asingashiviriri anokwidziridza upenzi.” Ungwaru hunotibatsira kuziva kuti kana tikasadzora hasha dzedu, tichakuvara mune zvokunamata. “Kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana” ndemamwe mabasa angatitadzisa ‘kugara nhaka youmambo hwaMwari.’ (VaGaratiya 5:19-21) Tinopiwa zano rokuti tisaramba takatsamwa kunyange kana tiine chikonzero chokudaro. (VaEfeso 4:26, 27) Uye kutadza kushivirira kungaita kuti titaure zvoupenzi uye tiite zvinhu zvatingazodemba.

Achitaura nezvokuti hasha dzinokuvadza sei miviri yedu, mambo waIsraeri anoti: “Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama, asi godo rinoodza mapfupa.” (Zvirevo 14:30) Zvirwere zvinokonzerwa nokutsamwa uye kufufutirwa nehasha zvinosanganisira kutadza kufema zvakanaka, BP, zvirwere zvechiropa, uye kukuvara kwerwatata. Vanachiremba vanotaurawo kuti kutsamwa nokufufutirwa nehasha zvinhu zvinowedzera, kana kuti kutokonzera zvirwere zvakadai semaronda omudumbu, mhezi, asima, zvirwere zveganda, uye kutadza kugaya zvokudya. Asiwo, “mwoyo wakadzikama unopa upenyu kumuviri.” (Zvirevo 14:30, Bhaibheri Rinoera) Saka, tinenge takachenjera kana tikatevera “zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.”—VaRoma 14:19.

Kutya Mwari Kunotibatsira Kuti Tisasarura

“Anobiridzira munhu akaderera anozvidza Muiti wake,” anodaro Soromoni, “asi munhu anonzwira murombo nyasha anomukudza Iye.” (Zvirevo 14:31) Munhu anotya Mwari anoziva kuti vanhu vose vakasikwa nomunhu mumwe chete, Jehovha Mwari. Naizvozvo, munhu akaderera munhuwo, uye mabatiro atinomuita anoratidza maonero atinoita Musiki wevanhu. Kuti tikudze Mwari, tinofanira kubata vamwe zvakanaka tisingavasaruri. MuKristu anenge ari murombo haafaniri kusarurwa muzvinhu zvine chokuita nokunamata. Tinofanira kuudza varombo nevapfumi mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Achitaura nezvezvimwe zvakanakira kutya Mwari, mambo akachenjera anoti: “Munhu akaipa achawisirwa pasi nokuda kwezvakaipa zvake, asi munhu akarurama achawana kwokupotera mukuvimbika kwake.” (Zvirevo 14:32) Munhu akaipa anowisirwa pasi sei? Zvinonzi dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti izvi zvinoreva kuti paanotarisana nedambudziko, haazombokwanisi kumukazve. Asiwo, paanowirwa nedambudziko, munhu anotya Mwari anopotera mukuvimbika kwake kuna Mwari. Sezvo achinyatsovimba naJehovha zvokutosvika pakufa chaiko, anoratidza kuti akatsunga kuita sezvakaita Jobho, uyo akati: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.

Kuti munhu arambe akatendeseka zvinoda kuti atye Mwari uye ave akachenjera. Uchenjeri hungawanikwa kupi? “Uchenjeri hunogara mumwoyo momunhu anonzwisisa,” inopindura ichidaro Zvirevo 14:33, “uye hunozivikanwa pakati pemapenzi.” Chokwadi, uchenjeri hunogona kuwanikwa mumwoyo momunhu anonzwisisa. Zvisinei, hunozivikanwa pakati pemapenzi pakudini? Maererano nerimwe bhuku, “benzi, richida kuita sokuti rakachenjera, rinongobvotomoka zvarinofunga kuti uchenjeri asi parinenge richidaro rinobva raratidza upenzi hwaro.”

“Kunokwidziridza Rudzi”

Achitiratidza kusiyana kwakaita kutya Mwari kunoitwa nomunhu mumwe chete nokunoitwa norudzi rwose, mambo waIsraeri anoti: “Kururama ndiko kunokwidziridza rudzi, asi chivi chinhu chinonyadzisa mapoka emarudzi.” (Zvirevo 14:34) Pfungwa iyi yakaratidzwa zvakajeka zvikuru pane zvakaitika kurudzi rwaIsraeri! Kuomerera kumitemo yaMwari yakakwirira kwakaguma nokuita kuti rudzi rwaIsraeri rukwidziridzwe kupfuura marudzi akanga akapoteredza. Zvisinei, kuramba vasingateereri kwakaita kuti vaIsraeri vanyadziswe uye vagume varambwa naJehovha. Pfungwa iyi inoshanda kuvanhu vaMwari nhasi. Ungano yechiKristu yakasiyana nenyika nokuti inoomerera kumitemo yaMwari yakarurama. Zvisinei, kuti tirambe tiri pazvimbo iyoyo yakakwirira, isu pachedu tinofanira kurarama upenyu hwakachena. Kuramba tichiita chivi kunongotinyadzisa isu pachedu pamwe chete nokuzvidzisa ungano uye Mwari.

Achitaura nezvezvinofadza mambo, Soromoni anoti: “Mambo anofadzwa nomushandi ane njere, asi anoshatirirwa kwazvo munhu anoita zvinonyadzisa.” (Zvirevo 14:35) Uye Zvirevo 16:13 inoti: “Miromo yakarurama inofadza mambo mukuru; uye iye anoda munhu anotaura zvakarurama.” Chokwadi, Mutungamiriri wedu uye Mambo wedu, Jesu Kristu, anofara zvikuru patinoita zvakarurama nezvinoratidza njere uye patinoshandisa miromo yedu mubasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Zvechokwadi, ngatirambei tichishanda nesimba mubasa iroro sezvatinowana zvikomborero zvinobva pakutya Mwari wechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona Zvirevo 14:1-25 iyo inokurukurwa muNharireyomurindi yaNovember 15, 2004, mapeji 26-9, uye yaJuly 15 2005, mapeji 17-20.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munhu anogona kudzidziswa kutya Mwari