Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NdiMwari Here Kana Kuti Munhuwo Zvake?

NdiMwari Here Kana Kuti Munhuwo Zvake?

NdiMwari Here Kana Kuti Munhuwo Zvake?

“NDINI chiedza chenyika. Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” (Johani 8:12) Mashoko aya akataurwa naJesu Kristu. Mumwe munhu akanga akadzidza womuzana remakore rokutanga akanyora nezvake kuti: “Pfuma yose youchenjeri neyezivo yakanyatsovanzwa maari.” (VaKorose 2:3) Uyezve, Bhaibheri rinoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zivo yakarurama yaJesu inokosha kuti tigogutsa zvatinoda zvine chokuita nokunamata.

Pasi pose vanhu vakawanda vakanzwa nezvaJesu Kristu. Kuumba kwaave achiita nhoroondo yevanhu hakuna mubvunzo. Kutaura zvazviri, karenda rakatanga mugore raanofungidzirwa kuti ndiro raakaberekwa ndiro riri kushandiswa munzvimbo zhinji dzenyika. The World Book Encyclopedia rinotsanangura kuti: “Vakawanda vanotaura nezvemakore anotangira gore iroro saB.C., kana kuti Kristu asati avapo. Vanoshandisa A.D., kana kuti anno Domini (mugore raShe wedu), kureva makore akazotevera gore iroro.”

Asi, pane pfungwa dzinopesana pamusoro pokuti Jesu aiva ani. Kune vamwe, akanga ari munhuwo zvake akazviitira mukurumbira munhoroondo yevanhu. Zvisinei, vamwe vanomunamata saMwari Wemasimbaose. VaHindu vakafananidza Jesu Kristu namwari wevaHindu, Krishna, uyo anonzi nevakawanda ndimwari ari munhu. Jesu akanga ari munhuwo zvake, kana kuti aiva munhu aifanira kunamatwa here? Chaizvoizvo Jesu akanga ari ani? Akabva kupi? Akanga ari munhu worudzii? Uye ari kupi izvozvi? Sezvatichaona munyaya inotevera, bhuku rinotaura zvakawanda nezvokuvapo kwaJesu rine mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo iyi.