Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Kufunga Kwakaipa!

Ramba Kufunga Kwakaipa!

Ramba Kufunga Kwakaipa!

PAAKANGA ari mumatambudziko, musoro wemhuri Jobho akashanyirwa neshamwari dzake nhatu Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari. Vakauya kuzochema naye uye kuzomunyaradza. (Jobho 2:11) Pakati pavo vari vatatu zvichida Erifazi ndiye aimiririra vamwe uye ari mukuru. Ndiye akatanga kutaura uye akataura zvakawanda. Erifazi akaratidza kufunga kwakaita sei pamikana mitatu yaakava nayo yokutaura?

Achiyeuka zvakamboitika kwaari zvinoshamisa, Erifazi akati: “Mudzimu wakapfuura nepachiso changu; mvere dzenyama yangu dzakatanga kusimuka. Iwo wakamira, asi handina kuziva kuti wakanga wakaita sei; mufananidzo wakanga uri pamberi pemaziso angu; runyararo rwakavapo, ndikanzwa inzwi.” (Jobho 4:15, 16) Mudzimu worudzii wakanga uchiumba mafungiro aErifazi? Mashoko okushora akataurwa ipapo anoratidza kuti zvechokwadi mudzimu wacho wakanga usiri imwe yengirozi dzakarurama dzaMwari. (Jobho 4:17, 18) Waiva chisikwa chomudzimu chakaipa. Kana zvisina kudaro, nei Jehovha akazotsiura Erifazi neshamwari dzake mbiri kuti vakanga vareva nhema? (Jobho 42:7) Chokwadi, Erifazi akanga ari kushandiswa nedhimoni. Zvaaitaura zvairatidza kufunga kusingadiwi naMwari.

Ipfungwa dzipi dzinogona kuwanika pane zvakataurwa naErifazi? Nei zvichikosha kuti tichenjerere mafungiro akaipa? Uye matanho api atingatora kuti tiarambe?

“Haatendi Muvashumiri Vake”

Pakutaura kwake kwose kutatu, Erifazi akaratidza pfungwa yokuti Mwari anoomesera vashumiri vake chaizvo zvokuti hapana chavanoita chinomufadza. Erifazi akaudza Jobho kuti: “Tarirai! Iye haatendi muvashumiri vake, uye anopa nhume dzake mhosva.” (Jobho 4:18) Erifazi akazotizve nezvaMwari: “Iye haatendi muvatsvene vake, uye matenga pachawo haana kuchena pamberi pake.” (Jobho 15:15) Uye akabvunza kuti: “Wemasimbaose anofara nokuti iwe wakarurama here?” (Jobho 22:3) Bhiridhadhi akabvumirana nepfungwa iyi, nokuti akati: “Kune mwedzi, asi hauna kujeka; uye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pa[Mwari].”—Jobho 25:5.

Tinofanira kuchenjerera kuti tisakanganiswa nokufunga kwakadaro. Kunogona kuita kuti tione sokuti Mwari anonyanya kuda zvakawanda kwatiri. Maonero aya anokanganisa ukama hwedu chaihwo naJehovha. Uyezve, kana tikanyengerwa nemafungiro aya, tinozoita sei patinopiwa chirango chinenge chichidiwa? Pane kuti tibvume nokuzvininipisa kugadziriswa, mwoyo wedu unga“tsamwira Jehovha,” uye tingagara takamutsamwira. (Zvirevo 19:3) Izvozvo zvingava nengozi zvikuru pakunamata!

“Murume Akagwinya Angabatsira Mwari Here?”

Pfungwa yokuti Mwari anotiomesera yakafanana nepfungwa yokuti anoona vanhu sevasingabatsiri. Kutaura kwaErifazi kwechitatu kune mubvunzo unoti: “Murume akagwinya angabatsira Mwari here, uye ani naani ane njere angamubatsira here?” (Jobho 22:2) Erifazi akanga ari kuti munhu haabatsiri kuna Mwari. Nenzira yakafanana, Bhiridhadhi akati: “Munhuwo zvake angava akarurama pamberi paMwari sei, kana kuti munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?” (Jobho 25:4) Maererano nepfungwa iyoyo, Jobho munhuwo zvake, aizoedza sei kuva akarurama pamberi paMwari?

Vamwe vanhu mazuva ano vakamomoterwa nemanzwiro asina kunaka. Mamiriro ezvinhu akadai semarererwo avakaitwa, kutarisana nezvinetso zvakawanda zvoupenyu, kana kuti kusarurwa rudzi kana kuti kuvengwa nedzinza zvingakonzera izvi. Asi Satani nemadhimoni ake vanofarirawo kuodza mwoyo womunhu. Kana vachigona kufurira munhu kufunga kuti hapana chaanoita chinofadza Mwari Wemasimbaose, zvinova nyore kuti munhu wacho azvidye mwoyo. Kwapera nguva yakati, munhu akadaro angatsauka, kunyange kubva pana Mwari mupenyu.—VaHebheru 2:1; 3:12.

Kukwegura uye zvinetso zvoutano zvingatitadzisa kuita zvakawanda. Zvatinoita mubasa roUmambo zvingaita sezviduku kana toenzanisa nezvatakaita pataiva vaduku, takagwinya, uye tiine simba. Zvinokosha kwazvo kuti tizive kuti Satani nemadhimoni ake vanoda kuti tinzwe sokuti Mwari haambofadzwi nezvatinoita! Tinofanira kuramba kufunga kwakadaro.

Nzira Yokuramba Nayo Kufunga Kusina Kunaka

Pasinei nokutambura kwakakonzerwa naSatani Dhiyabhorosi, Jobho akati: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!” (Jobho 27:5) Nokuti aida Mwari, Jobho aiva akatsunga kuramba akavimbika chero zvodini, uye hapana chaizochinja izvozvo. Apa ndipo panokosha pakuramba kufunga kusina kunaka. Tinofanira kutsvaka kunzwisisa kwakanaka kworudo rwaMwari toshandira kuti tiruonge nomwoyo wose. Tinodawo kuwedzera kumuda. Izvi zvinoitwa nokudzidza nguva dzose Shoko raMwari uye kufungisisa zvatinodzidza tichinyengetera.

Somuenzaniso, Johani 3:16 inoti: “Nokuti Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.” Jehovha anoda zvikuru vanhu vari munyika, uye zvaave achiitira vanhu zvinoratidza rudo irworwo. Kufungisisa mienzaniso yekare kunofanira kukudziridza kuonga kwedu Jehovha kwodzamisa kumuda kwatinoita, zvobva zvatibatsira kuramba kufunga kwakaipa kana kuti kusina kunaka.

Funga nzira iyo Jehovha akabata nayo Abrahamu panguva apo Sodhomu neGomora zvakanga zvava kuda kuparadzwa. Abrahamu akabvunza Jehovha kasere nezvokutonga Kwake. Jehovha haana kumboshatirwa kana kugumbuka. Pane kudaro, mhinduro dzake dzakavimbisa uye dzakanyaradza Abrahamu. (Genesisi 18:22-33) Mwari paakazonunura Roti nemhuri yake muSodhoma, Roti akakumbira kuti atizire kuguta rakanga riri pedyo pane kuti aende kumakomo. Jehovha akapindura kuti: “Tarira ndiri kuva nehanya newe kusvikira ipapowo, nokusaparadza kwangu guta rawataura.” (Genesisi 19:18-22) Zvakaitika izvi zvinoratidza sokuti Jehovha mutongi anotiomesera, asina rudo, anomanikidza here? Aiwa. Zvinoratidza zvaari chaizvo—Changamire ane rudo, mutsa, tsitsi, uye anonzwisisa.

Muenzaniso waAroni, Dhavhidhi, naManase vomuIsraeri yekare, unoratidza kusashanda kwepfungwa yokuti Mwari anongotsvaka mhosva uye kuti hapana angaita zvinomufadza. Aroni aiva nemhosva yezvivi zvikuru zvitatu. Akagadzira mhuru yendarama, akabatana nehanzvadzi yake Miriami kushora Mosesi, uye haana kutsvenesa uye kukudza Mwari paMeribha. Zvisinei, Jehovha akaona zvakanaka zvakanga zviri maari uye akamutendera kuti arambe achishanda somupristi mukuru kusvikira pakufa kwake.—Eksodho 32:3, 4; Numeri 12:1, 2; 20:9-13.

Mambo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakomba pakutonga kwake. Izvi zvaisanganisira upombwe, kuronga kuti murume asina mhosva afe, uye kuverenga vanhu zvisiri pamutemo. Zvisinei, Jehovha akacherechedza kupfidza kwaDhavhidhi uye nokuvimbika akaenderera mberi nokuita sungano yoUmambo nokumubvumira kuva mambo kusvikira pakufa kwake.—2 Samueri 12:9; 1 Makoronike 21:1-7.

Mambo weJudha Manase akavakira Bhaari atari, akaita kuti vanakomana vake vapinde mumoto, akatsigira zvemidzimu, uye akavaka atari dzokunamata kwenhema muchivanze chetemberi. Zvisinei paakapfidza nomwoyo wose, Jehovha akamukanganwira, akamusunungura kwaainge atapwa, ndokumudzosera pakutonga. (2 Makoronike 33:1-13) Izvi zvinoitwa naMwari asingafadzwi nezvatinoita here? Kwete!

Mupomeri Wenhema Ndiye Ane Mhosva

Hazvifaniri kutishamisa kuti Satani ndiye anotoita zvaanopomera Jehovha. Satani ane utsinye uye anoomesera vanhu. Izvi zvinganyatsooneka mutsika yokupa mwana sechibayiro kwakabatana nokunamata kwenhema kwaiitwa kare. VaIsraeri vakaramba kutenda vaipisa vanakomana nevanasikana vavo mumoto—chinhu chakanga chisina kumbouya mumwoyo maJehovha.—Jeremiya 7:31.

Satani ndiye anotsvakira vanhu mhosva, kwete Jehovha. Zvakazarurwa 12:10 inotaura Satani se“anopomera hama dzedu . . . , anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!” Asi, nezvaJehovha, munyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira? Nokuti imi munokanganwira zvechokwadi.”—Pisarema 130:3, 4.

Kufunga Kusina Kunaka Pakuchange Kwapera

Ngirozi—zvisikwa zvomudzimu zvinofanira kunge zvakazorodzwa chaizvo apo Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakadzingwa kudenga! (Zvakazarurwa 12:7-9) Zvadaro, midzimu iyi yakaipa yakanga isisina zvainoita pamabasa emhuri yaJehovha yengirozi iri kudenga.—Dhanieri 10:13.

Vagari vepasi pano vachafarawo munguva yemberi iri pedyo. Nokukurumidza, ngirozi ichauya ichibva kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika necheni huru muruoko rwayo ichasunga Satani nemadhimoni ake yovakandira mugomba rakadzikadzika mavanenge vasingaiti chinhu. (Zvakazarurwa 20:1-3) Tichange tasunungurwa chaizvo kana izvi zvaitika!

Panguva ino, tinofanira kuchenjerera kufunga kwakaipa. Pose patinoona kuti mafungiro akaipa kana kuti asina kunaka ari kupinda mupfungwa dzedu, tinofanira kuadzivisa nokuramba tichifunga rudo rwaJehovha. Zvadaro ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga.’—VaFiripi 4:6, 7.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jobho akaramba kufunga kusina kunaka

[Mufananidzo uri papeji 28]

Roti akasvika pakuziva kuti Jehovha ndiChangamire anonzwisisa