Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchifamba Sokufamba Kwakaita Jesu Kristu

Rambai Muchifamba Sokufamba Kwakaita Jesu Kristu

Rambai Muchifamba Sokufamba Kwakaita Jesu Kristu

“Uyo anoti anoramba ari pamwe na[Mwari] anosungirwawo kuti iye arambe achifamba sokufamba kwakaita iyeye [Jesu].”—1 JOHANI 2:6.

1, 2. Kuti tirambe takatarira Jesu zvinodei?

“NGATIMHANYEI nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, iye Jesu.” (VaHebheru 12:1, 2) Kutevera nzira yakatendeka zvinoda kuti tirambe takatarira Jesu Kristu.

2 Shoko rekare rakashandurwa kuti “kuramba takatarira,” sokushandiswa kwarakaitwa muMagwaro echiKristu echiGiriki, rinoreva kuti “kuisa pfungwa dzako pane chimwe chinhu pasina chinokutsausa,” “kubvisa maziso ako pane chimwe chinhu kuti uone chimwe,” “kuramba wakadzvokora.” Rimwe bhuku rinoti: “Mumhanyi wechiGiriki ari munhandare paanongobvisa pfungwa dzake pamujaho uye pachinangwa chaari kumhanyira, odziisa pamapoka evanhu vari kuona, mamhanyire ake anoderera. Ndizvowo nomuKristu.” Zvinotsausa zvingapinganidza kufambira mberi kwedu mune zvokunamata. Tinofanira kuramba takatarira Jesu Kristu. Uye tiri kutsvakei paMumiririri Mukuru? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mumiririri mukuru” rinoreva kuti “mutungamiriri mukuru, munhu anotungamirira muzvinhu zvose obva aratidza muenzaniso.” Kuramba takatarira Jesu kunoda kuti titevere muenzaniso wake.

3, 4. (a) Kufamba sokufamba kwakaita Jesu Kristu kunoda kuti isu tiite chii? (b) Tinofanira kufunga mibvunzo ipi?

3 “Uyo anoti anoramba ari pamwe na[Mwari] anosungirwawo kuti iye arambe achifamba sokufamba kwakaita iyeye [Jesu],” rinodaro Bhaibheri. (1 Johani 2:6) Tinofanira kuramba tiri pamwe naMwari nokuchengeta mirayiro yaJesu sokuchengeta kwaakaita yaBaba vake.—Johani 15:10.

4 Saka, kufamba sezvakaita Jesu kunoda kuti tinyatsomutarira soMutungamiriri Mukuru uye kuti tinyatsotevera tsoka dzake. Mibvunzo inokosha yokufunga nezvayo pakuita izvi ndeyokuti: Kristu ari kutitungamirira sei nhasi? Kutevedzera mafambiro ake kunofanira kuita kuti tiitei? Kuomerera pamuenzaniso wakasiyiwa naJesu Kristu kunobatsirei?

Kutungamirira Kunoita Kristu Vateveri Vake

5. Asati akwira kudenga, Jesu akavimbisa vateveri vake chii?

5 Asati akwira kudenga, Jesu Kristu akanga amutswa akazviratidza kuvadzidzi vake uye akavapa basa rinokosha. Akati: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Panguva iyoyo Mutungamiriri Mukuru akavimbisawo kuti aizova navo pavaizoita basa iri, achiti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu.” (Mateu 28:19, 20) Jesu Kristu ane vateveri vake sei munguva ino yokuguma kwemamiriro ezvinhu?

6, 7. Jesu anotitungamirira sei achishandisa mudzimu mutsvene?

6 “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu,” akadaro Jesu, “iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Johani 14:26) Mudzimu mutsvene, wakatumirwa muzita raJesu, unotitungamirira uye unotisimbisa nhasi. Unoita kuti tinzwisise zvinhu zvine chokuita nokunamata uye unotibatsira kunzwisisa “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10) Uyezve, unhu hwaMwari hunoti “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora” ihwo “chibereko chomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Tichibatsirwa nomudzimu mutsvene, tinogona kuva nounhu uhwu.

7 Sezvatinodzidza Magwaro toedza kushandisa zvatinodzidza, mudzimu waJehovha unotibatsira kuwedzera uchenjeri, ungwaru, kunzwisisa, zivo, kugona kusarudza, uye mano okufunga. (Zvirevo 2:1-11) Mudzimu mutsvene unotibatsirawo kutsungirira miedzo. (1 VaKorinde 10:13; 2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13) VaKristu vanorayirwa kuti ‘vazvichenese pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, vachikwanisa utsvene.’ (2 VaKorinde 7:1) Tinganyatsorarama maererano nezvinodiwa naMwari here zvoutsvene, kana kuti rucheno, tisingabatsirwi nomudzimu mutsvene? Jehovha Mwari akabvumira Mwanakomana wake, Jesu, kuti ashandise mudzimu mutsvene seimwe nzira yokutitungamirira nayo nhasi.—Mateu 28:18.

8, 9. Kristu anoshandisa sei “muranda akatendeka, akangwara” kutungamirira?

8 Chimbofunga nezveimwe nzira inoshandiswa naKristu kutungamirira ungano nhasi. Achitaura nezvokuvapo kwake uye kuguma kwemamiriro ezvinhu, Jesu akati: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera? Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika! Chokwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.”—Mateu 24:3, 45-47.

9 “Tenzi” ndiJesu Kristu. “Muranda” iboka revaKristu vakazodzwa vari pasi pano. Iri boka romuranda rakapiwa basa rokutarisira zvinhu zvepasi pano zvaJesu uye kuti ripe zvokudya zvine chokuita nokunamata zvinouya panguva yakakodzera. Boka duku revatariri vanonyatsokwanisa basa vanobva pakati po“muranda akatendeka, akangwara” ndiro rinoumba Dare Rinodzora, richishanda somumiririri weboka romuranda. Vanotungamirira basa rokuparidza Umambo romunyika yose uye rokugovera zvokudya zvine chokuita nokunamata panguva yakakodzera. Saka Kristu anotungamirira ungano achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” akazodzwa nomudzimu pamwe chete neDare Rinodzora.

10. Tinofanira kuona sei vakuru, uye nei?

10 Uyezve, kumwe kuratidzwa kwokutungamirira kwaKristu, “zvipo zviri varume”—vakuru vechiKristu, kana kuti vatariri. Vakapiwa “kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu.” (VaEfeso 4:8, 11, 12) Nezvavo, VaHebheru 13:7 inoti: “Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari, uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo.” Vakuru ndivo vanotungamirira muungano. Sezvo vachitevedzera Kristu Jesu, zvakakodzera kuti titevedzere kutenda kwavo. (1 VaKorinde 11:1) Tinogona kuratidza kuti tinoonga urongwa hwevakuru nokuteerera uye kuzviisa pasi peizvi “zvipo zviri varume.”—VaHebheru 13:17.

11. Nhasi Kristu anotungamirira vateveri vake achishandisei, uye chii chinodiwa kuti tifambe sezvaakaita?

11 Chokwadi, nhasi Jesu Kristu anotungamirira vateveri vake achishandisa mudzimu mutsvene, “muranda akatendeka, akangwara,” uye vakuru veungano. Kufamba kwedu sezvakaita Kristu kunoda kuti tinzwisise nzira yake yokutungamirira tozviisa pasi payo. Zvinodawo kuti titevedzere mafambiro ake. Muapostora Petro akanyora kuti, “Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Kutevera muenzaniso waJesu wakakwana kunofanira kutibatsira sei?

Ratidza Kunzwisisa Paunoshandisa Simba

12. Vakuru muungano vanofanira kuitei vachitevedzera zvakaitwa naKristu?

12 Kunyange zvazvo Jesu akapiwa simba naBaba vake rakawanda kudarika romunhu wose, airishandisa nokunzwisisa. Vose vari muungano—kunyanya vatariri—vanofanira kuita kuti ‘kunzwisisa kwavo kuzivikanwe nevanhu vose.’ (VaFiripi 4:5; 1 Timoti 3:2, 3) Sezvo vakuru vaine simba rakati muungano, zvinokosha kuti vatevere tsoka dzaKristu pakurishandisa.

13, 14. Vakuru vangatevedzera Kristu munzira ipi pavanokurudzira vamwe kuti vashumire Mwari?

13 Jesu aiziva zvakanga zvisingakwanisi kuitwa nevadzidzi vake. Akanga asingavarayiri zvinodarika zvavaikwanisa kupa. (Johani 16:12) Asingavamanikidzi, Jesu akakurudzira vateveri vake kuti ‘vashande nesimba’ pakuita zvinodiwa naMwari. (Ruka 13:24) Akaita izvi nokutungamirira uye nokukurudzira mwoyo yavo. Saizvozvowo, vakuru vechiKristu nhasi havatyisidziri vamwe kuti vashumire Mwari vachitya. Pane kudaro, vanovakurudzira kuti vashumire Jehovha nokuti vanomuda iye naJesu, uyewo nevamwe vanhu vose.—Mateu 22:37-39.

14 Jesu haana kushandisa zvisina kufanira simba raakapiwa nokudzora upenyu hwevanhu. Haana kupa vanhu mitemo isingakwanisiki kana kuti mirayiro isingaperi. Zvaakaita kwaiva kukurudzira vamwe nokuvaita kuti vafunge zvikonzero zvakaita kuti mitemo yaMosesi ipiwe. (Mateu 5:27, 28) Vachitevedzera Jesu Kristu, vakuru havangoisi mitemo yezvavanofunga kana kuomerera pamaonero avo. Panyaya dzokupfeka nokushambidzika kana kuti nhandaro uye varaidzo, vakuru vanoedza kusvika pamwoyo vachitungamirirwa naMwari, sezviri pana Mika 6:8; 1 VaKorinde 10:31-33; 1 Timoti 2:9, 10.

Iva Anonzwira Tsitsi uye Anokanganwira

15. Jesu aiita sei paikundikana vadzidzi vake?

15 Kristu akatisiyira muenzaniso wokuti titevere munzira yaaitarisira nayo zvaikundikana kuitwa nevadzidzi vake uye zvavaitadza. Chimbofunga zviitiko zviviri pausiku hwake hwokupedzisira pasi pano paaiva munhu. Asvika kuGetsemane, Jesu “akaenda pamwe chete naPetro naJakobho naJohani,” uye akavaudza kuti ‘varambe vakarinda.’ Zvadaro, “achienda mberi zvishoma akabva apfugama pasi, akatanga kunyengetera.” Paakadzoka, “akavawana vachirara.” Jesu akaita sei? Akati: “Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mako 14:32-38) Pane kutuka nehasha Petro, Jakobho, naJohani, akavanzwira tsitsi! Usiku ihwohwo, Petro akaramba Jesu katatu. (Mako 14:66-72) Jesu akazoita sei kuna Petro? ‘Ishe amutswa akazviratidza kuna Simoni Petro.’ (Ruka 24:34) Bhaibheri rinoti, “Akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.” (1 VaKorinde 15:5) Pane kutsamwa, Jesu akakanganwira muapostora uyu akanga apfidza uye akamusimbisa. Gare gare, Jesu akapa Petro mabasa makuru.—Mabasa 2:14; 8:14-17; 10:44, 45.

16. Tingafamba sei sezvakaitwa naJesu kana vatinonamata navo vakatiitira zvisina kufanira?

16 Kana vatinonamata navo vakatikanganisira kana kuti vakatiitira zvisina kufanira pamusana pokusakwana, hatifaniriwo kuvanzwira tsitsi here uye kuvakanganwira sezvaiita Jesu? Petro akakurudzira vaainamata navo achiti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchizvininipisa, musingatsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka, asi, panzvimbo paizvozvo mukomborere.” (1 Petro 3:8, 9) Zvakadini kana mumwe munhu akakundikana kutiitira sezvataizoitirwa naJesu, asingadi kutinzwira tsitsi kana kutikanganwira? Naipapawo tinosungirwa kuedza kutevedzera Jesu toita sezvaaizoita.—1 Johani 3:16.

Isa Zvinhu Zvine Chokuita noUmambo Pakutanga

17. Chii chinoratidza kuti Jesu akaisa pakutanga zvinodiwa naMwari muupenyu hwake?

17 Mune imwezve nzira, tinofanira kufamba sezvakaitwa naJesu Kristu. Kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwaikosha zvikuru muupenyu hwaJesu. Aparidzira mukadzi weSamariya pedyo neguta reSikari muSamariya, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Kuita kuda kwaBaba vake kwakatsigira Jesu; kwaiita sezvokudya zvinomuvaka muviri, zvinomugutsa, uye zvinomuzorodza. Kutevedzera Jesu nokuramba tichiita zvinodiwa naMwari kungatungamirira kune chimwe chinhu kunze kwoupenyu hune zvahunoreva chaizvo here uye hunogutsa?

18. Zvikomborero zvipi zvinovapo nokukurudzira vana kuti vaite basa renguva yakazara?

18 Vabereki pavanokurudzira vana vavo kuti vaite basa renguva yakazara, ivowo pamwe nevana vavo vanowana zvikomborero zvakawanda. Vamwe baba vane vanakomana mapatya vakavakurudzira kuti vave nechinangwa chokuita basa roupiyona kubvira vachiri vaduku. Apedza chikoro, mapatya acho akazova mapiyona. Vachifunga mufaro wavakazova nawo, baba ava vanonyora kuti: “Vanakomana vedu havana kutiodza mwoyo. Tinogona kutaura nomufaro kuti, ‘Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha.’” (Pisarema 127:3) Uye vana vanobatsirwa sei nokuita basa renguva yakazara? Vamwe amai vane vana vashanu vanoti: “Kupayona kwakabatsira vana vangu vose kutanga ushamwari hwepedyo zvikuru naJehovha, kwakanatsiridza tsika dzavo dzokudzidza voga, kwakavabatsira kudzidza kuronga nguva yavo nokuchenjera, uye kwakavabatsira kudzidza kuisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga muupenyu hwavo. Kunyange zvazvo vose vaifanira kugadziridza zvinhu zvakawanda, vose havadembi nzira yavakasarudza kutevera.”

19. Vechiduku vanofanira kufunga nokuchenjera zvirongwa zvipi zveremangwana?

19 Vechiduku, muri kurongei nezveremangwana renyu? Muri kutsvaka kuva shasha here mubasa rakati? Kana kuti muri kutsvaka kuita basa renguva yakazara here? “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera,” akarayira kudaro Pauro, “muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” Anowedzera kuti: “Nokuda kweizvi musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.”—VaEfeso 5:15-17.

Iva Akavimbika

20, 21. Jesu akanga akavimbika munzira ipi, uye tingatevedzera sei kuvimbika kwake?

20 Kufamba sezvakaita Jesu kunoda kutevedzera kuvimbika kwake. Nezvokuvimbika kwaJesu, Bhaibheri rinoti: “Kunyange zvazvo aivapo saMwari, [iye] haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu. Kupfuura izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.” Nokuvimbika, Jesu akatsigira uchangamire hwaJehovha nokuzviisa pasi pezvaidiwa naMwari kwaari. Akateerera kusvikira pakufa padanda rokutambudzikira. Tinofanira ‘kuva nemafungiro aya’ tozviisa pasi nokuvimbika kuti tiite zvinodiwa naMwari.—VaFiripi 2:5-8.

21 Jesu akaratidzawo kuvimbika kuvaapostora vake vakatendeka. Pasinei nokusakwana kwavo, Jesu akavada “kusvikira kumugumo.” (Johani 13:1) Saizvozvowo, hatifaniri kuita kuti kusakwana kwehama dzedu kuite kuti tive vanotsoropodza.

Omerera Pamuenzaniso Wakasiyiwa naJesu

22, 23. Kuomerera pamuenzaniso wakasiyiwa naJesu kunobatsirei?

22 Chokwadi, zvatiri vanhu vasina kukwana, hatigoni kunyatsofamba mutsoka dzouyo ari Muenzaniso wedu wakakwana. Zvisinei, tinogona kuvavarira kunyatsotevera tsoka dzake. Kuita izvozvo kunoda kuti tinzwisise uye tizviise pasi penzira yaKristu yokutungamirira toomerera pamuenzaniso waakasiya.

23 Kuva vatevedzeri vaKristu kunoita kuti tive nezvikomborero zvakawanda. Upenyu hwedu hunova nezvahunoreva zvikuru uye huchigutsa nokuti tinenge tichiomerera pakuita zvinodiwa naMwari pane kuita zvatinoda isu. (Johani 5:30; 6:38) Tinova nehana yakanaka. Mufambiro wedu unova muenzaniso wakanaka. Jesu akakumbira vose vakanga vachishanda zvakaoma uye vakaremerwa kuti vauye kwaari vowana zororo remweya yavo. (Mateu 11:28-30) Patinotevera muenzaniso waJesu, isuwo tinogona kuzorodza vamwe nokushamwaridzana navo. Saka, ngatirambei tichifamba sezvakaita Jesu.

Unoyeuka Here?

• Kristu anotungamirira sei vateveri vake nhasi?

• Vakuru vangatevera sei kutungamirira kwaKristu pakushandisa kwavanoita simba ravo ravakapiwa naMwari?

• Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu patinoona zvinokundikana vamwe?

• Vechiduku vangaisa sei zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vakuru vechiKristu vanotibatsira kutevera utungamiriri hwaKristu

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vechiduku, muri kuronga chii kuti muzova noupenyu hwechiKristu hunofadza?