Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinofunga Vamwe Nezvedu—Zvine Basa Here?

Zvinofunga Vamwe Nezvedu—Zvine Basa Here?

Zvinofunga Vamwe Nezvedu—Zvine Basa Here?

ANENGE munhu wose anoda kurumbidzwa. Kurumbidzwa kunoita kuti tifare, zvichiita kuti tinzwe kuti tiri vanhuwo. Kurumbidzwa kunogona kutoita kuti tide kuvandudza pane zvatinenge tichiita. Tinonzwa zvakasiyana patinoona kuti vamwe vanhu havatifariri. Kusafarirwa kana kushorwa zvingatiodza mwoyo. Zvinofunga vamwe nezvedu zvingachinja zvatinofunga pamusoro pedu.

Kungava kukanganisa kusava nehanya nokuti vamwe vanotiona sei. Tinotobatsirwa nokuva nevanhu vanoongorora mufambiro wedu. Kana zvichibva patsika dzakanaka, zvinofungwa nevamwe zvingaita kuti tiite zvakanaka, zvichitikurudzira kuva vakarurama. (1 VaKorinde 10:31-33) Zvisinei, kakawanda kufunga kwevoruzhinji hakuna kururama. Funga nezvemaonero asina kunaka aiva nevapristi vakuru nevamwe pamusoro paJesu Kristu pavakatanga “kushevedzera, vachiti: ‘Murovererei! Murovererei!’” (Ruka 23:13, 21-25) Tinofanira kusiyana nemaonero anobva pamashoko enhema kana anokonzerwa neshanje kana kuti nokufunga kwakaipa. Saka, tinofanira kuva nemaonero akanaka ezvinofungwa nevamwe toita zvakakodzera zvichienderana nokufunga kwavo.

Mafungiro Aani Anokosha?

Tinoda kufarirwa nevaya vari pedyo nesu mukunamata kwechokwadi. Ava vanosanganisira vomumhuri vanotenda uye hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. (VaRoma 15:2; VaKorose 3:18-21) Rudo noruremekedzo zvevatinonamata navo uye ‘kukurudzirana’ zvinoreva zvakawanda kwatiri. (VaRoma 1:11, 12) ‘Nepfungwa dzinozvininipisa tinofunga kuti vamwe vakuru kwatiri.’ (VaFiripi 2:2-4) Uyezve, tinotsvaka uye tinokoshesa kurumbidzwa ‘nevaya vari kutungamirira’ pakati pedu—vakuru vari muungano.—VaHebheru 13:17.

Chimwe chinodiwawo “kupupurirwa zvakanaka kwazvo nevanhu vari kunze.” (1 Timoti 3:7) Zvinokurudzira zvikuru patinoremekedzwa nevoukama vasingatendi, vatinoshanda navo, uye vavakidzani! Uyewo hatiedzi here kuita kuti vanhu vatinoparidzira vasare vaine mafungiro akanaka vozofarira shoko roUmambo? Kuva kwedu nomukurumbira wetsika dzakachena, wakarurama, uye kuva vanhu vakatendeseka munzanga kunoita kuti Mwari akudzwe. (1 Petro 2:12) Zvisinei, hatingambotyori mitemo yeBhaibheri kuti tifarirwe nevamwe; uyewo hatingadi kunyepedzera kuti tivafadze. Tinofanira kuziva kuti hazviiti kuti tifadze munhu wose. Jesu akati: “Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.” (Johani 15:19) Pane zvatingaita here kuti tiremekedzwe nevaya vanotishora?

Kuremekedzwa Nevanoshora

Jesu akanyevera kuti, “Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu; asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 10:22) Dzimwe nguva kuvengwa uku kunokonzera kupomerwa kwoutsinye. Vakuru vakuru vehurumende vane rusaruro vangationa “semhandu” kana kuti “mharadzi.” Vashori vasinganyari vangapomera kuti tiri kapoka kanonetsa kanofanira kurambidzwa. (Mabasa 28:22) Dzimwe nguva kupomera uku kwenhema kungadziviswa. Sei? Nokuteerera zano romuapostora Petro rinoti: “[Ivai va]kagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Uyezve, tinofanira ku“taura zvakanaka zvisingapiwi mhosva; kuti munhu anopikisa anyare, ashaya chakaipa chokutaura pamusoro pedu.”—Tito 2:8.

Patinenge tichiedza kuchenesa zita redu pane zvatinopomerwa, hatifaniri kuora mwoyo kana kuti kukatyamara vamwe pavanotaura zvakaipa nezvedu. Jesu, Mwanakomana akakwana waMwari, akapomerwa kuti aimhura, aimukira, uye kuti aitoita zvemidzimu. (Mateu 9:3; Mako 3:22; Johani 19:12) Muapostora Pauro akareverwa zvakaipa. (1 VaKorinde 4:13) Jesu naPauro havana kuzvinetsa nokushora kwakadaro uye vakaramba vachiita basa ravo. (Mateu 15:14) Vaiziva kuti vaisazomborumbidzwa nevavengi vavo, sezvo “nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Nhasi, tinosangana nokushorwa kwakafanana. Hatifaniri hedu kutya vashori vanotivenga pavanoparadzira nhema pamusoro pedu.—Mateu 5:11.

Pfungwa Dzinokosha Zvikuru

Vanhu vanofunga zvakasiyana-siyana nezvedu, zvichienderana nezvinangwa zvavo uye zvavakanzwa pamusoro pedu. Vamwe vanotirumbidza nokutikudza, vamwe vanotituka nokutivenga. Zvisinei, chero bedzi tichitungamirirwa nechokwadi cheBhaibheri, tinofanira kufara uye kuva norugare.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Tinofarirwa naJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, kana tikabvuma nomwoyo wose kutungamirirwa neShoko raMwari muzvinhu zvose. Pakupedzisira, zvinofungwa naJehovha noMwanakomana wake ndizvo zvine basa chaizvo. Zvavanofunga nezvedu zvinoratidza kukosha kwatinoita chaiko. Pakupedzisira, upenyu hwedu hunobva pakutirumbidza kwavo.—Johani 5:27; Jakobho 1:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

“Ndinonyara kurumbidzwa, asi nechomumwoyo mangu ndinenge ndichikuchemera.”MUNYORI WENHETEMBO WOKUINDIA, RABINDRANATH TAGORE

[Mifananidzo iri papeji 31]

Zvinofungwa nevatinonamata navo nezvedu zvine basa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Culver Pictures