Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?

Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?

Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?

WAKAMBOTI here, “Mumwoyo mangu ndinoziva kuti hazvina kunaka,” kana kuti, “Handikwanisi kuita zvauri kundikumbira kuti ndiite. Mumwoyo mangu pane chiri kundiudza kuti zvakaipa”? Iroro raiva “inzwi” rehana yako, kuziva kwaunoita mumwoyo, kana kuti pfungwa yechakanaka nechakaipa iri mumwoyo mako, inopembedza munhu kana kuti kumupa mhosva. Chokwadi, tinoberekwa tiine hana.

Kunyange zvazvo vanhu vakaparadzana naMwari, vachiri kukwanisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Izvi imhaka yokuti vakasikwa nomufananidzo waMwari, zvokuti vanoratidza unhu hwaMwari hwokuchenjera uye kururama kusvikira pamwero wakati. (Genesisi 1:26, 27) Nezveizvi, Mwari akafuridzira muapostora Pauro kunyora kuti: “Nguva yose vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo pavanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo painenge ichipupurirana navo uye, pane zvavanofunga, vari kupiwa mhosva kana kuti kunyange kupembedzwa.” *VaRoma 2:14, 15.

Tsika idzi, dzatakagara nhaka kumunhu wokutanga Adhamu, dzinoshanda so“mutemo,” kana kuti murau womufambiro, muvanhu vemarudzi ose nemadzinza ose. Mano okukwanisa kuzviongorora tosarudza zvatiri. (VaRoma 9:1) Adhamu naEvha vakaratidza kuti vaiva nemano aya pavakangoputsa mutemo waMwari—vakazvivanza. (Genesisi 3:7, 8) Mumwe muenzaniso wemashandiro anoita hana ndowezvakaitwa naMambo Dhavhidhi paakaziva kuti akanga atadza nokuverenga kwaakaita vanhu. Bhaibheri rinoti “hana yaDhavhidhi yakatanga kurova.”—2 Samueri 24:1-10.

Kukwanisa kutarira zvatakaita kare tosarudza mufambiro wedu kunogona kutikurudzira kuti titore danho rinokosha zvikuru rokupfidza kunogamuchirwa naMwari. Dhavhidhi akanyora kuti: “Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akasakara nokugomera kwandaiita zuva rose. Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina kufukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.’ Imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.” (Pisarema 32:3, 5) Saka, hana inoshanda inogona kudzosa mutadzi kuna Mwari, ichimubatsira kuti aone kuti anofanira kukanganwirwa naMwari uye kutevera nzira Dzake.—Pisarema 51:1-4, 9, 13-15.

Hana inotinyeverawo kana kuti kutitungamirira patinenge tichifanira kusarudza. Hana yakadaro ndiyo ingave yakabatsira Josefa kuti azive kuti upombwe hwakanga hwakaipa uye husingadiwi—kwaiva kutadzira Mwari. Mutemo wakananga wairambidza upombwe wakazoiswawo paMitemo Gumi yakapiwa vaIsraeri. (Genesisi 39:1-9; Eksodho 20:14) Zviri pachena kuti tinobatsirwa chaizvo kana takarovedza hana yedu kuti ititungamirire pane kuti ingotipa mhosva. Ndiwo mashandiro anoita hana yako here?

Kurovedza Hana Kuti Isarudze Zvakarurama

Kunyange zvazvo tichiberekwa tiine simba rehana, zvinosuruvarisa kuti chipo ichocho chakakanganiswa. Kunyange zvavo vanhu vakatanga vakakwana, “vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Sezvo takakanganiswa nechivi nokusakwana, hana yedu ingave yakavhiringidzwa uye isisashandi zvakazara sezvayaifanira kuita. (VaRoma 7:18-23) Kuwedzera kune izvozvo, zvimwewo zvinoitika zvingakanganisa hana yedu. Inogona kukanganiswa nemarererwo atakaitwa kana kuti tsika dzedu, zvatinodavira, kana kuti zvakatipoteredza. Zvechokwadi tsika dzakaipa uye dziri kuderera dzenyika hadzigoni kuva hwaro hwehana yakanaka.

Naizvozvo, muKristu anofanira kubatsirwa netsika dzakatsiga uye dzakarurama dzinowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Tsika idzi dzinogona kutungamirira hana yedu kuti iongorore zvinhu nenzira yakarurama yozvigadzirisa. (2 Timoti 3:16) Hana yedu painorayiridzwa maererano nezvinotaura Mwari, inogona kutibatsira kudzivisa tsika dzingatikuvadza, ichiita kuti tikwanise “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Kana pasina mirayiro yaMwari, hana yedu haingagoni kutinyevera patinotsaukira munzira yakaipa. Bhaibheri rinoti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”—Zvirevo 16:25; 17:20.

Mune zvimwe zvinhu muupenyu, Shoko raMwari rinotaura mitemo yakajeka, uye tinobatsirwa kana tikaitevedzera. Asiwo, pane zvinhu zvakawanda zviri muBhaibheri zvisina mirayiridzo yakananga. Izvi zvingasanganisira mabasa atinosarudza, nyaya dzoutano, varaidzo, kupfeka nokushambidzika, nezvimwewo zvinhu. Hazvisi nyore kuziva kuti toitei pane chimwe nechimwe chazvo uye hazvisi nyore kusarudza zvakarurama. Nechikonzero ichocho tinofanira kuva nemaonero aDhavhidhi, uyo akanyengetera kuti: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu. Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise, nokuti muri Mwari wangu woruponeso.” (Pisarema 25:4, 5) Kana tikanyatsonzwisisa maonero aMwari nenzira dzake, tichakwanisawo kuongorora mamiriro edu ezvinhu nenzira yakarurama uye tichasarudza tichishandisa hana yakachena.

Saka, patinotarisana nomubvunzo kana kuti patinofanira kusarudza, tinofanira kutanga tafunga mazano eBhaibheri angashanda. Mamwe acho angava aya: kuremekedza musoro wemhuri (VaKorose 3:18, 20); kuvimbika muzvinhu zvose (VaHebheru 13:18); kuvenga zvakaipa (Pisarema 97:10); kutevera rugare (VaRoma 14:19); kuteerera vane masimba vakagadzwa (Mateu 22:21; VaRoma 13:1-7); kuzvipira zvakakwana kuna Mwari (Mateu 4:10); kusava nokwatakarerekera munyika (Johani 17:14); kudzivisa shamwari dzakaipa (1 VaKorinde 15:33); kupfeka uye kushambidzika zvine mwero (1 Timoti 2:9, 10); uye kusagumbura vamwe (VaFiripi 1:10). Saka kuziva mazano eBhaibheri anokosha kunogona kusimbisa hana yedu uye kutibatsira kusarudza zvakarurama.

Teerera Hana Yako

Kuti hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri itibatsire, tinofanira kuiteerera. Hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri inotibatsira chete kana tikakurumidza kuiteerera painorova. Tinogona kuenzanisa hana yakarovedzwa nemagetsi anonyevera anobaka padheshibhodhi mumotokari. Chimbofungidzira kuti getsi rinobaka richitinyevera kuti oiri yava shoma. Chii chingaitika kana tikasakurumidza kugadzirisa toramba tichityaira motokari yacho? Tinogona kukuvadza injini yacho zvikuru. Saizvozvowo, hana yedu kana kuti inzwi redu romumwoyo, inogona kutinyevera kuti zvimwe zviito hazvina kunaka. Ichienzanisa zvatinofanira kutevedzera zviri muMagwaro nezvatiri kuita kana kuti zvatiri kufunga kuzoita, inotinyevera, sezvinoita getsi rinobaka padheshibhodhi mumotokari. Kuteerera nyevero yacho hakuzongotibatsiri kudzivisa migumisiro yechiito chakaipa chete asiwo kuchaita kuti hana yedu irambe ichishanda zvakanaka.

Chii chingaitika kana tikasarudza kuita setisiri kunzwa nyevero yacho? Nokufamba kwenguva, hana yedu inogona kutindivara. Kuramba tichiita setisiri kunzwa zviri kutaurwa nehana yedu kana kuti tichiidzvinyirira kunogona kufananidzwa nokupisa ganda redu nesimbi inopisa kwazvo. Vanga racho rinenge risisina tsinga harinzwi kurwadza. (1 Timoti 4:2) Hana yakadaro inenge isingachatipi mhosva patinotadza, uyewo inenge isingachatinyeveri kuti tirege kudzokorora chivi chacho. Hana yakatsva haiteereri mazano eBhaibheri ezvakanaka nezvakaipa, nokudaro ihana yakaipa. Ihana yakakanganisika, muridzi wayo anenge “asisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika” uye akaparadzana naMwari. (VaEfeso 4:17-19; Tito 1:15) Chokwadi kurega kuteerera hana yedu kunounza mugumisiro unosuruvarisa!

“Ivai Nehana Yakanaka”

Kuti tirambe tine hana yakanaka zvinotoda kuti tirambe tichishanda nesimba. Muapostora Pauro akati: “Ndiri kuedza nguva dzose pana izvozvi kuti ndizive kuti handina kupara mhosva kuna Mwari nokuvanhu.” (Mabasa 24:16) SomuKristu, Pauro airamba achiongorora uye achigadzirisa maitiro ake kuti ave nechokwadi chokuti haakanganisiri Mwari. Pauro aiziva kuti pakupedzisira, Mwari ndiye achasarudza kana zvatinoita zvakanaka kana kuti zvakaipa. (VaRoma 14:10-12; 1 VaKorinde 4:4) Pauro akati: “Zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.

Pauro akataurawo nezvokusakanganisira vanhu. Muenzaniso wakakodzera ndowezano raakapa vaKristu vokuKorinde pamusoro “pokudya zvokudya zvakapirwa kuzvidhori.” Pfungwa yake yaiva yokuti kunyange kana zvimwe zvinhu zvisingarambidzwi neShoko raMwari, zvinokosha kufungawo nezvehana dzevamwe. Kukundikana kuita izvozvo kungaita kuti ‘hama dzedu dzakafirwa naKristu dziparare’ pakunamata. Tingakanganisawo ukama hwedu naMwari.—1 VaKorinde 8:4, 11-13; 10:23, 24.

Saka, ramba uchirovedza hana yako uye ramba uine hana yakanaka. Paunenge uine chimwe chinhu chaunofanira kusarudza, tungamirirwa naMwari. (Jakobho 1:5) Dzidza Shoko raMwari, uye ita kuti zvarinotaura zviumbe pfungwa dzako nomwoyo wako. (Zvirevo 2:3-5) Panomuka nyaya dzakakomba, bvunza vaKristu vakakura pakunamata kuti uve nechokwadi chokuti unonyatsonzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri. (Zvirevo 12:15; VaRoma 14:1; VaGaratiya 6:5) Funga nezvokuti zvauchasarudza zvichakanganisa sei hana yako, zvichakanganisa sei vamwe, uye kupfuura zvose, zvichakanganisa sei ukama hwako naJehovha.—1 Timoti 1:5, 18, 19.

Hana yedu chipo chinoshamisa chinobva kuna Baba vedu vane rudo, Jehovha Mwari. Kana tikaishandisa maererano nezvinodiwa neAkatipa, tichaswedera pedyo noMusiki wedu. Sezvatinoedza kuva “nehana yakanaka” mune zvose zvatinoita, tinoratidza zvakajeka kuti takasikwa nomufananidzo waMwari.—1 Petro 3:16; VaKorose 3:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti hana parugwaro rwuno rinoreva “simba romumwoyo rokukwanisa kusarudza tsika” (The Analytical Greek Lexicon Revised, rakanyorwa naHarold K. Moulton); “kusiyanisa tsika dzakanaka nedzakaipa.”—Greek-English Lexicon, rakanyorwa naJ. H. Thayer.

[Mifananidzo iri papeji 13]

Wakanyatsorovedza hana yako kuti ikutungamirire pane kuti ingokupa mhosva here?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Hana yakarovedzwa inobva pakudzidza uye kushandisa kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 15]

Usarega kuteerera kunyeverwa kwaunoitwa nehana yako