Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wevabereki Vangu Wakandisimbisa

Muenzaniso Wevabereki Vangu Wakandisimbisa

Nyaya Youpenyu

Muenzaniso Wevabereki Vangu Wakandisimbisa

YAKATAURWA NAJANEZ REKELJ

Maiva mugore ra1958. Ini nomudzimai wangu, Stanka, taiva tiri pamusoro pemakomo eKarawanken Alps pamuganhu weYugoslavia neAustria, tichiedza kutizira kuAustria. Izvi zvaiva nengozi, sezvo varwi vokuYugoslavia vaiva nezvombo vaitenderera-tenderera pamuganhu wacho vaiva vakatsunga kurambidza chero ani zvake kuyambuka. Pataifamba, takabva tangosvika kumawere. Ini naStanka takanga tisati tamboona makomo edivi rokuAustria. Takananga kumabvazuva kusvikira tasvika pamawere aiva nematombo nemavhu. Takaita mutserendende tichiburuka mugomo iroro takazvisungira mutende rataiva tatakura, tisingazivi zvaizoitika kwatiri.

REGAI ndirondedzere kuti zvakafamba sei kuti tive mumamiriro ezvinhu akadai uye kuti muenzaniso wevabereki vangu vakatendeka wakandikurudzira sei kuti ndirambe ndakavimbika kuna Jehovha munguva yakaoma.

Ndakakurira kuSlovenia, iyo yava nyika duku yokuCentral Europe. Iri muEuropean Alps, Austria iri kuchamhembe kwayo, Italy iri kumadokero, Croatia kumaodzanyemba, uye Hungary kumabvazuva. Zvisinei, pakaberekwa vabereki vangu, Franc naRozalija Rekelj, Slovenia yaiva chikamu choUmambo hweAustria neHungary. Pakapera Hondo Yenyika I, Slovenia yakava chikamu chenyika itsva yainzi Umambo hwevanhu vokuSerbia, vokuCroatia, uye vokuSlovenia. Muna 1929 zita renyika yacho rakachinjwa rikava Yugoslavia, zvinoreva kuti “Kumaodzanyemba kweSlavia.” Ndakaberekwa musi waJanuary 9 mugore iroro, nechokunze kwomusha wePodhom, pedyo nedhamu rakanaka samare rinonzi Lake Bled.

Amai vakakura vari muKaturike akasimba. Vamwe babamunini vavo vaiva mupristi, uye vanatete vavo vatatu vaiva manani. Amai vaida chaizvo kuva neBhaibheri ravo, kuriverenga, uye kurinzwisisa. Zvisinei, baba vakanga vasingafariri zvechitendero. Vakanga vasina kufarira zvakaitwa nechitendero muHondo Huru ya1914-18.

Kudzidza Chokwadi

Pane imwe nguva hondo yapera, imwe hama yaamai vangu, Janez Brajec nomudzimai wake Ančka, vakava Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha mazuva iwayo. Panguva iyoyo, vaigara kuAustria. Kubvira munenge muna 1936 zvichienda mberi, Ančka akashanyira Amai kanoverengeka. Akavapa Bhaibheri, ravakakurumidza kuverenga, pamwe chete nemagazini eNharireyomurindi nemamwe mabhuku eBhaibheri omutauro wokuSlovenia. Pakupedzisira, nokuti Austria yakanga yava kutongwa naHitler muna 1938, Janez naAnčka vakadzoka kuSlovenia. Ndinoyeuka kuti vaiva mhuri yaiva yakadzidza, yainzwisisa, yaida Jehovha zvikuru. Vaiwanzokurukura chokwadi cheBhaibheri naAmai, izvo zvakaita kuti amai vazotsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vakabhabhatidzwa muna 1938.

Vanhu munharaunda yedu vakanga vava kungotaura nezvaAmai pavakanga vasingachaiti tsika dzisiri dzomumagwaro, dzakadai sokuchengeta Krisimasi; pavakanga vasisadyi masoseji ane ropa; uye kunyanya pavakatora zvifananidzo zvose zvataiva nazvo vakazvipisa. Vakabva vangotanga kushorwa. Vanatete vaAmai, vaiva manani, vakanyorera amai tsamba, vachiedza kuvanyengetedza kuti vadzokere kuna Mariya uye kuchechi. Zvisinei, Amai pavakavanyorera vachikumbira mhinduro dzakananga dzemibvunzo yeBhaibheri, havana kuvapindura. Baba vaamai vangu vakavashorawo zvakasimba. Vakanga vasiri munhu akaipa, asi hama dzedu nevanhu vomunzanga ndivo vaiita kuti vadaro. Somugumisiro, sekuru vakaparadza mabhuku eBhaibheri aAmai kanoverengeka, asi havana kumbobata Bhaibheri ravo. Vakavateterera vakapfugama kuti vadzoke kuchechi. Vakatosvika pakuvatyisidzira nebanga. Zvisinei, baba vangu vakavaudza zvakajeka kuti vakanga vasingazovaregi vachidaro.

Baba vakaramba vachitsigira kodzero yaAmai yokuverenga Bhaibheri uye yokusarudza zvavaida kudavira. Muna 1946 ivowo vakabhabhatidzwa. Kuona kuti Jehovha akasimbisa sei amai vangu kuti vatsigire chokwadi vasingatyi pasinei nokushorwa kwavaiitwa uye kuti Jehovha akavakomborera sei nokuda kwokutenda kwavo zvakandikurudzira kuti ini pachangu ndive noukama naMwari. Ndakabatsirwawo chaizvo netsika yaAmai yokundiverengera Bhaibheri uye mabhuku eBhaibheri zvinonzwika.

Amai vaikurukuriranawo nomunun’una wavo Marija Repe kwenguva yakareba, uye pakupedzisira ini naAmainini Marija takabhabhatidzwa musi mumwe chete pakati paJuly 1942. Imwe hama yakauya kuzopa hurukuro pfupi, uye takabhabhatidzirwa pamusha wedu mumudziyo wakakura wemapuranga.

Basa Rokumanikidzwa Munguva yeHondo Yenyika II

Muna 1942, pakati peHondo Yenyika II, Germany neItaly dzakapinda muSlovenia nechisimba dzikaikamurirana neHungary. Vabereki vangu vakaramba kubatana neVolksbund, sangano revanhu revaNazi. Kuchikoro ndakaramba kuti “Hitler Ngaarumbidzwe.” Zvaiva pachena kuti mudzidzisi wangu ndiye akaudza vane chiremera nezvemamiriro akanga akaita zvinhu.

Takakwidzwa chitima chaienda kune mumwe muzinda waiva pedyo nomusha weHüttenbach, Bavaria, uyo waishandiswa somusasa webasa rokumanikidzwa. Baba vakaronga kuti ndishande uye ndigare nomumwe murume aibika chingwa munharaunda yacho nemhuri yake. Panguva iyi, ndakadzidzira kubika chingwa, izvo zvakazondibatsira zvikuru gare gare. Nokufamba kwenguva, mhuri yedu yose, (kusanganisira Amainini Marija nemhuri yavo) takatamiswa tikaendeswa kumusasa waiva kuGunzenhausen.

Pakapera hondo, ndaifanira kubatana nerimwe boka kuti tiende kwaiva nevabereki vangu. Manheru acho ndisati ndaenda, Baba vakangoerekana vasvika. Handizivi kuti chii chaizoguma chaitika kwandiri kudai ndakanga ndaenda neboka racho, sezvo vakanga vari vanhu vasinganzwisisiki. Zvakare, ndakaona kuva nehanya kwaJehovha kworudo sezvaakashandisa vabereki vangu kuti vandidzivirire uye vandirovedze. Ini nababa takafamba kwemazuva matatu kuti tinosangana nevamwe vomumhuri medu. Pakasvika June 1945 tose takadzoka kumba.

Hondo yapera, vaKomonisiti vaitungamirirwa naPresident Josip Broz Tito vakatanga kutonga muYugoslavia. Saka zvinhu zvakaramba zvakaomera Zvapupu zvaJehovha.

Muna 1948 imwe hama yakauya ichibva kuAustria uye yakabvuma kudya nesu. Mapurisa aimutevera kwose kwaaienda, uye aisunga hama dzaishanyirwa naye. Baba vakasungwawo nokuti vakanga vamugamuchira uye vakanga vasina kuudza mapurisa nezvake, uye vakaguma vapedza makore maviri vari mujeri. Nguva iyi yakanga yakaomera amai zvikuru, kwete chete nokuti Baba vakanga vasipo, asiwo nokuti vaiziva kuti munguva pfupi ini nomunun’una wangu taizotarisana nomuedzo wakafanana wokusava nokwatakarerekera.

Nguva Yandakagara Mujeri kuMacedonia

Muna November 1949, ndakanzi ndiende kunoita basa rechiuto. Ndakaenda kunotsanangura kuti hana yangu yakanga isinganditenderi kuita basa iroro. Zviremera hazvina kunditeerera uye zvakandikwidza chitima chaiva nevanhu vaiendeswa kuMacedonia, kunoperera Yugoslavia.

Kwemakore matatu, handina munhu womumhuri yedu kana kuti hama yechiKristu yandakaona uye ndakanga ndisina bhuku chero ripi zvaro, kunyange Bhaibheri. Zvakanga zvakaoma chaizvo. Ndakabatsirwa nokufungisisa nezvaJehovha uye muenzaniso woMwanakomana wake, Jesu Kristu. Muenzaniso wevabereki vangu wakandisimbisawo. Uyewo kugara ndichinyengeterera simba kwakandibatsira kuti ndisaora mwoyo.

Pakupedzisira, ndakaendeswa kujeri rokuIdrizovo pedyo neSkopje. Mujeri iri, vasungwa vaishanda mabasa akasiyana-siyana. Pakutanga, ndaichenesa mahofisi uye ndaiva mutumwa. Kunyange zvazvo ndaiwanzonetswa nomumwe musungwa aimbova mutikitivha, ndaiwirirana nevamwe vose vandaishanda navo—varindiri, vasungwa, kunyange maneja womufekitari yepajeri racho.

Gare gare, ndakaziva kuti mubheka repajeri maidiwa munhu anobika chingwa. Kwapera mazuva mashomanana, maneja akauya kuzodanidzira mazita achiona kana munhu wose aivapo. Akakwidza nomutsetse wacho, akabva amira pamberi pangu, akabvunza kuti, “Unogona kubika chingwa here?” “Hungu changamire,” ndakadaro. Akapindura kuti: “Mangwana mangwanani uuye kuzoshanda kubheka.” Musungwa uya aiwanzondinetsa aipfuura nepabheka asi hapana zvaaigona kuita nezvazvo. Ndakashanda mubheka kubva muna February kusvikira muna July 1950.

Zvadaro ndakatamiswa ndikaendeswa kukamba yemasoja yainzi Volkoderi, kumaodzanyemba kweMacedonia, pedyo neLake Prespa. Ndiri kutaundi reOtešovo raiva pedyo, ndakakwanisa kunyora tsamba dzaienda kumba. Ndaishanda neboka raiita zvokugadzira mugwagwa, asi kakawanda ndaishanda mubheka, izvo zvaindiitira nyore. Ndakasunungurwa muna November 1952.

Panguva yandaiva ndisiri kuPodhom, munharaunda iyoyo makaumbwa ungano. Pakutanga, ungano yacho yaiungana mune kamwe kahotera mutaundi reSpodnje Gorje. Gare gare, Baba vakaita kuti imwe imba mumba medu ishandiswe neungano kupindira misangano. Ndakafara kupinda nayo pandakadzoka kubva kuMacedonia. Ndakamutsidzirawo ushamwari hwangu naStanka, wandakanga ndaonana naye ndisati ndaenda kujeri. Musi waApril 24, 1954, takaroorana. Zvisinei, rusununguko rwangu rwaingova rwenguva pfupi.

Nguva Yandakagara Mujeri kuMaribor

Muna September 1954, ndakadanwa zvakare kuti ndiende kuchiuto. Panguva ino ndakatongerwa makore matatu nehafu mujeri rokuMaribor, riri kumabvazuva kumucheto kweSlovenia. Pandakangokwanisa, ndakatenga mapepa nepenzura. Ndakatanga kunyora zvinhu zvose zvandakanga ndichiri kuyeuka—magwaro, mashoko omuNharireyomurindi, uye pfungwa dzaiva mune mamwe mabhuku echiKristu. Ndaiverenga zvandakanga ndanyora uye ndaiwedzera kunyora zvimwe pandaizviyeuka. Pakupedzisira, bhuku racho rakazara, uye izvi zvakaita kuti ndirambe ndichifunga nezvechokwadi uye ndirambe ndakasimba pakunamata. Kunyengetera uye kufungisisa zvakandibatsira chaizvo kuti ndirambe ndakasimba mune zvokunamata, zvichiita kuti ndive noushingi mukuzivisa vamwe chokwadi.

Panguva iyoyo, ndaibvumirwa kugamuchira tsamba imwe chete pamwedzi uye kushanyirwa nomunhu mumwe chete kwemaminitsi 15 pamwedzi. Stanka airara achifamba nechitima kuti akurumidze kusvika pajeri kuzondiona, uye aizodzokera musi iwoyo. Kushanya kwaaiita kwakandikurudzira chaizvo. Zvadaro ndakaronga zano rokuti ndiwane Bhaibheri. Ini naStanka takanga takagara pane imwe tafura takatarisana, paine murindiri aitirinda. Murindiri wacho paakatarira divi, ndakaisa tsamba mubhegi raStanka, ndichimukumbira kuti aise Bhaibheri mubhegi rake paaizondishanyirazve.

Stanka nevabereki vangu vakafunga kuti izvi zvakanga zviine ngozi zvikuru, saka vakatora Magwaro echiKristu echiGiriki vakaisa mapeji acho pakati pemabhanzi. Izvi zvakaita kuti ndiwane Bhaibheri randaida. Nenzira yakafanana, ndakagamuchirawo magazini eNharireyomurindi, akanga aita zvokukopwa naStanka. Ndaibva ndangokopa imwe magazini ndobvarura yaiva yanyorwa naStanka kuitira kuti pasava neanoziva kuti ndakanga ndaiwana kupi.

Nemhaka yokuramba ndichiparidza, vamwe vasungwa vakataura kuti zvechokwadi ndaizozvipinza mudambudziko. Pane imwe nguva, ndakanga ndichikurukura Bhaibheri nechido nomumwe musungwa. Takanzwa kiyi ichipinzwa muchimai chayo, uye murindiri akapinda. Ndakabva ndangofunga kuti ndaizogariswa kwangu ndoga. Asi yakanga isiriyo vavariro yomurindiri wacho. Akanga anzwa zvataikurukura uye aida kukurukurawo nesu. Agutsikana nemhinduro dzemibvunzo yake, akabuda ndokukiya chitokisi.

Mumwedzi wokupedzisira womutongo wangu, mukuru mukuru aitarisira kudzidziswa kwevasungwa akandirumbidza kuti ndaitsigira chokwadi. Ndakaona kuti uyu waiva mubayiro wakaisvonaka wokuedza kuzivisa zita raJehovha kwandakanga ndaita. Muna May 1958, ndakasunungurwazve mujeri.

Kutizira kuAustria, uye kuAustralia

Muna August 1958 amai vangu vakafa. Vakanga varwara kwenguva yakareba. Zvadaro muna September 1958, ndakadanwa kechitatu kuti ndiende kuchiuto. Manheru iwayo ini naStanka takasarudza chimwe chinhu chaikosha chakazoita kuti tigume tava kuyambuka muganhu sezvandambotaura pakutanga. Tisina wataudza, takarongedza mabhegi anotakurika netende tichibva tabuda nepahwindo, takananga kumuganhu weAustria kumadokero kweMount Stol. Zvinoita sokuti Jehovha akativhurira nzira paakaziva kuti takanga tava kuda kuzorora.

Hurumende yeAustria yakatiendesa kumusasa wevapoteri pedyo neSalzburg. Kwemwedzi mitanhatu yataiva ikoko, taigara tiine Zvapupu zvomunharaunda iyoyo, saka takapedza nguva pfupi zvikuru tiri mumusasa. Vamwe vaiva mumusasa vakashamiswa kuti takakurumidza kuva neshamwari. Panguva iyi ndipo patakapinda gungano kokutanga. Kokutanga zvakare, takakwanisa kuparidza takasununguka, paimba neimba. Nguva yokuti tiende payakasvika, zvakanga zvakatiomera chaizvo kusiya shamwari dzedu idzi dzataida.

Hurumende yeAustria yakatipa mukana wokutamira kuAustralia. Hatina kumbenge tafunga kuti taizoguma tava kure zvakadaro. Takaenda nechitima kuGenoa, Italy, tikazokwira chikepe chaienda kuAustralia. Takapedzisira tava kugara muguta reWollongong, kuNew South Wales. Ndikwo kwakaberekerwa mwanakomana wedu Philip, musi waMarch 30, 1965.

Kugara muAustralia kwakativhurira mikana yakawanda yebasa, kusanganisira mukana wokuparidzira vamwe vakatama vachibva kunzvimbo dzaimbozivikanwa seYugoslavia. Tinoonga zvikomborero zvaJehovha, kusanganisira kuti tinokwanisa kumushumira semhuri yakabatana. Philip nomudzimai wake, Susie, vane ropafadzo yokushumira vari pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuAustralia, uye vakatombova nomukana wokupedza makore maviri vari pahofisi yebazi rokuSlovenia.

Pasinei nematambudziko okukwegura nezvinetso zvoutano, ini nomudzimai wangu tinoramba tichishandira Jehovha tichifara. Ndinoonga muenzaniso wakaisvonaka wevabereki vangu! Unoramba uchindisimbisa, uchindibatsira kuita zvakataurwa nomuapostora Pauro, kuti: “Farai patariro. Tsungirirai pakutambudzika. Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Vabereki vangu nechokunopera kwema1920

[Mufananidzo uri papeji 17]

Amai vangu, vari kurudyi, vaina Ančka, uyo akavadzidzisa chokwadi

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndiine mudzimai wangu, Stanka, tichangobva kuroorana

[Mufananidzo uri papeji 19]

Ungano yaiungana pamusha pedu muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiine mudzimai wangu, mwanakomana wedu Philip, nomudzimai wake, Susie