Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMakoronike Rokutanga

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMakoronike Rokutanga

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMakoronike Rokutanga

KWAPERA makore anenge 77 kubva pakadzokera vaJudha kunyika yokumusha kwavo vachibva kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa. Temberi yakavakwazve naGavhuna Zerubhabheri yava nemakore 55 iripo. Chikonzero chinokosha chaita kuti vaJudha vadzoke ndechokuti vadzorere kunamata kwechokwadi muJerusarema. Zvisinei, vanhu vacho havashingairiri kunamata Jehovha. Vanofanira kukurumidza kukurudzirwa, uye izvozvo ndizvo chaizvo zvinoitwa nebhuku romuBhaibheri reMakoronike Rokutanga.

Kunze kwokutaura nezvemazita emadzinza, bhuku reMakoronike Rokutanga rinotaura nezvemakore anenge 40, kubvira pakafa Mambo Sauro kusvikira pakafa Mambo Dhavhidhi. Mupristi Ezra ndiye akanyora bhuku iri mugore ra460 B.C.E. Tinofarira bhuku reMakoronike Rokutanga nokuti rinotibatsira kunzwisisa kunamatwa kwaiitwa patemberi uye rinotipa mashoko akakwana nezvedzinza raMesiya. Sechikamu cheShoko raMwari rakafuridzirwa, shoko raro rinosimbisa kutenda kwedu uye rinowedzera kunzwisisa kwatinoita Bhaibheri.—VaHebheru 4:12.

NHOROONDO INOKOSHA YEMAZITA

(1 Makoronike 1:1–9:44)

Pane zvikonzero zvitatu zvinoita kuti nhoroondo yemadzinza yakanyorwa naEzra ikoshe: kuti vave nechokwadi chokuti varume vane mvumo bedzi ndivo vanoshumira sevapristi, kutibatsira kuziva nhaka yemadzinza, uye kuchengetedza nhoroondo yemadzinza inotisvitsa kuna Mesiya. Nhoroondo yacho inoongorora zvakaitika kare kuvaJudha, kusvikira kumunhu wokutanga chaiye. Pakati paAdhamu naNoa pane zvizvarwa gumi, uye zvimwe zvizvarwa gumi zvinotisvitsa pana Abrahamu. Pashure pokutaura mazita evanakomana vaIshmaeri, vanakomana vomurongo waAbrahamu Ketura, uye vanakomana vaIsau, nhoroondo yacho inotaura nezvedzinza revanakomana 12 vaIsraeri.—1 Makoronike 2:1.

Madzinza aJudha anonyanya kutaurwa nezvawo nokuti ndiwo anobudisa dzinza raMambo Dhavhidhi. Kubva pana Abrahamu kusvika pana Dhavhidhi pane zvizvarwa 14, uye zvimwe 14 kusvikira pavakazoendeswa kuBhabhironi. (1 Makoronike 1:27, 34; 2:1-15; 3:1-17; Mateu 1:17) Zvadaro Ezra anoronga mazita evazukuru vemadzinza ari kumabvazuva kwaJodhani, achiteverwa nenhoroondo yemadzinza evanakomana vaRevhi. (1 Makoronike 5:1-24; 6:1) Anozotaura muchidimbu mamwe madzinza acho ari kumadokero kwoRwizi rwaJodhani uye anozodonongodza dzinza rose raBhenjamini. (1 Makoronike 8:1) Mazita evakatanga kugara muJerusarema vadzoka kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa anonyorwawo.—1 Makoronike 9:1-16.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:18—Ndiani aiva baba vaShera—Kainani kana kuti Apakishadhi? (Ruka 3:35, 36) Apakishadhi ndiye aiva baba vaShera. (Genesisi 10:24; 11:12) Zita rokuti “Kainani” riri pana Ruka 3:36 ringadaro raida kunzi “vaKadheya.” Kana zvakadaro, rugwaro rwepakutanga rungave rwaiti, “mwanakomana waApakishadhi muKadheya.” Kana kuti pamwe mazita okuti Kainani uye Apakishadhi anoreva munhu mumwe chete. Hatifaniri kukanganwa kuti mashoko okuti “mwanakomana waKainani” haawanikwi mune mamwe manyoro.—Ruka 3:36.

2:15—Dhavhidhi aiva mwanakomana waJese wechinomwe here? Aiwa. Jese aiva nevanakomana vasere, uye Dhavhidhi ndiye aiva gotwe. (1 Samueri 16:10, 11; 17:12) Zviri pachena kuti mumwe wevanakomana vaJese akafa asati ava nevana. Sezvo mwanakomana iyeye asina zvaaizobatsira muzvinyorwa zvemadzinza, Ezra haana kunyora zita rake.

3:17—Nei Ruka 3:27 ichiti Sheatiyeri mwanakomana waJekoniya mwanakomana waNerai? Jekoniya ndiye aiva baba vaSheatiyeri. Zvisinei, zviri pachena kuti Nerai akapa Sheatiyeri mwanasikana wake kuti ave mudzimai wake. Ruka anotaura nezvomukwasha waNerai somwanakomana waNerai, sezvaakangoita panyaya yaJosefa, paakamuti mwanakomana waHirai, baba vaMariya.—Ruka 3:23.

3:17-19—Zerubhabheri, Pedhaya naSheatiyeri vaiva noukama pakudini? Zerubhabheri aiva mwanakomana waPedhaya, uyo aiva munun’una waSheatiyeri. Zvisinei, dzimwe nguva Bhaibheri rinoti Zerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri. (Mateu 1:12; Ruka 3:27) Izvi zvingangova mhaka yokuti Pedhaya akafa uye Sheatiyeri ndiye akarera Zerubhabheri. Kana kuti zvichida sezvo Sheatiyeri akafa asina mwana, Pedhaya akaroora mudzimai womukoma wake, uye Zerubhabheri ndiye akazova dangwe ravo.—Dheuteronomio 25:5-10.

5:1, 2—Kupiwa kodzero yokuva dangwe kwairevei kuna Josefa? Kwaireva kuti Josefa akawana mugove wenhaka wakapetwa kaviri. (Dheuteronomio 21:17) Saka akava baba vemadzinza maviri—raEfremu neraManase. Vamwe vanakomana vaIsraeri vakangova vanababa vedzinza rimwe chete.

Zvatinodzidza:

1:1–9:44. Madzinza evanhu chaivo anoratidza kuti urongwa hwose hwokunamata kwechokwadi hunobva pazvinhu zvechokwadi, kwete pangano.

4:9, 10. Jehovha akapindura munyengetero womwoyo wose waJabhezi wokuti nharaunda yake iwedzerwe zvine rugare kuitira kuti ikwane vanhu vakawanda vanotya Mwari. Isuwo tinofanira kunyengetera nomwoyo wose kuti vanamati vaMwari vawedzere sezvatinoshingaira kuitawo basa rokuita vadzidzi.

5:10, 18-22. Mumazuva aMambo Sauro, madzinza aiva kumabvazuva kwaJodhani akakunda vaHagri kunyange zvazvo vaHagri vakanga vakawanda kudarika madzinza aya kakapetwa kaviri. Izvi zvakadaro nokuti varume vakashinga vemadzinza aya vaivimba naJehovha uye vaitarisira kuti avabatsire. Ngativimbei naJehovha zvakakwana sezvatinorwa hondo yedu yezvokunamata nevavengi vakawanda kwazvo kutidarika.—VaEfeso 6:10-17.

9:26, 27. Vachengeti vemagedhi vaiva vaRevhi vaiita basa raida kuti vave vakavimbika zvikuru. Vakapiwa kiyi yokuti vapinde munzvimbo tsvene dzetemberi. Vakanga vakavimbika pakuvhura magedhi zuva nezuva. Isu takapiwa basa rokutsvaka vanhu vari mundima yedu uye rokuvabatsira kuti vauye kuzonamata Jehovha. Hatifaniri kuratidza kuti takavimbika sezvakanga zvakaita vaRevhi vaiva vachengeti vemagedhi here?

DHAVHIDHI ANOTONGA SAMAMBO

(1 Makoronike 10:1–29:30)

Nyaya yacho inotanga nenhoroondo yaMambo Sauro uye vanakomana vake vatatu vachifa pavairwisana nevaFiristiya paGomo reGiribhoa. Dhavhidhi, mwanakomana waJese, anogadzwa kuva mambo wedzinza raJudha. Varume vanobva kumadzinza ose vanouya kuHebroni vomugadza kuti ave mambo wevaIsraeri vose. (1 Makoronike 11:1-3) Izvozvo zvichangoitika, anotora Jerusarema. Gare gare, vaIsraeri vanoendesa areka yesungano kuJerusarema “vachishevedzera vachifara, vachiridza hwamanda . . . vachiridza kwazvo zviridzwa zvine tambo noudimbwa.”—1 Makoronike 15:28.

Dhavhidhi anotaura kuti anoda kuvakira Mwari wechokwadi imba. Jehovha anochengetera Soromoni ropafadzo iyoyo, asi anoita sungano yoUmambo naDhavhidhi. Sezvo Dhavhidhi anorwisana nevavengi vaIsraeri, Jehovha anoita kuti akunde kakawanda. Kuverenga vanhu zvisiri pamutemo kunoguma nokufa kwevanhu 70 000. Audzwa nengirozi kuti avakire Jehovha atari, Dhavhidhi anotenga nzvimbo kuna Orinani muJebhusi. Dhavhidhi anotanga ku“gadzirira zvinhu zvizhinji” kuti avakire Jehovha imba “huru kwazvo” panzvimbo iyoyo. (1 Makoronike 22:5) Dhavhidhi anoronga mabasa evaRevhi, ayo anodonongodzwa mubhuku rino kupfuura mune mamwe ose ari muMagwaro. Mambo nevanhu vanopa mipiro yakawanda zvikuru nokuda kwetemberi. Pashure pokunge atonga kwemakore 40, Dhavhidhi anofa “agutswa nemazuva, pfuma nokukudzwa; uye mwanakomana wake Soromoni a[no]tanga kutonga panzvimbo pake.”—1 Makoronike 29:28.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

11:11—Nei nhamba yevakaurayiwa 300 yakasiyana ne800 vanotaurwa munhoroondo yakafanana iri mubhuku ra2 Samueri 23:8? Jashobheyamu, kana kuti Joshebhi-bhashebheti ndiye aiva mukuru wevarume vatatu vaDhavhidhi vakashinga. Vamwe varume vaviri vaiva nesimba vaiva Eriyezari naShamaa. (2 Samueri 23:8-11) Nhoroondo mbiri idzi dzingangodaro dzakasiyana nokuti dzinotaura nezvemabasa akasiyana akaitwa nomurume mumwe chete.

11:20, 21—Abhishai aiva nechinzvimbo chei pavarume vatatu vaDhavhidhi vaiva nesimba? Abhishai akanga asiri mumwe wevarume vatatu vaiva nesimba vaishumira Dhavhidhi. Zvisinei, sezvinotaurwa pana 2 Samueri 23:18, 19, aiva mukuru wevarwi 30 uye aikudzwa kuvapfuura vose. Mukurumbira waAbhishai waiva wakaenzana nowevarume vatatu vaiva nesimba nokuti akaita chinhu chaida simba chakafanana nechakaitwa naJashobheyamu.

12:8—Zviso zvevarwi vaiva vaGadhi zvakanga “zvakaita sezveshumba,” pakudini? Varume vane simba ava vaitsigira Dhavhidhi murenje. Bvudzi ravo rakanga rareba. Kuva nebvudzi refu kwakaita kuti vatyise sezvinoita shumba.

13:5—“Rwizi rweIjipiti” chii? Vamwe vakafunga kuti mashoko aya anoreva rumwe rwizi runobva muRwizi rwaNire. Zvisinei, vakawanda vanoziva kuti anoreva “mupata une rukova weIjipiti”—mupata murefu unoratidza muganhu wokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNyika Yakapikirwa.—Numeri 34:2, 5; Genesisi 15:18.

16:30—Mashoko okuti “rwadziwai kwazvo” nokuda kwaJehovha anorevei? Shoko rokuti “rwadziwai” pano rinoshandiswa nenzira yokufananidzira kureva kutya Jehovha kwokumukudza uye kumuremekedza zvikuru.

16:1, 37-40; 21:29, 30; 22:19—Ndohupi urongwa hwokunamata hwakaramba huchishanda muna Israeri kubvira pakaunzwa Areka kuJerusarema kusvikira pakazovakwa temberi? Dhavhidhi paakaunza Areka kuJerusarema akaiisa mutende raakanga agadzira, Areka yakanga isiri mutebhenekeri kwemakore akawanda. Pashure pokunge yatamiswa, Areka yakaramba iri mutende iroro kuJerusarema. Tebhenekeri yaiva muGibhiyoni, uko Mupristi Mukuru Zadhoki nehama dzake vakapa zvibayiro zvaitaurwa muMutemo. Urongwa uhwu hwakaramba huchienderera mberi kusvikira temberi yapera kuvakwa muJerusarema. Temberi yapera, tebhenekeri yakaunzwa kuJerusarema ichibva kuGibhiyoni, uye Areka yakaiswa muNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi.—1 Madzimambo 8:4, 6.

Zvatinodzidza:

13:11. Pane kutsamwira Jehovha uye kumupomera mhosva apo zvatinoita zvinokundikana, tinofanira kuongorora mamiriro acho ezvinhu toedza kuona chinenge chaita kuti zvikundikane. Hapana mubvunzo kuti ndizvo zvakaita Dhavhidhi. Akadzidza pane zvaakakanganisa uye akazobudirira kuendesa Areka kuJerusarema achishandisa nzira yakakodzera. *

14:10, 13-16; 22:17-19. Tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire tisati taita chinhu chingatikanganisa kunamata.

16:23-29. Kunamata Jehovha kunofanira kuva chinhu chokutanga muupenyu hwedu.

18:3. Jehovha Muzadzikisi wezvipikirwa zvake. Achishandisa Dhavhidhi, akaita zvaakanga apikira zvokuti aizopa vana vaAbrahamu nyika yose yeKenani, “kubvira parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, rwizi rwaYufratesi.”—Genesisi 15:18; 1 Makoronike 13:5.

21:13-15. Jehovha akarayira ngirozi kuti imise denda racho nokuti Iye ane hanya nokutambura kwevanhu Vake. Zvechokwadi, “ngoni dzake izhinji kwazvo.” *

22:5, 9; 29:3-5, 14-16. Kunyange zvazvo asina kunzi avake temberi yaJehovha, Dhavhidhi akaratidza kuti aiva norupo chaizvo. Nei? Nokuti aiziva kuti zvose zvaaiva nazvo zvaibva pakunaka kwaJehovha. Kuonga kwakadaro kunofanira kuita kuti tipe chaizvo.

24:7-18. Urongwa hwemapoka evapristi 24 hwakatangwa naDhavhidhi ndihwo hwaishanda ngirozi yaJehovha payakasvika kuna Zekariya, baba vaJohani Mubhabhatidzi, ikazivisa kuti Johani aizoberekwa. Senhengo ye“boka raAbhija,” panguva iyoyo Zekariya akanga ari kuita chijana chake patemberi. (Ruka 1:5, 8, 9) Kunamata kwechokwadi kune chokuita nevanhu vakanyorwa munhoroondo dzakaitika—kwete vengano. Kana tikashandira pamwe no“muranda akatendeka, akangwara,” pamwe chete nokunamata Jehovha zvakanyatsorongwa nhasi, tichakomborerwa.—Mateu 24:45.

Shumira Jehovha “Nomweya Unofara”

Bhuku reMakoronike Rokutanga haringotauri nezvemadzinza. Inhoroondo inotaurawo nezvokuunzwa kwakaitwa areka yesungano kuJerusarema naDhavhidhi, nezvokukunda kwake kukuru, nezvokugadzirira kuvakwa kwetemberi, uye nezvokugadzwa kwemapoka evapristi vaiva vaRevhi kuti vaite mabasa akasiyana-siyana. Zvose zvinorondedzerwa naEzra muBhuku reMakoronike Rokutanga, chokwadi zvinofanira kunge zvakabatsira vaIsraeri, zvichivaita kuti vashingairirezve kunamata Jehovha patemberi.

Zvechokwadi Dhavhidhi akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuita kuti kunamata Jehovha kurambe kuri pakutanga muupenyu hwake! Pane kuzvitsvakira ropafadzo chaidzo, Dhavhidhi akaedza kuita zvaidiwa naMwari. Tinokurudzirwa kuti tishandise zano rake rokuti tishumire Jehovha “nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara.”—1 Makoronike 28:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvimwe zvatinodzidza pakuedza kwakaita Dhavhidhi kuendesa Areka kuJerusarema zviri muNharireyomurindi yaMay 15, 2005, mapeji 16-19.

^ ndima 7 Zvimwe zvatinodzidza zvine chokuita nokuverenga vanhu zvisiri pamutemo kwakaitwa naDhavhidhi zviri muNharireyomurindi yaMay 15, 2005, mapeji 16-19.

[Chati/Mifananidzo iri papeji 8-11]

(Kana uchida mashoko azere, ona magazini yacho)

Zvizvarwa zvinobva pana Adhamu kusvikira pana Noa (makore 1 056)

(Kana uchida mashoko azere, ona magazini yacho)

Adhamu Mak. 130 4026 B.C.E.

Seti 105

Inoshi 90

Kinani 70

Maharareri 65

Jaredhi 162

Inoki 65

Metusera 187

Rameki 182 2970 B.C.E. NOA anoberekwa

Noa 502 2970 B.C.E.

Shemu 100

Apakishadhi 35 MAFASHAMO 2370 B.C.E.

Shera 30

Ebheri 34

Peregi 30

Reu 32

Serugu 30

Nahori 29

Tera 130 2018 B.C.E. ABRAHAMU anoberekwa

Zvizvarwa zvinobva pana Noa kusvikira pana Abrahamu (makore 952)

[Chati/Mifananidzo iri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona magazini yacho)

Abrahamu Mak. 100 2018 B.C.E.

Isaka 60

Jakobho c.88

Judha

Perezi

Hezroni

Ramu

Aminadhabhi

Nashoni

Sarimoni

Bhoazi

Obhedhi

Jese 1107 B.C.E. DHAVHIDHI anoberekwa

Kubvira pana Abrahamu kusvikira pana Dhavhidhi: zvizvarwa 14 (makore 911)