Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!

“Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!

“Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!

Mashoko ari munyaya ino ichadzidzwa anobva mubhurocha rinonzi Rambai Makarinda! rakabudiswa pamagungano eruwa akaitwa munyika yose muna 2004/05.

“Rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—Mateu 24:42.

WAIZOITEI kudai waiziva kuti kune mbavha iri kunyangira, ichipaza misha iri munharaunda yako? Kuti udzivirire vadiwa vako nezvinhu zvako zvinokosha, waizoramba wakamuka, wakarinda. Waizodaro nokuti mbavha haitumiri tsamba yokuzivisa kuti iri kuuya rini. Pane kudaro, inoita zvokunyangira, uye inongoerekana yasvika.

2 Kanoverengeka, Jesu akashandisa muenzaniso wezvinoitwa nembavha. (Ruka 10:30; Johani 10:10) Achitaura nezvezvinhu zvaizoitika panguva yomugumo uye zvaizoitika asati auya kuzotonga, Jesu akanyevera kuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi. Asi zivai chinhu chimwe chete, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe.” (Mateu 24:42, 43) Jesu akafananidza kuuya kwake nokusvika kwembavha—isingatarisirwi.

3 Mufananidzo wacho wakanga wakakodzera, nokuti zuva chairo rokuuya kwaJesu raisazozivikanwa. Asati ataura izvozvo, muuprofita ihwohwo, Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36) Naizvozvo Jesu akakurudzira vateereri vake kuti: “Ivai vakagadzirira.” (Mateu 24:44) Vaya vaiteerera nyevero yaJesu vaizova vakagadzirira, vachizvibata zvakakodzera, pasinei nokuti aizouya rini soMumiririri waJehovha Anotonga.

4 Pane mimwe mibvunzo inokosha inomuka: Jesu aingonyevera vanhu vari munyika chete here, kana kuti vaKristu vechokwadi vanofanirawo ‘kuramba vakarinda’? Nei ‘kuramba takarinda’ iri nyaya yokukurumidzira, uye izvi zvinosanganisirei?

Ndiani Ainyeverwa?

5 Ichokwadi kuti kuvanhu vari munyika, avo vanoisa zvimiti munzeve pavanonyeverwa nezvedambudziko rava pedyo, kuuya kwaShe kuchaita sembavha. (2 Petro 3:3-7) Zvisinei, zvakadini nevaKristu vechokwadi? Muapostora Pauro akanyorera vaainamata navo kuti: “Imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.” (1 VaTesaronika 5:2) Hapana mubvunzo kuti tinoziva kuti “zuva raJehovha riri kuuya.” Asi izvozvo zvinoita here kuti tisanyanya kuramba takarinda? Ona kuti Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mateu 24:44) Asati ataura izvi, paaikurudzira vadzidzi vake kuti varambe vachitsvaka Umambo, Jesu akanyevera kuti: “Rambai makagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungidziri.” (Ruka 12:31, 40) Hazvisi pachena here kuti Jesu aifunga nezvevateveri vake paakanyevera kuti: “Rambai makarinda”?

6 Nei tichifanira ‘kuramba takarinda’ uye ‘kuramba takagadzirira’? Jesu akatsanangura kuti: “Varume vaviri vachange vari mumunda: mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa; vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo rimwe chete: mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa.” (Mateu 24:40, 41) Vaya vanoramba vakagadzirira ‘vachaendwa navo,’ kana kuti kuponeswa, panoparadzwa nyika isingadi Mwari. Vamwe ‘vachasiyiwa’ kuti vaparadzwe nokuti vave vachiita zvavanoda ivo zvoudyire. Ava vangasanganisira vanhu vakanga vambovhenekerwa asi vasina kuramba vakarinda.

7 Kusaziva zuva chairo rokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino kunotipa mukana wokuratidza kuti tinoshumira Mwari nevavariro yakanaka. Sei? Zvingaita sokuti mugumo uri kunonoka kusvika. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaKristu vanofunga seizvi vakarega kushingairira basa raJehovha sezvavaisiita. Asi nokuzvitsaurira kwatakaita, takazvipa nomwoyo wose kuti tishumire Jehovha. Vaya vanoziva Jehovha vanoziva kuti kuzongoshingaira panguva yokupedzisira hakuzomufadzi. Anoona zviri mumwoyo.—1 Samueri 16:7.

8 Nokuti tinoda Jehovha zvechokwadi, tinowana mufaro mukuru patinoita zvaanoda. (Pisarema 40:8; Mateu 26:39) Uye tinoda kushumira Jehovha nokusingaperi. Tarisiro iyoyo haidereri kukosha kwayo nemhaka bedzi yokuti tinofanira kumirira kwekanguva kupfuura zvataitarisira. Chinotokosha zvikuru ndechokuti tinoramba takarinda nokuti tinotarisira nomwoyo wose zvichaitwa nezuva raJehovha kuti azadzise chinangwa chake. Kuda kwedu nomwoyo wose kufadza Mwari kunotikurudzira kushandisa zano reShoko rake uye kupa Umambo hwake nzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. (Mateu 6:33; 1 Johani 5:3) Ngationei kuti kuramba takarinda kunofanira kuchinja sei zvatinosarudza uye mararamiro atinoita zuva nezuva.

Upenyu Hwako Hwakanangepi?

9 Vanhu vakawanda nhasi vanoziva kuti zvinetso zvakakomba nezviitiko zvinotyisa zvava kuitika mazuva ose, uye vangasafara nokuri kunanga upenyu hwavo. Zvisinei, vanoziva here zvinonyatsorehwa nemamiriro ezvinhu ari munyika? Vanoziva here kuti tiri kurarama pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino? (Mateu 24:3) Vanoziva here kuti kupararira kwakaita udyire, chisimba, uye kusada Mwari kunoratidza kuti nguva ino “mazuva okupedzisira”? (2 Timoti 3:1-5) Vanofanira kuziva zvinorehwa nezvose izvi vofunga nezvokuti upenyu hwavo huri kunangepi.

10 Zvakadini nesu? Zuva nezuva tinosarudza zvinhu zvine chokuita nebasa redu, utano hwedu, mhuri yedu, uye kunamata kwedu. Tinoziva zvinotaura Bhaibheri, uye tinoedza kuzvishandisa. Naizvozvo, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndakabvumira kuti kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu kunditsause here? Ndakarega uzivi hwenyika nemafungiro ayo zvichisarudza zvandinoda here?’ (Ruka 21:34-36; VaKorose 2:8) Tinofanira kuramba tichiratidza kuti tinovimba naJehovha nemwoyo yedu yose uye kuti hativimbi nokunzwisisa kwedu. (Zvirevo 3:5) Tikadaro, ticharamba ‘takabatisisa upenyu chaihwo’—upenyu husingagumi munyika itsva yaMwari.—1 Timoti 6:12, 19.

11 Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yokunyevera inogona kutibatsira kuramba takarinda. Funga nezvezvakaitika muzuva raNoa. Pachine nguva Mwari asati aparadza, akava nechokwadi chokuti nyevero yapiwa. Asi kunze kwaNoa nemhuri yake, vamwe vanhu havana kucherechedza. (2 Petro 2:5) Nezveizvi, Jesu akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:37-39) Tingadzidzei pane izvozvo? Kana paine vamwe vedu vari kubvumira kuti zvinhu zviri munyika—kunyange zvinoitwa nevanhu vose muupenyu—zvishayise nzvimbo zvinhu zvokunamata zvatinokurudzirwa naMwari kuti tiise panzvimbo yokutanga, tinofanira kufungisisa nezvemararamiro edu.—VaRoma 14:17.

12 Fungawo nezvemazuva aRoti. Guta reSodhoma, maigara Roti nemhuri yake, raiva rakabudirira chaizvo asi risina tsika zvachose. Jehovha akatuma ngirozi dzake kuti dziparadze nzvimbo yacho. Ngirozi dzacho dzakakurudzira Roti nemhuri yake kuti vatize muSodhoma uye kuti vasacheuka. Vakurudzirwa nengirozi, vakabuda muguta racho. Zvisinei, zviri pachena kuti mudzimai waRoti akaramba achifunga nezvomusha wake waiva muSodhoma. Asingateereri, akacheuka, uye akarasikirwa noupenyu hwake nokuda kwaizvozvo. (Genesisi 19:15-26) Achitaura zvinhu zvakatoitika, Jesu akatinyevera kuti: “Yeukai mudzimai waRoti.” Tiri kuita zvinoenderana nenyevero iyoyo here?—Ruka 17:32.

13 Vaya vakateerera nyevero dzaMwari vakaponeswa. Ndizvo zvakaitika kuna Noa nemhuri yake uye kuna Roti nevanasikana vake. (2 Petro 2:9) Sezvatinofungisisa nyevero iri mumienzaniso iyi, tinokurudzirwawo neshoko rokuponeswa riri munyevero idzodzo revanoda kururama. Izvozvo zvinozadza mwoyo yedu netarisiro ine chivimbo yokuzadzika kuchaita chipikirwa chaMwari che“matenga matsva nenyika itsva” umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13.

‘Awa Yokutonga Yasvika’!

14 Sezvatinoramba takarinda, tingatarisirei? Bhuku raZvakazarurwa rinoronga matanho okuti zvipikirwa zvaMwari zvichazadzika sei. Tinofanira kuita zvarinotaura kana tichida kuva vakagadzirira. Uprofita hwacho hunorondedzera zvakajeka zviitiko zvaizoitika mu“zuva raShe,” iro rakatanga pakagadzwa Kristu samambo kudenga muna 1914. (Zvakazarurwa 1:10) Bhuku raZvakazarurwa rinoita kuti tifunge nezvengirozi yakapiwa “mashoko akanaka asingaperi okuti izivise.” Inozivisa nenzwi guru kuti: “Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) “Awa” yokutonga iyoyo inguva pfupi; inosanganisira kuziviswa uye kutongwa kunotaurwa muuprofita ihwohwo. Iye zvino tava kurarama munguva iyoyo.

15 Iye zvino, awa yokutonga isati yapera, tinokurudzirwa kuti: “Ityai Mwari mumukudze.” Izvi zvinosanganisirei? Kutya Mwari kwakakodzera kunofanira kuita kuti tirege kuita zvakaipa. (Zvirevo 8:13) Kana tichikudza Mwari, tichamuteerera tichimuremekedza zvikuru. Hatizoshayi nguva yokuverenga Shoko rake Bhaibheri nguva dzose. Hatizorerutsi zano rake rokuti tipinde misangano yechiKristu nguva dzose. (VaHebheru 10:24, 25) Tichakoshesa ropafadzo yokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya uye tichaita izvozvo tichishingaira. Tichavimba naJehovha nguva dzose uye nemwoyo yedu yose. (Pisarema 62:8) Zvatinoziva kuti Jehovha ndiye Changamire Wezvose Zvakasikwa, tinomukudza nokuzviisa pasi pake nokuzvidira saChangamire woupenyu hwedu. Unotya Mwari zvechokwadi uye unomukudza munzira dzose idzi here?

16 Bhuku raZvakazarurwa chitsauko 14 rinoenderera mberi richirondedzera zvinhu zvichaitika muawa yokutonga. Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hwechitendero chenhema, ndiro rinotanga kutaurwa: “Imwe ngirozi yechipiri, yakatevera, ichiti: ‘Rawa! Bhabhironi Guru rawa!’” (Zvakazarurwa 14:8) Chokwadi, mukuona kwaMwari, Bhabhironi Guru rakatowa. Muna 1919 vashumiri vaJehovha vakazodzwa vakasunungurwa muuranda hwedzidziso nemiitiro zveBhabhironi, izvo zvave zvichinetsa vanhu nemarudzi kwezviuru zvamakore. (Zvakazarurwa 17:1, 15) Saka vaigona kuzvipira kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. Kubvira panguva iyoyo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ave achiparidzwa munyika yose.—Mateu 24:14.

17 Izvi handizvo zvoga zvine chokuita nokutonga kuchaita Mwari Bhabhironi Guru. Munguva pfupi iri kuuya richaparadzwa zvachose. (Zvakazarurwa 18:21) Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinokurudzira vanhu kwose kwose kuti: “Budai mariri [Bhabhironi Guru] . . . kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro.” (Zvakazarurwa 18:4, 5) Tinobuda sei muBhabhironi Guru? Izvi hazvingorevi kucheka ukama nechitendero chenhema. Simba reBhabhironi rinooneka mumhemberero zhinji dzakakurumbira netsika, mumaonero enyika okungobvumira zvose zvose panyaya dzepabonde, mukutsigira zvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvinosanganisira kuita zvemidzimu, nezvimwe zvakawanda. Kuti tirambe takarinda, zvinokosha kuti tipe uchapupu hwokuti takaparadzana neBhabhironi Guru munzira dzose pane zvatinoita nezvatinoda mumwoyo yedu.

18 Pana Zvakazarurwa 14:9, 10, panorondedzerwa chimwezve chinhu chine chokuita ‘neawa yokutonga.’ Imwe ngirozi inoti: “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, akagamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, iye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari.” Nei? “Chikara nomufananidzo wacho” zviratidzo zvokutonga kwevanhu, avo vasingabvumi kuti Jehovha ndiye changamire. VaKristu vakamuka vanongwarira kuti vasafurirwa kana kuti kuiswa chiratidzo, mungava mumaonero avanoita kana kuti pane zvavanoita, chokuva varanda vevaya vanoramba uchangamire hukuru hwaMwari wechokwadi, Jehovha. VaKristu vanoziva kuti Umambo hwaMwari hwakatogadzwa kudenga, kuti huchagumisa kutonga kwose kwevanhu, uye kuti hucharamba huripo nokusingaperi.—Dhanieri 2:44.

Usarega Kuva Nepfungwa Yokukurumidzira!

19 Sezvatinosvika kumugumo wemazuva okupedzisira, zvinetso nemiedzo zvichatonyanya. Chero bedzi tiri mumamiriro ezvinhu enguva ino uye tichitambudzwa nokusakwana kwedu, tinokanganiswa nezvinhu zvakadai soutano husina kunaka, kukwegura, kufirwa nevadiwa, kurwadziwa mupfungwa, kuodzwa mwoyo patinosangana nevanhu vasingakendengi patinenge tichiedza kuparidza Shoko raMwari, nezvimwewo zvakawanda. Usambokanganwa kuti Satani hapana chimwe chaanoda kupfuura kuti matambudziko atinotarisana nawo aite kuti tikande mapfumo pasi—kuti tirege kuparidza mashoko akanaka kana kuti tirege kurarama maererano nezvinodiwa naMwari. (VaEfeso 6:11-13) Ino haisi nguva yokurasikirwa nepfungwa yedu yokukurumidzira nezvenguva yatiri kurarama!

20 Jesu aiziva kuti taizomanikidzwa kukanda mapfumo pasi, saka akatipa zano rokuti: “Rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mateu 24:42) Saka, ngatirambei takamuka tichifunga nezvokuti tiri papi nokufamba kuri kuita nguva. Ngatingwarirei mazano aSatani angaita kuti tiderere kana kuti tikande mapfumo pasi. Ngatirambei tichinyatsoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari tichishingaira kwazvo uye takatsunga. Nepatinogona napo, ngatirambei tiine pfungwa yokukurumidzira sezvatinoteerera nyevero yaJesu, yokuti: “Rambai makarinda.” Tikadaro, tichakudza Jehovha uye tichava vamwe vevaya vane tarisiro yokuwana zvikomborero zvake zvisingaperi.

Ungapindura Uchitii?

• Tinoziva sei kuti kunyevera kwaJesu kwokuti “rambai makarinda” kunoshandawo kuvaKristu vechokwadi?

• Mienzaniso ipi inonyevera iri muBhaibheri ingatibatsira ‘kuramba takarinda’?

• Awa yokutonga chii, uye tinokurudzirwa kuitei isati yapera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. Nenzira yakakodzera Jesu akafananidza kuuya kwake nechii?

3, 4. (a) Chii chinobatanidzwa mukuteerera nyevero yaJesu yezvokuuya kwake? (b) Mibvunzo ipi inomuka?

5. Tinoziva sei kuti vaKristu vechokwadi ndivo vainyeverwa kuti “rambai makarinda”?

6. Nei tichifanira ‘kuramba takarinda’?

7. Kusaziva pachauya mugumo kunotipa mukana wokuitei?

8. Kuda Jehovha kunotikurudzira sei kuti tirambe takarinda?

9. Nei vanhu vari munyika vachifanira kukurumidza kuziva zvinorehwa nenguva yedu?

10. Tinofanira kuitei kuti tive nechokwadi chokuti tiri kuramba takarinda?

11-13. Tingadzidzei mumienzaniso yezvakaitika (a) mumazuva aNoa? (b) mumazuva aRoti?

14, 15. (a) “Awa” yokutonga inosanganisirei? (b) Chii chinobatanidzwa ‘pakutya Mwari nokumukudza’?

16. Nei tichigona kuti kutongwa kweBhabhironi Guru kunotaurwa pana Zvakazarurwa 14:8 kwakatozadzika?

17. Kubuda muBhabhironi Guru kunosanganisirei?

18. Vachifunga nezvezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 14:9, 10, vaKristu vakamuka vanongwarira kudzivisa chii?

19, 20. (a) Sezvatinosvika kumagumo kwemazuva okupedzisira, tingava nechokwadi chokuti Satani achaedza kuitei? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu akafananidza kuuya kwake nokusvika kwembavha

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kuparadzwa kweBhabhironi Guru kwava pedyo

[Mifananidzo iri papeji 25]

Ngatinyatsoparidzai tichishingaira zvikuru uye takatsunga