Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoziva Chiratidzo Chokuvapo kwaJesu Here?

Unoziva Chiratidzo Chokuvapo kwaJesu Here?

Unoziva Chiratidzo Chokuvapo kwaJesu Here?

HAPANA munhu anoda kurwara zvakakomba kana kuti kuerekana awirwa nenjodzi. Kuti asawirwa nematambudziko akadaro, munhu akachenjera anongwarira zvinhu zvinoratidza ngozi uye anoita zvinoenderana nezvaanenge aona. Jesu Kristu akarondedzera chimwe chiratidzo chatinofanira kuziva. Chiratidzo chaaitaura nezvacho chaizova munyika yose uye chaizova nezvachaiita pavanhu vose. Izvozvo zvinosanganisira iwe nemhuri yako.

Jesu akataura nezvoUmambo hwaMwari, uhwo huchabvisa uipi uye huchaita kuti pasi rive paradhiso. Vadzidzi vake vaida kuziva nezveizvi uye nezvokuti Umambo ihwohwo hwaizouya rini. Vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”—Mateu 24:3.

Jesu aiziva kuti pashure pokunge aurayiwa uye amutswa, paizopera makore akawanda asati agadzwa saMambo Mesiya kudenga kuti atonge vanhu. Sezvo kugadzwa kwake kwaisazoonekwa nevanhu, Jesu akapa chiratidzo chaizoita kuti vateveri vake vazive “kuvapo” kwake pamwe chete no“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Chiratidzo ichi chinoumbwa nezvinhu zvakawanda, asi izvo kana zvabatanidzwa zvinoratidza kuvapo kwaJesu.

Mumwe nomumwe wevanyori veEvhangeri vanoti Mateu, Mako, uye Ruka vakanyatsonyora mhinduro yaJesu. (Mateu, zvitsauko 24 ne25; Mako, chitsauko 13; Ruka, chitsauko 21) Vamwe vanyori veBhaibheri vakawedzera mamwe mashoko ane chokuita nechiratidzo chacho. (2 Timoti 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4; Zvakazarurwa 6:1-8; 11:18) Munyaya ino hatina nzvimbo ingakwana kuti tinyatsoongorora zvinhu zvacho zvose, asi tichakurukura zvinhu zvishanu zvinokosha zvinoumba chiratidzo chakataurwa naJesu. Uchaona kuti izvi zvinokosha uye zvine zvazvinoreva kwauri iwe pachako.—Ona bhokisi riri papeji 6.

“Kuchinja Kwakaita Kuti Pave Nenguva Itsva”

“Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Magazini inobudisa nhau yokuGermany Der Spiegel inoti, gore ra1914 risati rasvika, vanhu “vaifunga kuti paizova neramangwana rakanaka, vaine rusununguko rwakawanda, vachifambira mberi, uye vachibudirira.” Zvadaro zvinhu zvose zvakachinja. “Hondo yakatanga muna August 1914 ikapera muna November 1918 yaiva chiitiko chinoshamisa. Yakachinja nhoroondo yose yevanhu, ichisiyanisa zvitsaru nezvitsva,” inodaro magazini inonzi GEO. Varwi vanopfuura mamiriyoni 60 vaibva kumakondinendi mashanu vakarwisana zvine utsinye. Paavhareji, varwi vanenge 6 000 vaiurayiwa zuva roga roga. Kubvira panguva iyoyo, vanyori venhau dzakaitika vechizvarwa chimwe nechimwe uye vemasangano ose ezvematongerwe enyika vakaona “makore a1914 kusvikira ku1918 sokuchinja kwakaita kuti pave nenguva itsva.”

Hondo Yenyika 1 yakamanikidza vanhu kuti vachinje zvisingagadzirisiki uye yakaita kuti vanhu vave mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino. Muzana remakore rechi20 hondo dzakawanda dzakarwiwa, vakarwisana nepfuti, uye ugandanga hwakawedzera. Zvinhu hazvina kumbova nani mumakore okutanga ezana rino remakore. Kunze kwehondo, pane zvimwe zvine chokuita nechiratidzo chacho zviri kuoneka.

Nzara, Matenda, uye Kudengenyeka Kwepasi

“Kuchava nokushomeka kwezvokudya.” (Mateu 24:7) Europe yakatambura nenzara munguva yehondo yenyika yokutanga, uye kubvira panguva iyoyo nzara yave ichitambudza vanhu. Munyori wenhau dzakaitika anonzi Alan Bullock akanyora kuti muna 1933, muRussia uye muUkraine “mapoka evanhu vaiziya nenzara akadzungaira nomumasango . . . Zvitunha zvaiunganidzwa padivi pemigwagwa.” Muna 1943 mutori wenhau T. H. White akazvionera nzara yaiva muruwa rweHenan, kuChina. Akanyora kuti: “Munguva yenzara, chinenge chinhu chose chinodyika uye chingakuyiwa, chodyiwa uye choita kuti muviri womunhu uwane simba. Asi munhu anozofunga zvokuedza kudya chinhu chinenge chichinzi hachidyiwi kana ava kuda kufa.” Zvinosuruvarisa kuti mumazana emakore apfuura, nzara yazova chinhu chakajairika muAfrica. Kunyange zvazvo nyika ichibereka zvokudya zvinokwana munhu wose, sangano reUN Food and Agriculture Organization rinofungidzira kuti vanhu mamiriyoni 840 munyika yose vanowana zvokudya zvishomanana chaizvo.

“Munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda.” (Ruka 21:11) Furuwenza yokuSpain inofungidzirwa kuti yakauraya vanhu vari pakati pemamiriyoni 20 ne50 muna 1918, kupfuura denda reblack death kana kuti hondo yenyika yokutanga,” rinodaro pepanhau rinonzi Süddeutsche Zeitung. Kubvira panguva iyoyo, vanhu vakawanda vakarwara nezvirwere zvakadai semarariya, chibhokisi, tibhii, poriyo, uye korera. Uye nyika iri kushamisika nokupararira kuri kuramba kuchiita AIDS. Iye zvino mamiriro akaita zvinhu anovhiringidza ndeokuti zvirwere zviri kuramba zvichiwedzera pasinei nokufambira mberi kunoshamisa kuri kuita zvokurapa. Aya mamiriro ezvinhu, asati ava kunzwisiswa nevanhu, anonyatsoratidza kuti tiri kurarama munguva dzakasiyana nedzimwe dzose.

“Kudengenyeka kwenyika.” (Mateu 24:7) Mumakore 100 apfuura, kudengenyeka kwenyika kwakauraya mazana ezviuru zvevanhu. Maererano nerimwe bhuku, kubvira mugore ra1914, kudengenyeka kwenyika kune simba rokuparadza zvivako uye kutsemura pasi kwave kuchiitika paavhareji ye18 pagore. Kudengenyeka kwenyika kunoparadza zvikuru, kwakasimba zvokuparadza zvivako kwave kuchiitika kanenge kamwe chete pagore. Pasinei nokufambira mberi kwounyanzvi hwokugadzira zvinhu, nhamba yevanofa inoramba ichiwedzera nokuti maguta akawanda ari kukurumidza kuzara vanhu ari munzvimbo dzinodengenyeka.

Mashoko Anofadza!

Zvinhu zvakawanda zvinoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira zvinoshungurudza. Asi Jesu akataurawo mashoko anofadza.

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Basa rakatangwa naJesu pachake—kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo—raizoitwa zvakanyanya mumazuva okupedzisira. Chokwadi izvi ndizvo zvave zvichiitika. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza shoko reBhaibheri uye zviri kudzidzisa vanhu vanoda kuti vashandise zvavanodzidza muupenyu hwavo hwezuva nezuva. Iye zvino, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni matanhatu zviri kuparidza munyika dzinopfuura 235 uye mumitauro inopfuura 400.

Ona kuti Jesu haana kuti zvinhu zvose zvaizomira kuitwa nokuda kwezvinhu zviri kuitika munyika zvinoodza mwoyo. Haanawo kuti chinhu chimwe chete pazvinhu zvinoumba chiratidzo ndicho chaizoitika munyika yose. Asi akafanotaura nezvezviitiko zvakawanda izvo pamwe chete zvaizoumba chiratidzo chaizooneka pasi pose.

Kana ukatarisa zviitiko zvacho zvose, kwete chimwe chete, unoona here kuenderana kwazvo kunoumba chiratidzo chimwe chete chinokosha munyika yose? Zviri kuitika zvine zvazvinoreva kwauri nemhuri yako. Asi tingabvunza kuti, Nei vanhu vashomanana chete vari ivo vanoziva nezvazvo?

Zvaunoda Ndizvo Zvinonyanya Kukosha

“Hamubvumirwi Kushambira,” “Pane Moto Wemagetsi Wakawanda,” “Usanyanya Kumhanya.” Izvi zvimwe zvezviratidzo nenyevero dzatinoona asi zvisingambowanzoteererwi. Nei? Tinonyengerwa nyore nyore nezvatinofunga kuti ndizvo zvakatinakira. Somuenzaniso, tinganzwa tichida kutyaira tichimhanya kupfuura zvinobvumirwa nomutemo, kana kuti tingava nechido chakasimba chokushambira munzvimbo dzinorambidzwa. Asi kurega kuteerera zviratidzo hakusi kuchenjera.

Somuenzaniso, dzimwe nguva vashanyi vanoshanyira makomo eAlpine okuAustria, France, Italy, neSwitzerland vanofa nesinou nokuti havateereri nyevero dzinovakurudzira kuita mutserendende kana kuti kutamba musinou munzvimbo dzakachengeteka chete. Maererano neSüddeutsche Zeitung, vashanyi vakawanda vasingateeri nyevero dzakadaro vanoti, Hazvinakidzi kana pasina ngozi iripo. Zvinosuruvarisa kuti kurega kuteerera nyevero idzodzo kunogona kuguma nengozi.

Nei vanhu vasina hanya nechiratidzo chakarondedzerwa naJesu? Vangave vakapofumadzwa nokuda pfuma, vakatindivadzwa nokusakendenga, vasingakwanisi kusarudza zvavanoda, vangojaira kuita zvinhu sezvavagara vachiita, kana kuti vachitya kuzorasikirwa nomukurumbira. Chimwe chezvinhu izvi chingave chiri kuita kuti usave nehanya nechiratidzo chokuvapo kwaJesu here? Hakungavi kuchenjera here kuziva chiratidzo chacho uye kuita zvinoenderana nacho?

Upenyu Muparadhiso Pasi Pano

Vanhu vakawanda vari kuteerera chiratidzo chokuvapo kwaJesu. Kristian, mumwe murume wechiduku ari kuGermany akaroora anonyora kuti: “Nguva ino haina kujeka. Hapana mubvunzo kuti tiri kurarama ‘mumazuva okupedzisira.’” Iye nomudzimai wake vanopedza nguva yakawanda vachitaura nevamwe nezvoUmambo hwaMesiya. Frank anogarawo muGermany. Iye nomudzimai wake vanokurudzira vamwe nemashoko akanaka anobva muBhaibheri. Frank anoti: “Nemhaka yemamiriro akaita zvinhu munyika, mazuva ano vanhu vakawanda vanonetseka nezveramangwana ravo. Tinoedza kuvakurudzira tichishandisa uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvepasi richange riri paradhiso.” Nokudaro Kristian naFrank vanobatsira kuti chimwe chikamu chechiratidzo chokuvapo kwaJesu chizadzike—kuparidzirwa kwemashoko akanaka oUmambo.—Mateu 24:14.

Sezvo mazuva okupedzisira anosvika pamugumo wawo, Jesu achaparadza mamiriro ezvinhu epanguva ino nevanhu vanoatsigira. Zvadaro Umambo hwaMesiya huchabva hwagadzirisa zvinhu pasi pano, apo pachaitwa kuti pave Paradhiso yakafanotaurwa. Vanhu vachasunungurwa pazvirwere norufu, uye vakafa vachamutsirwa kuupenyu pasi pano. Izvi zvinhu zvinofadza zvatinotarisira zvakamirira vaya vanoziva chiratidzo chenguva yatiri. Saka, haingavi nzira yokuchenjera here kudzidza zvakawanda nezvechiratidzo uye zvaunofanira kuita kuti upone kuguma kwemamiriro ezvinhu enguva ino? Chokwadi izvi zvinofanira kukurumidza kuitwa nomunhu wose.—Johani 17:3.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Jesu akafanotaura nezvezviitiko izvo pamwe chete zvaizoumba chiratidzo chaizooneka pasi pose

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Unoona here kuenderana kuri kuita zviitiko zvenyika, kunoumba chiratidzo chimwe chete chinokosha munyika yose?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6]

KUZIVA ZVIRATIDZO ZVEMAZUVA OKUPEDZISIRA

Kurwisana zvisina kumboitika.—Mateu 24:7; Zvakazarurwa 6:4

Nzara.—Mateu 24:7; Zvakazarurwa 6:5, 6, 8

Matenda.—Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:8

Kuwedzera kwokusateerera mutemo.—Mateu 24:12

Kudengenyeka kwenyika.—Mateu 24:7

Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.—2 Timoti 3:1

Kuda mari zvakanyanyisa.—2 Timoti 3:2

Kusateerera vabereki.—2 Timoti 3:2

Kushaya rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.—2 Timoti 3:3

Kuda mafaro pane kuda Mwari.—2 Timoti 3:4

Kusazvidzora.—2 Timoti 3:3

Kusada zvakanaka.—2 Timoti 3:3

Kusaona ngozi yava kutosvika.—Mateu 24:39

Vaseki vanoramba uchapupu hwemazuva okupedzisira.—2 Petro 3:3, 4

Kuparidzwa kwoUmambo hwaMwari munyika yose.—Mateu 24:14

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 5]

Masoja eWWI: Kubva mubhuku rinonzi The World War—A Pictorial History, 1919; mhuri ine urombo: AP Photo/Aijaz Rahi; mukomana akaremadzwa neporiyo: ©WHO/P. Virot