Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?

Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?

Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?

“Imi majaya nemiwo mhandara . . . Nga[va]rumbidze zita raJehovha.”—Pisarema 148:12, 13.

PANE vabereki vasinganyanyi kunetseka nezveramangwana revana vavo here? Kubvira panoberekwa mucheche—kana kuti kunyange asati atomboberekwa—vabereki vanotanga kunetseka kana achagara zvakanaka. Achava noutano hwakanaka here? Achakura sezvinoita vamwe here? Mwana wacho zvaanenge achikura, pane zvimwewo zvavanonetseka nezvazvo. Kazhinji, vabereki vanongoda zvakanakira vana vavo.—1 Samueri 1:11, 27, 28; Pisarema 127:3-5.

2 Zvisinei, munyika yanhasi, zvakaoma kuti vabereki vape vana vavo zvakanakisisa. Vabereki vakawanda vakava nenguva yakaoma—hondo, kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, kuoma kwezvoupfumi, kurwadziwa munyama uye mupfungwa, zvichingodaro. Sezvinongoitawo vanhu vose, chido chavo chomwoyo wose ndechokuti vana vavo vasatarisana nezvinhu zvakadaro. Munyika dzakapfuma, vabereki vangaona vanakomana nevanasikana veshamwari nehama dzavo vachikwidziridzwa pamabasa uye vachiita sokuti vari kubudirira muupenyu. Saka vanofunga kuti vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vave nechokwadi chokuti vana vavowo vave noupenyu hunganziwo hwomutambarakede uye hwakachengeteka—upenyu hunogutsa—kana vakura.—Muparidzi 3:13.

Kusarudza Upenyu Hwakanaka

3 Sevateveri vaJesu Kristu, vaKristu vakasarudza kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vakafungisisa mashoko aJesu, anoti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.” (Ruka 9:23; 14:27) Chokwadi, upenyu hwomuKristu hunosanganisira kurega zvimwe zvinhu zvakamunakira. Asi hahusi upenyu hwourombo nenhamo. Kusiyana naizvozvo, upenyu hunofadza uye hunogutsa—upenyu hwakanaka—nokuti hune chokuita nokupa, uye sokutaura kwakaita Jesu, “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

4 Vanhu vomuzuva raJesu vairarama mumamiriro ezvinhu akanga akaoma zvikuru. Kunze kwokuwana chokurarama nacho, vaifanira kutsungirira kutonga kwoutsinye kwevaRoma uye mutoro unorema wedzidziso dzavainzi vaomerere padziri nevezvitendero vomuzuva ravo. (Mateu 23:2-4) Kunyange zvakadaro, vakawanda vakanzwa nezvaJesu vakasiya zvirongwa zvavo—kunyange mabasa avo—vakava vateveri vake. (Mateu 4:18-22; 9:9; VaKorose 4:14) Vadzidzi ivavo vakanga vari kuzviisa pangozi uye vari kuisa pangozi ramangwana ravo here? Cherechedza mashoko aJesu okuti: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mateu 19:29) Jesu akavimbisa vateveri vake kuti Baba vavo vokudenga vaiziva zvavaida. Naizvozvo akavakurudzira kuti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:31-33.

5 Zvinhu hazvina kunyanya kusiyana nhasi. Jehovha anoziva zvatinoda, uye vaya vanoisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga muupenyu hwavo, kunyanya vaya vanoita ushumiri hwenguva yakazara, vane chivimbo chokuti achavatarisira. (Maraki 3:6, 16; 1 Petro 5:7) Zvisinei, vamwe vabereki havana chokwadi neizvi. Kune rimwe divi, vangada kuona vana vavo vachifambira mberi mubasa raJehovha, zvichida vachizopedzisira vava kuita ushumiri hwenguva yakazara. Asiwo, vachifunga nezvemamiriro akaita upfumi uye kuti zvingasava nyore kuwana basa rakakodzera mazuva ano, vanofunga kuti zvinokosha kuti vaduku vatange vawana dzidzo yakanaka kuitira kuti vave nezvinodiwa kuti vazowana basa rakanaka kana kuti kuvawo nechimwe chinhu chingazovabatsira muupenyu kana zvikazodiwa. Kuvabereki vakadaro, dzidzo yakanaka inowanzoreva dzidzo yepamusoro.

Kugadzirira Ramangwana

6 Dzidzo inosiyana munyika imwe neimwe. Somuenzaniso, muUnited States, zvikoro zvavose zvinodzidzisa dzidzo inokosha kwemakore 12. Pashure paizvozvo, vadzidzi vangasarudza kuenda kuyunivhesiti kana kuti kukoreji kwemamwe makore mana kana kuti anopfuura, zvinozoita kuti vawane dhigirii rokutanga kana kuita zvimwe zvidzidzo zvinoitwa nomunhu anenge atova nedhigirii zvinoita kuti azova chiremba, gweta, injiniya, zvichingodaro. Dzidzo yokuyunivhesiti yakadaro ndiyo iri kurehwa pari kushandiswa mashoko okuti “dzidzo yepamusoro” munyaya ino. Asiwo pane zvikoro zvinodzidzisa mabasa, zvinodzidzisa makosi enguva pfupi zvichiita kuti uwane chitupa kana kuti dhipuroma rebasa rakati.

7 Mazuva ano zvikoro zvesekondari kana kuti zvikoro zvepamusoro zvinowanzoda kugadzirira vanodzidza ipapo kuti vawane dzidzo yepamusoro. Nechinangwa ichi, zvikoro zvepamusoro zvakawanda zvinonyanya kudzidzisa zvidzidzo zvinoda kushandisa pfungwa zvichaita kuti vadzidzi vabudirire pamazamanishoni avo okupinda kumayunivhesiti pane kudzidzisa makosi achabatsira vadzidzi kuti vawane basa. Mazuva ano vadzidzi vepazvikoro zvepamusoro vanokurudzirwa chaizvo nevadzidzisi, vanopa mazano, nevamwe vavanodzidza navo kuti vavavarire kupinda mumayunivhesiti epamusoro, kwavanenge vaine tariro yokuwana madhigirii achaita kuti vawane mabasa anobhadhara chaizvo.

8 Saka, vabereki vechiKristu vanofanira kuita sei? Chokwadi, vanoda kuti vana vavo vabudirire kuchikoro vodzidza unyanzvi hunodiwa kuti vazvitarisire mune ramangwana. (Zvirevo 22:29) Asi vanofanira kungorega vana vavo vachifurirwa nemakwikwi okufambira mberi uye kubudirira mune zvokunyama here? Zvavanotaura kana kuti muenzaniso wavo unokurudzira vana vavo kuti vave nevavariro dzakadini? Vamwe vabereki vanoshanda nesimba vochengeta mari kuitira kuti vakwanise kuendesa vana vavo kuzvikoro zvinowanika dzidzo yepamusoro kana nguva yacho yasvika. Vamwe vangatoda kukwereta kuti vaite izvi. Zvisinei, pavanenge vachiita izvozvo havafaniri kungofunga nezvemari inodiwa. Asi kuva nedzidzo yepamusoro nhasi kunoda chii?—Ruka 14:28-33.

Zvinodiwa Kuti Uve Nedzidzo Yepamusoro

9 Patinofunga nezvokuti chii chinodiwa, tinowanzofunga nezvemari inodiwa. Mune dzimwe nyika, vana vanobhadharirwa dzidzo yepamusoro nehurumende uye vadzidzi vanenge vakwanisa havafaniri havo kubhadhara mari. Zvisinei, munzvimbo dzakawanda, dzidzo yepamusoro inodhura uye iri kutowedzera kudhura. Imwe nyaya yomuNew York Times Op-Ed inoti: “Dzidzo yepamusoro yaiwanzoonekwa sechinhu chinovhura mikana. Iye zvino yava kuratidza musiyano wevapfumi nevane zvishoma.” Nemamwe mashoko, dzidzo yepamusoro yakanaka yava kunyanya kuwanikwa nevapfumi uye vane simba, vanoita kuti vana vavo vaiwanewo kuti vave nechokwadi chokuti vanova vapfumi uye vanova nesimba mumamiriro ezvinhu epanguva ino. Vabereki vechiKristu vanofanira kusarudzira vana vavo chinangwa chakadaro here?—VaFiripi 3:7, 8; Jakobho 4:4.

10 Kunyange munzvimbo umo dzidzo yepamusoro isingabhadharwi, pangava nezvimwe zvinobatanidzwa. Somuenzaniso, The Wall Street Journal inoti mune imwe nyika iri kuMaodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva kweAsia, hurumende ine “urongwa hunoita kuti vadzidzi vanogona vaenderere mberi nedzidzo.” Izvi zvinoreva kupinda muzvikoro zvepamusoro zvomunyika—Oxford neCambridge kuEngland, zvikoro zveIvy League kuUnited States, nezvimwewo. Nei hurumende yacho ichiita kuti pave nourongwa hwakakura kudaro? Mushumo wacho unoti: “Kuti ikudziridze upfumi hwenyika.” Dzidzo yacho ingava isingabhadharwi zvachose, asi vadzidzi vanobhadhara noupenyu hwokuvandudza mamiriro ezvinhu epanguva ino. Kunyange zvazvo mararamiro akadaro achidiwa munyika, vabereki vechiKristu vangada kuti vana vavo vararamewo saizvozvo here?—Johani 15:19; 1 Johani 2:15-17.

11 Zvadaro pane nyaya yevanhu vavanenge vachionana navo. Mayunivhesiti nemakoreji anozivikanwa nenyaya yomufambiro usina kunaka—kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka nedoro, unzenza, kubiridzira, kubata vamwe unyunyu, nezvimwewo zvakawanda. Chimbofunga nezvokunwa doro zvisina kufanira. Ichitaura nezvokunwa doro zvakanyanyisa, kureva kunwira kudhakwa, magazini inonzi New Scientist inoti: “[Vadzidzi vepayunivhesiti muUnited States] vanenge 44 muzana vanonwa zvakanyanyisa kamwe chete muvhiki mbiri dzoga dzoga.” Dambudziko iroro riri kuwanikwawo nevaduku muAustralia, Britain, Russia nokune dzimwe nzvimbo. Nezvounzenza, mazuva ano vadzidzi vanowanzotaura nezvo“kurara nomunhu,” izvo maererano nomushumo wemagazini yeNewsweek, “zvinoreva kurara nomunhu kamwe chete—zvichisanganisira zvinhu zvakadai sokutsvodana nokurara pamwe chete kwevanhu vanongozivanawo havo asi vasingarongi kunyange kuzotaura vose kana zvapera.” Ongororo dzinoratidza kuti vadzidzi vari pakati pe60 ne80 muzana vanoita izvi. “Kana uri mudzidzi ane pfungwa dzakakwana,” anodaro mumwe muongorori, “unozviitawo.”—1 VaKorinde 5:11; 6:9, 10.

12 Kunze kwokupoteredzwa nevanhu vanoita zvakaipa, pane basa rechikoro nemazamanishoni zvinofanira kuitwa. Sezvinongoita munhu wose, vadzidzi vanofanira kudzidza uye kuita basa rinoitirwa kumba kana vachida kupasa mazamanishoni avo. Vamwe vangafanira kunge vachishanda basa renguva isina kuzara uku vachienda kuchikoro. Zvose izvi zvinotora nguva yavo yakawanda chaizvo nesimba. Saka panosara nguva yakawanda zvakadini yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata? Kana zvokuita zvikawanda, ndezvipi zvavacharega kuita? Zvinhu zvine chokuita noUmambo zvicharamba zviri panzvimbo yokutanga here, kana kuti zvichatombosendekwa? (Mateu 6:33) Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) Zvinosuruvarisa kuti pavaiva kukoreji vamwe vakatsauka pakutenda somugumisiro wokubvuma kutorerwa nguva yavo nesimba kana kuti kuita mufambiro usingaenderani nezvinotaura magwaro!

13 Chokwadi, unzenza, mufambiro wakaipa, uye zvinetso hazvingowaniki kumakoreji kana kuti kumayunivhesiti chete. Zvisinei, pwere dzakawanda dziri munyika dzinoona zvinhu zvakadaro sokudzidza, uye hadzioni chakaipa nazvo. Vachiziva havo, vabereki vechiKristu vanofanira kuita kuti vana vavo vapoteredzwe nevanhu vakadaro kwemakore mana kana anopfuura here? (Zvirevo 22:3; 2 Timoti 2:22) Zvakanaka zvingawanikwa nevaduku zvakakodzera chero ngozi dzavangatarisana nadzo here? Uye chinotonyanya kukosha, vaduku vari kudzidziswei ikoko nezvezvinhu zvavanofanira kuisa pakutanga muupenyu hwavo? * (VaFiripi 1:10; 1 VaTesaronika 5:21) Vabereki vanofanira kufungisisa mibvunzo iyi vachiita zvokunyengetera, uyewo kufungisisa nezvengozi dzokuendesa vana vavo kuchikoro chiri mune rimwe guta kana kuti kune imwe nyika.

Ndezvipi Zvimwe Zvavangaita?

14 Mazuva ano, maonero anoita vakawanda ndeokuti, kuti vaduku vabudirire, vanotofanira kuva nedzidzo yokuyunivhesiti. Zvisinei, pane kutevera maonero evakawanda, vaKristu vanoteerera zano reShoko raMwari, rokuti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Mwari anoda kuti vanhu vake, vaduku nevakuru, vaitei muchikamu chokupedzisira chenguva ino yomugumo? Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Svinurira zvinhu zvose, tambura nezvinhu zvakaipa, ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.” Mashoko iwayo chokwadi anoshandawo kwatiri tose mazuva ano.—2 Timoti 4:5.

15 Pane kuva nemaonero ari munyika okunyanya kuda zvinhu zvenyama, tose zvedu tinofanira ‘kusvinurira’—nzira yezvokunamata yatichatora. Kana uri muduku, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kuedza nepandinogona napo kuti “ndiite ushumiri hwangu,” kuti ndikwanise kuva mushumiri weShoko raMwari here? Ndakarongei nezvokuita ushumiri hwangu “zvizere”? Ndakambofunga nezvokuita basa renguva yakazara here?’ Iyi mibvunzo yakaoma, kunyanya kana uchiona dzimwe pwere dzichiita zvinhu zvakangodzinakira idzo, dzichi“zvitsvakira zvinhu zvikuru” zvadzinofunga kuti zvichaita kuti dzibudirire mune ramangwana. (Jeremia 45:5) Naizvozvo, kubvira vana vachiri vacheche, vabereki vechiKristu vanoita kuti vapoteredzwe nevanhu vanovakurudzira kunamata uye vanovadzidzisa.—Zvirevo 22:6; Muparidzi 12:1; 2 Timoti 3:14, 15.

16 “Amai vainyatsoongorora shamwari dzedu,” anoyeuka kudaro mumwe mukomana mukuru pavatatu mune imwe mhuri ina amai vave vari mushumiri wenguva yakazara kwemakore akawanda. “Taisashamwaridzana nevataidzidza navo asi taingoshamwaridzana nevaya vaiva muungano vaiita zvakanaka pakunamata. Vaigara vachikokawo vaya vaiva muushumiri hwenguva yakazara—mamishinari, vatariri vanofambira, vokuBheteri, uye mapiyona—kumba kwedu kuti tiwadzane navo. Kuteerera zvakaitika kwavari uye kuona kufara kwavaiita zvakabatsira kudyara chido chebasa renguva yakazara mumwoyo yedu.” Zvinofadza chaizvo kuona kuti nhasi vanakomana vacho vose vari vatatu vari muushumiri hwenguva yakazara—mumwe ari kushanda paBheteri, mumwe akapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, uye mumwe ari kupayona!

17 Kunze kwokungoita kuti vana vapoteredzwe nevanhu vanoda kunamata, vabereki vanofanira kunyatsotungamirira vana vavo pakusarudza zvidzidzo zvavachaita kuchikoro uye mabasa avachada kuita. Rimwe jaya rava kushanda paBheteri, rinoti: “Vabereki vangu vose vakapayona vasati varoorana uye pashure pokunge varoorana vachibva vaita nepavaigona napo kuti mhuri yose ive nechido chokupayona. Pose pataisarudza zvidzidzo kuchikoro kana kuti pataisarudza zvinhu zvaiva nechokuita neramangwana redu, vaigara vachitikurudzira kuti tisarudze zvaizotipa mukana wakanaka wokuwana basa renguva isina kuzara uye wokupayona.” Pane kusarudza zvidzidzo zvinoita kuti munhu azoda dzidzo yokuyunivhesiti, vabereki nevana vanofanira kufunga nezvekosi dzinoita kuti vazokwanisa kuita basa rine chokuita nokunamata. *

18 Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti munyika dzakawanda, vanhu vakawanda vari kudiwa havasi vakapedza kudzidza kumayunivhesiti, asi vanhu vanoshanda mabasa emaoko. USA Today inoti “mumakumi emakore anotevera, 70 muzana yevashandi vanenge vasingachafaniri kuva nedhigirii remakore mana repakoreji, asi vanenge vava kungofanira kuva nedhigirii rakafanana asi rinoitwa kwemakore mashomanana pakoreji kana kuti chitupa chebasa remaoko.” Makoreji akawanda akadaro anodzidzisa kosi dzenguva pfupi dzounyanzvi hwokushanda muhofisi, kugadzira zvinhu zvinenge zvafa, kugadzira makombiyuta, pombi dzokufambisa mvura, kugadzira bvudzi, nemamwe mabasa akawanda. Aya mabasa akanaka here? Chaizvo! Zvichida vamwe vangafungidzira kuti haana kunyatsonaka, asi anoita kuti uwane zvinhu zvokurarama nazvo uye anopa nguva vaya vanoda kushandira Jehovha zvizere.—2 VaTesaronika 3:8.

19 “Imi majaya nemiwo mhandara,” rinoteterera kudaro Bhaibheri, ngava“rumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake roga ndiro riri kumusoro kusingasvikiki. Kukudzwa kwake kuri kumusoro kwenyika nedenga.” (Pisarema 148:12, 13) Richienzaniswa nezvinzvimbo uye mibayiro inopiwa nenyika, hapana mubvunzo kuti basa renguva yakazara kuna Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa yokurarama uchifara uye uchigutsikana. Yeuka vimbiso yeBhaibheri yokuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Nezvenhoroondo dzeavo vakakoshesa dzidzo yechiKristu kupfuura dzidzo yokuyunivhesiti, ona Nharireyomurindi yeChirungu yaMay 1, 1982, mapeji 3-6; neyaApril 15, 1979, mapeji 5-10; Mukai! yeChirungu yaJune 8, 1978, mapeji 15; uye yaAugust 8, 1974, mapeji 3-7.

^ ndima 23 Ona nyaya iri muMukai! yaOctober 8, 1998, inoti, “Kutsvaka Upenyu Hwakachengeteka,” mapeji 4-6, uye Mukai! yeChirungu yaMay 8, 1989, inoti, “What Career Should I Choose?” mapeji 12-14.

Unogona Kutsanangura Here?

• Kuti vave neramangwana rakachengeteka, vaKristu vanovimba nei?

• Vabereki vechiKristu vanotarisana nematambudziko api nezveramangwana revana vavo?

• Chii chinofanira kufungwa nezvacho pakufunga zvakanakira uye zvakaipira kuramba uchiita dzidzo yepamusoro?

• Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vade kushandira Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. Vabereki vanganetseka nei zvine chokuita nevana vavo?

2. Nei mazuva ano vabereki vakawanda vachida chaizvo kuti vana vavo vave noupenyu hwakanaka kana vakura?

3. VaKristu vakasarudza kuitei?

4. Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vatsvake chii?

5. Vamwe vabereki vanonzwa sei nezvevimbiso yaJesu yokuti Mwari achatarisira vashumiri vake?

6. Munyaya ino mashoko okuti “dzidzo yepamusoro” ari kushandiswa sei?

7. Vadzidzi vari muzvikoro zvepamusoro vari kukurudzirwa kuitei?

8. Vabereki vechiKristu vanofanira kusarudzei?

9. Chii chingataurwa nezvokudhura kwedzidzo yepamusoro nhasi?

10. Dzidzo yepamusoro yakanyatsobatana sei nokuita kuti mamiriro ezvinhu epanguva ino afambire mberi?

11. Mishumo inoratidzei nezvokushandisa doro zvisina kufanira uye unzenza hunoitwa nevadzidzi vepayunivhesiti?

12. Ndezvipi zvinofanira kutarisana nevadzidzi vepakoreji?

13. Vabereki vechiKristu vanofanira kufunga nezvemibvunzo ipi?

14, 15. (a) Pasinei nemaonero evakawanda, izano ripi reBhaibheri rinoshanda mazuva ano? (b) Vaduku vangazvibvunza mibvunzo ipi?

16. Vabereki vechiKristu vangaita sei kuti vana vavo vapoteredzwe nevanhu vanoda kunamata?

17. Vabereki vangatungamirira sei vana vavo pakusarudza zvidzidzo zvokuchikoro uye pakusarudza mabasa avanoda kuzoita? (Ona bhokisi riri papeji 29.)

18. Vaduku vangafunga nezvemikana yemabasa api?

19. Ndeipi nzira yakanaka ingaita kuti urarame uchifara uye uchigutsikana?

[Bhokisi riri papeji 29]

Dzidzo Yepamusoro Inokosha Zvakadini?

Vanhu vakawanda vanodzidza payunivhesiti vanotarisira kuwana dhigirii richavavhurira mikana yemabasa ane mari yakawanda uye akachengeteka. Zvisinei, mishumo yehurumende inoratidza kuti inenge 25 muzana yevaya vanoenda kukoreji ndiyo inowana dhigirii remakore matanhatu—nhamba duku zvikuru. Kunyange zvakadaro, dhigirii iroro rinovimbisa kuti munhu achawana basa rakanaka here? Cherechedza zvinotaurwa muongororo dzichangobva kuitwa.

“Kuenda kuyunivhesiti yeHarvard kana kuti yeDuke hakungoerekani kwaita kuti munhu awane basa riri nani uye mari yakawanda. . . . Makambani haana zvakawanda zvaanoziva nezvevaduku vanenge vachitsvaka basa. Vangatorwa mwoyo nedhigirii rokuIvy League. Asi pashure paizvozvo, vanotanga kutarisa zvinogona kuitwa nomunhu nezvaasingagoni.”—Newsweek, November 1, 1999.

“Kunyange zvazvo mabasa emazuva ano achida kuti uve nounyanzvi kupfuura zvazvaiva zvakaita kare . . . , unyanzvi hunodiwa pamabasa aya unyanzvi hunodzidzirwa kuzvikoro zvesekondari—masvomhu, kuverenga uye kunyora zvingaitwa nomunhu ari mufomu yechipiri . . . , kwete unyanzvi hwokukoreji. . . . Vadzidzi havafaniri havo kuenda kukoreji kuti vawane basa rakanaka, asi vanofanira kuva nounyanzvi hwavanodzidziswa kusekondari.”—Magazini inonzi American Educator, Spring 2004.

“Makoreji akawanda haasi kudzidzisa zvinonyatsodiwa kumabasa chaizvo paanenge achidzidzisa vadzidzi kuti vave vashandi vakanaka kana vapedza kudzidza pakoreji. Zvikoro zvinorovedza mabasa . . . zviri kuwanda. Vanhu vanoenda kuzvikoro izvi vakawedzera ne48 muzana kubva muna 1996 kusvikira muna 2000. . . . Munguva iyi, madhipuroma epakoreji anotora nguva yakareba zvikuru anenge asingachakoshi.”—Magazini yeTime, January 24, 2005.

“Zvinofungidzirwa neU.S. Department of Labor nokuda kwegore ra2005 zvinoratidza zvinhu zvinotyisa zvingangoitika zvokuti anenge mwana mumwe pavatatu vanenge vapedza kudzidza pakoreji kwemakore mana angangoshaya basa rinoenderana nedhigirii rake.”—Magazini yeThe Futurist, July/August 2000.

Nemhaka yezvose izvi, vadzidzisi vakawanda havana chokwadi nokukosha kwakaita dzidzo yepamusoro nhasi. “Tiri kudzidzisira vanhu zvinangwa zvisina kukodzera,” unodaro mushumo wemagazini yeFuturist. Kusiyana naizvozvo, ona zvinotaura Bhaibheri nezvaMwari: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.”—Isaya 48:17, 18.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vakasiya zvavaiita vakatevera Jesu

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki vechiKristu vanoita kuti vana vavo vapoteredzwe nevanhu vanoda kunamata kubvira vachiri vacheche