Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

PAMIFANANIDZO yakawanda inotokonya pfungwa yakapiwa naJesu Kristu pane mumwe womunhu akanga akapfuma chaizvo aiva nomunda. Achiedza kuti ramangwana rake rive rakachengeteka, muridzi womunda uyu akaronga kuvaka matura makuru. Asi mumufananidzo waJesu, murume wacho anonzi i“benzi.” (Ruka 12:16-21) Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinotoshandisa shoko rokuti “fuza.” Nei akanzi ibenzi?

Zviri pachena kuti mupfumi uyu paaironga zvinhu zvake, haana kumbofunga nezvaMwari; haana kumborumbidza Mwari kuti ndiye aiita kuti nyika yacho ibereke. (Mateu 5:45) Pane kudaro, akazvirova dundundu achiti: “Mweya, une zvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora zvako, udye, unwe, ufare.” Chokwadi, aifungidzira kuti zvaaiita ndizvo zvaizoita “sorusvingo runodzivirira.”—Zvirevo 18:11.

Achinyevera nezvokuzvikudza kwakadaro, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Chinzwai, zvino, imi munoti: ‘Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,’ imi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana. Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika.”—Jakobho 4:13, 14.

Izvozvo ndizvo zvakaitika, nokuti mupfumi womumufananidzo waJesu akaudzwa kuti: “Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?” Semhute inonyangarika, mupfumi uya aizofa asati aona zvaaironga zvichiitika. Taona here zvatinodzidza? Jesu akati: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Iwe waka“pfuma kuna Mwari” here?