Batsirwa Nedzidzo Yakanaka Kupfuura Dzose Iripo!
Batsirwa Nedzidzo Yakanaka Kupfuura Dzose Iripo!
BHAIBHERI rinozivisa kuti Jehovha Mwari ndiye Musiki wezvinhu zvose, kusanganisira vanhu. (Genesisi 1:27; Zvakazarurwa 4:11) SoMurayiridzi Mukuru, akadzidzisa vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, uye akavagadzirira kuti vararame mumunda wakanaka kwazvo weEdheni. Chaiva chinangwa chake kuramba achivadzidzisa uye achivatarisira nokusingaperi. (Genesisi 1:28, 29; 2:15-17; Isaya 30:20, 21) Chimbofunga tarisiro yakadaro!
Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vanhu vaviri vokutanga vakarasa zvose. Kusateerera kwavo kwakaita kuti tsika dzevanhu dziderere uye kwakaita kuti vafe. (Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12) Richitaura nezvevaya vakangorarama kwenguva shomanana pashure pokusikwa kwevanhu, Bhaibheri rinoti: “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.”—Genesisi 6:5.
Papera makore anenge 4 500 kubvira pakataura Jehovha kuti munhu akanga achiramba achinzwa kuda kuita zvakaipa, uye iye zvino mamiriro ezvinhu evanhu aipa kudarika kare. Vakawanda vanonyepa vasingambonyari, vanoba, kana kurwisa vamwe. Matambudziko ari kuwedzera zuva nezuva, nepo kuva nehanya nomumwe munhu kuri kuderera. Ukama hwevanhu, kusanganisa hwomumhuri, hahusi mudambudziko chairo here? Asi, Mwari haafaniri kupiwa mhosva yemamiriro ezvinhu aripo, uyewo ane hanya nematambudziko aripo nhasi. Nguva dzose Jehovha ave achifarira kugara zvakanaka kwevanhu, uye akagadzirira kudzidzisa vaya vanotarira kwaari kuti avatungamirire kuva noupenyu hunofadza. Makore anenge 2 000 adarika, akatuma Mwanakomana wake Jesu Kristu pasi pano achibva aratidza kuti Anofarira kudzidzisa vanhu vanoda kubudirira muupenyu hwavo. Jesu akasiya muenzaniso wedzidzo yakanga yakakwana nokuti akanga adzidziswa noMurayiridzi Mukuru kwenguva yakareba.
ChiKristu Chechokwadi—Idzidzo
Jesu Kristu akatanga chiKristu chechokwadi, mararamiro akavakirwa parudo. MuchiKristu, pfungwa dzose uye zvose zvinoitwa zvinofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari, nechinangwa chokuti zita rake rirumbidzwe uye rikudzwe. (Mateu 22:37-39; VaHebheru 10:7) Baba vake, Jehovha, ndivo vakanga vachitsigira dzidziso dzaJesu pamusoro pokurarama uku. Pana Johani 8:29 tinoverenga nezvokutsigirwa kwakaitwa Jesu naMwari, paakati: “Iye akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” Chokwadi, Jesu aitsigirwa uye aitungamirirwa naBaba vake muushumiri hwake hwose. Vateveri vaJesu vepakutanga havana kungotarisana nematambudziko oupenyu vasingatungamirirwi. Jehovha akavadzidzisa achishandisa Mwanakomana wake. Kutevera kwavo dzidziso dzaJesu uye muenzaniso wake kwakaita kuti vave vanhu vari nani. Izvi ndezvechokwadi nezvevadzidzi vake nhasi.—Ona bhokisi rakanzi “Kuchinjwa Kwakaitwa Vanhu naJesu, Nedzidziso Dzake,” riri papeji 6.
Chimwe chinhu chinoratidza chiKristu chechokwadi chinosanganisira dzidzo inobata pfungwa nomwoyo zvokuti inochinja vanhu VaEfeso 4:23, 24) Somuenzaniso, chimbofunga zvakadzidziswa naJesu nezvokuva akatendeka kumurume kana mukadzi wako: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:27, 28) Nemashoko aya, Jesu akanga achidzidzisa vadzidzi vake kuti mwoyo unofanira kuchengetwa wakachena uye kuti pfungwa uye zvishuvo zvisina kururama, kunyange zvisati zvaitwa, zvingava nemigumisiro yakaipa zvikuru. Hachisi chokwadi here kuti pfungwa dzakaipa dzingaita kuti munhu aite zvinhu zvinogumbura Mwari uye zvinokuvadza vamwe?
nechomukati. (Saka, Bhaibheri rinopa zano iri rinoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Ungabvunza kuti, ‘Chaizvoizvo zvinobvira here kuti dzidzo ichinje pfungwa?’ Kuchinja pfungwa kunosanganisira kudziita kuti dzifunge zvimwe zvinhu zvakasiyana nokudzizadza nechokwadi chinokosha nemirayiridzo iri muShoko raMwari. Izvi zvingaitwa nokubvuma dzidzo inopiwa naMwari achishandisa Shoko rake.
Kukurudzirwa Kuchinja
“Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Richiri kuchinja vanhu zvakasimba, zvichiratidza kuti rinoshanda nguva dzose. Rinogona kuita kuti munhu achinje nzira yake, agamuchire chiKristu chechokwadi, ova munhu ari nani. Mienzaniso inotevera inoratidza kukosha kwedzidzo yeBhaibheri.
Emilia, ambotaurwa munyaya yapfuura, anoti: “Kungoedza ndoga kugadzirisa mamiriro ezvinhu mumusha mangu kwakanga kusina kukwana. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakaziva kuti paiva netariro uye ndakabva ndatanga kuchinja mafungiro angu. Ndakadzidza kuva anoshivirira zvikuru uye kusafufutirwa nehasha. Nokufamba kwenguva, murume wangu akabatana neni pakudzidza. Zvakanga zvisiri nyore kwaari kuti arege kunwa doro, asi akakwanisa kurega. Izvi zvakaita kuti mhuri yedu iite seyakatanga patsva. Iye zvino tiri vaKristu vanofara uye tiri kuroverera mirayiridzo yakanaka kwazvo yeBhaibheri muvana vedu.”—Dheuteronomio 6:7.
Dzidzo inopiwa nechiKristu chechokwadi inogona kusunungura munhu pamararamiro akashata uye ounzenza. Manuel * akaona kuti izvi ndezvechokwadi. Paaiva nemakore 13, akatiza pamba ndokutanga kusvuta mbanje. Nokufamba kwenguva, akanga ava kushandisa zvinodhaka zvinonzi heroin. Kuti awane pokugara nemari, airara nevarume nevakadzi. Dzimwe nguva, Manuel aizvitarisirawo nokubira vanhu nechisimba. Nguva dzose aigara akadhakwa nezvinodhaka. Chisimba chake chakaita kuti agare achingoiswa mujeri. Paakangoita makore mana ari mujeri, akabva atanga kutengesa zvombo. Aroora, Manuel akatanga kukohwa zvaakadyara. Anoti: “Takaguma tava kugara mune chaimbova chikwere chehuku. Ndichiri kuyeuka mudzimai wangu achibikira pazvidhina. Mamiriro edu ezvinhu aiva nengozi zvikuru zvokuti vomumhuri yangu vaikurudzira mudzimai wangu kuti andisiye.”
Chii chakachinja upenyu hwake? Manuel anopindura kuti: “Mumwe munhu wandaizivana naye akauya kumba kwedu achitaura nezveBhaibheri. Ndakabvuma kuti andishanyire ndichingoda kumuratidza kuti hakuna Mwari anofarira vanhu. Ini ndaizviona somuenzaniso mupenyu. Ndakashamiswa kuti Chapupu chacho chaishivirira uye chairemekedza, saka ndakabvuma kupinda misangano paImba yoUmambo. Kunyange zvazvo vamwe ikoko vaiziva mararamiro andaimboita, vakandikwazisa noushamwari. Vakaita kuti ndinzwe somumwe wavo. Izvi zvainyaradza zvikuru. Zvakaita kuti ndisarudze kurega kushandisa zvinodhaka kuti nditsvake basa rakatendeseka. Pashure pemwedzi mina ndatanga kudzidza Bhaibheri, ndakakwanisa kubudawo mubasa rokuparidza, uye mwedzi mina pashure pacho, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.”
ChiKristu chechokwadi chakareva chii kuna Manuel nemhuri yake? “Zvechokwadi, pasina dzidzo yeBhaibheri ndingadai ndakafa makore akapfuura. Mararamiro akadzidziswa naJesu akaita kuti ndidiwezve nemhuri yangu. Vana vangu vaviri havafaniri kuita zvandakaita pandaiva pwere. Ndinodada uye ndinoonga Jehovha zvikuru pamusana poukama hwakanaka hwandiinahwo iye zvino nomudzimai wangu. Vamwe vandaimboshamwaridzana navo vakandikorokotedza uye vakandiudza kuti vanofunga kuti mararamiro andiri kuita iye zvino ndiwo akanakisisa.”
Mumararamiro echiKristu, rucheno rwetsika 1 Petro 1:16, anotikurudzira kuti tive vatsvene nokuti Jehovha Mwari mutsvene. Iye zvino tinoedzawo kuita kuti musha wedu muduku uratidzike zvakanaka.”
runofambidzana norucheno rwomuviri. John, uyo anogara mune imwe nzvimbo ine urombo zvikuru muSouth Africa, akazozvinzwisisa. Anotsanangura kuti: “Dzimwe nguva mwanasikana wedu aipedza vhiki asina kugeza, uye tose taiita setisina hanya nazvo.” Mudzimai wake anobvuma kuti musha wavo waigara netsvina isingaiti. Asi nedzidzo yechiKristu, zvinhu zvakachinja. John akarega kushamwaridzana nechikwata chaiba motokari ndokutanga kutarisira mhuri yake. “Takadzidza kuti sevaKristu, tinofanira kugara miviri yedu nembatya dzedu zvakachena. Ndinofarira mashoko ari panaUnogona Kuwana Dzidzo Yakanaka Kupfuura Dzose
Zvakaitika zvataurwa pamusoro apa handizvo zvoga. Nemhaka yokudzidza Bhaibheri, zviuru zvevanhu zvakadzidza kurarama upenyu huri nani. Nokuva vakatendeseka uye vanobishaira, vanokosheswa nevavanoshandira. Ivo vavakidzani vakanaka uye shamwari dzakanaka, vanofarira kuti vamwe vavo vagare zvakanaka. Vakatsunga kusaita zvakaipa uye kurega mafungiro enyama, saka vanotarisira zviri nani utano hwavo mumuviri, mupfungwa, uye mumanzwiro. Pane kupambadza pfuma yavo vachiita zvinhu zvakaipa, vanoishandisa kuti zvivanakire uye kuti zvinakire mhuri dzavo. (1 VaKorinde 6:9-11; VaKorose 3:18-23) Pasina mubvunzo, migumisiro yokushandisa zvakanyorwa naJehovha muBhaibheri inoratidza kuti kurarama maererano nechiKristu chechokwadi ndiyo nzira yakanakisisa muupenyu, inopa dzidzo inopfuura dzose. Nezvomunhu anorarama maererano nemitemo yaMwari, Bhaibheri rinoti: “Zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:3.
Zvinokurudzira kuziva kuti Mwari Wemasimbaose, Jehovha, anoda kutidzidzisa. Nezvake, anoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Chokwadi, Jehovha akaratidza nzira kuburikidza nomuenzaniso uye dzidziso zvoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Dzidziso dzake dzakachinja upenyu hwevakawanda vaimuziva paaiva pasi pano, uye ndizvo zvadziri kuita vamwe vakawanda vanorarama maererano nedzidziso dzake nhasi. Wadii kuzvipa nguva yokudzidza zvakawanda nezvedzidziso idzi? Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara zvichafara kukubatsira kuwana dzidzo yakadaro inokosha.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 12 Mamwe mazita akachinjwa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
Kuchinjwa Kwakaitwa Vanhu naJesu, Nedzidziso Dzake
Achishandisa chinzvimbo chake somukuru mukuru wevateresi, Zakeyo akanga apfuma nokubiridzira mari uye kubira vanhuwo zvavo. Asi akachinja mararamiro ake nokushandisa dzidziso dzaJesu.—Ruka 19:1-10.
Sauro weTaso akarega kutambudza vaKristu ndokutendeukira kuchiKristu, achiva muapostora Pauro.—Mabasa 22:6-21; VaFiripi 3:4-9.
Vamwe vaKristu vokuKorinde vaimbova ‘zvifeve, vaimbonamata zvidhori, mhombwe, ngochani, mbavha, vanhu vanokara, zvidhakwa, vanhu vanotuka, uye makororo.’ Asi pavakaziva chiKristu chechokwadi, ‘vakagezwa vakachena, vakatsveneswa, vakanzi vakarurama muzita raShe wavo Jesu Kristu.’—1 VaKorinde 6:9-11.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Bhaibheri rinogona kukuratidza kubudirira kwaungaita