Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Haambokusiyi

Jehovha Haambokusiyi

Jehovha Haambokusiyi

VAKRISTU vomuJudhiya vakanga vachitambudzwa zvakaipisisa, uye vaifanira kurwisana nokunyanya kuda zvinhu zvokunyama kwaiitwa nevanhu vavairarama navo. Kuti avakurudzire, muapostora Pauro akadzokorora mashoko aJehovha aakataurira vaIsraeri pavakanga vava kupinda muNyika Yakapikirwa. Pauro akanyora kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5; Dheuteronomio 31:6) Hapana mubvunzo kuti vimbiso iyi yakasimbisa vaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga.

Vimbiso iyoyowo inofanira kutisimbisa kuti tikurire kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nokurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Kana tichivimba naJehovha toita maererano nezvaanoda, achatitsigira kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Kuti tione kuti Jehovha angazadzika sei chipikirwa ichi, ngatifungei muenzaniso womunhu anoerekana arasikirwa nechouviri.

Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Asingatarisirwi

Vanhu vasina mabasa vari kuwedzera pasi pose. Maererano neimwe magazini yokuPoland, kushayikwa kwemabasa kuri kuonekwa “serimwe rematambudziko oupfumi akaoma zvikuru munzanga.” Nyika dzakabudirirawo dzine matambudziko. Somuenzaniso, kunyange pakati penhengo dzeOrganization for Economic Cooperation and Development, pakazosvika gore ra2004 kushayikwa kwemabasa kwakanga “kwawedzera kupfuura mamiriyoni 32, kwasvika pamwero wakakwirira kupfuura panguva yoKuderera Kukuru Kwoupfumi kuma1930.” MuPoland, Central Statistical Office yakati mamiriyoni matatu akanga asina basa kubvira muna December 2003, “inova 18 muzana yevanhu vane zera rokuenda kubasa.” Rimwe bhuku rakati mwero wokushayikwa kwemabasa pakati pevanhu vatema vokuAfrica vari muSouth Africa kwakasvika pa47,8 muzana muna 2002!

Kungoerekana munhu abudiswa basa kana kuti agumurwa kunorwadza chaizvo vanhu vakawanda, kusanganisira vashumiri vaJehovha. Vanhu vose “vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Tingazviwana tichitaura mashoko omunyori wepisarema Dhavhidhi okuti: “Kutambudzika kwomwoyo wangu kwawanda.” (Pisarema 25:17) Waizokwanisa here kurarama uri mumamiriro ezvinhu asingafadzi akadaro? Anogona kukukanganisa mupfungwa, mune zvokunamata, uye mune zvokunyama. Kana usingashandi, ungararama sezvawaimboita pawaishanda here?

Kukurira Kushushikana Mupfungwa

“Varume ndivo vanonyanya kurwadziwa nokubudiswa basa,” sezvo vari ivo vanotarisirwa kuti variritire mhuri, anotsanangura kudaro mumwe anoongorora zvepfungwa anonzi Janusz Wietrzyński. Akati kunogona kuita kuti pfungwa dzomurume “dzichinje zvikuru,” kubva pakutsamwa kusvika pakuona sokuti upenyu hwake hahuchachinji. Baba vanenge vagumurwa pabasa vanganzwa sevasingachakoshi votanga “kupopotedzana nemhuri yavo.”

Adam, baba vechiKristu vane vana vaviri, anotsanangura manzwiro aakaita basa rake parakapera, achiti: “Ndaivhiringidzika nyore nyore; chinhu chose chainditsamwisa. Kunyange usiku ndaingorota nezvebasa uye kuti ndaizotarisira sei vana vangu nomudzimai wangu, uyo akanga agumurwawo asingatarisiri.” Ryszard naMariola, murume nomudzimai vane mwana mumwe, pavakabudiswa basa raivawanisa chouviri, vakanga vaine chikwereti chikuru zvikuru kubhengi. Mudzimai wacho anoti: “Ndairamba ndichinetseka, hana yangu ichindiudza kuti kwaiva kukanganisa kutora chikwereti ichocho. Ndairamba ndichifunga kuti yaiva mhaka yangu.” Tatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro, zvingava nyore kuti titsamwe, tizvidye mwoyo, kana kuti tishatirwe, uye manzwiro edu angatikurira. Saka, tingadzora sei manzwiro akaipa angauya matiri?

Bhaibheri rinopa zano rakanaka rokuti tingaramba sei tiine mafungiro akanaka. “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho,” akarayira kudaro muapostora Pauro, “asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kunyengetera kuna Jehovha kuchatipa “rugare rwaMwari,” pfungwa dzakagadzikana dzinobva pakutenda kwedu maari. Irena, mudzimai waAdam, anoti: “Patainyengetera, taiudza Jehovha nezvemamiriro edu ezvinhu uye kuti taizorerutsa sei upenyu hwedu zvakatonyanya. Murume wangu, ave achiwanzokurumidza kuwana zvikonzero zvokuzvidya mwoyo, akatanga kufunga kuti mamiriro acho ezvinhu aizonaka oga.”

Kana ukaerekana wabudiswa basa, une mukana wakanaka wokushandisa zano raJesu Kristu riri muMharidzo yake yepaGomo, rinoti: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. . . . Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:25, 33) Ryszard naMariola vakashandisa zano iri kuti vakurire manzwiro avo. “Murume wangu aigara achindinyaradza uye achisimbisa kuti Jehovha haazombotisiyi,” anoyeuka kudaro Mariola. Murume wake anowedzera kuti: “Nokuramba tichinyengetera pamwe chete, takaswedera pedyo naMwari uye nomumwe nomumwe, uye izvozvo zvakatinyaradza.”

Mudzimu mutsvene waMwari uchatibatsirawo kukurira. Kuzvidzora, uko kungaberekwa matiri nomudzimu, kungatibatsira kuti tirambe takadzikama. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvingasava nyore, asi zvinobvira nokuti Jesu akavimbisa kuti “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.”—Ruka 11:13; 1 Johani 5:14, 15.

Usaregeredza Zvinhu Zvaunoda Pakunamata

Kungoerekana wadzingwa basa pakutanga kungaodza mwoyo kunyange muKristu akatsiga zvikuru, asi hatifaniri kuregeredza zvatinoda pakunamata. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaMosesi aiva nemakore 40, ane upenyu hwake hwose hwakachinja paakarasikirwa nechinzvimbo chake muimba youmambo uye aifanira kuva mufudzi, basa raizvidzwa nevaIjipiti. (Genesisi 46:34) Mosesi aifanira kuchinja kuti aenderane nemamiriro ake ezvinhu matsva. Kwemakore 40 akatevera, akabvumira Jehovha kuti amuumbe uye amugadzirire kuita mabasa matsva aiva mberi. (Eksodho 2:11-22; Mabasa 7:29, 30; VaHebheru 11:24-26) Pasinei nokutarisana nematambudziko, Mosesi ainyanyofunga zvinhu zvine chokuita nokunamata, achida kudzidziswa naJehovha. Ngatisambobvumira mamiriro ezvinhu asina kunaka kuti adzikatidze zvinhu zvatinokoshesa pakunamata!

Kunyange zvazvo kuerekana tabudiswa basa kuchirwadza, iyoyo ndiyo nguva yakanaka yokusimbisa chisungo chedu naJehovha Mwari nevanhu vake. Adam, ambotaurwa, akanzwa saizvozvo. Anoti: “Ini nomudzimai wangu patakabudiswa mabasa edu, hatina kumbofunga nezvokurega kupinda misangano yechiKristu kana kuti kuderedza nguva yatinopedzera mubasa rokuparidza. Pfungwa yakadaro yakatidzivirira kuti tisanyanya kunetseka nezveramangwana.” Ryszard anofungawo saizvozvo kuti: “Kudai isiri misangano uye ushumiri, tingadai tisina kumbokurira, chokwadi tingadai takafa nokunetseka. Kukurukura nevamwe zvinhu zvine chokuita nokunamata kunokurudzira, nokuti kunoita kuti tifunge zvavanoda torega kufunga zvatinoda isu.”—VaFiripi 2:4.

Chokwadi, pane kunetseka nezvebasa, edza kushandisa imwe nguva mumabasa echiKristu, kudzidza uri oga, kuita mabasa eungano, kana kuti kuwedzera ushumiri hwako. Pane kungogara usina zvaunoita, uchava ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe”—zvichakufadza uyewo vanhu vepachokwadi vanobvuma mashoko akanaka oUmambo aunoparidza.—1 VaKorinde 15:58.

Kutarisira Zvinodiwa Nemhuri Yako Mune Zvokunyama

Zvisinei, zvokudya zvine chokuita nokunamata hazvingazadzi dumbu risina chinhu. Tinofanira kuramba tichiyeuka chokwadi ichi chinokosha: “Chokwadi kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Adam anobvuma kuti, “Kunyange zvazvo hama dziri muungano dzichikurumidza kutibatsira nezvatinoda zvokunyama, sevaKristu tinofanira kutsvaka basa.” Tinogona kutarisira kuti Jehovha nevanhu vake vanotsigira, asi hatifaniri kukanganwa kuti tinofanira kutanga isu kuita chimwe chinhu kuti tiwane basa.

Tinofanira kuitei? “Usangomirira kuti Mwari aite chimwe chinhu, uchitarisira kuti achaita chishamiso,” anotsanangura kudaro Adam. “Paunenge uchitsvaka basa, usazengurira kuzvizivisa kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vanhu vanoshandirwa vanowanzokoshesa izvozvo.” Ryszard anopa zano iri: “Bvunza vanhu vaunoziva nezvemikana yokuwana basa, ramba uchibvunza sangano rinobatsira vanhu kutsvaka mabasa, verenga pazvikamu zvinoshambadzirwa zvinhu mupepanhau, zvakadai sokuti: ‘Panodiwa, mukadzi kuti atarisire munhu akaremara’; kana kuti, ‘Basa renguva pfupi: Kutanha mastrawberry.’ Ramba uchitsvaka! Usanyanya kusarudza mabasa, kunyange kana uchifanira kushanda basa rakaderera kana kuti risingagutsi zvose zvaunoda.”

Chokwadi, “Jehovha ndiye mubatsiri [wako.]” ‘Haangambokuregeri kana kumbokusiya.’ (VaHebheru 13:5, 6) Haufaniri kunyanya kuzvidya mwoyo. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.” (Pisarema 37:5) ‘Kuisa nzira yedu pana Jehovha’ kunoreva kuti tinovimba naye uye tinoita zvinhu nenzira yake, kunyange kana mamiriro ezvinhu asingaiti seakatinakira.

Adam naIrena vakakwanisa kuzvitarisira vachiita basa rokugeza mahwindo uye kuchenesa masitepisi uye kushandisa mari noungwaru pakutenga zvinhu. Vaigarawo vachishanyira sangano rinobatsira vanhu kutsvaka mabasa. “Taigara tichibatsirwa pose pataida rubatsiro,” anodaro Irena. Murume wake anowedzera kuti: “Nguva yaratidza kuti nyaya dzataitaura muminyengetero yedu dzakanga dzisingaenderani hadzo nezvinodiwa naMwari. Izvi zvatidzidzisa kuvimba nouchenjeri hwake uye kuti tisaita maererano nokunzwisisa kwedu. Zviri nani kumirira takadzikama kuti Mwari agadzirise zvinhu.”—Jakobho 1:4.

Ryszard naMariola vakashanda mabasa avakanga vasingaiti nguva dzose akasiyana-siyana asi panguva imwe chete vaiparidzira mundima dzaidiwa vaparidzi zvikuru. “Takawana mabasa ataida panguva chaiyo yatakanga tisisina kana chokudya,” anodaro Ryszard. “Takaramba mabasa anobhadhara mari yakanaka aizokanganisa mabasa edu echiKristu. Takasarudza kumirira Jehovha.” Vanodavira kuti Jehovha akagadzirisa zvinhu zvokuti vakakwanisa kurenda furati rakanga rakachipa zvikuru uye Ryszard akazowana basa.

Kurasikirwa nechouviri kungakurwadza zvikuru, asi wadii kuzviona somukana wokuzvionera woga kuti Jehovha haazombokusiyi? Jehovha anokutarisira. (1 Petro 5:6, 7) Achishandisa muprofita Isaya, akavimbisa kuti: “Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” (Isaya 41:10) Usambobvumira chiitiko chisingatarisirwi chichikukanganisa, kusanganisira kubudiswa basa. Ita zvose zvaunogona, wobva wasiyira zvimwe zvose mumaoko aJehovha. Mirira Jehovha, wa“kanyarara.” (Mariro 3:26) Uchawana zvikomborero zvakawanda.—Jeremiya 17:7.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Shandisa nguva kuita zvinhu zvine chokuita nokunamata

[Mifananidzo iri papeji 10]

Dzidza kushandisa mari noungwaru, uye usanyanya kusarudza paunenge uchitsvaka basa