Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndeipi Dzidzo Ingaita Kuti Upenyu Hwako Hubudirire?

Ndeipi Dzidzo Ingaita Kuti Upenyu Hwako Hubudirire?

Ndeipi Dzidzo Ingaita Kuti Upenyu Hwako Hubudirire?

WAKAMBOKURIRWA zvikuru nematambudziko here zvokuti wakanzwa sokunge wainyura mudziva? Chimbofungidzira kuti waizotambura zvakadini kudai waikanganisa kugadzirisa rimwe kana kuti akawanda ematambudziko acho! Hapana anoberekwa achikwanisa kugadzirisa matambudziko ose zvinobudirira achigona kuita zvisarudzo zvakanaka nguva dzose. Apa ndipo panoshanda dzidzo. Ungawana kupi dzidzo yokuti uzvigadzirire kukurira matambudziko oupenyu?

Vakawanda, vaduku nevakuru, vanoti dzidzo yokuchikoro inokosha zvikuru. Dzimwe nyanzvi dzinototi “dzinodavira zvizere kuti haumbofi wakawana basa [rakanaka] kana usina dhigirii rokukoreji.” Asi, pane zvinhu zvinoverengeka zvinodiwa nevanhu zvinodarika kubudirira mune zvokunyama. Somuenzaniso, dzidzo yepamusoro inokubatsira kuti uve mubereki akanaka, murume kana mukadzi akanaka, kana kuti shamwari yakanaka here? Zvechokwadi, vanhu vanoyemurwa pamusana pokubudirira kwavo mune zvedzidzo vangava nounhu husina kunaka, vangakundikana kubudirira muupenyu hwemhuri dzavo, kana kuti vangatoguma vazviuraya.

Vamwe vanotarisira kuchitendero kuti chivatungamirire, chivadzidzise, asi vanoora mwoyo nokuti havawani zvinogona kuvabatsira kukurira matambudziko oupenyu. Achiratidza izvi, Emilia * wokuMexico anoti: “Makore 15 adarika ndaifunga kuti ini nomurume wangu taisagona kuzoramba tiri pamwe chete. Nguva nenguva taikakavadzana. Ndaitadza kumuita kuti arege kunwa doro. Ndaigara ndichisiya vana vedu vaduku vari voga ndichinotsvaka murume wangu. Pfungwa dzangu dzakanga dzaneta. Kakawanda ndaienda kuchechi ndichitsvaka chimwe chinhu chingandibatsira kugadzirisa izvi. Kunyange zvazvo Bhaibheri raishandiswa apo neapo, handina kumbonzwa zano raitaura zvakananga nezvedambudziko rangu; uyewo hapana kana munhu akambouya kwandiri kuti andiudze zvokuita. Kugara muchechi kwenguva yakati uye kudzokorora minyengetero hazvina kundigutsa.” Vamwe vangaora mwoyo pavanoona kuti vafundisi vavo havasi kutomborarama upenyu hune muenzaniso wakanaka. Saka, vakawanda havavimbi kuti chitendero chinorovedza kana kuti chinodzidzisa zvinoita kuti vabudirire muupenyu.

Naizvozvo, ungazvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kuwana dzidzo ipi kuti upenyu hwangu hubudirire?’ ChiKristu chechokwadi chine mhinduro yomubvunzo uyu unokosha here? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Zita rakachinjwa.