Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi

Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi

Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi

“Muchaponesa vanhu vanozvininipisa.”—2 SAMUERI 22:28.

1, 2. Vatongi venyika vakawanda vakaitei chakafanana?

ZVIVAKO zvomuIjipiti zvinonzi mapiramidhi zvinopupurira kuti pane varume vakambotonga nyika iyoyo. Vamwe vakakurumbira vaiva Saniheribhi wokuAsiriya, Alexander Mukuru wokuGirisi, uye Julius Caesar wokuRoma. Vatongi vose ivavo vakaita chimwe chinhu chakafanana. Havana kusiya mukurumbira wokuti vaizvininipisa zvechokwadi.—Mateu 20:25, 26.

2 Ungafungidzira here chero upi zvake wevatongi vataurwa pamusoro apa achigarotsvaka vanhu vakaderera vaida kunyaradzwa muumambo hwake? Kwete! Uyewo haugoni kufungidzira kuti vaienda kunzvimbo dzaigara vanhu vakaderera vaiva vakaora mwoyo kuti vanovakurudzira. Maonero avaiita vanhu vakaderera akasiyana chaizvo nemaonero anoitwa noMutongi Mukuru wezvose zvakasikwa, Jehovha Mwari!

Muenzaniso Mukuru Kudarika Yose Wokuzvininipisa

3. Mutongi Mukuru anobata sei vanhu vake vaanotonga?

3 Jehovha mukuru uye akakwirira zvokuti haagoni kuongororwa, asi “maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Uye Jehovha anoitei paanoona vanamati vakaderera avo vakaora mwoyo nemhaka yemiedzo yakasiyana-siyana? Mupfungwa yakati, “anogara” nevakadaro achishandisa mudzimu mutsvene wake kuitira kuti ‘amutsidzire mafungiro evanozvininipisa uye amutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.’ (Isaya 57:15) Saka, vanamati vake vanenge vamutsidzirwa vanokwanisa zviri nani kutangazve kumushumira vachifara. Zvechokwadi Mwari anozvininipisa!

4, 5. (a) Munyori wepisarema akanzwa sei pamusoro penzira yaMwari yokutonga? (b) ‘Kuzvideredza’ kwaMwari kuti abatsire “munhu akaderera” kunorevei?

4 Hapana mumwe munhu pasi nokudenga akambozvininipisa sezvinoitwa naChangamire Ishe kuitira kuti abatsire vanhu vanoita zvivi. Munyori wepisarema aigona kunyora kuti: “Jehovha ava pamusoro pemarudzi ose; kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga. Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pakakwirira? Anozvideredza kuti atarire denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva; anokwidziridza murombo kubva mugomba remadota.”—Pisarema 113:4-7.

5 Funga nezveshoko rokuti “anozvideredza.” Kana tichitaura nezvevanhu, shoko iroro ringareva zvinhu zvisina kunaka, ‘kuzviona somunhu akakwirira zvikuru pane akaderera kana kuti murombo.’ Maonero akadaro okuzvikudza haangamborondedzeri Jehovha Mwari, uyo akachena, mutsvene uye ‘asingazvikudzi.’ (Mako 7:22, 23) Asi ‘kuzvideredza’ kungarevawo kuti munhu anogona kuzvideredza ofanana nomunhu akaderera munzanga kana kuti angabva panzvimbo yake yakakwirira paanobata nomunhu akaderera. Saka, mamwe maBhaibheri anoshandura Pisarema 113:6 achiti Mwari anozvininipisa. Izvozvo zvinonyatsoratidza zvakaita Mwari wedu anozvininipisa uyo anotarisira norudo zvinodiwa nevanamati vake vasina kukwana!—2 Samueri 22:36.

Chaiita Kuti Jesu Azvininipise

6. Chinhu chipi chikurusa chakaitwa naJehovha chinoratidza kuti anozvininipisa?

6 Chinhu chikurusa chakaitwa naMwari kuti aratidze kuti anozvininipisa uye ane rudo kwaiva kutumira Mwanakomana wake wedangwe waanoda kuti azoberekwa pasi pano ndokukura somunhu kuti vanhu vaponeswe. (Johani 3:16) Jesu akatidzidzisa chokwadi pamusoro paBaba vake vokudenga achibva azopa upenyu hwake hwakakwana somunhu kuti abvise “chivi chenyika.” (Johani 1:29; 18:37) Achiratidza unhu hwaBaba vake zvakakwana, kusanganisira kuzvininipisa kwaJehovha, Jesu aida kuita zvaainzi naMwari aite. Iwoyo ndiwo waiva muenzaniso mukurusa wokuzvininipisa nowerudo wati wamboratidzwa nechimwe chezvisikwa zvaMwari. Havasi vose vaionga kuzvininipisa kwaJesu, vavengi vake vaitomuona so“munhu akaderera kwazvo pakati pevanhu.” (Dhanieri 4:17) Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro aiziva kuti vaainamata navo vaifanira kutevedzera Jesu vozvininipisa mukubata kwavo nomumwe nomumwe.—1 VaKorinde 11:1; VaFiripi 2:3, 4.

7, 8. (a) Jesu akadzidza sei kuzvininipisa? (b) Jesu akakumbira kuti vaya vaigona kuzova vadzidzi vake vaite sei?

7 Pauro akasimbisa muenzaniso waJesu wakanaka kwazvo, achinyora kuti: “Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu, uyo, kunyange zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu. Kupfuura izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.”—VaFiripi 2:5-8.

8 Vamwe vangashamisika kuti, ‘Jesu akadzidza sei kuzvininipisa?’ Yaiva mhaka yokushamwaridzana kwepedyo kwakaisvonaka kwaakaita naBaba vake vokudenga kwenguva yakareba, paaishanda se“mhizha” yaMwari pakusika zvinhu zvose. (Zvirevo 8:30) Pashure pokupandukira muEdheni, Dangwe raMwari raikwanisa kuona kuzvininipisa kwaBaba varo pakubata nevanhu vaiita zvivi. Saizvozvowo, paaiva pasi pano, Jesu akaratidza kuzvininipisa kwaBaba vake ndokukumbira kuti: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.”—Mateu 11:29; Johani 14:9.

9. (a) Jesu akaonei chaifadza nezvevana? (b) Achishandisa mwana muduku, Jesu akadzidzisa chidzidzo chei?

9 Vana vaduku vakanga vasingatyi Jesu nokuti aizvininipisa zvechokwadi. Asi, vainzwa vachida kuva pedyo naye. Iyewo akaratidza kuti aida vana uye aiwana nguva yokuva navo. (Mako 10:13-16) Jesu akaonei chaifadza chaizvo nezvevana? Zvechokwadi, vaiva nounhu hwakanaka hwakanga husingagari huchiratidzwa nevamwe vevadzidzi vake vakanga vakura. Zvinozivikanwa kuti vana vaduku vanoona vanhu vakuru sevanhu vakakwirira. Unogona kuona izvi nemibvunzo yakawanda yavanobvunza. Chokwadi, vachienzaniswa nevanhu vakuru vakawanda, vana vari nyore kudzidzisa uye havanyanyi kudada. Pane imwe nguva, Jesu akasarudza mwana muduku ndokuti kuvateveri Vake: “Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga.” Akaenderera mberi achiti: “Munhu wose achazvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga.” (Mateu 18:3, 4) Jesu akataura murayiro uyu: “Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa uye uya anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Ruka 14:11; 18:14; Mateu 23:12.

10. Tichakurukura mibvunzo ipi?

10 Chokwadi ichocho chinomutsa mibvunzo inokosha. Kusvikira pamwero wakati kutarisira kwedu kuwana upenyu husingaperi kunobva pakuratidza kwatinoita kuzvininipisa kwechokwadi, asi nei dzimwe nguva vaKristu vachiona zvakaoma kuzvininipisa? Nei zvakatiomera kuti tirege kudada, uye kubata nemiedzo nokuzvininipisa? Uye chii chichatibatsira kubudirira kuratidza kuzvininipisa kwechokwadi?—Jakobho 4:6, 10.

Nei Zvakaoma Kuzvininipisa

11. Nei zvisingashamisi kuti tinotamburira kuva vanozvininipisa?

11 Kana uri kutamburira kuzvininipisa, hausiwe woga. Kare muna 1920, magazini ino yakataura zano reBhaibheri rokuti tinofanira kuzvininipisa, ichiti: ‘Saka sezvatinoona kuti Ishe anokoshesa zvikuru kuzvininipisa, zvinofanira kukurudzira vadzidzi vose vechokwadi kuti varatidze unhu uhwu zuva nezuva.’ Zvadaro, magazini iyi yakataura zvakajeka kuti: ‘Pasinei zvapo nemazano ose aya atinopiwa neMagwaro, zvinoita sokuti kusakwana kwakaita vanhu kunoita kuti vaya vanova vanhu vaShe uye vanosarudza kutevera nzira yake vaomerwe zvikuru, uye vatarisane nematambudziko akawanda munyaya iyi yokuzvininipisa kupfuura zvavanoita mune zvimwe zvinhu.’ Izvozvo zvinoratidza chikonzero chimwe nei vaKristu vechokwadi vachifanira kutamburira kuti vazvininipise—kuva vanhu vanoita zvivi kunoita kuti tide kukudzwa kwakanyanyisa. Tinozviita nokuti tiri vazukuru vevaviri vakatadza, Adhamu naEvha, avo vakabvuma kuita zvinhu zvoudyire.—VaRoma 5:12.

12, 13. (a) Nyika inokanganisa kuzvininipisa kwevaKristu sei? (b) Ndiani anoita kuti kutamburira kwatinoita kuzvininipisa kutova kwakaoma zvikuru?

12 Chimwe chikonzero chingaita kuti tione zvakaoma kuzvininipisa ndechokuti tiri munyika inokurudzira vanhu kuti vavavarire kuva pamusoro pevamwe. Chimwe chezvinangwa zvenyika ino chinozivikanwa zvikuru ndiko kuda kugutsa “kuchiva kwenyama [inoita zvivi] nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johani 2:16) Pane kudzorwa nokuchiva kwenyika kwakadaro, vadzidzi vaJesu vanofanira kuita kuti ziso ravo rirambe rakanaka uye kuramba vachiita zvinodiwa naMwari.—Mateu 6:22-24, 31-33; 1 Johani 2:17.

13 Chikonzero chechitatu nei kuzvininipisa uye kukuratidza kwakaoma ndechokuti muvambi wokuzvikudza, Satani Dhiyabhorosi, ndiye ari kutonga nyika ino. (2 VaKorinde 4:4; 1 Timoti 3:6) Satani anosimudzira unhu hwake hwakaipa. Somuenzaniso, akaedza kuti Jesu amunamate achiti aizomupa “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Achizvininipisa, Jesu akanyatsoramba zvaaipiwa naDhiyabhorosi. (Mateu 4:8, 10) Saizvozvowo, Satani anoedza vaKristu kuti vazvitsvakire kukudzwa. Asi, vaKristu vanozvininipisa vanoedza kutevera muenzaniso waJesu, vachiita kuti Mwari arumbidzwe uye akudzwe.—Mako 10:17, 18.

Kuzvininipisa Kwechokwadi uye Kukuratidza

14. “Kuzvininipisa kwokunyepedzera” kudini?

14 Mutsamba yaakanyorera vaKorose, muapostora Pauro akanyevera nezvokuzvininipisa kwechipameso kunoitirwa kufadza vanhu. Pauro akarondedzera izvi so“kuzvininipisa kwokunyepedzera.” Vaya vanonyepedzera kuzvininipisa havasi vanhu vanoda zvokunamata. Asi, vanoratidza kuti vano“zvitutumadza” chaizvo nokudada. (VaKorose 2:18, 23) Jesu akataura mienzaniso yokuzvininipisa kwakadaro kwokunyepedzera. Akashora vaFarisi pamusana peminyengetero yavo yokushamisira uye nzira yavaitsanya nayo vaine zviso zvakasuruvara uye zvakanyangara kuti vaonekwe nevanhu. Kusiyana neizvi, kuti minyengetero yedu tiri toga ikoshe kuna Mwari, tinofanira kuipa tichizvininipisa.—Mateu 6:5, 6, 16.

15. (a) Tingaitei kuti tirambe tiine pfungwa dzinozvininipisa? (b) Ndeipi mimwe mienzaniso yakanaka yokuzvininipisa?

15 VaKristu vanobatsirwa kuti varambe vaine pfungwa dzinozvininipisa zvechokwadi nokuramba vachifunga mienzaniso yakanakisisa yokuzvininipisa, Jehovha Mwari naJesu Kristu. Kuti vaite izvi zvinoda kuti nguva dzose vadzidze Bhaibheri uye mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Kudzidza kwakadaro kunokosha kuvatariri vechiKristu, “kuti mwoyo [wavo] urege kuzvikwidziridza kupfuura hama” dzavo. (Dheuteronomio 17:19, 20; 1 Petro 5:1-3) Fungisisa mienzaniso yakasiyana-siyana yevanhu vakakomborerwa pamusana pokuti vaizvininipisa, vakadai saRute, Hana, Erizabheti, nevamwe vakawanda. (Rute 1:16, 17; 1 Samueri 1:11, 20; Ruka 1:41-43) Fungawo mienzaniso yakawanda yakanaka kwazvo yevarume vakakurumbira vakaramba vachizvininipisa mubasa raJehovha, vakadai saDhavhidhi, Josiya, Johani Mubhabhatidzi, uye muapostora Pauro. (2 Makoronike 34:1, 2, 19, 26-28; Pisarema 131:1; Johani 1:26, 27; 3:26-30; Mabasa 21:20-26; 1 VaKorinde 15:9) Uye zvakadini nemienzaniso yemazuva ano yakawanda yokuzvininipisa yatinowana muungano yechiKristu? Kana vakafungisisa mienzaniso iyi, vaKristu vechokwadi vachabatsirwa kuti vave “nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe.”—1 Petro 5:5.

16. Ushumiri hwechiKristu hunotibatsira sei kuti tive vanozvininipisa?

16 Kugara tichiita ushumiri hwechiKristu kungatibatsirawo kuti tizvininipise. Kuva nepfungwa dzinozvininipisa kungaita kuti tibudirire patinotaura nevanhu vatisingazivi vatinowana paimba neimba uye mune dzimwe nzvimbo. Izvi zvingadaro kunyanya kana vanasaimba vakatanga kuratidza kusakendenga kana kuti kutsvinyira shoko roUmambo. Vanhu vanowanzova nemibvunzo pamusoro pezvatinotenda, uye kuzvininipisa kungabatsira muKristu kuti arambe achipindura mibvunzo yacho “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Vashumiri vaMwari vanozvininipisa vakatamira kundima itsva uye vakabatsira vanhu vane tsika nemararamiro akasiyana-siyana. Vachizvininipisa, vashumiri vakadaro vangafanira kukurira basa rakaoma rokudzidza mutauro mutsva kuitira kuti vagone kubatsira vaya vavanoda kuudza mashoko akanaka. Izvi zvinorumbidzwa zvikuru!—Mateu 28:19, 20.

17. Mabasa api echiKristu anoda kuti tizvininipise?

17 Vachizvininipisa, vakawanda vakaita mabasa avo echiKristu, vachiisa zvinodiwa nevamwe pamberi pezvavo. Somuenzaniso, zvinoda kuzvininipisa kuti baba vechiKristu vatsaure nguva pane zvavanoita yokuti vagadzirire uye vadzidze Bhaibheri zvinobudirira nevana vavo. Kuzvininipisa kunobatsirawo vana kukudza uye kuteerera vabereki vavo, avo vasina kukwana. (VaEfeso 6:1-4) Madzimai ane varume vasingatendi anowanzova nemamiriro ezvinhu anoda kuti vazvininipise sezvavanoedza kuwana varume vavo ‘nomufambiro wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.’ (1 Petro 3:1, 2) Kuzvininipisa uye rudo rwokuzvipira zvinokoshawo patinotarisira norudo zvinodiwa zvevabereki vanorwara uye vakwegura.—1 Timoti 5:4.

Kuzvininipisa Kunogadzirisa Matambudziko

18. Kuzvininipisa kungatibatsira sei kugadzirisa matambudziko?

18 Vashumiri vose vaMwari havana kukwana. (Jakobho 3:2) Pane dzimwe nguva, vaKristu vaviri vangasawirirana kana kuti vangasanzwisisana. Mumwe angava nechikonzero chinokosha chokunyunyutira mumwe. Kazhinji, mamiriro ezvinhu akadaro angagadziriswa nokushandisa zano iri: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” (VaKorose 3:13) Chokwadi, kutevera zano iri hakusi nyore, asi kuzvininipisa kuchabatsira kuti munhu arishandise.

19. Tinofanira kuyeuka chii patinotaura nomumwe munhu anenge atigumbura?

19 Dzimwe nguva muKristu angafunga kuti chikonzero chaanacho chokunyunyuta chakakomba zvikuru zvokuti haangangochiregi. Kana zvakadaro, kuzvininipisa kuchamubatsira kutaura nomunhu anenge amukanganisira nepfungwa yokuti vavezve norugare. (Mateu 18:15) Chimwe chikonzero chinoita kuti zvinetso pakati pevaKristu dzimwe nguva zvirambe zvichienderera mberi ndechokuti mumwe kana kuti zvichida vose vanonyanya kudada kuti vabvume kuti vane mhosva. Kana kuti anotanga kutaura nomumwe wacho angataura achizviruramisa, achishora mumwe. Kusiyana neizvi, kuzvininipisa zvechokwadi kungabudirira zvikuru kugadzirisa kusanzwisisana kwakawanda.

20, 21. Ndechipi chimwe chinhu chinotibatsira zvikuru kuti tive vanozvininipisa?

20 Kunyengeterera kubatsirwa naMwari uye mudzimu wake kunokosha kuti tive vanozvininipisa. Asi yeuka kuti, “Mwari . . . anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa [kusanganisira mudzimu mutsvene wake] kune vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Saka kana usiri kunzwisisana newaunonamata naye, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kubvuma uchizvininipisa chikanganiso chiduku kana chikuru chaungave wakaita. Kana wakagumburwa uye munhu anenge akakugumbura akati nomwoyo wose, “Ndine urombo,” ipapo mukanganwire nokuzvininipisa. Kana kuita izvi kwakaoma, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kubvisa mumwoyo mako kuzvikudza kwose kwaungava nako.

21 Kunzwisisa zvikomborero zvakawanda zvinounzwa nokuzvininipisa kunofanira kuita kuti tiratidze uye tirambe tiine unhu uhwu hunokosha. Kuti tihuratidze uye tirambe tiinahwo, Jehovha Mwari naJesu Kristu mienzaniso yakazonaka! Usambokanganwa zvinovimbiswa naMwari kuti: “Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.

Pfungwa Dzokufungisisa

• Ndivanaani vari mienzaniso yakanakisisa yokuzvininipisa?

• Nei zvakaoma kuzvininipisa?

• Chii chingatibatsira kuti tizvininipise?

• Nei zvichikosha chaizvo kuti tirambe tichizvininipisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jesu aizvininipisa zvechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 28]

Nyika inokurudzira vanhu kuti vavavarire kuva vakakwirira kudarika vamwe

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo weWHO naL. Almasi/K. Hemzǒ

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuzvininipisa kunotibatsira kuti titaure nevanhu vatisingazivi muushumiri

[Mifananidzo iri papeji 30]

Kazhinji, kusanzwisisana kungagadziriswa nokufukidza kwatinoita nyaya yacho murudo nokuzvininipisa

[Mifananidzo iri papeji 31]

Pane nzira dzakawanda dzokuti vaKristu varatidze kuzvininipisa