Shoko raJehovha Riri Kuwedzera Zvinoshamisa mu“Nyika yeGondo”
Shoko raJehovha Riri Kuwedzera Zvinoshamisa mu“Nyika yeGondo”
“NYIKA yeGondo.” Ndokushevedza kunoita vanhu vokuAlbania nyika yavo mumutauro wavo. Nyika iyi yakatarisana neGungwa reAdriatic iri paBalkan Peninsula, pakati peGreece neyaimbova Yugoslavia. Kunyange zvazvo paine zvakawanda zvinofungidzirwa nezvemavambo evanhu vokuAlbania, vanyori venhau vakawanda vanobvuma kuti vanhu vokuAlbania nomutauro wavo vanobva kudzinza revanhu vekare vokuIririkumu, maererano neThe Encyclopædia Britannica, tsika dzavo dzakatanga kare muna 2000 B.C.E.
Runako rweAlbania runosanganisira makomo asina kuenzana ari nechokuchamhembe uye mumahombekombe marefu ane jecha jena kumaodzanyemba kweAdriatic. Zvisinei, chinonyanya kunakisa nyika iyi vanhu vacho. Vane ushamwari uye vanogamuchira vaeni, vakachangamuka, vanhu vanokurumidza kubata pakudzidza uye vanoda chaizvo kuratidza mafungiro avo vachishandisa maoko avo kana dzimwe nhengo dzomuviri wavo.
Kushanya Kwomumishinari Akakurumbira
Hapana mubvunzo kuti unhu hwakanaka hwevanhu vacho uye nyika yavo zvakabaya mwoyo VaRoma 15:19) Kumaodzanyemba kweIririkumu kwakaenzana nepakati uye kuchamhembe kweAlbania yemazuva ano. Pauro akanga achinyora ari muKorinde, kuGirisi, kumaodzanyemba kweIririkumu. Kutaura kwake kuti akaparidza kwazvo “kure sokuIririkumu” kunoratidza kuti angave akasvika kumuganhu weIririkumu kana kuti munzvimbo yacho chaimo. Chero zvazvingava, angave akaparidza mune yava kunzi Albania yokumaodzanyemba. Saka basa rokuparidza Umambo raimbozivikanwa kare muAlbania ringave rakaitwa naPauro.
womumwe mufambi mazana emakore akapfuura. Munenge muna 56 C.E., muapostora Pauro uyo akafamba daro rakareba chaizvo akanyora kuti: “Kusvikira kure sokuIririkumu ndakaparidza kwazvo mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (Mazana emakore akapfuura. Umambo hwaigadzwa nokuparara. Masimba okune dzimwe nyika akasiyana-siyana akatonga muchikamu chiduku ichi cheEurope kusvikira Albania yava nyika yakasununguka muna 1912. Anenge makore gumi akazotevera, shoko roUmambo hwaJehovha rakanzwiwazve muAlbania.
Mavambo Emazuva Ano Anofadza
Kuma1920, vanhu vashomanana vokuAlbania vari kuUnited States avo vaimbowadzana neInternational Bible Students, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha kare ikako, vakadzokera kuAlbania kuti vazoudza vamwe zvavakanga vadzidza. Nasho Idrizi aivawo mumwe wavo. Vamwe vanhu vakazvigamuchira zvakanaka. Kuti itarisire vanhu vanofarira vaiwedzera, muna 1924 hofisi yokuRomania yakanzi itarisire basa rokuparidza muAlbania.
Thanas Duli (Athan Doulis) aiva mumwe wevaya vakadzidza nezvaJehovha muAlbania mumakore iwayo. Akati: “Muna 1925 muAlbania maiva neungano nhatu dzakarongwa, uyewo munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yacho yose maiva neVadzidzi veBhaibheri uye vanhu vanofarira. Kudanana kwavaiita kwakanga kwakasiyana chaizvo . . . nevanhu vakanga vakavapoteredza!” *
Kushayikwa kwemigwagwa yakanaka kwaiita kuti kufamba kuome zvikuru. Asi, vaparidzi vaishingaira vakabvuma kuita basa racho rakaoma. Somuenzaniso, kumhenderekedzo yokumaodzanyemba muVlorë, Areti Pina akabhabhatidzwa muna 1928, paaiva nemakore 18. Aikwira nokudzika makomo asina kuenzana achiparidza akabata Bhaibheri muruoko. Aipinda neungano yaishingaira yomuVlorë kutanga kwema1930.
Pakazosvika 1930 basa rokuparidza muAlbania
rakanga rava kutungamirirwa nehofisi yebazi muAthens, Greece. Muna 1932 mutariri anofambira wokuGreece akashanyira Albania kuti akurudzire uye asimbise hama. Vakawanda vaidzidza chokwadi cheBhaibheri kare ikako vaiva netariro yokuenda kudenga. Mukurumbira wavo wokuva vanhu vakachena uye vakarurama waiita kuti varemekedzwe zvikuru kwose kwose. Basa rehama idzi dzakatendeka rakabereka zvibereko zvakawanda. Mugore ra1935 nera1936, mabhuku eBhaibheri anenge 6 500 akagoverwa muAlbania.Mumwe musi, ari pakati peVlorë, Nasho Idrizi akaridza imwe yehurukuro dzaJ. F. Rutherford pagiramufomu. Vanhu vakavhara zvitoro zvavo ndokuuya kuzoteerera sezvo Hama Idrizi vaidudzira mumutauro wokuAlbania. Kushingaira kwevadzidzisi veBhaibheri vasinganeti, vekare ivavo kwakakomborerwa. Pakazosvika 1940 muAlbania makanga mava neZvapupu 50.
Nyika Yevanhu Vasingatendi Kuti Mwari Ariko
Muna 1939, vaFascist vokuItaly vakapinda munyika yacho. Kuzivikanwa zviri pamutemo kweZvapupu zvaJehovha kwakabviswa, uye basa razvo rokuparidza rakarambidzwa. Nenguva isipi pashure pacho, mauto eGermany akapinda nechisimba munyika yacho. Pakapera Hondo Yenyika II, mumwe mutungamiriri wechiuto aiva nesimba, Enver Hoxha, akavapo. Bato rake rechiKomonisti rakahwina sarudzo muna 1946, achibva ava mutungamiriri wenyika. Makore akazotevera akanzi nguva yorusununguko, asi aireva zvakasiyana kuvanhu vaJehovha.
Zvishoma nezvishoma, hurumende yakatanga kusafarira chitendero. Nokuda kwokusava nokwazvakarerekera sevaKristu, Zvapupu zvaJehovha muAlbania zvakaramba kupinda muhondo uye kubatanidzwa mune zvematongerwo enyika. (Isaya 2:2-4; Johani 15:17-19) Vakawanda vakaiswa mujeri, vasingapiwi zvokudya kana zvinhu zvinokosha muupenyu. Kakawanda, hanzvadzi dzavo dzechiKristu dzakanga dzisina kusungwa ndidzo dzaivawachira zvipfeko zvavo uye dzaivabikira.
Kusatya Pasinei Nokutambudzwa
Pakutanga kwema1940, Frosina Xheka, panguva iyoyo aiva achiri kuyaruka mumusha uri pedyo nePërmet, akanzwa zvaidzidziswa madzikoma ake nechimwe Chapupu chaigadzira shangu chainzi Nasho Dori. * Zviremera zvakanga zvichiomesera Zvapupu zvaJehovha, asi kutenda kwaFrosina kwakawedzera kusimba pasinei nokuti vabereki vake vakanga vasingazvifariri. “Vaiviga shangu dzangu uye vaindirova kana ndikaenda kumisangano yechiKristu. Vaiedza kuronga kuti ndiroorwe nomunhu asingatendi. Pandakaramba, vakandidzinga pamba. Musi iwoyo kwainaya sinou. Nasho Dori akakumbira Hama Gole Flloko vokuGjirokastër kuti vandibatsire. Vakaronga kuti ndigare nemhuri yavo. Madzikoma angu aiva mujeri kwemakore maviri pamusana pokusava nokwavakarerekera. Vabudiswa, ndakatamira kuVlorë kuti ndinogara navo.
“Mapurisa akaedza kundimanikidza kuti ndiitewo zvematongerwo enyika. Ndakaramba. Akandisunga, akandiisa mune rimwe kamuri, ndokundikomba. Mumwe wavo akandityisidzira achiti: ‘Unoziva zvatinogona kukuitira here?’ Ndakapindura kuti: ‘Munogona kungondiitira zvamunobvumirwa naJehovha kuti muite.’ Akapindura nehasha achiti: ‘Unopenga! Ibva pano!’”
Hama dzokuAlbania dzaizivikanwa nokuvimbika kwakadaro mumakore ose iwayo. Pakazosvika 1957 vaparidzi voUmambo vakasvika nhamba yepamusoro ye75. Kutanga kwema1960, dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha rakaronga kuti John Marks, munhu wokuAlbania aiva kuUnited States, ashanyire Tiranë kunobatsira kuronga basa rechiKristu. * Zvisinei, pasina nguva, Luçi Xheka, Mihal Sveci, Leonidha Pope, nedzimwe hama dzaiva nomutoro vakaendeswa kumisasa yechibharo.
Tariro Yokusunungurwa Mumamiriro Ezvinhu Akaoma
Gore ra1967 risati rasvika, zvitendero zvose zvakarambidzwa muAlbania. Gare gare, zvakanga zvisingachabvumirwi. Pakanga pasina mupristi weKaturike, Orthodox, kana kuti wechiMuslim aigona kutungamirira minamato. Machechi uye dzimba dzokunamatira dzemaMuslim zvakavharwa kana kuti zvakaitwa dzimba dzokurovedzera muviri, mamiziyamu, kana kuti misika. Hapana aibvumirwa kuva neBhaibheri. Pfungwa yokutenda muna Mwari yakanga isingafaniri kutaurwa.
Zvakanga zvakaoma kuparidza uye kuungana pamwe chete. Chapupu chimwe nechimwe chakaita zvose zvachaigona kuti chishumire Jehovha, pasinei nokuti uyu ari kwake uyo kwake. Kubvira kuma1960 kusvikira kuma1980, nhamba yeZvapupu yakaramba ichiderera zvikuru. Asi zvakanga zvakasimba mune zvokunamata.
Pakunopera kwema1980, kuchinja kwezvematongerwo enyika muAlbania kwakafambira mberi zvishoma nezvishoma. Zvokudya nezvokupfeka zvaiva zvishoma. Vanhu vakanga vasingafari. Kuchinja kwaiitika muEastern Europe kwakaitikawo muAlbania kutanga kwema1990. Pashure pemakore 45 ehurumende inodzvinyirira, hurumende itsva yakabvumirazve rusununguko rwezvokunamata.
Dzichitungamirirwa neDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, hofisi dzemapazi muAustria neGreece dzakakurumidza kutanga kukurukura nehama dzomuAlbania. Hama dzokuGreece dzaiziva mutauro wokuAlbania dzakaunza mabhuku eBhaibheri akanga achangoshandurwa kuTiranë neBerat. Hama dzeimomo dzakanga dzambopararira dzakafara zvikuru padzakaona Zvapupu zvokune dzimwe nyika kokutanga mumakore akawanda.
Mapiyona Anoshingaira Okune Dzimwe Nyika Anotungamirira Basa
Kutanga kwa1992, Dare Rinodzora rakaronga kuti Michael naLinda DiGregorio, mamishinari maviri akaroorana anoziva nezvokuAlbania, aende kuAlbania. Vakaonana nevakatendeka vakwegura, vachivabatsira kuti vavezve vamwe vemhuri yezvokunamata yenyika yose. Mapiyona chaiwo 16 okuItaly anoshanda nesimba, kana kuti vaevhangeri venguva yakazara, akasvika muna November, pamwe chete nemapiyona mana okuGreece. Kuti vabatsirwe kudzidza mutauro weko, kosi yomutauro yakarongwa.
Upenyu hwezuva nezuva hwakanga hwakaomera mapiyona aya okune dzimwe nyika. Magetsi akanga asingagari aripo nguva dzose. Mwaka wechando waitonhora uye uine unyoro. Vanhu vaimira mumutsetse kwemaawa akawanda kuti vawane zvokudya uye zvimwe zvinhu zvinodiwa muupenyu. Asi, dambudziko guru raiva nehama
raiva rokuti dzaizowana sei zvivako zvihombe zvaizokwana vanhu vakawanda vaifarira chokwadi!Mapiyona aitamburira kutaura mutauro wokuAlbania akaziva kuti kugona kunyatsotaura mutauro ndiko bedzi kunoita kuti ubudirire kuita chimwe chinhu. Mumwe mudzidzisi weBhaibheri ane ruzivo akavaudza kuti: “Hatifaniri hedu kunge tichigona kushandisa zvakanaka zvirungamutauro kuti tinyemwerere noushamwari kana kuti timbundire hama dzedu. Vanhu vomuAlbania vachafarira rudo runobva pamwoyo penyu, kwete kunyatsogona kutaura mutauro. Musanetseka, vachanzwisisa.”
Kosi yokutanga yokudzidza mutauro yapera, mapiyona acho akatanga kushanda muBerat, Durres, Gjirokastër, Shkodër, Tiranë, neVlorë. Pasina nguva, ungano dzakakurumidza kutangwa mumaguta iwayo. Areti Pina, zvino akanga ava nemakore okuma80 uye aine utano husina kutsarukana, akanga achiri muVlorë. Mapiyona chaiwo maviri akatumirwa ikoko kuti anoparidza naAreti. Vanhu vakashamiswa kuti vanhu vokune dzimwe nyika vakanga vachitaura mutauro womuAlbania: “Mamishinari emamwe mapoka ezvitendero anoti tidzidze Chirungu kana kuti mutauro wokuItaly kana tichida kudzidza chimwe chinhu. Imi munotifarira chaizvo uye mune chimwe chinhu chinokosha chokutiudza, nokuti makatodzidza mutauro weAlbania!” Areti akapedza upenyu hwake hwepasi pano muna January 1994, achishingaira kuparidza kusvika pamwedzi wokupedzisira chaiwo. Kushingaira kwake uye kwemapiyona kwakakomborerwa. Ungano yakatangwazve muVlorë muna 1995. Nhasi, ungano nhatu dzinobudirira dziri kushingaira kuparidza pachiteshi ichocho chengarava.
Munyika yose, vanhu vakanga vaine nzara yezvokunamata uye vakanga vasinganyanyi kusarura chitendero. Vaigamuchira mabhuku eBhaibheri ose avaipiwa neZvapupu. Vechiduku vakawanda vakatanga kudzidza ndokukurumidza kufambira mberi.
Mapoka uye ungano dzinopfuura 90 dziri kuramba “dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva” munyika yacho yose. (Mabasa 16:5) Zvapupu 3 513 muAlbania zvichine basa rakawanda rokuita. Muna March 2005, Chirangaridzo chorufu rwaKristu chakapindwa nevanhu 10 144. Kukurukurirana kwavakaita nevanhu vanogamuchira vaeni pavaiita basa rokuparidza, kwakaita kuti vanhu vanodarika 6 000 vadzidze Bhaibheri. Zviri pachena kuti zviuru zvichabatsirwa neBhaibheri richangobva kubudiswa reShanduro yeNyika Itsva mumutauro wokuAlbania. Zvechokwadi, shoko raJehovha riri kuwedzera mu“Nyika yeGondo” kuti Jehovha arumbidzwe.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 9 Nezvenyaya youpenyu hwaThanas Duli, ona Nharireyomurindi, yeChirungu yaDecember 1, 1968.
^ ndima 17 Nezvenyaya youpenyu hwaNasho Dori, ona Nharireyomurindi, yaJanuary 1, 1996.
^ ndima 19 Nezvenyaya youpenyu hwomudzimai waJohn Marks, Helen, ona Nharireyomurindi, yaJanuary 1, 2002.
[Bhokisi riri papeji 20]
KURWISANA KWEMADZINZA KUNOPERA MUKOSOVO!
Kosovo yaigarotaurwa nezvayo ma1990 ava kunopera apo kukakavadzirana miganhu yenyika uye ruvengo rwemadzinza rwakanga rwakadzika midzi zvakakonzera hondo uye kupindira kwenyika dzakawanda.
Munguva yehondo muBalkans, Zvapupu zvakawanda zvaifanira kutizira kunyika dziri pedyo. Hondo yacho isingachanyanyi kupisa, boka duku reZvapupu rakadzokera kuKosovo, ragadzirira kuita basa. Mapiyona chaiwo okuAlbania neItaly akabvuma kuenda kuKosovo kunobatsira vanhu 2 350-000 vanogara ikoko. Mune ungano ina uye mapoka anoshingaira matanhatu, zvichiita kuti muve nevaparidzi vanosvika 130, vari kushumira Jehovha munyika iyi.
Zuva regungano chairo rakaitwa muPriština muchirimo cha2003, uye paiva nevanhu 252. Pakati pavo paiva nevanhu vaiziva mutauro wokuAlbania, Germany, chiGypsy, wokuItaly, nowokuSerbia. Hurukuro yorubhabhatidzo yava kunopera, mukurukuri akabvunza mibvunzo miviri. Pane vanhu vatatu vakasimuka ndokupindura zvakanaka: wedzinza rokuAlbania, wechiGypsy, nowokuSerbia.
Kuombera maoko kwaiva noruzha kwakanzwika pashure pokunge vateereri vanzwa ruzha rwainzwika panguva imwe chete, kuti: “Va!,” “Da!,” uye “Po!” kubva kuvatatu vaida kubhabhatidzwa. Vakambundirana. Vaiva vawana mhinduro yematambudziko edzinza akanga adzika midzi aiva atambudza nyika yavo.
[Mepu iri papeji 17]
(Kana uchida mashoko azere, ona magazini yacho)
Gungwa reMediterranean
ITALY
ALBANIA
GREECE
[Mufananidzo uri papeji 18]
Zvapupu zvechiduku zvinotevedzera kushingaira kweZvapupu zvakura
[Mufananidzo uri papeji 18]
Areti Pina akashumira akatendeka kubva muna 1928 kusvikira afa muna 1994
[Mufananidzo uri papeji 19]
Boka rokutanga remapiyona okune dzimwe nyika riri kupinda kosi yokudzidza mumwe mutauro
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Gondo: ©Brian K. Wheeler/VIREO