Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ndiye Mufudzi Wedu

Jehovha Ndiye Mufudzi Wedu

Jehovha Ndiye Mufudzi Wedu

“Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.”—PISAREMA 23:1.

1-3. Nei zvisingashamisi kuti Dhavhidhi akafananidza Jehovha nomufudzi?

KUDAI waikumbirwa kuti urondedzere kutarisira kunoita Jehovha vanhu vake, waizoti kudii? Waizomufananidza nechii chinoratidza kutarisira kwaanoita nounyoro vashumiri vake vakatendeka? Makore 3000 adarika, mambo Dhavhidhi munyori wepisarema akanyora rondedzero yakaisvonaka ine chokuita naJehovha, achimufananidza nezvaaimboita mubasa rake achiri muduku.

2 Achiri jaya, Dhavhidhi aiva mufudzi, saka aiziva nezvokutarisira makwai. Ainyatsoziva kuti kana makwai akasiyiwa ari oga, anorasika nyore nyore obva abiwa nembavha kana kudyiwa nezvikara zvomusango. (1 Samueri 17:34-36) Kana asina mufudzi ane hanya, angatadza kuwana mafuro uye zvokudya. Zviri pachena kuti mumakore ake oukweguru, Dhavhidhi aiyeuka zvinhu zvakanaka zvaiitika mumaawa iwayo akawanda aakapedza achitungamirira, achidzivirira, uye achidyisa makwai.

3 Hazvishamisi kuti Dhavhidhi aifunga nezvebasa romufudzi paakafuridzirwa kunyora kutarisira kunoita Jehovha vanhu vake. Pisarema 23, rakanyorwa naDhavhidhi, rinotanga nemashoko anoti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.” Ngationei kuti nei mashoko aya akakodzera. Tadaro, tichibatsirwa nePisarema 23, tichaona kuti Jehovha anotarisira vanamati vake munzira dzipi somufudzi anotarisira makwai ake.—1 Petro 2:25.

Fananidzo Yakakodzera

4, 5. Bhaibheri rinorondedzera sei unhu hwemakwai?

4 Jehovha anotaurwa nemazita akawanda okuremekedza muMagwaro, asi rokuti “Mufudzi” ndiro rinonyanya kuratidza unyoro hwake. (Pisarema 80:1) Kuti tinzwisise zviri nani chikonzero nei Jehovha akakodzera kunzi Mufudzi, zvinobatsira kuti tizive zvinhu zviviri: chokutanga, unhu hwemakwai uye chechipiri, mabasa nounhu hwomufudzi akanaka.

5 Bhaibheri rinowanzotaura unhu hwemakwai, richiarondedzera seanokurumidza kuona kudiwa kwaanoitwa nomufudzi (2 Samueri 12:3), kuti haana hasha (Isaya 53:7), uye haagoni kuzvidzivirira. (Mika 5:8) Mumwe munyori akachengeta makwai kwemakore anoverengeka akati: “Makwai ‘haangozvitarisiri’ sezvinofunga vamwe. Anoda kutarisirwa chaizvo kudarika zvimwe zvipfuwo, uye kugara achitarisirwa zvikuru.” Kuti zvirarame, zvisikwa izvi zvisingakwanisi kuzvidzivirira zvinoda mufudzi ane hanya.—Ezekieri 34:5.

6. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinotsanangura sei zvaiitwa nomufudzi wekare muupenyu hwake hwezuva nezuva?

6 Upenyu hwezuva nezuva hwomufudzi wekare hwakanga hwakaita sei? Rimwe duramazwi reBhaibheri rinotsanangura kuti: “Mumangwanani-ngwanani aibudisa boka rake remakwai mudanga, ofamba ari mberi kwaro oenda naro kunzvimbo kwaraizofurira. Kumafuro ikoko airirinda zuva rose, achiva nechokwadi chokuti hapana gwai rinorasika, uye kana rimwe chete rikamborasika kwekanguva uye rabva pane mamwe, aishingairira kuritsvaka kusvikira ariwana oridzosa kune mamwe. . . . Usiku aidzosa makwai acho kudanga, oaverenga sezvaaidarika nepamusuo wedanga kuti ave nechokwadi chokuti ose aripo. . . . Kazhinji kacho aifanira kuchengetedza makwai acho usiku hwose kuti aadzivirire pazvikara zvomusango, kana kuti pambavha yaida kuedza kuba nemanomano.” *

7. Nei dzimwe nguva mufudzi aifanira kushivirira zvikuru uye kuva munyoro?

7 Paiva nenguva apo makwai, zvikurukuru aiva nezamu uye maduku, aida kutarisirwa chaizvo nokushivirira nounyoro. (Genesisi 33:13) Rimwe bhuku reBhaibheri rinoti: “Gwai rinowanzoberekera mwana kure nemamwe mujinga megomo. Mufudzi anoramba akarinda amai vacho munguva yavanenge vasingagoni kuzvibatsira otora gwayana racho oritakura kuenda naro kune mamwe. Kwemazuva mashomanana, kusvikira rava kugona kufamba, angaritakura mumaoko ake kana pachipfuva chake.” (Isaya 40:10, 11) Zviri pachena kuti mufudzi akanaka aifanira kuva nounhu hwose, hwokuva akasimba uye munyoro.

8. Dhavhidhi anotaura zvikonzero zvipi zvinoita kuti avimbe naJehovha?

8 “Jehovha ndiye Mufudzi wangu”—iyi haisi rondedzero yakakodzera Baba vedu vokudenga here? Sezvatinoongorora Pisarema 23, tichaona kuti Mwari anotitarisira sei nesimba nounyoro somufudzi. Mundima 1, Dhavhidhi anoratidza chivimbo kuti Mwari anoita urongwa hwose hunodiwa kuitira kuti makwai Ake ‘asave nechaanoshayiwa.’ Mundima dzinotevera, Dhavhidhi anotaura zvikonzero zvitatu zvinoita kuti ave nechivimbo: Jehovha anotungamirira, anodzivirira, uye anodyisa makwai Ake. Ngatimbokurukura chimwe nechimwe chezvikonzero izvi.

“Anonditungamirira”

9. Dhavhidhi anorondedzera mamiriro ezvinhu api orunyararo, uye makwai anogona sei kuva mumamiriro ezvinhu akadaro?

9 Kutanga, Jehovha anotungamirira vanhu vake. Dhavhidhi anonyora kuti: “Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji. Anozorodza mweya wangu. Anonditungamirira mumakwara okururama nokuda kwezita rake.” (Pisarema 23:2, 3) Paari kutaura nezvemakwai akarara pasi murunyararo pakati pouswa huzhinji—Dhavhidhi pano ari kuratidza kugutsikana, kuzorora, uye kuchengeteka. Shoko rechiHebheru ranzi “mafuro” rinogona kureva “nzvimbo yakanaka.” Pamwe, kana ari oga, makwai haakwanisi kuwana nzvimbo yokuzorora murunyararo. Mufudzi wao anofanira kuatungamirira ku“nzvimbo yakanaka” yakadaro.

10. Mwari anoratidza sei kuti anovimba nesu?

10 Jehovha anotitungamirira sei nhasi? Imwe nzira yaanotitungamirira nayo ndeyomuenzaniso wake. Shoko rake rinotikurudzira ‘kuva vatevedzeri vaMwari.’ (VaEfeso 5:1) Mashoko akapoteredza ndima iyi anotaura nezvetsitsi, kukanganwira, uye rudo. (VaEfeso 4:32; 5:2) Chokwadi, Jehovha anoratidza muenzaniso wakaisvonaka mukuratidza unhu hwakanaka hwakadaro. Anenge asiri kuona zvinhu sezvazviri here paanotikumbira kuti timutevedzere? Kwete. Chokwadi zano iroro rakafuridzirwa rinoratidza zvinoshamisa kuti anovimba nesu. Munzira ipi? Takaitwa nomufananidzo waMwari, kureva kuti tine tsika dzatinofanira kuratidza uye tinokwanisa kunamata. (Genesisi 1:26) Saka Jehovha anoziva kuti pasinei nokusakwana kwedu, isu tingakwanisa kuratidza unhu hwakadaro hwaanoratidza. Chimbofunga—Mwari wedu ane rudo anovimba kuti tinogona kufanana naye. Kana tikatevedzera muenzaniso wake, achatitungamirira, nenzira yokufananidzira, ‘kunzvimbo yokuzorora’ yakaisvonaka. Munyika ino izere nechisimba, ‘tichagara takachengeteka,’ tiine rugare runobva pakuziva kuti tinofarirwa naMwari.—Pisarema 4:8; 29:11.

11. Paanenge achitungamirira makwai ake, Jehovha anofunga nezvechii, uye izvi zvinooneka sei pane zvaanotikumbira?

11 Paanenge achititungamirira, Jehovha anozviita nounyoro nokushivirira. Mufudzi anofunga nezvezvisingakwaniswi nemakwai ake, saka anotungamirira “maererano nokufamba kwezvipfuwo” zvacho. (Genesisi 33:14) Saizvozvowo Jehovha anotungamirira “maererano nokufamba” kwemakwai ake. Anofunga nezvezvatinogona uye mamiriro edu ezvinhu. Kutaura zvazviri, anochinja mafambiro ake, asingambokumbiri zvakawandisa kudarika zvatinokwanisa kupa. Chaanongotikumbira ndechokuti tiite zvinhu nomweya wedu wose. (VaKorose 3:23) Asi zvakadini kana wakwegura uye usingachakwanisi kuita zvawaimboita? Kana kuti zvakadini kana uine chirwere chakakomba chinokutadzisa kuita zvaunoda kuita? Mumamiriro ezvinhu akadaro tinoona zvakanakira kuita zvinhu nomweya wedu wose. Hakuna vanhu vaviri vakanyatsofanana. Kushumira nomweya wako wose zvinoreva kushandisa simba rako rose nepaunogona napo mubasa raMwari. Pasinei nourwere hungavhiringidza manamatiro atinoita, Jehovha anokoshesa kumunamata kwatinoita nomwoyo wose.—Mako 12:29, 30.

12. Muenzaniso upi uri muMutemo waMosesi unoratidza kuti Jehovha anotungamirira “maererano nokufamba” kwemakwai ake?

12 Kuti tione kuti Jehovha anotungamirira “maererano nokufamba” kwemakwai ake, chimboona zvinotaurwa nezvezvimwe zvinopiwa zvemhosva muMutemo waMosesi. Jehovha aida zvinopiwa zvakaisvonaka zvaibva pamwoyo inoratidza kuonga. Panguva imwe chete iyi, zvinopiwa zvacho zvaitariswa maererano nezvinogona kuitwa neanenge apa wacho. Mutemo waiti: “Kana asingagoni kuwana gwai, anofanira kuuya nemagukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri.” Uye kana akanga asingagoni kuwana hangaiwa mbiri aiita sei? Aigona kuuya ne“furawa yakatsetseka.” (Revhitiko 5:7, 11) Izvi zvinoratidza kuti Mwari akanga asingakumbiri zvakanga zvisingakwaniswi neaipa wacho. Sezvo Mwari asingachinji, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti haambokumbiri zvinodarika zvatinogona kupa; asi anofara kugamuchira zvatinokwanisa kumupa. (Maraki 3:6) Zvinofadza zvikuru kutungamirirwa noMufudzi anonzwisisa akadaro!

“Handityi Zvakaipa, Nokuti Imi Muneni”

13. Pana Pisarema 23:4, Dhavhidhi anotaura sei zvinoratidza ushamwari hwepedyo, uye nei izvi zvisingashamisi?

13 Dhavhidhi anotaura chikonzero chechipiri chinoita kuti ave nechivimbo: Jehovha anodzivirira makwai ake. Tinoverenga kuti: “Kunyange ndikafamba mumupata wezarima, handityi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu ndizvo zvinhu zvinondinyaradza.” (Pisarema 23:4) Pari zvino Dhavhidhi anotaura zvinoratidza ushamwari hwepedyo, achitaura nezvaJehovha nokushandisa chisazitasingwi chokuti “imi.” Izvi hazvishamisi, nokuti Dhavhidhi ari kutaura nezvokuti Mwari akamubatsira sei kuti atsungirire dambudziko. Dhavhidhi akanga apinda mumipata yakawanda yezarima—nguva apo upenyu hwake chaihwo hwakava mungozi. Asi haana kubvumira kutya kuti kumukunde, nokuti akaziva kuti Mwari aiva ne“tsvimbo” yake no“mudonzvo” zvaakanga akagadzirira kushandisa. Kuziva kudzivirira uku kwakanyaradza Dhavhidhi uye hapana mubvunzo kuti kwakamuswededza pedyo naJehovha. *

14. Bhaibheri rinovimbisa chii maererano nokudzivirira kwaJehovha, asi hazvirevi chii?

14 Jehovha anodzivirira makwai ake sei nhasi? Bhaibheri rinotivimbisa kuti hakuna mudzvinyiriri—dhimoni kana munhu—achambobudirira kuparadza makwai ake pasi pano. Jehovha haazombobvumiri kuti izvozvo zviitike. (Isaya 54:17; 2 Petro 2:9) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Mufudzi wedu achatidzivirira pamatambudziko ose. Tinosangana nemiedzo inongosanganawo nevanhu vose, uye tinoshorwa sezvinongoitwa vaKristu vose vechokwadi. (2 Timoti 3:12; Jakobho 1:2) Kungotaura nenzira yokufananidzira, iripo imwe nguva ‘yatinombofamba mumupata wezarima.’ Somuenzaniso, tingapotsa tafa nemhaka yokutambudzwa kana kuti pamusana pourwere. Kana kuti mumwe munhu watinoda angasvika pedyo norufu kana kuti angatofa. Munguva inoita seyezarima guru, Mufudzi wedu anenge ainesu, uye achatichengetedza. Sei?

15, 16. (a) Jehovha anotibatsira munzira dzipi kuti tikunde zvipingamupinyi zvatingasangana nazvo? (b) Rondedzera chakaitika chinoratidza kuti Jehovha anotibatsira sei munguva yomuedzo.

15 Jehovha haavimbisi kuti achapindira nenzira yechishamiso. * Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti: Jehovha achatibatsira kukurira chero zvipingamupinyi zvipi zvatingasangana nazvo. Anogona kutipa uchenjeri hwokukunda “miedzo yakasiyana-siyana.” (Jakobho 1:2-5) Mufudzi anoshandisa tsvimbo yake kana mudonzvo kwete kungodzinga bedzi zvikara asiwo kudzora makwai ake kuti afambe mugwara rakarurama. Jehovha anogona ‘kutidzora,’ zvichida achishandisa mumwe watinonamata naye, kuti tishandise zano rinobva muBhaibheri iro ringachinja zvikuru mamiriro edu ezvinhu. Uyezve, Jehovha anogona kutipa simba rokutsungirira. (VaFiripi 4:13) Achishandisa mudzimu mutsvene wake, anogona kutishongedza ne“simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinde 4:7) Mudzimu waMwari unogona kuita kuti tikwanise kutsungirira muedzo upi zvawo watingapiwa naSatani. (1 VaKorinde 10:13) Hazvinyaradzi here kuziva kuti Jehovha agara akagadzirira kutibatsira?

16 Chokwadi, pasinei nokuti tingazviwana tapinda mumupata worufu wakaita sei, hatifaniri kufamba imomo tiri toga. Mufudzi wedu anenge ainesu, achitibatsira nenzira dzatingave tisinganzwisisi pakutanga. Chimbofunga nezvezvakaitika kune mumwe mukuru wechiKristu akanzi ane chirwere chebundu rouropi. “Ndinofanira kubvuma kuti pakutanga ndakanetseka kana Jehovha aive andigumbukira kana kuti akanga achiri kundida. Asi ndakanga ndakatsunga kusabva kuna Jehovha. Pane kudaro, ndakamuudza zvaindinetsa. Uye Jehovha akandibatsira, kazhinji kacho achindinyaradza nokushandisa hama nehanzvadzi dzangu. Vakawanda vaitaura neni nyaya dzinobatsira kubva pane zvakaitika kwavari panguva yavairwara zvakakomba. Mashoko avo akanaka akandiyeuchidza kuti hapana chaimboshamisa nemarwariro angu. Kubatsirwa kwaisanganisira kuratidzwa mutsa kunobaya mwoyo, kwakaita kuti ndivezve nechivimbo chokuti Jehovha aindifarira. Chokwadi, ndinofanira kuramba ndichirarama nourwere hwangu, uye handizivi kuti zvichaguma sei. Asi ndinovimba kuti Jehovha aneni uye acharamba achindibatsira mumuedzo uyu.”

“Munondigadzirira Tafura Yezvokudya”

17. Dhavhidhi anorondedzera sei Jehovha pana Pisarema 23:5, uye nei izvi zvisina kusiyana nomufananidzo womufudzi?

17 Pari zvino Dhavhidhi anotaura chikonzero chechitatu chinoita kuti avimbe noMufudzi wake: Jehovha anodyisa makwai ake, uye anoadyisa nezvakawanda. Dhavhidhi anonyora kuti: “Munondigadzirira tafura yezvokudya pamberi pevaya vanondivenga. Makazora musoro wangu mafuta; kapu yangu yakanyatsozara.” (Pisarema 23:5) Mundima iyi, Dhavhidhi anorondedzera Mufudzi wake somunhu anopa kwazvo mafashafasha ezvokudya nezvokunwa. Mifananidzo miviri iyi—womufudzi ane hanya newomunhu anopa kwazvo—haina kusiyana. Nokuti mufudzi akanaka anofanira kuziva kwokuwana mafuro akanaka nemvura yokunwa yakawanda kuitira kuti makwai ake ‘asave nechaanoshayiwa.’—Pisarema 23:1, 2.

18. Chii chinoratidza kuti Jehovha munhu anopa kwazvo?

18 Mufudzi wedu munhu anopa kwazvo here? Izvozvo hazvina mubvunzo! Chimbofunga nezvokunaka, uwandu, uye kusiyana-siyana kwezvokudya zvokunamata zvatiri kuwana iye zvino. Achishandisa boka romuranda akatendeka akangwara, Jehovha akatipa mabhuku anobatsira uye purogiramu dzinorayiridza pamisangano, magungano, nemagungano oruwa—zvose zvinozadzisa zvatinoda pakunamata. (Mateu 24:45-47) Chokwadi zvokudya zvokunamata hazvisi zvishoma. “Muranda akatendeka, akangwara” akabudisa mamiriyoni emaBhaibheri uye mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri, uye mabhuku akadaro ava kuwanikwa mumitauro 413. Jehovha akapa zvokudya zvokunamata izvi zvakasiyana-siyana zvikuru—kubvira pa“mukaka,” dzidziso dzokutanga dzeBhaibheri, kusvika pa“zvokudya zvikukutu,” mashoko akadzama ezvokunamata. (VaHebheru 5:11-14) Somugumisiro, patinotarisana nezvinetso kana kuda kuita zvisarudzo, tinogona kuwana zvatinenge tichida chaizvo. Tingadai tiri papi kudai pasina zvokudya zvokunamata zvakadaro? Chokwadi Mufudzi wedu anopa kwazvo!—Isaya 25:6; 65:13.

“Ndichagara Mumba maJehovha”

19, 20. (a) Pana Pisarema 23:6, Dhavhidhi anotaura kuti ane chivimbo chei, uye tingava sei nechivimbo ichocho? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Apedza kutaura nezvezvinoitwa noMufudzi wake noMupi, Dhavhidhi anogumisa achiti: “Chokwadi kunaka nomutsa worudo zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; uye ndichagara mumba maJehovha kwemazuva mazhinji.” (Pisarema 23:6) Dhavhidhi anotaura nomwoyo uzere kuonga nokutenda—kuonga paanoyeuka zvakaitika kare uye kutenda achitarisira remangwana. Aimbova mufudzi uyu akachengeteka, achiziva kuti chero bedzi achiramba ari pedyo noMufudzi wake wokudenga, sokunge kuti ari kugara muimba yake, achagara achitarisirwa norudo naJehovha.

20 Tinoonga kwazvo mashoko akaisvonaka akanyorwa pana Pisarema 23! Dhavhidhi akaona nzira yakakodzera chaizvo yokurondedzera nayo kutungamirira, kudzivirira, uye kudyisa kunoita Jehovha makwai ake. Mashoko oushamwari aDhavhidhi akachengetedzwa kuti atipe chivimbo kuti nesuwo tinogona kutarira kuna Jehovha soMufudzi wedu. Chokwadi, chero bedzi tichiramba tiri pedyo naJehovha, achatitarisira soMufudzi ane rudo “kwemazuva mazhinji,” kunyange nokusingaperi. Zvisinei, semakwai ake, tine basa rokufamba noMufudzi wedu, Jehovha. Nyaya inotevera ichakurukura kuti izvi zvinosanganisirei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Dhavhidhi akanyora mapisarema anoverengeka okurumbidza Jehovha kuti akanga amununura munjodzi.—Somuenzaniso, ona mashoko akanyorwa nechepamusoro ePisarema 18, 34, 56, 57, 59, ne63.

^ ndima 15 Ona nyaya inoti “Kupindira kwaMwari—Chii Chatingatarisira?” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2003.

Unoyeuka Here?

• Nei zvakakodzera kuti Dhavhidhi afananidze Jehovha nomufudzi?

• Jehovha anotitungamirira sei nokunzwisisa?

• Jehovha anotibatsira kutsungirira miedzo munzira dzipi?

• Chii chinoratidza kuti Jehovha munhu anopa kwazvo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kungofanana nomufudzi womuIsraeri, Jehovha anotungamirira makwai Ake