Mufambiro Wakanaka Unobereka Zvibereko
Mufambiro Wakanaka Unobereka Zvibereko
PANE chimwe chitsuwa chiduku kusiri kure nomuganhu wokumaodzanyemba kweJapan, vamwe amai nevana vavo vatatu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vachiona izvi, vavakidzani vomunzvimbo iyi iri yoga uye vaitevedza chaizvo tsika dzavo vakatanga kusataura naamai vacho pose pavaivaona. Amai vacho vanorondedzera kuti: “Chainyanya kundirwadza kudarika kusataura neni kwavaiita ndechokuti vakanga vasingacharatidzi ushamwari kumurume wangu nevana vangu.” Kunyange zvakadaro, vakaudza vana vavo kuti: “Tinofanira kuramba tichikwazisa vavakidzani vedu kuitira Jehovha.”—Mateu 5:47, 48.
Vari kumba, vaidzidzisa vana vavo kuti varemekedze pasinei nokuti vamwe vakanga vasingavadaviri. Munzendo dzavo dzavaiita nguva dzose dzokuzvitubu zvinopisa zvomunzvimbo yacho, vana vacho vari mumotokari vaidzidzira makwazisirwo anoitwa vanhu. Pavaipinda muchivako chacho, vana vacho vaitaura vachifara kuti, “Konnichiwa!”—“Masikati!” Mhuri yacho nokushivirira yairamba ichikwazisa vose vayaionana navo, kunyange zvazvo vavakidzani vacho vaidavira vakangotonhora. Kunyange zvakadaro vanhu vakacherechedza unhu hwakanaka hwevana ava.
Zvakazoitika ndezvokuti vavakidzani vakasiyana-siyana vakazopindurawo vachiti “Konnichiwa.” Pashure pemakore maviri, anenge munhu wose muguta racho akanga ava kudavirawo kana akakwaziswa nemhuri iyi. Vakanga vatangawo kukwazisana uye vava kuratidza ushamwari chaizvo. Mutevedzeri wameya akada kukudza vaduku vacho nokuda kwebasa ravakaita kuti izvi zviitike. Asi amai vacho vakamuudza kuti vakanga vachiita zvinongofanira kuitwa nevaKristu. Gare gare, pamakwikwi okutaura epachitsuwa chacho chose, mumwe mwanakomana wacho akarondedzera kuti amai vake vakanga vadzidzisa sei mhuri kuti ikwazise vamwe noruremekedzo pasinei nezvinoita munhu wacho. Hurukuro yake yakahwina mubayiro wokutanga uye yakanyorwa mupepanhau romutaundi racho. Iye zvino mhuri yacho iri kufara chaizvo kuti kutevera mitemo yechiKristu kwakaita kuti pave nemigumisiro yakanaka kudaro. Kuudza vamwe mashoko akanaka kuri nyore chaizvo kana vanhu vaine ushamwari.