Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rimwe Remazuva Akanakisisa Muupenyu Hwangu”

“Rimwe Remazuva Akanakisisa Muupenyu Hwangu”

“Rimwe Remazuva Akanakisisa Muupenyu Hwangu”

“KUORA MWOYO inyaya inogara ichitaurwa, uye zvichida chinetso chikuru chepfungwa pavanhu vaduku,” rinodaro rimwe sangano rokuAustralia rinonzi Beyondblue rinotsigirwa nemari nehurumende. Ongororo dzinoratidza kuti vaduku vomuAustralia vanenge 100 000 vanotambura nokuora mwoyo gore roga roga.

Vaduku vechiKristu vanoorawo mwoyo. Zvisinei, kutenda muna Jehovha kwakabatsira vakawanda vavo kuti vakurire manzwiro asina kunaka uye kubudirira muuduku hwavo. Nokuita kudaro vanoratidza vamwe muenzaniso wakanaka. Sei?

Chimbofunga nezvezvakaitika kuna Claire ane makore 18. Iye naamai vake vanopinda neungano yeZvapupu zvaJehovha iri muMelbourne. Baba vaClaire pavakasiya mhuri yavo, akaora mwoyo. Asi kutenda kwake muna Baba vake vokudenga, Jehovha, kwakaramba kwakasimba. Rimwe zuva, chiremba wemhuri yacho, Lydia, akaenda kumba kwavanaClaire kuti anoona amai vaClaire, vakanga vachirwara. Pashure pacho, akakumbira nomutsa kuenda nemotokari naClaire kuzvitoro. Vari munzira, akabvunza Claire kana akanga aine mukomana. Akatsanangura kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga asingadanani nevakomana zvokungotamba chete. Izvi zvakashamisa chiremba wacho. Claire akabva atsanangura kuti Bhaibheri rakanga ramubatsira sei kuti asarudze zvinhu nokuchenjera muupenyu. Akapedzisa nokutaura kuti aizounzira chiremba wacho bhuku reBhaibheri rakanga ramubatsira chaizvo. Bhuku racho raiva nomusoro unoti Mibvunzo Inobvunza VechidukuMhinduro Dzinoshanda.

Mazuva matatu agamuchira bhuku racho, Lydia akaridzira amai vaClaire runhare achivaudza kuti akanga anakidzwa zvikuru nokuverenga bhuku racho. Akabva akumbira mamwezve mabhuku matanhatu okuti ape vamwe vake vaaishanda navo. Claire paakaendesa mabhuku acho, chiremba wacho akatsanangura kuti akanga ashamiswa chaizvo nokutenda kwaClaire. Claire akataura naye nezvokudzidza Bhaibheri, uye chiremba wacho akabvuma.

Kwemwedzi yakati wandei, Claire aidzidzisa chiremba wacho paainge akazorora masikati. Lydia akazokumbira Claire kuti ataure nezvokuora mwoyo kwevechiduku pane mumwe musangano. Kunyange zvazvo Claire aitya, akabvuma. Vanhu vanodarika 60 vakapinda musangano wacho. Nyanzvi dzezvoutano ina—vaiva vanhu vakuru vose—vakataura nevateereri. Zvino rakanga rava jana raClaire rokuti ataurewo. Akataura kukosha kwazvakaita kuti vaduku vave noukama hwakanaka naMwari. Akatsanangura kuti Jehovha Mwari ane hanya chaizvo nevaduku uye anobatsira vose vanoenda kwaari vachitsvaka kutsigirwa uye kunyaradzwa naye. Uyezve, akataura zvaanodavira zviya zvokuti Jehovha achakurumidza kubvisa zvirwere zvose zvomuviri nezvepfungwa. (Isaya 33:24) Kupupura uku kwakanaka kwakaguma nei?

“Vakawanda vakauya kwandiri purogiramu yacho yapera kuzondiudza kuti vakanga vashamiswa chaizvo kunzwa munhu muduku achitaura nezvaMwari,” akadaro Claire. “Ndakagovera mabhuku 23 anonzi Vechiduku Vanobvunza. Vasikana vatatu vaiva vakateerera vakandipa nhamba dzavo dzorunhare. Pari zvino mumwe wevasikana ava ari kudzidza Bhaibheri. Rakanga riri rimwe remazuva akanakisisa muupenyu hwangu.”