Rudzikinuro Runoratidza Kukura Kwakaita Kururama kwaMwari
Rudzikinuro Runoratidza Kukura Kwakaita Kururama kwaMwari
ADHAMU naEvha vapanduka, Jehovha akataura chinangwa chake chokumutsa Mwana aizopwanywa chitsitsinho. (Genesisi 3:15) Izvi zvakazadzika vavengi vaMwari pavakaita kuti Jesu Kristu aurayirwe padanda rokutambudzikira. (VaGaratiya 3:13, 16) Jesu akanga asina chivi zvaaiva anambwa nenzira inoshamisa nesimba romudzimu mutsvene mudumbu remhandara. Saka ropa rake rakateurwa raigona kushandiswa somutengo worudzikinuro kuti risunungure vanhu, vakagara nhaka chivi norufu kuna Adhamu.—VaRoma 5:12, 19.
Hapana chinogona kutadzisa Mwari wemasimbaose, Jehovha, kuzadzika zvaanoda kuti zviitwe. Saka, munhu atadza, semaonero aJehovha, zvaiita sokuti rudzikinuro rwatobhadharwa sezvo achizadzika chinangwa chake nguva dzose uye aigona kubata nevaya vaitenda kuti zvipikirwa zvake zvaizozadzika. Izvi zvakaita kuti vazukuru vaitadza vaAdhamu, vakadai saEnoki, Noa, uye Abrahamu vafambe naMwari uye vatoshamwaridzana naye vasingasvibisi utsvene Hwake.—Genesisi 5:24; 6:9; Jakobho 2:23.
Vamwe vanhu vaitenda muna Jehovha vakaita zvivi zvakakomba. Mambo Dhavhidhi ndomumwe muenzaniso wacho. Ungabvunza kuti, ‘Mwari aigona sei kuramba achikomborera Mambo Dhavhidhi pashure pokunge aita upombwe naBhatishebha achibva aurayisa murume wake, Uriya?’ Chinhu chinokosha chaiva chokuti Dhavhidhi akapfidza zvechokwadi uye aiva nokutenda. (2 Samueri 11:1-17; 12:1-14) Achivakira pachibayiro chomunguva yemberi chaJesu Kristu, Mwari aigona kukanganwira zvivi zvaDhavhidhi aipfidza asi oramba achiruramisira uye akarurama. (Pisarema 32:1, 2) Kuratidza kuti izvi ndezvechokwadi, Bhaibheri rinotsanangura chinhu chakanaka zvikuru chakaitwa norudzikinuro rwaJesu, kureva “kuti aratidze kururama [kwaMwari], nokuti akanga achikanganwira zvivi zvakaitika munguva yakapfuura” uye “mumwaka uno uripo.”—VaRoma 3:25, 26.
Chokwadi, vanhu vanowana zvikomborero zvakawanda chaizvo pamusana pokukosha kweropa raJesu. Vatadzi vanopfidza vanogona kuva noushamwari hwapedyo naMwari nemhaka Mabasa 24:15) Panguva iyoyo, achishandisa rudzikinuro, Jehovha achapa vanhu vose vanoteerera upenyu husingaperi. (Johani 3:36) Jesu pachake akatsanangura kuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Zvikomborero zvose izvi zvichauya kuvanhu pamusana pourongwa hwaMwari hwechibayiro chorudzikinuro.
yorudzikinuro. Uyezve, rudzikunuro runoita kuti vakafa vamutsirwe munyika itsva yaMwari. Vachasanganisira vashumiri vaMwari vakatendeka vakafa Jesu asati abhadhara rudzikinuro uye kunyange vakawanda vakafa vasingazivi uye vasingamunamati. Bhaibheri rinoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Zvisinei, chinonyanya kukosha nezvorudzikinuro hakusi kubatsirwa kwatinoitwa narwo. Chinotokosha zvikuru ndicho chinoitirwa zita raJehovha norudzikinuro rwaKristu. Runoratidza kuti Jehovha ndiye Mwari anoruramisira zvakakwana anogona kubata nevanhu vanotadza asi achiramba akachena uye ari mutsvene. Kudai Mwari akanga asina kuita chinangwa chokuti ape rudzikinuro, hapana muzukuru waAdhamu, kunyange Inoki, Noa, uye Abrahamu, angadai akafamba naJehovha kana kuti akava shamwari yake. Munyori wepisarema akaziva izvi uye akati: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pisarema 130:3) Tinofanira kuonga zvikuru kuti Jehovha akatumira Mwanakomana wake anodiwa pasi pano uye kuti achizvidira Jesu akapa upenyu hwake kuti atidzikinure!—Mako 10:45.