Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uchafamba naMwari Here?

Uchafamba naMwari Here?

Uchafamba naMwari Here?

‘Iva nomwero pakufamba naMwari wako.’—MIKA 6:8.

1, 2. Manzwiro anoita Jehovha nezvedu angaenzaniswa sei nemanzwiro anoita mubereki ari kudzidzisa mwana kufamba?

MWANA muduku, asati ava kukwanisa kumira oga, anotambanudzira ruoko rwake kuruoko rwomubereki wake ofamba nhanho dzake dzokutanga shomanana. Zvingaita sechinhu chiduku, asi kuna baba naamai, ichi chinhu chinokosha zvikuru, inguva inoratidza kuti ramangwana rake richabudirira. Vabereki vanotarisira chaizvo kuti vachafamba nomwana wavo, vakamubata ruoko, mumwedzi uye makore anenge achizotevera. Munzira dzakawanda, vanotarisira kutungamirira mwana wavo uye kumutsigira mune ramangwana.

2 Jehovha Mwari anonzwawo saizvozvo nezvevana vake vari panyika. Akamboti nezvevanhu vake vaIsraeri, kana kuti dzinza raEfremu: “Ndakadzidzisa Efremu kufamba, ndichivatakura mumaoko angu; . . . Ndakaramba ndichivakweva netambo dzomunhu wepanyika, netambo dzorudo.” (Hosiya 11:3, 4) Pano Jehovha anozvirondedzera somubereki ane rudo anoshivirira kudzidzisa mwana wake kufamba, zvichida achimusimudza paanowa. Jehovha, Mubereki akanaka kwazvo, anoda kutidzidzisa nzira yokufamba nayo. Anofarawo kutiperekedza sezvatinoramba tichifambira mberi. Sezvinoratidzwa norugwaro rwedu runotungamirira, tinogona kufamba naMwari! (Mika 6:8) Asi zvinorevei kufamba naMwari? Nei tichifanira kufamba naye? Izvozvo zvinokwanisika sei? Zvikomborero zvipi zvinobva pakufamba naMwari? Ngatimbokurukura mumwe nomumwe wemibvunzo iyi mina.

Zvinorevei Kufamba naMwari?

3, 4. (a) Chii chinoshamisa nezvomufananidzo wakajeka wokufamba naMwari? (b) Zvinorevei kufamba naMwari?

3 Chokwadi, munhu wenyama haagoni kufamba naJehovha zvinooneka, zvaari munhu womudzimu. (Eksodho 33:20; Johani 4:24) Saka Bhaibheri parinotaura nezvevanhu vanofamba naMwari, rinenge richishandisa mutauro wokufananidzira. Rinenge richitaura mufananidzo wakajeka, unoshanda kumarudzi ose netsika dzose uye unoshandawo panguva chero ipi zvayo. Chokwadi, ndokupi kana kuti panguva ipi apo vanhu vangatadza kunzwisisa pfungwa yomunhu anofamba nomumwe munhu? Mufananidzo wakajeka uyu unobudisa pfungwa youshamwari uye yokuva pedyo, handizvo here? Manzwiro akadaro anotibatsira kunzwisisa zvazvinoreva kufamba naMwari. Zvisinei, ngatitaurei zvazvinoreva chaizvo.

4 Yeuka varume vakatendeka Inoki naNoa. Nei vachirondedzerwa sevaifamba naMwari? (Genesisi 5:24; 6:9) MuBhaibheri, shoko rokuti “kufamba” rinowanzoreva kutevera mamwe maitiro. Inoki naNoa vakasarudza mararamiro aienderana nezvaidiwa naJehovha Mwari. Kusiyana nevaya vaiva munyika yavaigara, vakatarira kuna Jehovha kuti avatungamirire uye vakateerera zvaaivarayira. Vaivimba naye. Izvi zvinoreva here kuti Jehovha aivasarudzira zvokuita? Kwete. Jehovha akapa vanhu rusununguko rwokusarudza, uye anoda kuti tishandise chipo ichocho pamwe chete “nesimba [redu] rokufunga.” (VaRoma 12:1) Zvisinei, patinoita zvisarudzo, nokuzvininipisa tinobvumira simba redu rokufunga kuti ritungamirirwe nepfungwa dzaJehovha dzakakura zvikuru. (Zvirevo 3:5, 6; Isaya 55:8, 9) Kutaura zvazviri, sezvatinofamba muupenyu, tinofamba rwendo irworwo tiri pedyo naJehovha.

5. Nei Jesu akataura nezvokuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwomunhu?

5 Bhaibheri rinowanzofananidza upenyu norwendo kana kuti nokufamba. Dzimwe nguva, rinofananidza nenzira yakananga, asi dzimwe nguva mashoko acho anenge asina kunanga asi aine zvaanoreva. Somuenzaniso, Jesu akati: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” (Mateu 6:27) Mamwe mashoko iwayo angakushamisa. Nei Jesu aizotaura nezvokuwedzera “kubhiti rimwe chete,” kunova kuyerwa kunoitwa daro, “paurefu hwoupenyu” hwomunhu, uhwo hunoyerwa nenguva? * Zviri pachena kuti Jesu akanga ari kufananidza upenyu norwendo. Kutaura zvazviri, akadzidzisa kuti kuzvidya mwoyo hakuzokubatsiri kuwedzera kunyange kanhanho kadiki murwendo rwako rwoupenyu. Saka, tinofanira here kugumisa kuti hapana chatinogona kuita nezvokuti ticharamba tichifamba naMwari kwenguva yakareba sei? Kwete! Izvozvo zvinotisvitsa pamubvunzo wedu wechipiri wokuti, Nei tichifanira kufamba naMwari?

Nei Tichifanira Kufamba naMwari?

6, 7. Vanhu vasina kukwana vanoda chii, uye nei tichifanira kuenda kuna Jehovha kuti atipe zvatinoda izvozvo?

6 Chimwe chikonzero chinoita kuti tide kufamba naJehovha Mwari chinotsanangurwa pana Jeremiya 10:23, panoti: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” Saka isu vanhu hatikwanisi uye hatina kodzero yokudzora mararamiro edu. Tinotofanira kutungamirirwa. Vaya vanoomerera pakufamba nenzira yavo, vasingatungamirirwi naMwari, vanoita chikanganiso chakafanana nechakaitwa naAdhamu naEvha. Vaviri vokutanga ava vakafungidzira kuti vaiva nekodzero yokuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Genesisi 3:1-6) Kodzero iyoyo ‘haizi’ yedu.

7 Haufungi here kuti tinofanira kutungamirirwa murwendo rwoupenyu? Zuva nezuva tinotarisana nezvisarudzo zviduku nezvikuru. Zvimwe zvisarudzo izvi zvakaoma uye zvinogona kukanganisa ramangwana redu—pamwe chete nerevadiwa vedu. Zvisinei, chimbofunga kuti mumwe munhu mukuru zvikuru uye akachenjera kutipfuura anofara kutitungamirira norudo kuti tiite zvisarudzo izvozvo! Zvinosuwisa kuti vanhu vakawanda mazuva ano vanosarudza kuvimba nezvisarudzo zvavo uye vanotungamirira nhanho dzavo. Havateereri chokwadi chiri pana Zvirevo 28:26, chinoti: “Munhu anovimba nomwoyo wake ibenzi, asi uya anofamba akachenjera ndiye achapukunyuka.” Jehovha anoda kuti tipukunyuke njodzi dzinokonzerwa nokuvimba nomwoyo womunhu unonyengera. (Jeremiya 17:9) Anoda kuti tifambe nouchenjeri, kuti tivimbe naye soMutungamiriri wedu akachenjera uye Murayiridzi wedu. Kana tikadaro, rwendo rwedu muupenyu ruchava rwakachengeteka, ruchigutsa.

8. Chivi nokusakwana zvinoendesa vanhu kupi, asi Jehovha anoda kuti tiite sei?

8 Chimwe chikonzero nei tichifanira kufamba naMwari chinosanganisira kureba kworwendo rwatinoda kufamba. Bhaibheri rinotaura chimwe chokwadi chisina kujeka. Mupfungwa yakati, vanhu vose vasina kukwana vari kufamba vachienda kunzvimbo imwe chete. Ichirondedzera miedzo inokonzerwa nokukwegura, Muparidzi 12:5 inoti: “Munhu ari kufamba achienda kuimba yake inogara kwenguva refu uye vanoungudza vafora vachitenderera vari mumugwagwa.” Imba “inogara kwenguva refu” iyi chii? Iguva, nzvimbo yatinoendeswa nechivi nokusakwana. (VaRoma 6:23) Zvisinei, Jehovha anoda kuti tifambe rwendo rurefu pane kungofamba rwendo rupfupi, ruzere matambudziko kubva panguva yatinoberekwa kusvikira tafa. (Jobho 14:1) Kana tikafamba naMwari bedzi ndipo patingatarisira kufamba kwenguva yaaida kuti tifambe—nokusingaperi. Handizvo zvaunoda here? Saka, zviri pachena kuti unofanira kufamba naBaba vako.

Tingafamba sei naMwari?

9. Nei dzimwe nguva Jehovha akavanda vanhu vake, asi ivimbiso yei yaakapa maererano naIsaya 30:20?

9 Tinofanira kunyatsofungisisa mubvunzo wechitatu pane zvatiri kukurukura. Mubvunzo wacho ndowokuti, Tingafamba sei naMwari? Mhinduro yacho tinoiwana pana Isaya 30:20, 21, inoti: “Murayiridzi wenyu Mukuru haachazozvivanzizve, maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru. Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo,’ kana muchida kutsaukira kurudyi kana kuti muchida kutsaukira kuruboshwe.” Muchikamu ichi chinokurudzira, mashoko aJehovha akanyorwa Isa 30 mundima 20 angadaro akayeuchidza vanhu vake kuti pavakamupandukira, zvechokwadi, akanga akavavanda. (Isaya 1:15; 59:2) Zvisinei, pano Jehovha anonzi haana kuvanda, asi akamira pachena pamberi pevanhu vake vakatendeka. Tingafunga nezvomurayiridzi akamira pamberi pevaanodzidzisa, achivaratidza zvaanoda kuti vadzidze.

10. Unganzwa “shoko shure” kwako rinobva kuMurayiridzi Mukuru mupfungwa ipi?

10 Isa 30 Mundima 21, mune mufananidzo wakajeka wakasiyana. Jehovha anorondedzerwa seari kufamba shure kwevanhu vake, achivaratidza nzira yakarurama yokuti vafambe nayo. Nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti mashoko aya angadaro akatorerwa panzira iyo mufudzi anombotevera nayo makwai ake pane dzimwe nguva, achishevedzera kuti aatungamirire uye kuti asarasika. Mufananidzo wakajeka uyu unoshanda sei kwatiri? Patinotsvaka kutungamirirwa neShoko raMwari, tinenge tichiverenga mashoko akanyorwa zviuru zvemakore zvakapfuura. Zvinoita sokuti ari kubva shure kwedu, zvaakanyorwa kare kare. Asi, anongokosha nhasi sezvaaiita musi waakanyorwa. Zano reBhaibheri rinogona kutitungamirira muzvisarudzo zvatinoita zuva nezuva, uye rinogona kutibatsira kuronga mararamiro edu mumakore ari kuuya. (Pisarema 119:105) Kana tikatsvaka zano rakadaro nomwoyo wose torishandisa, Jehovha achava Mutungamiriri wedu. Tinenge tichifamba naMwari.

11. Maererano naJeremiya 6:16, Jehovha akataura mufananidzo wakajeka wei unofadza nokuda kwevanhu vake, asi ivo vakaita sei?

11 Zvechokwadi tiri kubvumira Shoko raMwari kuti rinyatsotitungamirira here? Zvinokosha kumbomira tozviongorora nomwoyo wose. Ona ndima ingatibatsira kuita izvozvo: “Zvanzi naJehovha: ‘Mirai munzira, muone, mubvunze nezvemigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka; mufambe mairi, uye muwanire mweya yenyu zororo.’” (Jeremiya 6:16) Mashoko aya angatiyeuchidza nezvomufambi anombomira pamharadzano dzenzira kuti abvunze nzira. Mupfungwa yezvokunamata, vanhu vaJehovha vakapanduka muna Israeri vaifanira kuita zvakafanana. Vaifanira kutsvaka nzira yokudzokera mu“migwagwa yekare.” “Nzira yakanaka” iyoyo yaiva nzira yakanga yafambwa nemadzitateguru avo akatendeka, nzira iyo rudzi rwacho rwakanga rwatsauka pairi noupenzi. Zvinosuruvarisa kuti Israeri haana kuteerera chiyeuchidzo chorudo ichi chaibva kuna Jehovha. Ndima iyoyo inoenderera ichiti: “Asi ivo vakaramba vachiti: ‘Hatisi kuzofamba.’” Zvisinei, mazuva ano vanhu vaMwari vakateerera zano iroro.

12, 13. (a) Vateveri vaKristu vakazodzwa vakateerera sei zano raJeremiya 6:16? (b) Tingazviongorora sei nezvenzira yatiri kufamba nayo nhasi?

12 Kubvira nechokunopera kwezana remakore rechi19, vateveri vaKristu vakazodzwa vakashandisa zano raJeremiya 6:16. Seboka, vakatungamirira nomwoyo wose pakudzokera ku“migwagwa yekare.” Kusiyana nechiKristudhomu chakaramba kutenda, vakaomerera nenzira yokutendeka ku“mashoko anopa utano” akataurwa naJesu Kristu uye akatsigirwa nevateveri vake vakatendeka kare muzana remakore rokutanga C.E. (2 Timoti 1:13) Nanhasi, vakazodzwa vanobatsirana pamwe chete neshamwari dzavo “mamwe makwai” kuti vave nemararamiro akanaka, anofadza akasiyiwa nechiKristudhomu.—Johani 10:16.

13 Nokugovera zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera, boka romuranda akatendeka rakabatsira mamiriyoni kuti awane “migwagwa yekare” uye kuti afambe naMwari. (Mateu 24:45-47) Uri mumwe wemamiriyoni iwayo here? Kana zvakadaro, ungaitei kuti usakukurwa, kuti utevere nzira yako? Nguva nenguva kuchenjera kumbomira woongorora nzira yauri kufamba nayo muupenyu. Kana ukaverenga Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri nokutendeka uye ukava papurogiramu dzokurayiridza dzinorongwa nevakazodzwa mazuva ano, unenge uchirovedzwa kufamba naMwari. Uye kana ukashandisa nokuzvininipisa zano raunopiwa, zvechokwadi unenge uchifamba naMwari, uchitevera “migwagwa yekare.”

Famba Sokuti Uno“ona Uyo Asingaoneki”

14. Kana Jehovha ari munhu chaiye kwatiri, izvozvo zvicharatidzwa sei muzvisarudzo zvatinoita?

14 Kuti tifambe naJehovha, anofanira kuva munhu chaiye kwatiri. Yeuka kuti Jehovha akavimbisa vakatendeka vaiva muIsraeri yekare kuti akanga asina kuvavanda. Mazuva ano, anozviratidza saizvozvowo kuvanhu vake soMurayiridzi Mukuru. Jehovha munhu chaiye kwauri here, sezvinonzi akamira pamberi pako achikurayiridza? Ndiko kutenda kwatinofanira kuva nako kana tichida kufamba naMwari. Mosesi aiva nokutenda kwakadaro, “nokuti akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Kana Jehovha ari munhu chaiye kwatiri, tinofanira kufunga nezvemanzwiro aanoita patinenge tichiita zvisarudzo. Somuenzaniso, hatingatombofungi kuita zvakaipa tobva taedza kuvanzira vakuru vechiKristu kana kuti nhengo dzemhuri dzedu zvivi zvedu. Pane kudaro, tinoedza kufamba naMwari kunyange kana pasina munhu ari kutiona. Kufanana naMambo Dhavhidhi wekare, tinotsunga kuti: “Ndichafamba-famba mumba mangu nomwoyo wakarurama.”—Pisarema 101:2.

15. Kuwadzana nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu kuchatibatsira sei kuona Jehovha somunhu chaiye?

15 Jehovha anonzwisisa kuti tiri zvisikwa zvisina kukwana, zvenyama uye kuti dzimwe nguva tinoona zvakaoma kutenda zvinhu zvatisingagoni kuona. (Pisarema 103:14) Anoita zvakawanda kuti atibatsire kukurira pfungwa iyoyo. Somuenzaniso, akaunganidza “vanhu vezita rake” mumarudzi ose enyika. (Mabasa 15:14) Sezvatinoshumira pamwe chete takabatana, tinosimbisana. Kunzwa kuti Jehovha akabatsira sei hama kana kuti hanzvadzi kukurira kumwe kukanganisa kana kuti kukurira mumwe muedzo wakaoma kunoita kuti Mwari wedu ave munhu chaiye kwatiri.—1 Petro 5:9.

16. Kudzidza nezvaJesu kuchatibatsira sei kufamba naMwari?

16 Kupfuura zvose, Jehovha akatipa muenzaniso woMwanakomana wake. Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Kudzidza nezvemararamiro aJesu paaiva pasi pano ndeimwe yenzira dzakaisvonaka dzokuita kuti Jehovha ave munhu chaiye kwatiri. Zvose zvakataurwa naJesu kana kuti zvaakaita zvairatidza zvakakwana unhu hwaBaba vake vokudenga nenzira dzavo. (Johani 14:9) Patinoita zvisarudzo, tinofanira kunyatsofunga nezvokuti Jesu aizoita sei panyaya yacho. Zvisarudzo zvedu pazvinoratidza kuti tanyatsofunga uye kuti tanyengetera nezvazvo, tinenge tiri kutevera tsoka dzaKristu. (1 Petro 2:21) Somugumisiro, tiri kufamba naMwari.

Tinowana Zvikomborero Zvipi?

17. Kana tichifamba munzira yaJehovha, tichawanira mweya yedu “zororo” rorudzii?

17 Kufamba naJehovha Mwari kurarama upenyu hwakakomborerwa. Yeuka zvakavimbisa Jehovha vanhu vake nezvokutsvaka “nzira yakanaka.” Akati: “Mufambe mairi, uye muwanire mweya yenyu zororo.” (Jeremiya 6:16) “Zororo” iroro rinorevei? Kuti tinofanira kutarisira upenyu hwakazara nemafaro uye hwomutambarakede here? Aiwa. Jehovha anotipa chimwe chinhu chiri nani, chisingawanzowaniki nevanhu vaya vanonzi shoroma. Kuwana zororo romweya wako kuwana rugare rwomumwoyo, mufaro, kugutsikana, uye kugutsikana mune zvokunamata. Zororo rakadaro rinoreva kuti unogona kuva nechivimbo chokuti wasarudza nzira yakanakisisa muupenyu. Rugare rwomumwoyo rwakadaro chikomborero chisingawanzowaniki munyika ino ine matambudziko!

18. Jehovha anoda kukupa chikomborero chei, uye wakatsunga kuitei?

18 Chokwadi, upenyu pachahwo chikomborero chakakura. Kunyange kurarama kwenguva pfupi kuri nani pane kusatomborarama zvachose. Zvisinei, Jehovha haana kumbobvira ada kuti upenyu hwako huve rwendo rupfupi runotangira pasimba roupwere kusvikira pamarwadzo okukwegura. Aiwa, Jehovha anoda kuti uve nechikomborero chakakura kupfuura zvose. Anoda kuti ufambe naye nokusingaperi! Izvi zvinotaurwa zvakanaka pana Mika 4:5 kuti: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” Unoda kuwana chikomborero ichocho here? Unoda kurarama hunonzi naJehovha “upenyu chaihwo” here? (1 Timoti 6:19) Saka, nepaunogona napo, tsunga kufamba naJehovha nhasi, mangwana, uye zuva nezuva kusvikira nokusingagumi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakachinja shoko rokuti “kubhiti” riri mundima ino kuti rireve kuyerwa kunoitwa nguva, kuva “nguva imwe” (The Emphatic Diaglott) kana kuti “miniti imwe” (A Translation in the Language of the People, yaCharles B. Williams). Zvisinei, shoko rinoshandiswa mumagwaro epakutanga rinotoreva kubhiti, iro raiva rakareba masendimita anenge 45.

Ungapindura Sei?

• Zvinorevei kufamba naMwari?

• Nei uchinzwa uchida kufamba naMwari?

• Chii chichakubatsira kufamba naMwari?

• Zvikomborero zvipi zvinouya kune vaya vanofamba naMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

MuBhaibheri, tinonzwa inzwi raJehovha shure kwedu richiti, “Iyi ndiyo nzira”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pamisangano, tinowana zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera