Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba naMwari, Ukohwe Zvakanaka

Famba naMwari, Ukohwe Zvakanaka

Famba naMwari, Ukohwe Zvakanaka

“Vanoramba vachidyara mhepo, uye vachakohwa dutu.”—HOSIYA 8:7.

1. Tingafamba sei naJehovha?

UNGASUNUNGUKA kufamba munzvimbo ine ngozi kana uchitungamirirwa nomunhu anonyatsoziva nzvimbo yacho. Kufamba nomunhu akadaro kungava kuchenjera pane kungofamba woga. Mune dzimwe nzira, izvi zvinoratidza mamiriro ezvinhu atiri. Nenzira yokufananidzira, Jehovha anoti anoda kutitungamirira murenje rakakura renyika ino yakaipa. Kuchenjera kufamba naye pane kuedza kutungamirira nhano dzedu. Tingafamba sei naMwari? Kana tikatevera zvaanotaura muShoko rake.

2. Chii chichakurukurwa munyaya ino?

2 Munyaya yakapfuura takataura nezvomutambo wokufananidzira uri muzvitsauko 1 kusvikira ku5 zvaHosiya. Sezvatakaona, mutambo iwoyo une zvidzidzo zvinogona kutibatsira kufamba naMwari. Iye zvino ngatikurukurei dzimwe pfungwa huru dziri muzvitsauko 6 kusvikira ku9. Zvingabatsira kana tikambotanga taongorora zvitsauko zvina izvi muchidimbu.

Nyaya Yacho Muchidimbu

3. Rondedzera muchidimbu zviri muzvitsauko 6 kusvikira ku9 zvaHosiya.

3 Jehovha akatuma Hosiya kuti anyanye kuprofita nezvoumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Rudzi irworwo, runozivikanwawo saEfremu nokuti ndiro dzinza rakakura, rwakanga rwatsauka pana Mwari. Zvitsauko 6 kusvikira ku9 zvaHosiya zvinoratidza kuti vanhu havana kuvimbika nokuti vakadarika sungano yaJehovha uye vakaita zvakaipa. (Hosiya 6:7) Vakavimba nemibatanidzwa yenyika pane kudzokera kuna Jehovha. Nokuti vakaramba vachidyara zvakaipa, vaizokohwawo zvakaipa. Nemamwe mashoko, vaizotongwa zvakasimba. Asi uprofita hwaHosiya hunewo shoko rinofadza. Vanhu vakavimbiswa kuti vaigona kudzoka kuna Jehovha uye vaizonzwirwa ngoni kudai vaizoratidza kuti vapfidza zvechokwadi.

4. Zvidzidzo zvipi zvinobatsira zviri muuprofita hwaHosiya zvatichakurukura?

4 Kubva muzvitsauko zvina izvi zvouprofita hwaHosiya, tinogona kuwana zvimwe zvichatibatsira kufamba naMwari. Ngatikurukurei zvidzidzo zvina zvinobatsira: (1) Kupfidza kwechokwadi kunoratidzwa nezviito, kwete nemashoko chete; (2) zvibayiro zvoga hazvifadzi Mwari; (3) Jehovha anorwadziwa vanamati vake pavanotsauka kwaari; uye (4) kuti tikohwe zvakanaka, tinofanira kudyara zvakanaka.

Kuratidzwa Kunoitwa Kupfidza Kwechokwadi

5. Taura chinonyanya kukosha pane zvinotaurwa pana Hosiya 6:1-3.

5 Uprofita hwaHosiya hunotidzidzisa zvakawanda nezvokupfidza nengoni. Pana Hosiya 6:1-3, tinoverenga kuti: “Uyai tidzokere kuna Jehovha, nokuti iye akabvambura-bvambura asi achatiporesa. Akaramba achirova, asi achatisunga nemachira. Achaita kuti tive vapenyu pashure pemazuva maviri. Pazuva rechitatu achatimutsa, uye tichararama pamberi pake. Tichaziva, tichatsvaka kuziva Jehovha. Kubuda kwake kwakasimbiswa kwazvo kufanana nemambakwedza. Achauya kwatiri sezvinoita mvura inonaya; semvura yokupedzisira inonyorovesa nyika.”

6-8. Kupfidza kwevaIsraeri kwakanga kwakaipei?

6 Ndiani akataura mashoko akanyorwa mundima idzi? Vamwe vanoti mashoko aya akataurwa nevaIsraeri vasina kutendeka uye vanoti vanhu vasingateereri ndivo vainyepera kupfidza vachiti nokuti Mwari ane ngoni. Zvisinei, vamwe vanoti muprofita Hosiya ndiye aitaura, achiteterera vanhu kuti vadzoke kuna Jehovha. Pasinei nokuti ndiani akataura mashoko aya, mubvunzo unokosha ndewokuti, Vanhuwo zvavo voumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi vakadzoka kuna Jehovha here, vachiratidza kuti vakanga vapfidza zvechokwadi? Mhinduro ndeyokuti aiwa. Achishandisa Hosiya, Jehovha anoti: “Haiwa iwe Efremu, ndichaitei kwauri? Haiwa iwe Judha, ndichaitei kwauri, mutsa wenyu worudo paunenge wakaita semakore emangwanani uye sedova rinokurumidza kuenda?” (Hosiya 6:4) Chokwadi uhwu hwaiva uchapupu hwokuti mamiriro ezvinhu ezvokunamata evanhu vaMwari akanga aipa zvikuru! Mutsa worudo kana kuti rudo rwokuvimbika, wakanga wava kuita sowanyangarika—sezvinoita mhute yemangwanani inokurumidza kunyangarika panobuda zuva. Kunyange zvaiita sokuti vanhu vainyepera kupfidza, pakanga pasina chikonzero chokuti Jehovha avanzwire ngoni. Chii chainetsa?

7 Kupfidza kwaIsraeri kwakanga kusingabvi pamwoyo zvechokwadi. Hosiya 7:14 inoti nezvokusafara kwaiita Jehovha nevanhu vake: “Havana kushevedzera kwandiri nemwoyo yavo kuti vabatsirwe, kunyange zvazvo vakaramba vachiungudza vari pamibhedha yavo.” Ho 7 Ndima 16 inowedzera kuti: “Ivo vakadzoka, asi kwete kukunamata kwakakwirira”—kureva kuti, “kwete kuzonamata nenzira iri nani.” Vanhu vakanga vasingadi kutangazve kunamata Jehovha nenzira yakakwirira uye kugadzirisa zvaidiwa kuti vave noukama hwavaimbova nahwo naye. Chokwadi, vakanga vasingadi kunyatsofamba naMwari.

8 Paiva nechimwe chinetso pakupfidza kwevaIsraeri. Vanhu vakanga vari kuramba vachiita zvivi—kutaura zvazviri, vakanga vava kutoita zvivi zvakasiyana-siyana, zvaisanganisira chitsotsi, kuponda, kuba, kunamata zvidhori, uye kubatana nemamwe marudzi nenzira isiri yokuchenjera. Pana Hosiya 7:4, vanhu vanoenzaniswa ne“vira” kana kuti ovheni yomubiki, uye izvi imhaka yokuti mumwoyo yavo vaida chaizvo kuita zvakaipa. Tichifunga nezvemamiriro ezvinhu okunamata akaipa zvakadaro, vanhu vacho vaifanira kunzwirwa ngoni here? Kwete! Hosiya anoudza vanhu vakapanduka kuti Jehovha “achayeuka kukanganisa kwavo” uye “achafunga nezvezvivi zvavo.” (Hosiya 9:9) Vaisazonzwirwa ngoni!

9. Mashoko aHosiya anotidzidzisei nezvokupfidza nengoni?

9 Sezvatinoverenga mashoko aHosiya, tinodzidzei nezvokupfidza uye ngoni? Muenzaniso unonyevera wevaIsraeri vasina kutendeka unotidzidzisa kuti kana tichida kubatsirwa nengoni dzaJehovha, tinofanira kupfidza nomwoyo wose. Kupfidza kwakadaro kunoratidzwa sei? Jehovha haanyengedzwi nemisodzi kana mashokowo zvawo. Kupfidza kwechokwadi kunobudiswa pachena nezviito. Kuti anzwirwe ngoni, muiti wezvakaipa anofanira kusiya zvachose nzira yake yakaipa oita kuti upenyu hwake huenderane nezvinodiwa naJehovha zvine chokuita nokunamata kwakakwirira.

Zvibayiro Zvoga Hazvifadzi Jehovha

10, 11. Sezvinoratidzwa nezvakaitwa nevaIsraeri, nei zvibayiro zvoga zvisingafadzi Jehovha?

10 Iye zvino ngatikurukurei chidzidzo chechipiri chingatibatsira kufamba naJehovha. Ndeichi: Zvibayiro zvoga hazvifadzi Mwari. Hosiya 6:6 inoti: “Ini [Jehovha] ndinofarira mutsa worudo, kwete chibayiro; uye ndinofarira kuziva Mwari kupfuura zvinopiwa zvakakwana zvinopiswa.” Ona kuti Jehovha anofarira mutsa worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika—unhu huri mumwoyo—uye anofarira kuti timuzive. Asi ungave uri kushamisika kuti: ‘Nei ndima ino ichiti Jehovha haafariri “chibayiro” uye “zvinopiwa zvakakwana zvinopiswa”? Zvinhu izvozvo zvakanga zvisingadiwi noMutemo waMosesi here?

11 Zvibayiro nezvinopiwa zvaidiwa muMutemo, asi vanhu vairarama panguva imwe naHosiya vaiva nedambudziko rakakura. Zviri pachena kuti paiva nevaIsraeri vaipa zvibayiro zvakadaro vachishamisira vachiita sokuti vaizvipira asi vachingoita nokuti ndizvo zvavaifanira kuita. Panguva imwe chete, vaiita zvivi. Kutadza kwavaiita kwairatidza kuti mumwoyo yavo vakanga vasina rudo rwokuvimbika. Vakaratidzawo kuti vakanga varamba kuziva Mwari, nokuti vakanga vasiri kurarama maererano nokuziva Mwari. Kana vanhu vakanga vasina mwoyo yakarurama uye vakanga vasiri kutevera mararamiro akanaka, zvibayiro zvavo zvaibatsirei? Zvibayiro zvavo zvaitsamwisa Jehovha Mwari.

12. Hosiya 6:6 inonyeverei vanhu vari kurarama nhasi?

12 Mashoko aHosiya anonyevera vakawanda vanoenda kuchechi mazuva ano. Vanopa Mwari zvinopiwa nokuita tsika dzechitendero. Asi kunamata kwavo hakumbochinji mufambiro wavo wezuva nezuva. Vanhu vakadaro vari kunyatsofadza Mwari kana mwoyo yavo isingavakurudziri kuti vave nezivo yake yakarurama uye vashandise zivo iyoyo nokusiya miitiro yakaipa here? Usambofunga kuti mabasa echitendero chete ndiwo anofadza Mwari. Jehovha haafariri vanhu vanoedza kufarirwa naye nokungoita zvokunamata asi vasingararami zvinoenderana neShoko rake.—2 Timoti 3:5.

13. Tinopa zvibayiro zvorudzii, asi tinofanira kuyeukei nezvokukosha kwazvo?

13 SevaKristu vechokwadi, tinoziva kuti zvibayiro chete hazvifadzi Mwari. Chokwadi hatipi Jehovha zvibayiro zvemhuka. Kunyange zvakadaro, tino“pa Mwari chibayiro chokurumbidza nokwaari, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Zvinokosha kuti tisaita sevaIsraeri vomuzuva raHosiya vaitadza, tichifunga kuti tinogona kuvhara kukanganisa kwatinenge taita nokupa Mwari zvibayiro zvakadaro zvokunamata. Funga nezvomuenzaniso weimwe pwere yaiita unzenza pachivande. Yakazobvuma kuti: “Ndakawedzera basa rangu romumunda, ndichifunga kuti izvi zvaizovhara chivi chacho.” Izvozvo zvakafanana nezvakaedza kuitwa nevaIsraeri vakanga vatsauka. Zvisinei, zvibayiro zvedu zvokurumbidza zvinogamuchirwa naJehovha bedzi kana zvichikurudzirwa nomwoyo wakarurama uye nomufambiro unodiwa naMwari.

Jehovha Anorwadziwa Vanamati Vake Pavanomusiya

14. Uprofita hwaHosiya hunoratidzei nezvemanzwiro anoita Mwari?

14 Chidzidzo chechitatu chiri muzvitsauko 6 kusvikira ku9 zvaHosiya chine chokuita nokuti Jehovha anonzwa sei vanamati vake pavanotsauka kwaari. Mwari anogona kuita zvose, kuomesa kana kunzwira tsitsi. Anofarira uye anonzwira tsitsi vaya vanopfidza zvivi zvavo. Zvisinei, kana vanhu vake vakasapfidza, anovaranga zvakakomba. Nokuti Mwari anonyatsofarira zvatinoita, anofara patinofamba naye takatendeka. “Jehovha anofarira vanhu vake,” inodaro Pisarema 149:4. Asi Mwari anonzwa sei kana vashumiri vake vakava vasina kutendeka?

15. Maererano naHosiya 6:7, vamwe vaIsraeri vakanga vari kuita sei?

15 Achitaura nezvevaIsraeri vasina kutendeka, Jehovha anoti: “Ivo vakadarika sungano yangu, sezvakaita munhu wepanyika. Ndipo pavakandinyengera.” (Hosiya 6:7) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘vakandinyengera’ rinorevawo “kuva asina kutendeka.” Pana Maraki 2:10-16, shoko rechiHebheru iroro rinoshandiswa kutsanangura mufambiro usina kuvimbika wevaIsraeri vaya vakanga vasina kutendeka kune vavakanga vakaroorana navo. Nezvokushandiswa kweshoko iri pana Hosiya 6:7, rimwe bhuku rinoti “idimikira rine chokuita nevanhu vakaroorana rinobudisa unhu hwomunhu wacho chaihwo muukama hwacho . . . Mamiriro acho ezvinhu ndeokuti rudo runenge rwavhiringidzwa.”

16, 17. (a) Israeri akaita sei zvine chokuita nokuremekedza sungano yaMwari norudzi irworwo? (b) Tinofanira kuyeukei nezvezvatinoita?

16 Jehovha aiona vaIsraeri somudzimai wake wokufananidzira nokuda kwesungano yaakaita norudzi rwacho. Saka vanhu vake pavakarega kuita zvavakanga vabvumirana musungano iyoyo, zvaiita sokuti vari kuita upombwe. Mwari akanga akaita somurume akatendeka, asi vanhu vake vakamusiya!

17 Zvakadini nesu? Mwari ane hanya nokuti tinofamba naye here kana kuti kwete. Zvingava zvakanaka kana tikayeuka kuti “Mwari rudo” uye kuti zvatinoita zvinomurwadzisa kana kumufadza. (1 Johani 4:16) Kana tikatevera nzira isina kunaka, tingarwadzisa Jehovha uye chokwadi tichaita kuti asafara. Kuyeuka izvi kunogona kutidzivirira zvakasimba pakukurirwa nemiedzo.

Tingakohwa Sei Zvakanaka?

18, 19. Tinowana pfungwa ipi pana Hosiya 8:7, uye pfungwa iyoyo yakashanda sei kuvaIsraeri?

18 Ngatikurukurei chidzidzo chechina chiri muuprofita hwaHosiya—kuti tingakohwa sei zvakanaka. NezvevaIsraeri uye upenzi nokusava nematuro kwokusatendeka kwavo, Hosiya anonyora kuti: “Vanoramba vachidyara mhepo, uye vachakohwa dutu.” (Hosiya 8:7) Pano tinowana pfungwa yatinofanira kuyeuka: Zvatinoita iye zvino zvine chokuita nezvichazoitika kwatiri mune ramangwana. Pfungwa iyi yakava yechokwadi sei pavaIsraeri vasina kutendeka?

19 Pavaiita chivi, vaIsraeri ivavo vaidyara zvakaipa. Vaizokwanisa here kuramba vachiita izvozvo vasingakohwi zvakaipa? Chokwadi vaisazopukunyuka kutongwa kwakaipa. Hosiya 8:13 inoti: “[Jehovha] achayeuka kukanganisa kwavo oita kuti vazvidavirire nokuda kwezvivi zvavo.” Uye pana Hosiya 9:17, panoti: “Mwari wangu achavaramba, nokuti havana kumuteerera, vachava vapoteri pakati pemamwe marudzi.” Jehovha aizoita kuti vaIsraeri vazvidavirire nokuda kwezvivi zvavo. Nokuti vakadyara zvakaipa, vaizokohwa zvakaipa. Mwari akavatonga muna 740 B.C.E., vaAsiriya pavakakunda umambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi vakaita kuti vaigara imomo vave nhapwa.

20. Zvakaitika kuvaIsraeri zvinotidzidzisei?

20 Zvakaitika kuvaIsraeri ivavo zvinotidzidzisa chokwadi chinokosha: Tinokohwa zvatinodyara. Shoko raMwari rinotinyevera kuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Kana tikadyara zvakaipa, tichakohwa zvakaipa. Somuenzaniso, vaya vanoita unzenza vachakohwa migumisiro inorwadza. Mutadzi asingapfidzi achawana mugumisiro usingafadzi.

21. Tingakohwa sei zvakanaka?

21 Saka, tingakohwa sei zvakanaka? Mubvunzo iwoyo unogona kupindurwa nomuenzaniso uri nyore. Kana murimi achida kukohwa gorosi, angadyara bhari here? Aiwa! Anofanira kudyara zvaanoda kukohwa. Saizvozvowo, kana tichida kukohwa zvakanaka, tinofanira kudyara zvakanaka. Unoda kuramba uchikohwa zvakanaka here—upenyu hunogutsa iye zvino uine tarisiro youpenyu husingaperi munyika itsva yaMwari? Kana zvakadaro, unofanira kuramba uchidyara zvakanaka nokufamba naMwari uye kurarama maererano nemitemo yake yakarurama.

22. Tadzidza zvidzidzo zvipi muzvitsauko 6 kusvikira ku9 zvaHosiya?

22 Kubva muzvitsauko 6 kusvikira ku9 zvaHosiya, tadzidza zvidzidzo zvina zvingatibatsira kufamba naMwari: (1) Kupfidza kwechokwadi kunoratidzwa nezviito; (2) zvibayiro zvoga hazvifadzi Mwari; (3) Jehovha anorwadziwa vashumiri vake pavanotsauka kwaari; uye (4) kuti tikohwe zvakanaka, tinofanira kudyara zvakanaka. Zvitsauko zvishanu zvokupedzisira zvebhuku iri reBhaibheri zvingatibatsira sei kufamba naMwari?

Ungapindura Sei?

• Kupfidza kwechokwadi kunoratidzwa sei?

• Nei zvibayiro zvoga zvisingafadzi Baba vedu vokudenga?

• Mwari anonzwa sei vanamati vake pavanomusiya?

• Tinofanira kudyarei kana tichida kuzokohwa zvakanaka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kufanana nemakore emangwanani, rudo rwokuvimbika rwevaIsraeri rwakanyangarika

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuda kuita zvakaipa kwevaIsraeri kwaipisa sevira romoto

[Mufananidzo uri papeji 24]

Nei Jehovha akaramba zvibayiro zvevanhu vake?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kuti tikohwe zvakanaka, tinofanira kudyara zvakanaka