Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nzira dzaJehovha Dzakarurama”

“Nzira dzaJehovha Dzakarurama”

“Nzira dzaJehovha Dzakarurama”

“Nzira dzaJehovha dzakarurama, uye vakarurama ndivo vachafamba madziri.”—HOSIYA 14:9.

1, 2. Jehovha akaita kuti vaIsraeri vave nemavambo akaita sei, asi chii chakaitika kwavari?

JEHOVHA akaita kuti vaIsraeri vave nemavambo akarurama mumazuva omuprofita Mosesi. Zvisinei, pakazotanga zana remakore rechisere B.C.E., mamiriro avo ezvinhu akanga aipa chaizvo zvokuti Mwari akavawana vaine mhosva yokutadza kwakakomba. Izvi zvinobudiswa pachena muzvitsauko 10 kusvikira ku14 zvaHosiya.

2 Mwoyo yevaIsraeri yakanga yava nounyengeri. Vanhu voumambo hwemadzinza gumi iwayo vakanga va“rima zvakaipa” uye vakohwa zvisina kururama. (Hosiya 10:1, 13) “Israeri paaiva mukomana, ndakamuda,” anodaro Jehovha, “uye ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.” (Hosiya 11:1) Kunyange zvazvo Mwari akanga anunura vaIsraeri pakuva varanda muIjipiti, vakamubhadhara nokureva nhema uye unyengeri. (Hosiya 11:12) Naizvozvo Jehovha akavapa zano iri: “Unofanira kudzokera kuna Mwari wako, uchichengeta mutsa worudo nokururama.”—Hosiya 12:6.

3. Chii chaizoitika kuSamariya inopandukira, asi vaIsraeri vaigona sei kunzwirwa ngoni?

3 Samariya inopandukira namambo wayo vaizova nemagumo akaipa. (Hosiya 13:11, 16) Asi chitsauko chokupedzisira chouprofita hwaHosiya chinotanga nechikumbiro chokuti: “Haiwa iwe Israeri, dzoka kuna Jehovha Mwari wako.” Kudai vaIsraeri vaizopfidza vokumbira kukanganwirwa, Mwari aizovanzwira ngoni. Chokwadi, vaizofanira kubvuma kuti “nzira dzaJehovha dzakarurama” vofamba madziri.—Hosiya 14:1-6, 9.

4. Ipfungwa dzipi dziri muuprofita hwaHosiya dzatichakurukura?

4 Chikamu ichi chouprofita hwaHosiya chine zvinhu zvakawanda zvinogona kutibatsira kufamba naMwari. Tichakurukura izvi: (1) Jehovha anoda kuti timunamate tisinganyengeri, (2) Mwari anoratidza vanhu vake rudo rwokuvimbika, (3) tinofanira kuramba tiine tariro muna Jehovha, (4) nguva dzose nzira dzaJehovha dzakarurama, uye (5) vatadzi vanogona kudzokera kuna Jehovha.

Jehovha Anoda Kuti Timunamate Tisinganyengeri

5. Jehovha anotarisira kuti tiite basa rakaita sei?

5 Jehovha anotarisira kuti timuitire basa dzvene nenzira yakachena, isina unyengeri. Zvisinei, vaIsraeri vakanga vava “muzambiringa uri kuramba uchiipa” usingabereki. Vanhu vaigara muIsraeri vakanga ‘vaita kuti atari dziwande’ kuitira kuti vadzishandise pakunamata kwenhema. Vakaramba kutenda ava vakanga vatomisa shongwe—zvichida shongwe dzakanga dzagadzirirwa kuzoshandiswa pakunamata kusina kuchena. Jehovha aizoputsa atari idzi oparadza shongwe dzakadaro.—Hosiya 10:1, 2.

6. Kuti tifambe naMwari, unhu hupi hwatisingafaniri kuva nahwo?

6 Vashumiri vaJehovha havabvumirwi kunyengera. Asi chii chakaitika kuvaIsraeri? Chokwadi, ‘mwoyo yavo yakanga yava nounyengeri’! Kunyange zvazvo vakanga vamboita sungano naJehovha sevanhu vaiva vakazvitsaurira kwaari, akavawana vaine mhosva yokunyengera. Tingadzidzei pane izvi? Kana takazvitsaurira kuna Mwari, hatifaniri kuva vanyengeri. Zvirevo 3:32 inonyevera kuti: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.” Kuti tifambe naMwari, tinofanira kuratidza rudo “runobva mumwoyo wakachena nomuhana yakanaka nepakutenda kusina unyengeri.”—1 Timoti 1:5.

Mwari Anoratidza Vanhu Vake Rudo Rwokuvimbika

7, 8. (a) Tingawana rudo rwokuvimbika rwaMwari kana tikaitei? (b) Tinofanira kuitei kana taita chivi chakakomba?

7 Kana tikanamata Jehovha nenzira isina unyengeri uye yakarurama, achatiratidza mutsa worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika. VaIsraeri vakatsauka vakaudzwa kuti: “Dyarai mbeu mukururama; kohwai zvinoenderana nomutsa worudo. Rimai nyika inorimika, pakunenge kuchine nguva yokutsvaka Jehovha kusvikira auya, okupai murayiridzo mukururama.”—Hosiya 10:12.

8 Zvinhu zvaizova nani chaizvo kudai vaIsraeri vaizopfidza votsvaka Jehovha! Ipapo ‘aizovapa mirayiridzo mukururama.’ Kana takaita chivi chakakomba, ngatitsvakei Jehovha, tichinyengetera kwaari kuti atikanganwire uye tichikumbira rubatsiro rwezvokunamata kuvakuru vechiKristu. (Jakobho 5:13-16) Tinofanirawo kutsvaka kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, nokuti “anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.” (VaGaratiya 6:8) Kana ‘tikadyara nokuda kwomudzimu,’ Mwari acharamba achitiratidza rudo rwokuvimbika.

9, 10. Hosiya 11:1-4 inoshanda sei kuna Israeri?

9 Tinogona kuva nechivimbo chokuti nguva dzose Jehovha anobata vanhu vake norudo. Uchapupu hweizvi hunowanikwa pana Hosiya 11:1-4, patinoverenga kuti: “Israeri paaiva mukomana, ndakamuda, uye ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti. . . . Vakabayira zvibayiro kumifananidzo yaBhaari, uye vakakwidzira mifananidzo yakavezwa utsi hwezvibayiro. Ini ndakadzidzisa Efremu [vaIsraeri] kufamba, ndichivatakura mumaoko angu; asi havana kuziva kuti ndakanga ndavaporesa. Ndakaramba ndichivakweva netambo dzomunhu wepanyika, netambo dzorudo, zvokuti kwavari ndakava sevaya vanobvisa joko pashaya dzavo, uye norupfave ndakaunzira mumwe nomumwe zvokudya.”

10 Pano Israeri ari kuenzaniswa nomwana muduku. Jehovha norudo akadzidzisa vaIsraeri kufamba, achivatakura mumaoko ake. Uye akaramba achivakweva “netambo dzorudo.” Mufananidzo unobaya mwoyo chaizvo! Fungidzira kuti uri mubereki ari kubatsira mwana wake kuti atange kufamba. Unotambanudza maoko ako. Ungave uchishandisa tambo kuti mwana wako abate kuitira kuti asadonha. Saizvozvowo Jehovha anokuda semadiro anoita mubereki mwana wake. Anofara kukutungamirira “netambo dzorudo.”

11. Mwari akaita ‘somunhu ari kubvisa joko’ munzira ipi?

11 Paaibata nevaIsraeri, Jehovha ‘akava kwavari sevaya vanobvisa joko pashaya dzavo, uye norupfave akaunzira mumwe nomumwe zvokudya.’ Mwari akaita somunhu anobvisa joko pamhuka kuti ikwanise kudya yakasununguka. Vanhu vaIsraeri vakazongova pasi pejoko rinodzvinyirira revavengi vavo pavakavhuna joko ravo rokuzviisa pasi paJehovha. (Dheuteronomio 28:45, 48; Jeremiya 28:14) Ngatisambodzorwa nomuvengi wedu mukuru, Satani, torwadziwa nejoko rake rinodzvinyirira. Pane kudaro, ngatirambei tichifamba naMwari wedu ane rudo takavimbika.

Ramba Uine Tariro Muna Jehovha

12. Maererano naHosiya 12:6, chii chinodiwa kuti tirambe tichifamba naMwari?

12 Kuti tirambe tichifamba naMwari, tinofanira kuramba tiine tariro maari. VaIsraeri vakaudzwa kuti: “Zvino iwe, unofanira kudzokera kuna Mwari wako, uchichengeta mutsa worudo nokururama; utarisire kuna Mwari wako nguva dzose.” (Hosiya 12:6) Vanhu vaigara muIsraeri vaigona kupa uchapupu hwokuti vakanga vava kudzoka kuna Jehovha uye hwokuti vakanga vapfidza nokuratidza mutsa worudo, kururamisira, uye ‘kuramba vaine tariro muna Mwari.’ Pasinei nokuti tafamba naMwari kwenguva yakareba sei, tinofanira kutsunga kuratidza mutsa worudo, kururamisira, uye kuramba tiine tariro muna Mwari.—Pisarema 27:14.

13, 14. Pauro anoshandisa sei Hosiya 13:14, zvichitipa chikonzero chei chokuva netariro muna Jehovha?

13 Uprofita hwaHosiya hune chokuita nevaIsraeri hunotipa chikonzero chakanaka chokuva netariro muna Mwari. “Ndichavadzikinura pasimba reSheori,” anodaro Jehovha. “Ndichavanunura parufu. Haiwa iwe Rufu, kuruma kwako kuripi? Haiwa iwe Sheori, kuparadza kwako kuripi?” (Hosiya 13:14) Jehovha akanga asingazodziviriri vaIsraeri kuti vasafa panguva iyoyo, asi pakupedzisira aizomedza rufu nokusingaperi oita kuti rusakunda.

14 Achinyorera vaKristu vakazodzwa, Pauro akadzokorora mashoko omuprofita Hosiya uye akanyora kuti: “Ichi chinoora pachinopfeka kusaora uye ichi chinofa pachinopfeka kusafa, shoko rakanyorwa richabva raitika rinoti: ‘Rufu rwaparadzwa nokusingaperi.’ ‘Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?’ Kuruma kunobereka rufu chivi, asi simba rechivi Mutemo. Asi Mwari ngaaongwe, nokuti anoita kuti tikunde naShe wedu Jesu Kristu!” (1 VaKorinde 15:54-57) Jehovha akamutsa Jesu murufu, achipa vimbiso inonyaradza yokuti vanhu vanoyeukwa naMwari vachamutswa. (Johani 5:28, 29) Chikonzero chakanaka zvikuru chokuva netariro muna Jehovha! Asi kunze kwetariro yorumuko pane chimwe chinoita kuti tide kufamba naMwari.

Nguva Dzose Nzira dzaJehovha Dzakarurama

15, 16. Chii chakafanotaurwa nezveSamariya, uye uprofita hwacho hwakazadzikwa sei?

15 Chivimbo chedu chokuti “nzira dzaJehovha dzakarurama” chinotibatsira kuramba tichifamba naMwari. Vaigara muSamariya havana kufamba munzira dzaMwari dzakarurama. Somugumisiro, vaifanira kutambura nokuda kwezvivi zvavo nokushaya kutenda muna Jehovha. Zvakafanotaurwa kuti: “Samariya richava nemhosva, nokuti rinopandukira Mwari waro. Vachaurayiwa nebakatwa. Vana vavo vachaputsirwa pasi, uye vakadzi vavo vane pamuviri vachatumburwa.” (Hosiya 13:16) Zvinyorwa zvenhau dzakaitika zvinoratidza kuti vaAsiriya, avo vakakunda Samariya, vaikwanisa kuita utsinye hwakadaro hwakaipisisa.

16 Samariya raiva guta guru roumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Zvisinei, pano zita rokuti Samariya ringareva nharaunda yose youmambo ihwohwo. (1 Madzimambo 21:1) Mambo Sharimaneseri V wokuAsiriya akakomba guta reSamariya muna 742 B.C.E. Pakazoparadzwa Samariya muna 740 B.C.E., vanhu vakawanda vaigara mariri vaiva vakakurumbira vakatapwa vachiendeswa kuMesopotamiya neMedhiya. Hapana anonyatsoziva kuti Samariya rakatapwa naSharimaneseri V here kana kuti nomutsivi wake Sagoni II. (2 Madzimambo 17:1-6, 22, 23; 18:9-12) Kunyange zvakadaro, zvinyorwa zvaSagoni zvinotaura nezvevaIsraeri 27 290 vakadzingwa munyika yacho vakaendeswa kunzvimbo dziri kuYufratesi Yokumusoro uye kuMedhiya.

17. Pane kuzvidza mitemo yaMwari, tinofanira kuitei?

17 Vagari vomuSamariya vakatambura chaizvo nokuti vakakundikana kuita zvinoenderana nenzira dzaJehovha dzakarurama. SevaKristu vakazvitsaurira, isuwo tingatambura kana tikaramba tichiita chivi, tichizvidza mitemo yaMwari yakarurama. Ngatisamboita zvakaipa kudaro! Asi mumwe nomumwe wedu ngaashandise zano romuapostora Petro rokuti: “Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti imhondi kana mbavha kana munhu anoita zvakaipa kana munhu anopindira munyaya dzevamwe vanhu. Asi kana iye achitambura nokuti muKristu, ngaarege kunyara, asi ngaarambe achikudza Mwari nezita iri.”—1 Petro 4:15, 16.

18. ‘Tingaramba tichikudza Mwari sei’?

18 Isu ‘tinoramba tichikudza Mwari’ nokufamba munzira dzake dzakarurama pane kuita zvatinoda. Kaini akaponda nokuti akaita zvaaida uye akatadza kuteerera nyevero yaJehovha yokuti chivi chakanga chava kuzomubata. (Genesisi 4:1-8) Bharami akabvuma kubhadharwa namambo weMoabhi uye akaedza kutuka Israeri asi haana kubudirira. (Numeri 24:10) Uye Mwari akauraya muRevhi ainzi Kora nevamwe nokuti vakapandukira chiremera chaiva naMosesi naAroni. (Numeri 16:1-3, 31-33) Zvechokwadi hatidi kuenda mu“nzira yaKaini” yokuponda, kumhanyira “mugwara rokutadza raBharami,” kana kuti kuparara “mukutaura kwokupandukira kwaKora.” (Judha 11) Zvisinei, kana tikakanganisa, uprofita hwaHosiya hunotinyaradza.

Vatadzi Vanogona Kudzokera Kuna Jehovha

19, 20. VaIsraeri vainge vapfidza vaikwanisa kupa zvibayiro zvei?

19 Kunyange vaya vakaita chivi chakakomba vanogona kudzokera kuna Jehovha. Pana Hosiya 14:1, 2, tinowana chikumbiro ichi: “Haiwa iwe Israeri, dzoka kuna Jehovha Mwari wako, nokuti wakagumburwa mukukanganisa kwako. Endai nemashoko mudzokere kuna Jehovha. Imi mose itii kwaari, ‘Regererai kukanganisa; uye gamuchirai zvakanaka, uye tichapa nzombe duku dzemiromo yedu.’”

20 VaIsraeri vainge vapfidza vaikwanisa kupa Mwari ‘nzombe duku dzemiromo yavo.’ Izvi zvaiva zvibayiro zvokurumbidza kwomwoyo wose. Pauro akataura nezvouprofita uhwu paakakurudzira vaKristu kuti vape ‘Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.’ (VaHebheru 13:15) Kufamba naMwari uye kupa zvibayiro zvakadaro nhasi iropafadzo chaiyo!

21, 22. VaIsraeri vainge vapfidza vaizotangazve kuitei?

21 VaIsraeri vakasiya nzira yavo yokutsauka vakadzokera kuna Mwari vakamupa ‘nzombe duku dzemiromo yavo.’ Saka vakatangazve kunamata sezvavaimboita, sezvakanga zvavimbiswa naMwari. Hosiya 14:4-7 inoti: “[Ini Jehovha] ndichagadzirisa kusatendeka kwavo. Ndichavada ndisingatumwi nomumwe munhu, nokuti ndakadzora kutsamwa kwangu kwaari. Ndichava sedova kuna Israeri. Iye achatumbuka seruva, uye midzi yake ichatandira somuti wokuRebhanoni. Matavi ake achatungira, kukudzwa kwake kuchaita sokuya kwomuti womuorivhi, uye kunhuhwirira kwake kuchaita sokuya kwomuti wokuRebhanoni. Mumumvuri wake muchavazve nevanogaramo. Vacharima zviyo, uye vachatungira somuzambiringa. Chiyeuchidzo chake chichaita sewaini yokuRebhanoni.”

22 VaIsraeri vainge vapfidza vaizoporeswa mune zvokunamata uye vaizodiwazve naMwari. Jehovha aizoita sedova rinozorodza kwavari mupfungwa yokuti aizovakomborera zvikuru. Vanhu vake vakanga vava kunamata sezvavaimboita kare vaizokudzwa sokukudzwa “kuya kwomuti womuorivhi,” uye vaizofamba munzira dzaMwari. Sezvo isu takatsunga kufamba naJehovha Mwari, tinofanira kuitei?

Ramba Uchifamba Munzira dzaJehovha Dzakarurama

23, 24. Bhuku raHosiya rinopedzisa nouprofita hupi hunokurudzira, uye hunei nesu?

23 Kana tichizoramba tichifamba naMwari, tinofanira kushandisa “uchenjeri hunobva kumusoro” togara tichiita zvinoenderana nenzira dzake dzakarurama. (Jakobho 3:17, 18) Ndima yokupedzisira youprofita hwaHosiya inoti: “Ndiani akachenjera, kuti anzwisise zvinhu izvi? Ndiani akangwara kuti azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, uye vakarurama ndivo vachafamba madziri; asi vadariki ndivo vachagumburwa madziri.”—Hosiya 14:9.

24 Pane kutungamirirwa nouchenjeri uye mitemo yenyika ino, ngatitsungei kufamba munzira dzaMwari dzakarurama. (Dheuteronomio 32:4) Hosiya akaita izvozvo kwemakore 59 kana kuti kupfuura. Akataura mashoko aMwari nokutendeka, achiziva kuti vaya vakanga vakachenjera uye vakangwara vaizonzwisisa mashoko akadaro. Zvakadini nesu? Chero bedzi Jehovha achitibvumira kuti tipupure, ticharamba tichitsvaka vaya vachabvuma nokuchenjera mutsa wake usina kukodzera kuwanwa. Uye tinofara kuita izvi takabatana no“muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45-47.

25. Kukurukura kwataita uprofita hwaHosiya kunofanira kutibatsira kuitei?

25 Kukurukura kwataita uprofita hwaHosiya kunofanira kutibatsira kuramba tichifamba naMwari tiine tariro youpenyu husingaperi munyika itsva yaakapikira. (2 Petro 3:13; Judha 20, 21) Itariro yakanaka chaizvo! Tariro iyoyo ichava yechokwadi kwatiri kana tikaratidza nezvatinotaura uye zvatinoita kuti tiri kutaura chokwadi patinoti: “Nzira dzaJehovha dzakarurama.”

Ungapindura Sei?

• Kana tikanamata Mwari nenzira yakachena, achabata nesu sei?

• Nei tichifanira kuramba tiine tariro muna Jehovha?

• Nei uine chokwadi chokuti nzira dzaJehovha dzakarurama?

• Tingaramba sei tichifamba munzira dzaJehovha dzakarurama?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Bvuma kuti vakuru vechiKristu vakubatsire pakunamata

[Mufananidzo uri papeji 29]

Uprofita hwaHosiya hunotipa chikonzero chokuva netariro muzvipikirwa zvaJehovha zvorumuko

[Mifananidzo iri papeji 31]

Ramba uchifamba naMwari uine tariro youpenyu husingaperi